RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 12/8 pp. 13-15
  • Nei Baba Vakaenda Vachitisiya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Baba Vakaenda Vachitisiya?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero nei Vasingakuudzi
  • Edza Kukunda Pfundepfunde Nokuwana Nzwisiso
  • Haisi Mhaka Yako
  • Vabereki Vedu Vakatidzidzisa Kuda Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nhaka Yakaisvonaka yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndingararama sei Baba Zvavakaenda Vachitisiya?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 12/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Baba Vakaenda Vachitisiya?

“Handina kumbonzwisisa chaizvoizvo nei baba vangu vakaenda. Zvandaingoziva chete ndezvandakaudzwa naamai vangu.”—James.a

APO baba vanosunga twavo vobva pamba, vanowanzosiya kurwadziwa kukuru nokugumbuka. “Ndakashatirwa chaizvo apo amai nababa vangu vakarambana,” anodaro James ane makore 14, ane mashoko ataurwa pamusoro. Uye apo baba vanoenda pasina tsananguro uye vozotadza kuramba vachikurukurirana nevana vavo, vana vavo vangatambura kunzwa kwokuva nemhaka, kurambwa, uye pfundepfunde kwemakore anozotevera.b

Kana baba vako pachako vakaenda, ungave uchishatiriswa nokuziva chikonzero chacho. “Baba vangu vakaenda kunogara nomumwe mukadzi,” anodaro wechiduku anonzi Michael. “Ndakavaona kamwe chete vainaye, uye zvakandishatirisa. Ndakafunga kuti Baba vakanga vatirasa.” Zvisinei, muzvimwe zviitiko kubva kwacho kungatozorodza. Melissa, ana baba chidhakwa, anoti: “Dai vakagara pamba, zvaizova zvakanyanya kutiomera.”

Kunyange zvakadaro, muzviitiko zvakawanda vana havambozivi kuti nei baba vavo vakaenda, uye izvi zvingaita kuti kusavapo kwavo kutorwadza zvikuru. Chokwadi, ungava wave uchiziva kuti vabereki vako vakava nezvinetso, asi ungava usina kumbofungidzira kuti vaizorambana. Robert anoyeuka kuti: “Apo Baba vakaenda, ndakanga ndisingambonzwisisi zvose zvakanga zvichiitika. Zvandaingoziva chete ndezvokuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka nokuti vabereki vangu vaigara vachipopotedzana nguva dzose.”

Nei vamwe vanababa vachisiya musha? Kana baba vako vakaenda, unofanira kukuona sokurambwa here? Uye nei vabereki vako vangave vasingadi kukuudza zvakawanda nezvazvo? Havafaniri kukutsanangurira here?

Chikonzero nei Vasingakuudzi

Zvikonzero zvokubva kwababa hazvimbofadzi. Kazhinji kacho, chikonzero chacho upombwe—kusazvibata kwave kuchiwanzovanzwa zvikuru kumhuri. Apo mudzimai anoziva zvakaipa zvakadai, angasarudza kuramba murume wake. Angatomukumbira kubva chinyararire magwaro okurambana asati apiwa kumunyori wedare. Vana vangasaziva zvachose nei zvose izvi zviri kuitika.

Zvisinei, edza kunzwisisa nei amai vako vangava vasingadi kukuudza chaizvo zvakaitika. Chimwe chikonzero ndechokuti vanganzwa kuti kudura kusazvibata kupi nokupi kwakaitwa nababa vako kunozomutsa nhamo chete. Zivawo kuti zvinofanira kuva zvichirwadza zvakadini, kuti mukadzi azive kuti murume wake ave asina kutendeka. (Maraki 2:13, 14) Nokudaro kana upombwe chiricho chikonzero chokurambana kwevabereki vako, usashamiswa kana amai vako vachiwana nhau yacho ichirwadza zvikuru kukurukura nezvayo.

Zvakadini nababa vako? Zvinonzwisisika kuti kana vasina kuva vakatendeka kuna amai vako, havangambotauri kwauri nezvazvo. Vamwe varume vanonzwa kuva nemhaka pamusoro pokusazvibata kwavo zvokuti havakwanisi kunyange kutarisana nevana vavo! Zvisinei, pasinei nokuita kwavo kunonyadzisa, vanababa vakawanda vanoramba vachida vana vavo uye vangaedza kutangazve kukurukurirana navo.

Muzvimwe zviitiko baba vanobva nemhaka yokusazvibata kwomudzimai, uye vanoedza zvose zvavanogona kuramba vari pedyo nevana vavo. Zvisinei, muzvimwe zviitiko, kurambana hakusimbori nemhaka youpombwe, asi kuguma kwemakore okukakavadzana kwevakaroorana.c (Zvirevo 18:24) Nokuti chakafukidza dzimba matenga, ungasaziva kuti kukakavadzana kwacho kwaiva kwei.

Pana Zvirevo 25:9 Bhaibheri rinoti: “Rangana nowokwako pamusoro pemhaka iri pakati penyu, asi usareurura zvakavanzika zvomumwe.” Dzimwe nguva kukakavadzana kwevakaroorana, kunosanganisira nhau dzakavanzika, dzakadzama. Zvingava zvakakuomera kudavira, asi zvimwe zviri nani kuti usanzwa nezvezvinhu zvakadaro. Kunze kwaizvozvo, kudura “zvakavanzika” kunowanzoita kuti mamiriro ezvinhu akaipa atonyanyisa kuipa. Unganzwa uchida kutsigira mumwe wavo—kungowedzera kusanzwana mumhuri yenyu. Naizvozvo pashure pokufunga zvose, zvingatokunakira kana vabereki vako vakasakuudza mashoko ose nezvokukakavadzana kwavo.

Edza Kukunda Pfundepfunde Nokuwana Nzwisiso

Zvakaoma kusatsamwa uye kusava nepfundepfunde apo baba vako vanobva pamba uye usingakwanisi kupindura mubvunzo wokuti, Nei? Zvisinei, pana Zvirevo 19:11, Bhaibheri rinoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora [chaizvoizvo, kwete kubvisa zvachose] kutsamwa kwake.” Uye haufaniri kuziva mashoko ose kuti uve nenzwisiso.

Somuenzaniso, Bhaibheri rinotibatsira kuona kuti vabereki vedu havana kukwana. Rinoti: “Vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Kubvuma ichi chokwadi chinorwadza kunogona kukubatsira kuona zvikanganiso zvavabereki vako sezvazviri. Somuenzaniso, kana baba vako vakarega kuremekedza mhiko dzavo dzomuchato, ichocho chikanganiso chakakomba—chavanozvidavirira pamberi paMwari. (VaHebheru 13:4) Asi hazvirevi hazvo kuti vakuramba kana kuti havakudi.

Vakaroorana vose vano“tambudzika panyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Asi nepo pasina chokuzvipembedza nacho nokuda kwokuita kwavo kudaro, vamwe varume navakadzi vanokundwa ndokuita zvakaipa pavanotarisana nedzvinyiriro dzoupenyu munyika ino yatambudzika. Robert anoyeuka kuti: “Baba vaida zvakanyatsotinakira. Vakatamisira mhuri kunharaunda yavaifunga kuti vaikwanisa kuva noupenyu huri nani kuitira kuti tive neimba yakanaka uye kuti mhuri izofara.” Asi vavariro dzakanaka dzababa vake dzokuedza kuva noupenyu huri nani nokuda kwemhuri yavo dzakaenda neparutivi. Robert anotsanangura kuti: “Baba vakatanga kuregeredza kuenda kumisangano yechiKristu. Ndokubva vazorasikirwa nebasa ravo. Pashure penguva yakati vakatanga kubata amai vangu nehanzvadzi yangu zvisina kunaka.” Nenguva isipi zvinhu zvakaipa kusvika padanho rokuti baba naamai vake vakarambana.

Robert aikwanisa kudai akafuta nehasha nemhaka yezvikanganiso zvababa vake. Asi kunzwisisa mamiriro ezvinhu ababa vake kwakaderedza kutsamwa kwake. Kunyange zvazvo kuputsika kwomuchato wevabereki vake kwakanga kuchirwadza, kwakadzidzisa Robert chimwe chinhu chinokosha. Robert anoti: “Pandinotanga mhuri, zvinhu zvomudzimu zvinofanira kuuya pakutanga.”

Michael, ambotaurwa, aifanirawo kurwisa kunzwa kwokugumbuka. “Ndaida kurwadzisa baba vangu nemhaka yezvavakatiita,” anodaro. Asi akachengetedza ukama nababa vake. Nokufamba kwenguva, Michael akatokwanisa kubvisa kutsamwa kwake ndokupfuurira noupenyu hwake.

Iwewo ungada kuedza kuchengeta ukama hwamanga muchingova nahwo nababa vako sezvinobvumira mamiriro ezvinhu. Chokwadi, vangava vakarwadzisa iwe naamai vako. Asi zvimwe hauna chokwadi chose. Uye kunyange kana uchiziva kuti vane mhaka yechakaipa, vachingori baba vako. Une mutoro wokuvaratidza zvichida mwero wakati woruremekedzo. (VaEfeso 6:1-3) Dzivisa “kutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa” paunobata navo. (VaEfeso 4:31) Kana zvichibvira, usatsigira mumwe mubereki maererano nokukakavadzana kwomumba kwakavanzika kwavabereki vako. Nokuvimbisa vabereki vako vose kuti unovada, ungakwanisa kuva noukama hwakanaka nevose vari vaviri.

Haisi Mhaka Yako

Kuti baba vako vabve pamba zvichida ndicho chimwe chezvinhu zvinorwadza zvikuru chauchazotarisana nacho. Asi kunyange ukasawana zvikonzero zvose nei vakabva, haufaniri kunzwa sokuti yaiva mhaka yako. Chokwadi, zvingaita sokuti warambwa. Asi michato haiwanzoguma nemhaka yevana. Vabereki vako vakaita mhiko kuna Mwari kuti vagare pamwe chete. Mutoro wavo—kwete wako—kurarama maererano nayo.—Muparidzi 5:4-6.

Uyewo, kana uchinzwa kuvhiringidzika, uine mhaka, kana kuti uine mutoro, wadii kuedza kuudza vabereki vako? Vangangoda kukurukura uye kukupa chivimbo chaunoda. James, ane mashoko ataurwa pakutanga, anoti: “Ndaimbofunga kuti ndini ndaifanira kupiwa mhaka, kusvikira amai nababa vangu vagara pasi neni ndokutaura neni.” Nancy muduku ainzwawo kuva nemhaka apo baba naamai vake vakarambana. Pashure pokukurukurirana kunoverengeka naamai vake, Nancy akakwanisa kugumisa kuti: “Vana havafaniri kuzvipa mhaka nokuda kwezvinoitwa nevabereki vavo.” Hungu, kurega vabereki vako ‘vachitakura mutoro wavo voga’ kunogona kukudzivirira pakuremerwa mupfungwa. (VaGaratiya 6:5) Asi ungararama sei zvino zvawava kurarama mumusha usina baba? Imwe nyaya ichabuda yenyaya dzino dzinotevedzana ichapa mhinduro.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita achinjwa.

b Ona nyaya dzinotevedzana dzine musoro uri pabutiro unoti “Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo,” muMukai! yaFebruary 8, 2000.

c Zvisinei, Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti chikonzero chete chiri muMagwaro chokugumisa muchato chinobvumira vose vari vaviri kuroora kana kuroorwazve ufeve.—Mateu 19:9.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Usazvipa mhaka nokuda kwezvinetso zvomumba zvavabereki vako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe