Kuedza Kubvisa Vatican muUN
SANGANO renhau riri muRome rinonzi Inter Press Service (IPS) rakashuma kuti “mubatanidzwa wemasangano asiri ehurumende (NGOs) omunyika yose anodarika 70 wakatanga kurwisa kwomunyika yose kuedza kubvisa Vatican muSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose.” Pari zvino, Vatican mucherechedzi wechigarire asina kwaakarerekera, kana kuti nyika isiri nhengo, musangano reUN. Vatican yave ine chinzvimbo ichocho kubvira muna 1964.
Nei boka iri reNGOs, iro pakasvika kupera kwaApril wegore rakapera rakawedzera kusvika kumasangano 100 mupasi rose, richiramba nzvimbo yeVatican muUN? Nokuti Vatican, inodaro NGOs, muzinda wechitendero kwete hurumende yezvematongerwo enyika. Frances Kissling, purezidhendi wevaKaturike Vanokwanisa Kuzvisarudzira Zvakasununguka, akaudza IPS kuti boka racho haripikisi kodzero yeVatican yokutaura zvainofunga, asi “nhau iri kupokanwa ikodzero yokuva nenzvimbo pakati pedzimwe hurumende kweiyi Vatican isiri hurumende.”
Anika Rahman, mukuru weInternational Programmes paCentre for Reproductive Law and Policy, anobvuma. IPS yakatora mashoko ake seaiti “kana UN ichibata Holy See sehurumende ine ropafadzo yokuva mucherechedzi wechigarire nemhaka yesimba rayo rechitendero, sangano romunyika yose iri riri kutanga zvinoita kuti zvimwe zvitendero zvitaurewo saizvozvo.” Akawedzera kuti: “Kuva nechokwadi chokuti Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose harisimudziri chitendero chipi nechipi, masangano echitendero akadai seChechi yeRoma Katurike haafaniri kubvumirwa kuva musangano iri sehurumende isiri nhengo.”
Asi zvakadini nokutaura kwokuti Vatican ihurumende saka ine kodzero yokuva nechinzvimbo chainacho iye zvino? “Iwoyo mutauro usina kujeka,” vakapindura kudaro Muzvare Kissling pavaibvunzurudzwa. “Tinoti chaizvoizvo itsananguro yezana remakore rechi15 yehurumende uye kuti Holy See, chaizvoizvo, idare rinodzora rechitendero chacho.” Vakatizve mashoko okuti “Vatican” uye “Holy See” ose “anoreva zvakafanana nokuti Chechi yeRoma Katurike.”
Maonero anoita Vatican nhau dzouwandu hwevanhu munyika ndiwo anonyanyoita kuti NGOs isafare nezvenzvimbo yeVatican muUN iye zvino. Somuenzaniso, Vatican yakashandisa misangano yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yakadai seInternational Conference on Population and Development muCairo, yomuna 1994, uye Women’s Conference yomuna 1995, muBeijing, kutaura mafungire ayo akasimba anopesana nokuronga mhuri. “Sezvo UN ichiita zvisarudzo zvayo zvakawanda maererano nezvinenge zvabvumiranwa,” yakadaro IPS, “kutaura kwokusabvumirana nevamwe kwakadai sekweVatican kwakavhiringidza hurukuro panhau dzine chokuita nouwandu hwevanhu, kudzivirira pamuviri, kodzero dzevakadzi uye kutarisirwa kwoutano hwokubereka.”
Maererano naMuzvare Kissling, “basa rakakodzera nokuda kweVatican nderokuva NGO—zvakangoitawo NGO inomirira vaMuslim, vaHindu, vaBuddha, vaBahai nemamwe masangano ezvitendero.” Boka racho rinoda kuti Munyori Mukuru weUN, Kofi Annan uye pakupedzisira General Assembly yeUN vaongorore zviri pamutemo nzvimbo iyo Vatican inayo musangano guru rezvematongerwo enyika munyika yose.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Mukuru mukuru weVatican anotaura pamusangano weUN
[Kwazvakatorwa]
UN/DPI Mufananidzo naSophie Paris
[Mufananidzo uri papeji 31]
UN photo 143-936/J. Isaac