RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 9/8 pp. 3-4
  • Zvisingaonekwi Neziso Riri Roga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvisingaonekwi Neziso Riri Roga
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatsirwa Nezvinhu Zvakagadzirwa Nomunhu
  • Zviduku-duku Kwazvo
  • Zvinhu Zvinotova Zviduku Kwazvo
  • Zvinhu Zvine Maatomu Akafanana Zvakavapo Netsaona Here?
    Mukai!—2000
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2000
Mukai!—2000
g00 9/8 pp. 3-4

Zvisingaonekwi Neziso Riri Roga

HURUVA yakatsetseka inoyangarara mumhepo isingaoneki. Ipapo ranzi rechiedza chezuva rinopinda nepawindo, zvanga zvisingaonekwi zvinogona kutanga kuonekwa pakarepo. Ranzi rechiedza rinenge richipinda rinoita kuti vanhu vatange kuona huruva yacho.

Fungawo nezvechiedza chinooneka, chinoratidzika sechichena kana kuti chisina ruvara pakuona kweziso riri roga. Chii chinoitika kana chiedza chezuva chikapenya chakarerekera pamadonhwe emvura zvakarurama? Mvura inoita segirazi rinokamuranisa rudzi rwechiedza, uye tinoona muraraungu une mavara akazonaka!

Chaizvoizvo, zvinhu zvakatipoteredza zvinodzorera chiedza chakasiyana-siyana kumaziso edu, obva achiona soruvara. Somuenzaniso, uswa hwegirini pachahwo hahugadziri chiedza chegirini, asi kuti hunotora chiedza chose chinooneka kunze kwechegirini. Uswa hunodzosa chiedza chegirini kumaziso edu. Saka kumaziso edu uswa hunoratidzika noruvara rwegirini.

Kubatsirwa Nezvinhu Zvakagadzirwa Nomunhu

Mumakore achangobva kupfuura zvinhu zvizhinji zvanga zvisingaonekwi nemaziso ari oga zvava kuonekwa pachishandiswa zvigadzirwa zvemazuva ano. Tinogona kutarira padonhwe remvura rinoita serisina upenyu nepamaikorosikopuwo zvayo ndokuona kuti rakazara nezvipuka zvakawanda zvinofamba-famba. Uye ruvhudzi rumwe chete, runoita sorwakanaka uye rwakatsvedzerera, runooneka rwakati kwakwasha uye rwakaita manganda manganda. Mamaikorosikopu ane simba guru kwazvo anogona kukudza chinhu zvakapetwa kamiriyoni, zvakafanana nokukudza chitambi chetsamba kuti chikure kuenzana nenyika duku!

Zvino nokushandiswa kwemaikorosikopu dzine simba kwazvo, vanoongorora vanopiwa mifananidzo yezvinhu zvine mitsetse yakangokura seatomu chete. Izvi zvinoita kuti vaone zvanga zvisingakwanisi kuonekwa kuzosvikira makore mashoma adarika.

Ukuwo, tinogona kutarira kudenga usiku ndokuona nyeredzi. Ngani? Neziso riri roga, zviuru zvishoma chete kana tatoona dzakawanda. Asi nokugadzirwa kweteresikopu anoda kusvika makore 400 apfuura, vanhu vakatanga kuona dzimwe dzakawanda. Zvadaro, muma1920, teresikopu ine simba yepaMount Wilson Observatory yakaratidza kuti kune mapoka enyeredzi ari seri kweredu uye kuti iwowo akazara nenyeredzi dzisingaverengeki. Nhasi, vachishandisa michina yakadzidza zvikuru yakagadzirwa navanhu yokuonesa muchadenga, vasayendisiti vanofungidzira kuti kune makumi emabhiriyoni emapoka enyeredzi ariko, mazhinji acho ane mazana amabhiriyoni enyeredzi!

Zvechokwadi zvinoshamisa kuti materesikopu akaratidza kuti mabhiriyoni enyeredzi, dzatinoona seGwara redu reNzou nemhaka yokuti dzinoita sedziri pedyo napedyo, dziri kure nakure nemadaro akakura zvisingatauriki. Saizvozvowo, mamaikorosikopu ane simba akabatsira ziso riri roga kuti rione zvinhu zviya zvinoita sezvinobatika, nepo chaizvoizvo zviine maatomu ane nzvimbo isina chinhu.

Zviduku-duku Kwazvo

Kanhu kaduku-duku kanogona kuonekwa nemaikorosikopuwo zvayo kane maatomu anopfuura mabhiriyoni gumi! Nepo, muna 1897, zvakaonekwa kuti atomu rine tunhu tuduku tunoritenderera tunonzi maerekitironi. Pashure penguva yakati, mwoyo weatomu, unotendererwa nemaerekitironi, wakaonekwa kuti une zvinhu zvakati kurei—manyuturoni nemapurotoni. Rudzi rwemaatomu akasiyana-siyana anokwana 88, kana kuti mubatanidzwa wemaatomu, anowanika panyika akangoenzana kukura, asi anorema zvakasiyana-siyana nokuti rimwe nerimwe rine nhamba yezvinhu izvi zvitatu inoramba ichiwedzera.

Maerekitironi—erekitironi rimwe chete kana riri reatomu rehydrogen,—anotenderera munzvimbo isina chinhu yakapoteredza mwoyo weatomu racho kanokwana mabhiriyoni mazhinji pachikamu chimwe mumiriyoni chesekondi. Izvi zvinoita kuti atomu rive nechimiro chariinacho zvoriita kuti riite sechinhu chinobatika. Zvinoda maerekitironi anenge 1 840 kuti aenzane nouremu hwepurotoni kana nyuturoni rimwe chete. Purotoni nenyuturoni zviduku nekane 100 000 pane atomu rose zvaro!

Kuti uone kuti atomu harina chinhu sei, edza kuona mwoyo weatomu rehydrogen uchiuenzanisa neerekitironi riri kuutenderera. Kudai mwoyo iwoyo, une purotoni rimwe chete, waizova wakakura sekabhora ketenisi, erekitironi rawo riri kuutenderera raizova kure neanenge makiromita matatu!

Mushumo nezvemhemberero dzemakore zana dzokuwanikwa kweerekitironi wakati: “Vashoma vanofunga kaviri nezvokupemberera chimwe chinhu chisina kumboonekwa nomunhu, chisina ukuru hunozivikanwa asi chine uremu hunogona kuyerwa, chine moto wemagetsi—uye chinovhiririka sechivharo . . . Nhasi hapana anopikisa pfungwa yokuti zvimwe zvinhu zvatisingagoni kuona zviriko.”

Zvinhu Zvinotova Zviduku Kwazvo

Michina inowedzera kumhanya kwemaatomu, inokwanisa kukandirana zvinhu zvinoumba atomu, zvino yava kuita kuti vasayendisiti vagone kuona zvishoma zvakaita mukati memwoyo weatomu. Somugumisiro, zvinhu zvizhinji zvine mazita asinganzwisisiki zvava kunyorwa nezvazvo—positrons, photons, mesons, quarks, negluons, kungotaura bedzi zvishoma zvacho. Zvose hazvioneki, kunyange nemaikorosikopu ine simba kwazvo. Asi pachishandiswa tumagaba twune utsi hwemvura iri kufashaira uye hwezvimwewo zvakaita semvura uye mascintillation counter, zviratidzo zvokuti zviripo zvinoonekwa.

Vanotsvakurudza ruzivo zvino vava kuona zvaisamboonekwa kare. Sezvavanoona, vave kunzwisisa kuvapo kwezvavanofunga kuti masimba mana makuru—giravhiti, simba remagetsi rinokweva maerekitironi, uye masimba maviri omukati memwoyo weatomu anotumidzwa kunzi “simba duku” ne“simba guru.” Vamwe vasayendisiti vanoramba vachidzidza zvinonzi “tsananguro yechinhu chiri chose,” yavanovimba kuti ichapa tsananguro imwe inonzwisisika yezvinhu zvose zvakasikwa, kubva kune zvinogona kuonekwa neziso riri roga kusvika kune zvisingaonekwi neziso riri roga.

Zvidzidzo zvipi zvinogona kudzidzwa kubva mukuona zvisingagoni kuonekwa neziso riri roga? Uye vachishandisa zvavakadzidza, vazhinji vakagumisa vachiti kudii? Nyaya dzinotevera dzinopa mhinduro dzacho.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Mifananidzo yemaatomu e“nickel” (pamusoro) nemaatomu e“platinum”

[Kwazvakatorwa]

Courtesy IBM Corporation, Research Division, Almaden Research Center

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe