RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 11/8 pp. 11-12
  • Kurapa Kwaunosarudza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurapa Kwaunosarudza
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matanho Anokosha Okutora
  • Zvatinoda Zvichawanika
  • Utano Huri Nani—Pane Gwara Idzva Here?
    Mukai!—2000
  • Nzira Dzokurapa Dzingaitwa Pane Dzakajairika—Nei Vakawanda Vachidzishandisa
    Mukai!—2000
  • Kuongorora Kurapa Kungaitwa Pane Kwakajairika
    Mukai!—2000
  • Kurapwa Kwaunosarudza—Kune Basa Here?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 11/8 pp. 11-12

Kurapa Kwaunosarudza

MUBHUKU rake pamusoro pokurapa kungaitwa pane kwakajairika, Dr. Isadore Rosenfeld akasimbisa pfungwa iyi: “Kurapa kupi nokupi kana kuti kudzivirira kunoitwa kuvanhu vanosarudzwa zvachero vanotendiswa kuti ‘kuchashanda’ kungaguma nokuva nani ne50 muzana.”

Uku ndiko kunonzi kurapa kunonyaradza pfungwa, kunoreva kuti kunyange piritsi reshuga ringashanda kana munhu wacho achibvuma kuti richashanda. Kurapa kunonyaradza pfungwa kungabvisa zvimwe zviratidzo, kusanganisira kurwadziwa, kuda kurutsa, kurukutika, dzungu, kufunganya, uye kuora mwoyo. Pfungwa iyi inoratidza chii?

Kutanga, inoratidza kuti kuva nechivimbo mukurapa kupi nokupi kwaunowana muzviitiko zvakawanda chinhu chinokosha kuti unzwe zviri nani. Panguva iyoyowo, kungava kuchenjera kuongorora kuti kurapwa kuri kuitwa kuri kunyatsosvika pane chinetso chacho kwete bedzi pazviratidzo. Izvi zvingaitwa nokuyera migumisiro yokurapa nenzira dzinoshanda, dzakadai sokuongorora kwomurabhoritari uye maX ray.

Asi, pane zvakawanda zvingaitwa nomunhu paanenge achisarudza rudzi rwokurapwa.

Matanho Anokosha Okutora

Kuchenjera kutsvakurudza usati wasarudza. Bvunza mibvunzo. Zvii zvingatarisirwa? Zvakanakirei, zvakaipirei, uye imarii inotarisirwa uye inguvai ichapedzerwa pakurapwa? Taura navanhu vakarapwa kana kuti vane ruzivo rwokurapa kwauri kuda kuitwa. Vabvunze kana kwakabatsira. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti uchapupu hwakangovakirwa pazvinoitika zviri zvoga hunganyengera.

Kurapa kungaitwa pane kwakajairika kungasava kwakanaka kana kuchiita kuti kurapa kunobudirira kwave kuchiitwa kuregwe, kunyange zvazvo mwero wokubudirira kwokurapa kwomuchipatara uri muduku. Uchapupu hwokukuvara kungaitika huri mumushumo uri muThe New England Journal of Medicine. Magazini yacho yakarondedzera kuwedzera kwakaramba kuchiita kenza muvarwere vaduku vaviri vakaramba kurapwa muchipatara pavainge vachishandisa kurapa kungaitwa pane kwakajairika. Mumwe wavarwere ava akafa.

Vanhu vane zvirwere zvisingaperi kana kuti zvinouraya nokuchenjera vanoramba vakasvinurira chokwadi chokuti vangashandiswa nevanyengeri vanosimudzira kurapa kwokunyengera. Chenjerera chinhu chipi nechipi chinovimbisa kurapa zvirwere zvakawanda. Mumwe muenzaniso womunguva pfupi yapfuura waisanganisira vhitamini idzva rainzi “rakabatsira kubvisa zvose kubva kuzvinetso zvokufema uye kushaya simba kusvikira kuzvirwere zvinouraya.” Kuongorora “vhitamini” racho kwakaonekwa kuti hapana chaivapo kunze kwemvura ine munyu.

Pasina mubvunzo dzimwe nzira dzokurapa kungaitwa pane kwakajairika dzingabatsira pakuva noutano hwakanaka. Zvisinei, tarisa zvinhu sezvazviri. Kuchenjera kudya zvokudya zvinovaka muviri, kuwana nguva yokurara yakakwana, kurovedza muviri kwakaringana, uye kungwarira pakusarudza nzira dzokurapwa nadzo.

Zvatinoda Zvichawanika

Zvakajeka kuti hapana kurapa kwomunhu kungapedza zvirwere zvose uye pakupedzisira rufu. Imhaka yokuti izvi takazvisiyirwa nomubereki wedu wapakuvamba, munhu wokutanga, Adhamu. (Jobho 14:4; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Kurapa kwakawanda—kworudzi chero rwupi—zvimwe kungabatsira, asi kunongova kwenguva pfupi kungaita kuti upenyu huwedzere ndokuita kuti hufadze kwenguva shoma. Zvisinei, pane kurapa kwechokwadi kuchinetso choutano husina kunaka, uye mamiriyoni akatokuwana.

Kurapa ikoko kwakapiwa noMusiki wedu, Jehovha Mwari, Chiremba Mukuru. Nokutenda maari uye kushandisa chipo chechibayiro chorudzikinuro chokuyananisa zvivi choMwanakomana wake, Jesu Kristu, uchakwanisa kuva noutano hwakakwana uye upenyu husingaperi munyika isina hosha! (Mateu 20:28) Bhaibheri rinopikira kuti munyika itsva iyoyo, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Mamiriyoni akawana tariro yechokwadi bedzi youtano hwakakwana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe