RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 34 pp. 246-251
  • Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubuda Mugomba Rakadzika-dzika
  • Rugare Nechengeteko—⁠Itariro Isina Maturo
  • Nhevedzano Refu Yamasimba Enyika Yoswedera Pedyo Nomugumo Wayo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Chikara Chitsvuku Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 17 Chinofananidzirei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?
    Mukai!—1996
  • Kuuraya Bhabhironi Guru
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 34 pp. 246-251

Ganhuro 34

Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa

1. (a) Ko Johane anoita sei pakuona hure guru nokutasva kwaro kunotyisa, uye nei? (b) Ko boka raJohane nhasi rinoita sei sezvo zvinoitika zvinowadzanyurwa muzadziko yechiono chouporofita?

CHII chiri kuita kwaJohane pakuona hure guru nokutasva kwaro kunotyisa? Iye amene anopindura, achiti: “Eya, pakumuona ini ndakashamiswa nokushamiswa kukuru.” (Zvakazarurwa 17:⁠6b) Kufungidzirawo hakwo kwohunhu hakungatongogoni kuparira chiono chakadaro. Asika, hecho chiri apo​—⁠kure murenje⁠—​hure rakashata rigere pamusoro pechikara chinotyisa, chitsvuku! (Zvakazarurwa 17:⁠3) Nhasi boka raJohane rinoshamisikawo nokushamisika kukuru sezvo zvinoitika zvinowadzanyurika muzadziko yechiono chouporofita. Kudai vanhu venyika vaigona kuchiona, ivo vaizokuwa kuti: ‘Hachidaviriki!’ uye vabati ushe venyika vaizodzokororawo kuti, ‘Hakufungiki!’ Asika chionocho chinova chinhu chaichoicho chinokatyamadza chomuzuva redu. Vanhu vaMwari vakatova negoverano yakatanhamara muzadziko yechionocho, uye ikoku kunovasimbisira kuti uporofitahwo huchapfuurira mberi chaikwo kusvikira kumugumo wahwo unokatyamadza.

2. (a) Mukudavidza kwokushamisika kwaJohane, ko ngirozi inomuudzei? (b) Ko boka raJohane rakaziviswei, uye ichochi chave chichiitwa sei?

2 Ngirozi inocherekedza kushamisika kwaJohane. “Nokudaro,” Johane anopfuurira kuti, “ngirozi yakati kwandiri: ‘Washamiswa neiko? Ini ndichakuudza chakavanzika chomukadzi nechechikara chakamutakura uye icho chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi.’ ” (Zvakazarurwa 17:⁠7) Aa, ngirozi zvino ichafukura chakavanzika! Iyo inotsanangurira Johane ana meso akati tuzu, mativi akasiyana-siyana echiono nezvinoitika zvinokatyamadza zvodokuwadzanyurwa. Nenzira imwe cheteyo, sezvarinobatira munhungamiro yengirozi nhasi, boka rinorinda raJohane rakawadzanyurirwa nzwisiso youporofitahwo. “Ko kududzira hakuzati kuri kwaMwari here?” SaJosefa akatendeka, tinodavira kuti kunodaro. (Genesi 40:⁠8; enzanisa naDhanieri 2:​29, 30.) Vanhu vaMwari vanoiswa, sokunge zvakadaro, pakati pechikuva sezvo Jehovha anodudzira kwavari revo yechiono nerevo yacho paupenyu hwavo. (Pisarema 25:​14) Panguva chaipo, iye akazarurira nzwisiso yavo chakavanzika chomukadzi nechechikara.​—⁠Pisarema 32:⁠8.

3, 4. (a) Ihurukuroi yavose yakakurukurwa naN. H. Knorr muna 1942, uye iyo yakazivisa sei chikara chitsvuku? (b) Mashokoi akataurwa nengirozi kuna Johane akakurukurwa naN. H. Knorr?

3 Kubvira pana September 18 kusvikira ku20, 1942, pakupisira kweHondo yeNyika II, Zvapupu zvaJehovha muUnited States zvakaita Gungano Roubati Ushe reNyika Itsva razvo. Guta guru, Cleveland, Ohio, rakabatanidzwa nenhare namamwe maguta ekokorodzano anopfuura 50, nokuda kwechiverengero chapamusoro chavapindi vane 129 699. Uko migariro yenguva yehondo yaibvumidza, dzimwe kokorodzano dzakadzokorora purogiramu yacho kupote nyika yose. Panguvayo, vazhinji vavanhu vaJehovha vaikarira kuti hondo yaizowedzera ndokupinda muhondo yaMwari yeArmagedhoni; nokudaro musoro wehurukuro yavose waiti, “Rugare​—⁠Runogona Kugarisa Here?,” wakanyandura kuda kuziva kukuru. Ko purezidhendi mutsva weWatch Tower Society, N. H. Knorr, aigona sei kutsunga kutaura pamusoro porugare apo zvakapesana zvikuru zvairatidzika kuva zviri mberi nokuda kwamarudzi?a Chikonzero chakanga chiri chokuti boka raJohane rakanga richipa “ngwariro huru inopfuura yenguva dzose” kuShoko raMwari rouporofita.​—⁠VaHebheru 2:⁠1; 2 Petro 1:​19.

4 Ko hurukuro inoti “Rugare​—⁠Runogona Kugarisa Here?” yakavhenekera chiedzai pauporofitahwo? Achiratidzira nomutoo wakajeka chikara chitsvuku chaZvakazarurwa 17:⁠3 seChinzwano chaMarudzi, N. H. Knorr akapfuurira kukurukura basa racho ramasimba masimba pahwaro hwamashoko anotevera engirozi kuna Johane, anoti: “Chikara chawaona chakanga chiripo, asi hachizati chichipo, asi chodokukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika, uye chichapinda muruparadziko.”​—⁠Zvakazarurwa 17:⁠8a.

5. (a) Ko kwakadaro sei kuti “chikara . . . chakanga chiripo” dzokonokei “hachisisipo”? (b) Ko N. H. Knorr akapindura sei mubvunzo wokuti, “Chinzwano chaizorambira mugomba here?”

5 “Chikara . . . chakanga chiripo.” Hungu, chakanga chiripo seChinzwano chaMarudzi kubvira pana January 10, 1920, zvichienda mberi, chiina marudzi 63 anotora rutivi panguva imwe cheteyo kana kuti kuimwe. Asiwo, Japan, Germany, uye Italy dzakabuda, uye yaimbova Soviet Union yakabviswa muChinzwano. Muna September 1939 mushushi weNazi weGermany akavamba Hondo yeNyika II.b Chakundikana kuchengeta rugare munyika, Chinzwano chaMarudzi chakanga chaita sechakapinda mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa. Pakuzosvika 1942 icho chakanga chava chave chirimo. Hapazati pari pamberi paikoku kana kuti pane mumwe musi gare gare​—⁠asi panguva chaiyo iyoyo inotambudza⁠—​apo Jehovha akadudzira vanhu vake udzame huzere hwerevo yechionocho! PaGungano Roubati Ushe Hwoumwari reNyika Itsva, N. H. Knorr aigona kuzivisa, mukuwirirana nouporofitahwo, kuti “chikara . . . hachizati chichipo.” Ipapo iye akabvunza mubvunzo unoti, “Ko Chinzwano chicharamba chiri mugomba here?” Achinokora mashoko Zvakazarurwa 17:⁠8, iye akapindura, kuti: “Sangano ramarudzi enyika richamukazve.” Ndizvo chaizvo zvarakabvumikisa kuva​—⁠murevererwo yeShoko rouporofita raJehovha!

Kubuda Mugomba Rakadzika-dzika

6. (a) Ko chikara chitsvuku chakakwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika rini, uye chiine zitai idzva? (b) Neiko Chibatanwa chaMarudzi chiri kumutsidzirwa chaikwoikwo kwechikara chitsvuku?

6 Chikara chitsvuku zvamazvirokwazvo chakakwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika. Pana June 26, 1945, kupfurikidza nokudanidzira kworuzha muSan Francisco, U.S.A., marudzi 50 akavhotera kugamuchira Chibvumirano chesangano reChibatanwa chaMarudzi. Uyu mutumbi waizo“chengeta rugare nechengeteko zvamarudzi ose.” Pakanga pane fanano zhinji pakati peChinzwano neCM. The World Book Encyclopedia rinoti: “Munzira dzakati kuti, CM chakatodzana neChinzwano chaMarudzi, icho chakarongwa pashure peHondo yeNyika I . . . Mazhinji amarudzi akavamba CM akavambawo Chinzwano. SeChinzwano, CM chakagadzwa kubetsera kuchengeta rugare pakati pamarudzi. Mativi makuru eCM akafanana zvikuru naawo eChinzwano.” CM, ipapoka, zvamazvirokwazvo kumutsidzirwa kwechikara chitsvuku. Mitezo yacho inopfuura nyika 190 inopfuura zvikuru iya ine 63 yeChinzwano; chakatorawo mitoro yakakura zvikuru kupfuura mutangiri wacho.

7. (a) Ko vagari vapasi vakashamiswa nokushamiswa kukuru munzirai nechikara chitsvuku chakamutsidzirwa? (b) Inharidzanoi yakanzvenga CM, uye munyori wacho mukuru akataurei muna ikoku?

7 Pakutanga, tariro huru dzakaratidzirwa nokuda kweCM. Ikoku kwakanga kuri muzadziko yamashoko engirozi, anoti: “Ipapo avo vanogara papasi asi mazita avo ave asina kunyorwa pamupumburu wamanyoro woupenyu kubvira pakuteiwa kwenyika vachashamiswa nokushamiswa kukuru, apo ivo vanoona kuvapo kwakanga kwakaita chikara, asi chisati chichiripo, asi chichavapo.” (Zvakazarurwa 17:⁠8b) Vagari vapasi vakashamiswa neichi chinhu chikurusa chitsva, chinoshanda chiri padzimbahwe racho rinoorora paEast River yeNew York. Asika rugare rwechokwadi nechengeteko zvakanzvenga CM. Kwenguva yakawanda muchikamu chikuru chezana ramakore rechi20, rugare rwenyika rwakachengetwa bedzi kupfurikidza netyisidziro yo“kuparadzana kune chokwadi mutual assured destruction​—⁠MAD, sokudimurirwa kwarinoitwa muchiNgezi⁠—​uye nhangemutange yezvombo yapfuurira kuwedzera mumwero mukurusa. Pashure paanenge makore 40 enhamburiko yakaitwa neChibatanwa chaMarudzi, aimbova munyori mukuru wacho, Javier Pérez de Cuéllar, akadanidzira mumwero mukurusa muna 1985, achiti: “Tiri kurarama mune rimwe zera ravanyanyisi, uye hatizati tichiziva chokuita pamusoro pakwo.”

8, 9. (a) Neiko CM chisati chiine mhinduro dzezvinetso zvenyika, uye chii chichakurumidza kuitika kwachiri mukuwirirana nechirevo chaMwari? (b) Neiko vavambi veCM navatsigiri vasina kuita kuti mazita avo anyorwe mu“pumburu wamanyoro woupenyu” waMwari? (c) Ko Umambo hwaJehovha huchaitei murubudiriro?

8 Chibatanwa chaMarudzi hachina mhinduro. Asika neiko? Nokuti Mupi woupenyu kuvanhu vose haazati ari mupi woupenyu weCM. Nduramo yacho ichava pfupi, nokuti mukuwirirana nechirevo chaMwari, “icho chichapinda muruparadziko.” Vavambi veCM navatsigiri havazati vana mazita avo akanyorwa mumupumburu wamanyoro waMwari woupenyu. Ko vanhu vanoita chivi, vanofa, vazhinji vavo vanozvidza zita raMwari, vangagona sei kuwana kupfurikidza neCM icho Jehovha Mwari akazivisa kuti iye anogona kuchiita, kwete kupfurikidza nomutoo wohunhu, asi kupfurikidza noUmambo hwaKristu wake?​—⁠Dhanieri 7:​27; Zvakazarurwa 11:⁠15.

9 Chaizvoizvo CM inyengedzo inomhura yoUmambo hwouMesiya hwaMwari hunodzorwa noMuchinda wake woRugare, Jesu Kristu​—⁠uyo ane ubati ushe hwomuchinda husati huchizova nomugumo. (Isaya 9:​6, 7) Kunyange kudai CM chaizonamatidza rugare rwakati kuti rwechinguvana, hondo dzaizokurumidza kutangazve. Ikoku kuri mumugariro wavanhu vanoita zvivi. “Mazita avo haana kunyorwa pamupumburu wamanyoro woupenyu kubvira pakuteiwa kwenyika.” Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu hahuzati huchizogadza bedzi rugare pasi pano asi, pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu, huchamutsa vakafa, vakarurama navasakarurama vari muyeuko yaMwari. (Johane 5:​28, 29; Mabasa 24:​15) Ikoku kunobatanidza munhu ari wose uyo akaramba akatsiga pasinei hapo nedenho dzaSatani nembeu yake, navamwe vachigere kuzviratidzira ivo vamene kuva vanoteerera. Nomutoo wakajeka, mupumburu wamanyoro woupenyu waMwari hauzati uchizotongova namazita avateveri vane chisimbwa veBhabhironi Guru kana kuti vapi navapi vakapfuurira havo kunamata chikara.​—⁠Eksodho 32:​33; Pisarema 86:​8-​10; Johane 17:⁠3; Zvakazarurwa 16:⁠2; 17:⁠5.

Rugare Nechengeteko—⁠Itariro Isina Maturo

10, 11. (a) Ko CM chakazivisei muna 1986, uye chii chakava davidzo? (b) Ko i“mhuri dzorudzidziso” ngani dzakaungana paAssisi, Italy, kuzonyengeterera rugare, uye Mwari anopindura minyengetero yakadaro here? Tsanangura.

10 Munhamburiko yokutsigira tariro dzavanhu, Chibatanwa chaMarudzi chakazivisa 1986 kuva “Gore raMarudzi Ose roRugare,” nomusoro unoti “Kutaviridza Rugare Nenguva Yemberi Yavanhu.” Marudzi anorwisana akadanirwa kuvanzarika zvombo zvawo pasi, kwerinenge gore rimwe. Chii chakava davidzo yao? Mukuwirirana nomushumo wakaitwa neSangano Rokunzvera roRugare raMarudzi Ose, vanhu vanenge mamiriyoni mashanu vakaurayiwa pamusana pehondo mukati ma1986 moga bedzi! Kunyange zvazvo mari chaidzo nezvitambi zvechirangaridzo zvakabudiswa, mazhinjisa amarudzi akaita zvishomanene pamusoro pokuronda nharidzano yorugare mugore iroro. Hunyanguvezvo, marudzidziso enyika​—⁠anogarova anofunganya nokuda kwewirirano yakaisvonaka neCM⁠—​akatanga kuzivisa gorero nenzira dzakasiyana-siyana. Pana January 1, 1986, Pope John Paul II akarumbidza basa reCM ndokutsaurira gore idzva kurugare. Uye pana October 27, iye akaunganidza vatungamiriri vamarudzidziso mazhinjisa enyika paAssisi, Italy, kuzonyengeterera rugare.

11 Ko Mwari anopindura minyengetero yakadaro nokuda kworugare here? Eya, ko vatungamiriri ivavo vorudzidziso vakanga vachinyengetera kuna Mwari upi? Kudai waizovabvunza, boka rimwe nerimwe raizopa mhinduro yakasiyana. Ko kune boka ramamiriyoni avamwari rinogona kunzwa ndokubvumira mikumbiro inoitwa munzira zhinji dzakasiyana-siyana here? Vazhinji vavatori rutivi vanonamata Utatu hwechiKristudhomu.c VaBuddha, vaHindu, navamwe vakataura minyengetero kuna vamwari vasina chiverengero. Dzose, “mhuri dzorudzidziso” 12 dzakaungana, dzichiva dzinomirirwa navakuru vakuru vakadai saBhishopi Mukuru weAnglican yeCanterbury, Dalai Lama wechiBuddha, mukuru mukuru wamabhishopi weOrthodox yeRussian, purezidhendi weSangano reTembere rechiShinto reTokyo, wezvokudavira midzimu veAfrica, namaIndia eAmerica maviri akapfeka zvifukidziro zvemisoro zveminhenga. Rakanga riri boka rine ruvara, kutaura hedu bedzi zvishomanene, rakakodzera purogiramu yakaisvonaka yeTV. Rimwe boka rakanyengetera risingaregi kwamaawa 12 paimwe nguva. (Enzanisa naRuka 20:​45-47.) Asika ipi neipi yeminyengetero iyoyo yakasvika seri kwamakore emvura aiyanguruka pamusoro pokuungana here? Aiwa, nokuda kwezvikonzero zvinotevera:

12. Ko Mwari haana kupindura minyengetero yorugare yavatungamiriri vorudzidziso venyika nokuda kwezvikonzeroi?

12 Mukusiyana naavo vano“famba muzita raJehovha,” hapana nomumwe wavezvorudzidziso ivavo akanga achinyengetera kuna Jehovha, Mwari mupenyu, ane zita rinooneka kane 7 000 murugwaro rwapakuvamba rweBhaibheri. (Mika 4:⁠5; Isaya 42:​8, 12)d Seboka, ivo havana kusvika Mwari muzita raJesu, voruzhinjisa vavo vasingatongodaviri Jesu Kristu. (Johane 14:​13; 15:​16) Hapana navamwe vavo vanoita kuda kwaMwari nokuda kwezuva redu, uko kuri kuzivisa nyika yose Umambo hunouya hwaMwari​—⁠kwete CM⁠—​setariro chaiyo nokuda kwavanhu. (Mateo 7:​21-​23; 24:​14; Marko 13:​10) Nokuda kworutivi rukurusa, masangano avo orudzidziso ave achibatanidzwa muhondo dzechishava dzenhau, kubatanidza nehondo dzenyika mbiri dzezana ramakore rechi20. Kuna vakadaro, Mwari anoti: “Kunyange zvazvo mukaita minyengetero mizhinji, ini handiteereri; maoko enyu mumene akava azere neropa rakateurwa.”​—⁠Isaya 1:​15; 59:​1-⁠3.

13. (a) Neiko kune revo kuti vatungamiriri vorudzidziso venyika vanofanira kukumbanidza maoko avo neCM mukudanidzira rugare? (b) Kudanidzirwa kworugare kuchagumira mumugumoi woumwari wakadeya kutaurwa?

13 Kupfuurirazve, kune revo zvikuru kwazvo kuti vatungamiriri vorudzidziso venyika vanofanira kukumbanidza maoko avo neChibatanwa chaMarudzi mukudanidzira nokuda kworugare panguva ino. Ivo vangada kupesvedzera CM kuchimuko chavo vamene, zvikurukuru muzera rino razvino uno apo vazhinji zvikuru kwazvo vavanhu vavo vari kusiya rudzidziso. Kufanana navatungamiriri vasina kutendeka muna Israeri wekare, ivo vanodanidzira kuti, “ ‘Kune rugare! Kune rugare!’ nepo kusina rugare.” (Jeremia 6:​14) Pasina panikiro danidziro dzavo nokuda kworugare dzichapfuurira, dzichikwira mukutsigirwa kwomugumo uyo muapostora Pauro akaporofita nezvawo, kuti: “Zuva raJehovha rinosvika chaizvoizvo sembavha muusiku. Pari pose apo ivo vanenge vachitaura kuti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo pakarepo kuparadzwa kuchawira pavari pakarepo kungofanana nokurwadza kwamarwadzo kunowira pamukadzi ane mimba; uye ivo havatongopukunyuki.”​—⁠1 VaTesaronika 5:​2, 3.

14. Ko kudanidzirwa kwo“Rugare nechengeteko!” kungava nechimiroi, uye munhu anogona sei kudzivisa kuva anotsauswa nakwo?

14 Mumakore achangopfuura, vezvematongerwo enyika vakashandisa mashoko okuti “rugare nokuchengeteka“ vachirondedzera zvirongwa zvevanhu zvakasiyana-siyana. Kuedza kwakadaro kwevatungamiriri venyika kungabva kwanzi ndiko kutanga kwokuzadzika kwa1 VaTesaronika 5:⁠3 here? Kana kuti Pauro akanga achingotaura nezvechiitiko chaichoicho chinoshamisa here chichazivikanwa nenyika yose? Sezvo uprofita hweBhaibheri huchiwanzonzwisiswa zvizere chete pashure pokunge hwazadzika kana kuti huri kuzadzika, tichafanira kumirira kuti tione. Panguva ino, vaKristu vanoziva kuti chero rungava rugare nokuchengeteka izvo marudzi angaita seanazvo, chaizvoizvo hapana chinenge chachinja. Udyire, ruvengo, utsotsi, kuparara kwemhuri, unzenza, urwere, kusuruvara, uye rufu zvichange zvichiripo. Ndokusaka kudanidzirwa kwo“rugare nokuchengeteka“ kusingafaniri kukutsausa, kana ukaramba wakamuka uchiona zvinorehwa nezviitiko zvenyika woteerera nyevero dzouprofita dziri muShoko raMwari.​—⁠Marko 13:​32-​37; Ruka 21:​34-⁠36.

[Mashoko Omuzasi]

a J. F. Rutherford akafa pana January 8, 1942, uye N. H. Knorr akamutsiva sapurezidhendi weWatch Tower Society.

b Pana November 20, 1940, Germany, Italy, Japan, uye Hungary dzakasaina nokuda kwe“Chinzwano chitsva chaMarudzi,” kwakateverwa mazuva mana gare gare nokutepfenyura kweVatican Misa nomunyengetero nokuda kworugare rworudzidziso uye nokuda kwenhevedzo itsva yezvinhu. “Chinzwano chitsva” ichecho hachina kutongoitika.

c Mufungo woUtatu unovambira muBhabhironi rekare, umo mwari wezuva Shamash, mwari womwedzi Sin, namwari wenyeredzi Ishtar vainamatwa savamwari vatatu. Egipita yakatevera mutoo mumwe chetewo, ichinamata Osiris, Isis, naHorus. Mwari mukuru weAsiria, Asshur, anoratidzirwa kuva ane misoro mitatu. Ichitevera mutoo mumwe chetewo, mifananidzo inowanwa mumachechi eKaturike ichiratidzira Mwari kuva ane misoro mitatu.

d Webster’s Third New International Dictionary ya1993 inorondedzera Jehovha Mwari sa“mwari mukuru anozivikanwa uye mwari bedzi anonamatwa neZvapupu zvaJehovha.”

[Bhokisi riri papeji 250]

Chakavanzika cho“Rugare”

Kunyange zvazvo 1986 akaziviswa neCM kuva Gore raMarudzi Ose roRugare, nhangemutange yezvombo zvokuzviuraya yakawedzera. World Military and Social Expenditures 1986 rinogovera aya mashoko ose oudzame anobengenutsa:

Muna 1986 ndyiko dzehondo dzemburumbwa yose dzakasvika mamiriyoni ane zviuru $900.

Ndyiko yehondo yeawa rimwe yaizoriringanira kudzivirira hosha dzina mamiriyoni 3,5 vanofa gore negore nehosha dzinotapukira dzinodzivisika.

Munyika yose, munhu mumwe muvashanu aiva muurombo hunonzwisa tsitsi. Vanhu vose ivava vanorumwa nenzara vaigona kudai vakapiwa zvokudya kwegore rimwe pandyiko yeizvo nyika inopedzera pazvombo mumazuva maviri.

Simba rinoputika riri mumatura ezvombo enyika ezvombo zvenyukireya raiva guru zvikuru nakane 160-​000 000 kupfuura riya rokuputika kweChernobyl.

Bhomba renyukireya raigona kuendeswa riine simba rokuputika rinopfuura nakane 500 simba rebhomba rakadonhedzerwa paHiroshima muna 1945.

Matura ezvombo zvenyukireya aiva nezvombo zvinoparadza Hiroshima dzinopfuura miriyoni imwe. Aimirira nakane 2 700 simba rinoputika rakabudiswa muHondo yeNyika II, apo vanhu vane 38 miriyoni vakafa.

Hondo dzakanga dzava kugara dzichiitika uye dzichiuraya vanhu vakawanda. Nzufu dzehondo dzakaita hwerengedzo yamamiriyoni 4,4 muzana ramakore rechi18, mamiriyoni 8,3 muzana ramakore rechi19, mamiriyoni 98,8 mumakore 86 okutanga omuzana ramakore rechi20. Kubvira muzana ramakore rechi18, nzufu dzehondo dzakawedzera nakanopfuura katanhatu nokukurumidza kupinda chiverengero chavagari vapasi chenyika. Kwaiva nenzufu zhinji dzinopetwa nakagumi pahondo muzana ramakore rechi20 kupinda muzana ramakore rechi19.

[Mifananidzo iri papeji 247]

Sezvakaporofitwa pamusoro pechikara chitsvuku, Chinzwano chaMarudzi chakaiswa mugomba rakadzika-dzika mukati meHondo yeNyika II asi chakamutsiridzwa seChibatanwa chaMarudzi

[Mifananidzo iri papeji 249]

Mukutsigirwa kwe“Gore roRugare” reCM, vamiriri vamarudzidziso enyika vakapa nyongano yeminyengetero paAssisi, Italy, asi hapana nomumwe wavo akanyengetera kuna Mwari mupenyu, Jehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe