Kuwana Vavariro Dzakanaka
KUDANANA kwomunyika yose, ushamwari, rugare—ndiani angashora vavariro dzakanaka zvakadaro? Munhu akatangazve mitambo yeOlympic, Baron Pierre de Coubertin, aidavira kuti mitambo iyi yaizoita kuti pasave nokurwisana kwenyika asi kuti pave nokutsigirana uye kuremekedzana kukuru kwevakwikwidzi, pasinei norudzi, chitendero kana kuti munhui. Akafunga kuti “nyika iri nani yaizounzwa bedzi nevanhu vari nani.” Chaizvoizvo, mitambo ingaunza rugare panyika here? Tichitarisa pane zvakaitika kare, tinofanira kuti kwete.
Nepo mitambo ine zvainoitawo, dzidzo inobva muBhaibheri ndiyo chinhu chikuru pakutsigira rugare rwechokwadi. Zvechokwadi, nheyo dzeBhaibheri dzinogona kuita kuti pave ne“vanhu vari nani,” sezvakataurwa naCoubertin. Ona mamwe magwaro anotsigira rugare pakati pevanhu vanoashandisa, pasinei nokuti ndevorudzi rwupi.
“Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.
“Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:18.
“Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka.”—VaGaratiya 6:10.
“Musingaiti chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.”—VaFiripi 2:3.
“Kurovedza muviri kunobetsera zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.”—1 Timoti 4:8.
Zvinhu zvakanaka zvataurwa nemagwaro aya zvinoshanda chaizvoizvo here? Funga zvakaitika muMunich, Germany. Muna 1974, makore maviri chete mitambo yeOlympic yakaitirwa muguta iroro yakakanganiswa nougandanga nokuponda, Zvapupu zvaJehovha zvakaitira kokorodzano yemarudzi ose muOlympic Stadium. Pavanhu vaivapo paiva nemapoka aibva kuGreece nokuTurkey—nyika dzakanga dzichirwisana. Kutaura chokwadi, muchirimo ichocho chaicho, mauto eGreece neeTurkey akanga ari pamakakatanwa pachitsuwa cheCyprus. Izvi zvaizokanganisa vaKristu vaiva pakokorodzano iyi here? Kwete! Zvaifadza zvikuru kune vaicherechedza kuona vanhu vokuGreece nevokuTurkey vachimbundirana uye vachidaidzana kuti hama uye hanzvadzi!
Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kupota nyika yose nokuda kwokukwanisa kuva noukama hune rugare rusingasaruri nyika yaunobva, dzinza, kana kuti rudzi. Chokwadi, hazvitauri kuti zvakakwanisa kuwana zvakakwana pfungwa yokubatana kwomunyika yose uye kushandira pamwe. Kufanana nevamwe vanhu vose, zvinofanira kushanda nesimba kuti zvitevere zano romuapostora wechiKristu Pauro rokuti: “Pfekenurai unhu hwekare netsika dzahwo, uye pfekai unhu hutsva.” (VaKorose 3:9, 10) Kunyange zvakadaro, zvinodavira zvakasimba kuti kutevera nheyo dzeBhaibheri kunogona kubatsira vanhu ‘kutsvaka rugare ndokurutevera.’—1 Petro 3:11.
Zvinosuruvarisa kuti mitambo yeOlympic—pasinei nevavariro dzakanaka dzayaiva nadzo—yakaburitsa zvinhu zvakaipa zvikuru zviri muvanhu. Kusiyana neizvi, Shoko raMwari rine simba rinoburitsa zvakanakisisa zviri muvanhu, richitsigira kugarisana kwakanaka munyika dzose norugare.
[Mifananidzo iri papeji 24]
Mitambo yeOlympic inotsigira makwikwi
[Kwazvakatorwa]
Aus dem Fundus der MÜNCHNER OLYMPIAPARK GMBH, München
[Mifananidzo iri papeji 25]
Bhaibheri rinotsigira rugare