RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 11/8 pp. 13-15
  • Ndinofanira Kuudza Mumwe Munhu Kuti Ndakaora Mwoyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kuudza Mumwe Munhu Kuti Ndakaora Mwoyo Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Navabereki Vako
  • Kutaura Neshamwari
  • “Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”
  • Ndiani Anogona Kundibetsera Kupedza Zvinetso Zvangu?
    Mukai!—1993
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Nzira Yokubetsera Nayo Vakaora Mwoyo Kuwanazve Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ndadii Ndangozviuraya?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 11/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kuudza Mumwe Munhu Kuti Ndakaora Mwoyo Here?

“Pandinoora mwoyo, pakutanga ndinosarudza kusataura nezvazvo nokuti vanhu vangafunga kuti ndiri mwana anonetsa. Asi ipapo ndinozoziva kuti ndinofanira kutaura nomumwe munhu kuitira kuti ndibatsirwe.”—Alejandro, ane makore 13.

“Pandinoora mwoyo, handiendi kushamwari dzangu nokuti handifungi kuti dzinogona kundibatsira. Dzinondiseka chete.”—Arturo, ane makore 13.

ANENGE munhu wose anoora mwoyo pane dzimwe nguva.a Zvisinei nokuti uri muduku uye hauna ruzivo rwakati, unogona kunzwa wakurirwa nezvinonetsa zvoupenyu nyore nyore. Zvido zvavabereki vako, shamwari, uye vadzidzisi; kuchinja kwomuviri nepfungwa kwenguva yokuyaruka; kana kuti kunzwa kwokuti wakundikana nemhaka yezvikanganiso zviduku-duku—izvi zvose zvinogona kukusiya wakaora mwoyo uye wakasuruvara.

Pazvinoitika, zvakanaka kuva nomumwe munhu wokuvimba naye. “Dai ndaisakwanisa kutaura nomumwe munhu nezvezvinetso zvangu, ndinofunga ndaizoputika,” anodaro Beatriz ane makore 17. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vechiduku vakawanda vanochengeta zvinetso zvavo—uye vanowanzozviwana vachinyura zvishoma nezvishoma mukuora mwoyo. María de Jesús Mardomingo purofesa paMedical Faculty of Madrid, anoti vaduku vanosvika padanho rokuedza kuda kuzviuraya vanowanzonzwa vakasurukirwa zvikuru. Vaduku vakawanda vakapotsa vazviuraya vakati vakanga vasina kukwanisa kuwana kana munhu mukuru mumwe wavaigona kutaura naye uye wavaivimba naye.

Zvakadini newe? Une mumwe munhu wokutaura naye paunoora mwoyo here? Kana usina, ungaenda kuna ani?

Taura Navabereki Vako

Alejandro, ane mashoko ataurwa pakutanga, anorondedzera zvaanoita paanoora mwoyo achiti: “Ndinoenda kuna amai vangu nokuti kubvira pandakaberekwa, vave vachinditsigira uye vanondipa chivimbo. Ndinoendawo kuna baba vangu nokuti vakava nezvakaitika zvakaita sezvangu. Kana ndakasuwa uye ndikasaudza munhu upi noupi, ndinobva ndanyanya kusuwa.” Rodolfo, ane makore 11, anoyeuka kuti: “Dzimwe nguva mudzidzisi aindizvidza nokundituka, saka ndaisuruvara zvikuru. Ndaienda kuchimbudzi kunochema. Gare gare, ndakataura naamai vangu, uye vakandibatsira kupedza chinetso changu. Kudai ndisina kutaura navo, ndaizodai ndakatonyanya kusuruvara.”

Wati wafunga nezvokukurukurirana wakasununguka nevabereki vako here? Zvichida unofunga kuti havangakwanisi kunzwisisa zvinetso zvako. Asi ndizvo chaizvoizvo here? Vangasanzwisisa zvakazara zvinetso zvose izvo vechiduku vanotarisana nazvo munyika yanhasi; zvisinei, hachisi chokwadi here kuti zvimwe vanokuziva zviri nani kupfuura zvinoita ani naani zvake ari munyika? Alejandro anoti: “Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti vabereki vangu vandinzwire urombo nokunzwisisa manzwiro andinoita. Kunyange zvakadaro, anobvuma kuti: “Ndinoziva kuti ndinogona kuenda kwavari.” Kazhinji kacho pwere dzinoshamiswa kuona kuti vabereki vadzo vanonzwisisa sei zvinetso zvadzo! Nemhaka yokuti vakura uye vane ruzivo rwakawanda, vanowanzopa mazano anobatsira—izvi ndezvechokwadi kana vane ruzivo rwokushandisa nheyo dzeBhaibheri.

“Pandinotaura nevabereki vangu, ndinowana kurudziro uye mazano anoshanda pazvinetso zvangu,” anodaro Beatriz, ane mashoko ambotaurwa. Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinopa zano kune vechiduku rokuti: “Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; usarasa kudzidzisa kwamai vako. Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.”—Zvirevo 6:20; 23:22.

Chokwadi, zvakaoma kuvimba nevabereki vako kana musinganyatsowirirani. Maererano naDr. Catalina González Forteza, kuongorora kwakaitwa pakati pevadzidzi vechikoro chesekondari kwakaratidza kuti avo vakati vakanga vaedza kuzviuraya vaisanyatsozviremekedza uye vakanga vasinganyatsowirirani nevabereki vavo. Kusiyana neizvi, vechiduku vanodzivisa kufunga kwokuzviparadza kwakadai zvikurukuru ndeavo “vanowirirana naamai nababa vavo.”

Naizvozvo, vandudza kuwirirana kwako nevabereki vako nokuchenjera. Tanga muitiro wokukurukura navo nguva dzose. Vaudze zviri kuitika muupenyu hwako. Vabvunze mibvunzo. Kukurukurirana kwakasununguka kwakadaro kungaita kuti zvive nyore kutaura navo paunova nechinetso chakakomba.

Kutaura Neshamwari

Asi zvaisazova nyore here kuenda kune vezera rako nezvinetso zvako? Zvakanaka kuva neshamwari dzaunovimba nadzo. Zvirevo 18:24 inoti “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” Asi nepo vezera rako vachigona kukunzwira urombo uye kukutsigira, vangasapa mazano akanakisisa nguva dzose. Uyewo havawanzova noruzivo rwakawanda rwoupenyu kupfuura zvaunoita. Yeuka Rehobhoami? Aiva mambo munguva dzinotaurwa muBhaibheri. Pane kubvuma zano revarume vakura vane ruzivo, akateerera vezera rake. Mugumisiro wacho? Njodzi! Rehobhoami akarasikirwa netsigiro yevakawanda vorudzi rwake uye kudiwa naMwari.—1 Madzimambo 12:8-19.

Chimwe chinetso nokuvimba nevezera rako chingava nhau yokuchengeta zvakavanzika. Arturo ane mashoko ataurwa pakutanga, anoti: “Vakomana vakawanda vandinoziva vanotaura neshamwari dzavo pavanenge vakasuruvara. Asi gare gare, shamwari dzavo dzinodura zvose kune vamwe uye vanovaseka.” Gabriela ane makore 13 akava nechiitiko chakadaro. Anoti: “Rimwe zuva ndakaziva kuti shamwari yangu yakanga ichiudza nhau dzangu kushamwari yake, saka handina kuzovimba naye zvakare. Hungu, ndinotaura nevanhu vezera rangu, asi ndinoedza kusavaudza zvinhu zvinogona kuzondikuvadza zvakanyanyisa kana vaizozviudza vamwe.” Nokudaro paunenge uchitsvaka kubatsirwa, zvakakosha kuwana mumwe munhu asinga“reurur[i] zvakavanzika zvomumwe.” (Zvirevo 25:9) Munhu akadaro anowanzova mumwe munhu mukuru kwauri.

Saka kana nokuda kwechikonzero chakati usingakwanisi kuwana tsigiro pamba, zvakanaka chose kuwana shamwari yokuvimba nayo, asi iva nechokwadi chokuti ine ruzivo muupenyu uye zivo yenheyo dzeBhaibheri. Pasina mubvunzo, muungano yomunzvimbo imomo yeZvapupu zvaJehovha mune vanhu vanokodzera rondedzero iyoyo. Liliana ane makore 16 anoti: “Ndinovimba nedzimwe hanzvadzi dzangu dzechiKristu, uye izvi zvave zvakanaka zvikuru. Zvavari vakuru kwandiri, mazano avo akanaka kwazvo. Vava shamwari dzangu.”

Zvakadini kana umudzimu hwako hukatangawo kuva nezvinetso? Zvimwe wave wakasuruvara zvikuru zvokuti wakatanga kuregeredza kunyengetera kana kuti kuverenga Bhaibheri. Pana Jakobho 5:14, 15, Bhaibheri rinopa zano iri rokuti: “Pane munhu anorwara pakati penyu here? Ngaadane varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta muzita raJehovha. Uye munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa.” Ungano yomunzvimbo imomo yeZvapupu zvaJehovha ine varume vakuru vane ruzivo mukubatsira vanhu vakaora mwoyo uye vanorwara mumudzimu. Inzwa wakasununguka kutaura navo. Bhaibheri rinoti varume vakadai vanogona kuva “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.”—Isaya 32:2.

“Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”

Zvisinei, kunobva kubatsirwa kwakanakisisa, ndokuna “Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Paunenge wakasuruvara kana kuora mwoyo, tevera zano riri pana VaFiripi 4:6, 7 rokuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” Jehovha anoda kukuteerera nguva dzose. (Pisarema 46:1; 77:1) Uye dzimwe nguva munyengetero ndiwo waungada chete kuzorodza pfungwa dzako.

Kana uchisuruvara kana kuti kuora mwoyo nguva nenguva, usambokanganwa kuti vamwe vechiduku vakawanda vakava nokunzwa kwakadaro. Nokufamba kwenguva, kunzwa uku kuchapera. Asi pari zvino, usatambudzika woga. Ita kuti mumwe azive kuti uri kurwadziwa. Zvirevo 12:25 inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Unowana sei “shoko nyoro” iroro rekurudziro? Nokuudza mumwe munhu—mumwe munhu ane ruzivo, zivo, uye uchenjeri hwaMwari kuti akupe nyaradzo uye kubatsirwa kwaunoda.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana kusuruvara kukapfuurira, zvingaratidza kusagadzikana kwakakomba kwepfungwa kana muviri. Kukurumidza kutariswa navanachiremba kunokurudzirwa. Ona nyaya inoti “Kukunda Hondo Yokurwisana Nokuora Mwoyo,” mumagazini yedu inonzi Nharireyomurindi yaMarch 1, 1990.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Pandinotaura nevabereki vangu, ndinowana kurudziro uye mazano anoshanda”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vabereki vanotya Mwari, panzvimbo peshamwari dzako, vanowanzova munzvimbo yakanakisisa yokukupa mazano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe