Kusawirirana Namakemikari Akawanda-wanda—Chirwere Chisinganzwisisiki
Imba yaPam yakanga iri panharaunda ine dzimba dzakanga dzakakomberedzwa neminda yedonje. Ndege dzaigaromwaya mishonga yesora neyezvipembenene muminda yacho; uye kazhinji mhepo yaitakura zvisarira zvemakemikari ichizviendesa mudzimba dzaiva pedyo, kusanganisira maPam.
PAM akatanga kubandwa nomusoro uye kusvotwa, uye utano hwake hwakaipa. Pashure penguva yakati, akanga ava kurwariswa nezvinhu zvakanga zvisina kufanana nemishonga yezvipembenene: mapefiyumu, nezvimwewo zvinonhuhwirira, mafuta okuzora, mishonga yokuchenesa, pendi, kapeti itsva, utsi hwefodya, zvinoita kuti mumba munhuhwirire, nezvimwe zvinhu. Zviratidzo zvokurwara kwaPam ndezvimwe zvezviya zvinonzi zvinoparirwa nechirwere chinovhiringidza chinonzi multiple chemical sensitivity (MCS) [kusawirirana namakemikari akawanda-wanda].a
“Kana ndikasangana namakemikari anoshandiswa mazuva ose, ndinotanga kunzwa kuneta zvikuru nokuvhiringidzika, dzungu, uye kusvotwa,” Pam akatsanangura kuMukai! “Muviri wangu unozvimba, uye pane dzimwe nguva ndinozarirwa, ndinovhunduka-vhunduka ndochema zvikuru, hana yangu inonyanya kurova, ropa rinowedzera kumhanya, uye mvura inoungana mumapapu angu. Izvi zvakatoita kuti ndive nemabayo.”
Kunyange zvazvo zviratidzo zveMCS zvichisiyana pamunhu nomunhu, zvingasanganisira kutemwa nomusoro, kuneta zvakanyanya, kurwadziwa mutsandanyama, kurwadziwa mumapfundo, zvisasa, mapundu, kunzwa soune dzihwa, asima, zvinetso zvomutandamhuno, kufunganya, kuora mwoyo, kutadza kuyeuka zvinhu, kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete, kushaya hope, kusashanda kwakaenzanirana kwomwoyo, kuzvimba, kusvotwa, kurutsa, zvinetso zvomudumbu, uye kumbobatwa nechirwere. Chokwadi, zvizhinji zvezviratidzo izvi zvinogona kukonzerwa nezvimwe zvirwere.
MCS—Chinetso Chinoramba Chichiwedzera
MuUnited States, kunzvera mapoka akasiyana-siyana avanhu kunoratidza kuti pakati pe15 ne37 muzana yavanhu vose vanogaramo vanofunga kuti vanorwariswa kana kuti havawirirani namakemikari ose ose kana kuti munhuhwi wamakemikari, wakadai soutsi hwemotokari, utsi hwefodya, pendi ichangobva kushandiswa, kapeti itsva namapefiyumu. Zvisinei, 5 muzana chete kana kuti vashoma pane ava, zvichienderana nezera rakabvunzwa, vanoti vakanga vaonekwa kuti vane MCS. Vanenge vatatu muvana veava vakanga vari vakadzi.
Vazhinji vanorwara neMCS vanoti mishonga yezvipembenene nezvinonyungudutsa (solvents) zvakakonzera zvavave. Zvinhu zvose izvi zvinowanika mune zvakatipoteredza, kunyanya zvinonyungudutsa. Zvinonyungudutsa zvinhu zvisina kudzikama (zvisingatani kuenda nemhepo) zvinoparadzira kana kunyungudutsa zvimwe zvinhu. Zvinoshandiswa mukugadzira pendi, mavhanishi, mishonga yokunamisa, mishonga yezvipembenene, nemishonga yokuchenesa.
Munyaya dziri kutevera, tichanyatsoti ongororei MCS, tokurukura kubatsirwa kungaitwa vane dambudziko iri, kwava kuona kuti vane dambudziko iri nevasina vangabatana pamwe sei kuita kuti upenyu hwavane MCS huve nani.
[Mashoko Omuzasi]
a Tashandisa mashoko okuti “multiple chemical sensitivity” nokuti ndiwo anonyanya kushandiswa. Zvisinei, kune mamwe akawanda, kusanganisira “kurwariswa nezvakatipoteredza” uye “chirwere chinokonzerwa nokusawirirana namakemikari.” “Kusawirirana” pano zvinoreva kuti kurwariswa namakemikari ane uwandu hunoita sohusingarwarisi vanhu vakawanda.