RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 11/8 p. 18
  • Kununura Kunoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kununura Kunoshamisa
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvika Pakununura
  • Kuchengeteka Kwako Kunobva Pai?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ndakakomborerwa Nokuti Ndakaisa Mwari Pakutanga
    Mukai!—2009
  • Munhu Angaita Mabasa Akanaka Pasabata Here?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 11/8 p. 18

Kununura Kunoshamisa

Nomunyori weMukai! MUBENIN

“VARUME vatatu ivavo vapenyu chete nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvakavaponesa!” Ndiyo nhau yakapararira somoto womusango muguta reCalavi rose, munyika yokuMadokero kweAfrica yeBenin, musi weChitatu, April 19, 2000. Varume vatatu vacho vaiva vanaani, uye Zvapupu zvaJehovha zvakava sei mukununurwa kwavo?

Panenge pa6:30 mangwanani, Philippe Elegbe naRoger Kounougbe vakanga vachigadzirira kunoshanda panhandare yemagungano yeZvapupu zvaJehovha iri pakatarisana nehofisi yebazi yeWatch Tower Society yomuBenin. Usiku hwezuva iroro mazana akanga achizoungana ipapo nokuda kweChirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu Kristu.a Kamwe kamwe, kurovera kune ruzha rukuru kwakavhiringidza mangwanani akanyarara. Pakarepo, Philippe naRoger vakaziva kuti tsaona yakanga yaitika pamugwagwa mukuru.

Munguva duku-duku vakanzwa murume achizhamba achiti: “Vashandi vangu vanodzidzira basa vafusirwa nemasaga esimende!” Philippe naRoger vakamhanyira kumugwagwa mukuru. Ikoko vakaona rori rematani 20 rakarara norutivi rwaro. Masaga akawanda akazara nesimende akanga akoromoka kubva murori.

Josué Didolanvi, uyo anoshandawo panhandare yemagungano, aiva atovapo pachiitiko chacho, achidhonza mumwe murume kumubvisa pakati pechimusoro cherori nemasaga esimende. Mutyairi wacho, uyo akanga azvizvomora muchimusoro cherori, akanga achine dzungu. Asi, akawana simba rokudanidzira kuti: “Pachine vanhu vaviri vari pasi pemasaga esimende!” Vamwe vakanga varipowo vakatanga kubvisa masaga acho, asi munguva pfupi vakarega nemhaka yokupisa kwakanyanya. Simende yacho yakanga ichangobva muhovhoni mainogadzirwa!

Kusvika Pakununura

Philippe, Roger, naJosué vakatanga kubvisa gomo remasaga esimende, vachibvisa rimwe nerimwe. Maoko avo akazara nokurwadziwa zvikuru nemhaka yokupisa nokurema kwemasaga anorema makirogiramu 50. Zvakatoipisisa zvikuru, simende yakanga ichivhozhoka mumasaga akanga abvaruka, ichivaitisa mhoni muzvigunwe uye ichiita kuti kufema kuome. “Maoko angu akanga achitsva, kunyanya zvigunwe zvangu,” Josué akadaro gare gare. “Asi ndakaramba ndichifunga kuti pangava nomukana wokuponesa chero ani zvake akanga ari pasi ipapo.”

Pashure pokubvisa anenge masaga 40, ava vatatu vakaona bonde. Vakashamisika zvikuru, kuona varume vaviri ipapo—pasi pebonde racho chaipo. Vakanga vari vapenyu! Pakaitika tsaona yacho, varume ava vakanga vari kumashure kwerori vakarara pabonde rakanga rakafukidza masaga esimende. Pavakadonha murori, bonde racho rakawira pamusoro pavo, richivadzivirira pakupisa kwemasaga esimende akavafusira.

Panguva yokununura uye pashure, boka rakati ravacherechedzi rakaungana. Vose vakashamiswa kuti Philippe, Roger, naJosué vakanga vakwanisa kubvisa gomo resimende rinorema matani maviri nokukurumidza zvakadaro uye vakaomerwa zvakadaro. Vakaororwawo kuti varume vatatu ava vangasvika pakuita zvose izvozvo vachibatsira vanhu vavakanga vasingatombozivi. Nenguva isipi munhu wose muCalavi anoratidzika seakanga ava kuziva nezvougamba hwavo.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvichiteerera murayiro waJesu, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta kuyeuka uku kunokosha zvikuru gore rimwe nerimwe.—Ruka 22:19.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Roger akabata bonde pashure pokununura kwacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe