RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 8/8 pp. 24-26
  • Kubatsira Vaya Vane MCS

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Vaya Vane MCS
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidza Rudo Rwakafanana norwaKristu
  • Apo Makemikari Anokurwarisa
    Mukai!—2000
  • Kusawirirana Namakemikari Akawanda-wanda—Chirwere Chisinganzwisisiki
    Mukai!—2000
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rudo rwaKristu Runoita Kuti Tivewo Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 8/8 pp. 24-26

Kubatsira Vaya Vane MCS

KUSAWIRIRANA nezvinhu zvakajairika, angava mapefiyumu kana mishonga yokuchenesa, hakupi varwere chinetso choutano chete; kunovapawo chinetso mukurarama kwavo nevamwe vanhu. Vanhu vanozvarwa vachida kushamwaridzana nevamwe, asi kusawirirana namakemikari mazhinji (MCS) kunomanikidza vakawanda vane ushamwari, vanoda zvokufara kuti vararame upenyu hwokusurukirwa. “Ndakava nezvimwe zvinetso zvoutano munguva yakapfuura,” anodaro Shelly, ane MCS, “asi chinetso ichi ndicho chakaipa kukunda zvimwe zvose. Chinonyanya kurwadza kugara woga.”

Zvinosuruvarisa kuti vanorwara neMCS pane dzimwe nguva vanoonekwa sevasinganzwisisiki. Chokwadi, chimwe chikonzero cheizvi ndechokuti MCS idambudziko iro nyika isati yabvuma kuti ririko. Asi kushaya ruzivo nezveMCS hachisi chikonzero chokufungira vanayo. Magazini inonzi American Family Physician inoti: “Varwere ava zvechokwadi vari kurwadziwa nemhaka yezviratidzo zvavo.”

Pane kutarisa vanhu vane MCS neziso risina kunaka nemhaka yokuti chirwere chavo chinonetsa uye hachinzwisisiki, munhu akangwara anofanira kutungamirirwa nenheyo iri pana Zvirevo 18:13 inoti: “Unopindura asati anzwa, zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.” Zviri nani sei kuratidza rudo rwakafanana norwaKristu kune vose vanorwara, pasina kusarura! Hatizombodembi kuti takaratidza rudo rwakadaro, pasinei nezvichawanikwa nesayenzi yezvokurapa munguva yemberi.

Kuratidza Rudo Rwakafanana norwaKristu

Rudo rwakafanana norwaKristu rwakaita sedhaimani rine mavara akanaka kwazvo anokwana pose pose kana paanodiwa. Kana shamwari iine MCS, rudo rwedu rwakafanana norwaKristu runofanira kufashukira nokunzwira tsitsi, rwuchitiita kuti tizviise munzvimbo yayo. Uyewo, rudo “haruzvitsvakiri zvarwo”—kana kuti tingati, kodzero dzarwo rwoga. Rwunoisa zvinonakira vamwe pakutanga. Rwunotibatsira kuva ‘vane mwoyo murefu, vanotsungirira zvinhu zvose, uye vanotenda zvinhu zvose.’ Rudo rwakadaro “harumboperi.”—1 VaKorinde 13:4-8.

Mary haana MCS, asi dzimwe shamwari dzake dzinayo. “Pachangu, ndinoda pefiyumu,” anonyora kudaro Mary, “asi ndinosarudza kurega kuishandisa kana ndiine vaya vane MCS.” Nenzira iyi, Mary ari kutevedzera Jesu, achiti, “Ndinoda kubatsira.” (Mako 1:41) Trevor akava neMCS achiri mucheche. Amai vake vanoti: “Vanhu vandakashanda navo vakaita zvose zvavanogona kuti vaite zvaidiwa nomwana wangu.” Joy, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kuAustralia uye anorwara zvakanyanya neMCS, anoti anokurudzirwa neshamwari nehama vanomushanyira kakawanda uye vanoratidza kuti vanonzwisisa zvinetso zvake.

Ukuwo, vanhu vane MCS vanofanira kuedza kushivirira vaya vanoshandisa zvinonhuhwirira kana ivo varipo. Ernest, ambotaurwa munyaya yatangira ino, akataura kuMukai! kuti: “Kurwara kwedu mutoro watinofanira kutakura. Vamwe vanhu vane zvinetsowo, saka tinoonga pavanotibatsira pane zvedu.” Hungu, kukumbira kubatsirwa, kwete kumanikidza, ndicho chinhu chakanakisisa. “Apo mumwe munhu anenge ashandisa pefiyumu anondibvunza kuti sei ndisiri kuratidza kufara,” anodaro Lorraine, “ndinomuudza kuti ‘Ndine chinetso nezvinonhuhwirira, uye usiku huno zvinenge zvakanyanya.’ Kuvanhu vanonzwisisa, kazhinji izvi zvakakwana.” Chokwadi, izvi hazvirevi kuti kana une MCS haugoni kuyeuchidza nounyoro shamwari kuti unoda rubatsiro rwadzo.

Kudivi rakanaka, Pam, ane mashoko ambotaurwa, anonyora kuti: “Zvose zvinotinetsa panguva ino ndezvenguva pfupi chete.” Nei Pam akati “ndezvenguva pfupi chete”? Nokuti tariro yake inobva muBhaibheri inoti munguva pfupi iri kutevera Umambo hwaMwari huchabvisa pasi pano kutambura kwose. Huchatobvisa rufu—chimwe chinhu icho kunyange munhu ane utano hwakanaka achasangana nacho pane imwe nguva.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Panguva ino, vose vanofanira kutsungirira chirwere chisina mushonga iye zvino vanogona kutarira kunguva apo, mukutonga kwoUmambo hwaMwari, ‘pasina munhu achati “Ndinorwara.”’ (Isaya 33:24) Sezvatinotsungirira miedzo ipi neipi inotiwira mugadziriro ino yezvinhu, tose ngatirwirei kufanana naJesu tofunga nezvomubayiro uri mberi kwedu.—VaHebheru 12:2; Jakobho 1:2-4.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

Kuratidzirana Rudo

Nheyo dzinotevera dzeBhaibheri dzingakubatsira kana shamwari kana kuti hama iine dambudziko rokusawirirana namakemikari akawanda-wanda (MCS) kana kuti kana uinaro iwe:

“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.”—Mateu 7:12.

“Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mateu 22:39.

“Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Tose tinoda kukurudzirwa mumudzimu, kunyanya kana tiri kurwara. Zvinorumbidzwa kuti vaKristu vakawanda vane MCS vanoedza kupinda misangano yeungano pachavo; vamwe vanonyanya kurwara vanopinda nokuteerera parunhare. Mune zvimwe zviitiko, nzvimbo dzisingapindi vane zvinonhuhwirira dzakachengeterwa vanhu vane MCS muHoro dzoUmambo. Asi izvi zvingasava zvinogoneka kana kuti zvinoshanda nguva dzose.

“Musakanganwa kuita zvakanaka . . . , nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaHebheru 13:16) Ona kuti kuita zvakanaka kazhinji zvinoreva kurega zvimwe zvinhu zvomunhu oga. Unoda kurega zvimwe zvinhu kuti ubatsire mumwe munhu ane MCS here? Ukuwo, vanhu vane MCS vanofanira kuva vanonzwisisa pane zvavanotarisira kuti vamwe vanhu vavaitire. Somuenzaniso, vakuru vechiKristu havangaiti mitemo maererano nokushandiswa kwepefiyumu nezvinhu zvinozorwa, uyewo havangaiti zviziviso nguva dzose nezvenyaya iyi. Mukuwedzera, vanhu vachangobva kufarira nevaenzi vanoshandisa zvinonhuhwirira vanouya kumisangano yeungano—uye tinovagamuchira. Zvechokwadi hatingadi kuvanyadzisa kana kuita kuti vashaye pokupinda nemhaka yokushandisa kwavo zvinonhuhwirira.

“Tsvaka rugare worutevera.” (1 Petro 3:11) Zviri pachena kuti nyaya dzoutano hadzifaniri kuita kuti vaKristu vasave norugare. “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hune rugare, hunonzwisisa, . . . huzere nengoni,” inodaro Jakobho 3:17. Vanhu vane rugare, vangave vane MCS kana kuti kwete, havazodi zvinhu zvakanyanya kana kuti kurayira kuti vanhu vashandise kana kusashandisa zvinhu zvinogadzirwa namakemikari. Saizvozvowo, vanhu vanonzwisisa ‘vakazara nengoni’ havazoomereri pakuti vane kodzero yokushandisa zvinonhuhwirira kana vakaona kuti izvi zvingakanganisa utano hwomumwe munhu. Nenzira iyi vanoratidza kuti ivowo vari kutsvaka ‘mamiriro ezvinhu ane rugare’ uye vari ‘kuita rugare.’—Jakobho 3:18.

Ukuwo, pfungwa dzokusada kuchinja, dzokusanzwisisa, dzingava dzomunhu ane MCS kana kuti mumwe, dzakafanana nechinhu chinoparadzanisa vanhu. Pfungwa dzakadaro hapana wadzinobatsira uye dzingatokuvadza ukama hwomunhu naMwari.—1 Johani 4:20.

Chokwadi, vaKristu vane chinhu chinokosha chokushandisa—mudzimu waJehovha. Sezvavanoramba vachiteterera kuna Jehovha nokuda kwomudzimu wake, vanova nezvibereko zvawo zvinoshamisa, kunyanya rudo—“chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Uyewo nokushivirira vanobvumira mudzimu kuti ubereke unhu hwakafanana nehwaKristu mune vamwe.—VaGaratiya 5:22, 23.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vanhu vane MCS vanoda shamwari kufanana nevamwe vose

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe