RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 4/15 p. 3
  • Kuchengeteka Kwako Kunobva Pai?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchengeteka Kwako Kunobva Pai?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzwa Wakachengeteka Iye Zvino—Kuchengeteka Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 4/15 p. 3

Kuchengeteka Kwako Kunobva Pai?

Mumumwe musha wokuWest Africa, murume wechiduku Josué anosimudza ruoko achioneka mhuri yake neshamwari.a Anobva apinda munzira akananga kuguta guru kunotsvaka mari inokwana kumuchengetedza. Zvisinei, achingosvika, tariro yake inopera sezvaanoziva kuti mari haisi nyore kuwana muguta macho.

JOSUÉ anosvika pakuora mwoyo sezvaanotamburira kuti ajairane noupenyu hwomuguta. Guta racho guru rakasiyana zvikuru nezvaaifunga kuti ndizvo zvariri. Panguva yose iyi, mwoyo waJosué uri kuti dai achingodzokera kumhuri yake neshamwari dziri kumusha kwake kwakaderera kwaakasiya. Asi ari kunyara kuti vanhu vomumusha vachasvikomuseka. ‘Vachanditi handina chandinogona,’ anodaro, ‘nokuti ndakundikana kuwana basa muguta.’

Chiri kunyanya kumuomera kuora mwoyo kungaita vabereki vake. Vari kutovimba kuti ndiye achavabatsira nemari. Paari kuedza kurwisana nepfungwa dzakamuremera idzi, Josué anoshanda kwenguva refu pazuva achiita rimwe basa renhando nhando, uye anotambira mari shoma nokure pane yaaifungidzira kuti aizowana. Adhamba nokushanda zvakapfurikidza. Uye nguva inosara yokuita mabasa echiKristu, ayo aanokoshesa zvikuru, inoderera nokupfuura kwevhiki imwe neimwe. Anonzwa kusuwa nokusurukirwa nokuva kure nemhuri yake neshamwari. Anoona kuti guta racho harina kumuwanisa mari inomuchengetedza sezvaaida.

Kunyange zvazvo mazita nenzvimbo zvichisiyana-siyana, nyaya dzakaita seyaJosué dzinoitika kakawanda. Hakusi kuti Josué aida zvokuzvifadza nokuti aiva nechido chokubva pamba—aingotsvaka kuva akachengeteka. Aifungawo nomwoyo wose kuti mikana yake yokupfuma yakanga yakawanda muguta kupfuura mumusha wake muduku. Ichokwadi kuti dzimwe nguva munhu angagona kuvandudzika pakuwana pfuma, asi izvozvo hazvirevi kuti achengeteka zvechokwadi. Hazvina kutombofamba zvakanaka kuna Josué, zvichida nokuvamwewo vakawanda vanoedza kuzviita. Izvi zvinoita kuti tibvunze kuti, ‘Kuchengeteka chii?’

Kuchengeteka kunonzwisiswa nenzira dzakasiyana-siyana nevanhu vakasiyana-siyana. Rimwe duramashoko rinoti kuchengeteka “kuva asiri mungozi” kana kuti “kuva asingatyi neasingazvidyi mwoyo.” Vanhu vakawanda vanonyatsoziva kuti “kuva asiri mungozi” zvachose hakuiti mazuva ano. Vanogutsikana chero vachinzwa kuti vakachengeteka, pasinei nokuomerwa nezvinhu.

Ko iwe? Ndokupi kwaunotsvaka kuchengeteka? Kunowanikwa muguta here kwete mumusha, sezvaifungwa naJosué? Kana kuti kuri mumari here, pasinei nokuti waiwana kupi uye sei? Zvichida kuri mukuva nechinzvimbo chinoremekedzeka here? Pasinei nokuti unodavira kuti kuchengeteka kwako kunobva pai, kuchagara kwenguva yakadini kwauri nemhuri yako?

Ngatimbofunga nezvenzira nhatu dzinotsvakwa nadzo kuchengeteka nevakawanda—kwavanogara; mari; chinzvimbo. Tadaro tozoongorora kuti kuchengeteka kwechokwadi, kusingaperi kunobva pai.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe