Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingararama sei Baba Zvavakaenda Vachitisiya?
“Kukura ndisina baba vangu kwaiva kwakaoma. Ndaingoda kudiwa zvishoma.”—Henry.a
JOAN aiva nemakore 13 pakabva baba vake pamusha. Vanyatsopindwa muropa nedoro, havana kuita zvakawanda kuti vakurukurirane nevana vavo ivo vabva. Zvinosuruvarisa kutaura kuti Joan haasi iye chete; pwere dzakawanda dzakasiyiwa navanababa vadzo.
Kana izvi zvakaitika kwauri, ungaona zvakaoma chaizvo kurarama. Kurwadziwa uye hasha zvingakukunda nguva nenguva. Dzimwe nguva ungasurukirwa kana kuodzwa mwoyo. Ungava nomuedzo wokuda kunyange kupanduka. Sezvakambotaurwa nomumwe munyori weBhaibheri Soromoni, “kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.”—Muparidzi 7:7.
‘Kuita Sebenzi’
James aka‘ita sebenzi’ baba vake vabva pamusha. James akati: “Handina kuteerera munhu mukuru upi noupi, kunyange amai vangu. Ndaibatanidzwa mukurwisana kwakawanda. Ndainyepa nguva dzose uye ndaiverevedza ndichibuda usiku nokuti hapana aivapo kuti andirange. Amai vakaedza kundirambidza, asi vakatadza.” Kupanduka kwakaita kuti James ave noupenyu huri nani chaizvoizvo here? Kana. James anotaura kuti nenguva isipi akanga ava “kushandisa zvinodhaka, kurovha chikoro, uye ava kufoira muchikoro.” Kusazvibata kwacho kwakawedzera nokukurumidza. “Ndakaba muzvitoro,” anobvuma kudaro, “uye ndakabirawo vanhu. Ndakasungwa kaviri ndokuiswa mujeri kwenguva pfupi, asi izvozvo hazvina kuita kuti ndirege.”
Paakabvunzwa chakamuita kuti anyanye kupanduka, James akati: “Nokuti baba vangu vakanga vaenda, ndakanga ndisingarangwi. Chaizvoizvo handina kufunga nezvokurwadzisa kukuru kwandaiita amai vangu, munin’ina wangu nehanzvadzi yangu, uye neniwo. Ndaida kudiwa uye kurangwa nababa vangu.”
Kupanduka kunoita kuti mamiriro ezvinhu akaipa aipisise. (Jobho 36:18, 21) Somuenzaniso, James akakonzera zvinetso kwete pana iye chete asiwo pana amai vake nevarumudzani vake, vakatambudzika mumwoyo nepfungwa. Zvinotonyanya kusuruvarisa ndezvokuti kupanduka kungaita kuti munhu asatenderwe naMwari pachake. Inga wani Jehovha anorayira vechiduku kuti vateerere amai vavo.—Zvirevo 1:8; 30:17.
Kukunda Hasha Dzacho
Saka, ungakunda sei hasha uye kutsamwa zvaunganzwa pamusoro pababa vako? Kutanga, ungada kuzviyeuchidza kuti kubva kwakaita baba vako yaisava mhaka yako. Uye hazvibvi zvareva kuti havachakudi kana kuti havachina hanya newe. Chokwadi, zvingarwadza kana baba vasingawanzoridzi runhare kana kushanya. Asi sezvakaratidzwa munyaya yakatangira ino mune idzi dzinotevedzana,b vanababa vakawanda vasipo havataurirani nevana vavo, kwete nemhaka yokuti havavadi, asi nemhaka yokuti vanokundwa nokunzwa vaine mhosva uye nyadzi. Vamwe, vakadai sababa vaJoan, vakapindwa muropa nezvinodhaka kana kuti nedoro, uye izvi zvinokanganisa kushanda kwemano avo.
Chero mamiriro api ezvinhu, edza kuyeuka kuti vabereki vako havana kukwana. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23; 5:12) Chokwadi, izvi hazvisi kutunhidza unhu hunokuvadza kana hwokusava nehanya. Asi kuziva kuti tose takaberekwa tisina kukwana kungaita kuti zvikuitire nyore kurega hasha dzinokuvadza nokutsamwa.
Zvinotaurwa pana Muparidzi 7:10 zvingakubatsira kuti ukunde hasha nokutsamwa zvaunganzwa pamusoro pevabereki vako. Cherechedza kuti inonyevera sei nezvokunyanya kufunga pane zvekare: “Usati: Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.” Saka, pane kuti urambe uchifunga zvakanga zvakaita zvinhu kare, zviri nani kufunga nezvokunakisa mamiriro ako ezvinhu.
Kutanga Iwe
Somuenzaniso, ungafunga nezvokutanga kukurukurirana nababa vako. Chokwadi, ndivo vakakusiya uye unganzwa nenzira yakarurama kuti mutoro wavo kutanga. Asi kana vakakundikana kudaro uye kusakurukura navo kuchiita kuti utsamwe uye usafare, hazvingavi zvinokosha here kuti iwe pachako uedze kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu? Chimbofunga kubata kwakaita Jesu Kristu zvinhu apo dzimwe shamwari dzake dzakamurwadzisa. Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake ari munhu, vaapostora vake vakamusiya. Petro akanga azvirumbidza achiti aizoramba ari kuna Jesu pasinei nokuti chii chaitika. Asi Petro akaramba Jesu—kwete kamwe chete asi katatu!—Mateu 26:31-35; Ruka 22:54-62.
Kunyange zvakadaro, Jesu akapfuurira kuda Petro pasinei nokukundikana kwaPetro. Jesu amutswa, ndiye akatanga kugadzirisa ukama hwavo nokutanga kuenda kunoona Petro ari oga. (1 VaKorinde 15:5) Zvinofadza kuti Jesu paakabvunza Petro kuti, “Unondida here?” Mhinduro yaPetro yaiti “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Pasinei nezviito zvake zvinonyadzisa, Petro akanga achiri kuda Jesu.—Johani 21:15.
Sezvazvaiva zvakaita kuna Petro naJesu, mamiriro ako ezvinhu nababa vako angasava asina tariro sokuratidzika kwaangaita. Zvichida vangaita chimwe chinhu kana iwe ukatanga, zvakadai sokuridza runhare, kunyora tsamba, kana kushanya. Henry, ataurwa pakutanga, anoyeuka kuti: “Ndakanyorera baba vangu tsamba kamwe, uye vakanditumira tsamba vachiti vaidada neni. Tsamba iyoyo ndakaiisa mupikicha furemu uye ndakaichengeta kumadziro kwemakore. Ndichiri nayo nanhasi.”
Joan nevarumudzani vake vakatangawo kushanyira baba vavo vakanga vari chidhakwa. “Vakanga vasiri mumamiriro ezvinhu akanyatsonaka,” anobvuma kudaro Joan, “asi zvakanga zvakanaka kuvaona.” Zvichida kutanga kuita chimwe chinhu kungaita kuti zvikunakire. Kana vasina kupindura pakutanga, ungada kurega nguva yakati kuti ichipfuura woedza zvakare.
Kurarama Nokurwadziwa Kwokurambwa
Soromoni anotiyeuchidza kuti pane “nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirasike.” (Muparidzi 3:6) Dzimwe nguva pwere inofanira kutarisana nechokwadi chinorwadza chokuti baba vayo havadi kuva noukama nevana vavo. Kana izvi zvirizvo zviri kuitwa nababa vako, zvichida rimwe zuva vachaona kuti vakatadza sei kuchengeta ukama newe.
Zvisinei, panguva ino vimbiswa kuti kukuramba kwavakaita hakurevi kuti haukoshi. Munyori wepisarema reBhaibheri Dhavhidhi akati: “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasa, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Hungu, mumeso aMwari uchiri kukosha kwazvo.—Ruka 12:6, 7.
Saka kana ukanzwa kuodzwa mwoyo, swedera pedyo naMwari mumunyengetero. (Pisarema 62:8) Muudze chaizvoizvo manzwire aunoita. Iva nechivimbo chokuti achakuteerera okunyaradza. Mumwezve munyori wepisarema reBhaibheri akati: “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu, kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:19.
Kusonganirana kwoushamwari nevaunotenda navo vechiKristu kungakubatsirawo kurarama nokurambwa kwakadaro. Zvirevo 17:17 inoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” Unogona kuwana shamwari dzechokwadi dzakadaro muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Zvingabatsira zvikurukuru kana ukaziva vamwe vevatariri veungano. Peter, hanzvadzi yaJoan anopa zano iri: “Taura nevakura vari muungano, uye vachabatsira chaizvo. Kana wakasiyiwa nababa vako, ita kuti vazive manzwire aunoita.” Vatariri veungano vangapawo pfungwa dzinoshanda pakuita mamwe mabasa aimboitwa nababa vako, akadai sokugadzirisa musha.
Amai vako vangatsigirawo. Chokwadi, ivowo pachavo vangave vari kurwadziwa mupfungwa. Asi ukanyatsoburitsa manzwire ako nokuremekedza, pasina mubvunzo vachaita zvavanogona kukubatsira.
Tsigira Mhuri Yako!
Kusavapo kwababa vako kungakanganisa mhuri yako munzira dzakawanda. Amai vako vangafanira kushanda—zvichida kunyange mabasa maviri—kuti vakupe zvokurarama nazvo. Iwe nevarumudzani vako mungafanira kutarisira mitoro yakawanda yepamba. Asi unogona kubata nokuchinja kwakadaro kana ukakudziridza rudo rwechiKristu rusina udyire. (VaKorose 3:14) Izvi zvingakubatsira kuchengeta mafungire akanaka uye kukunda kutsamwa zvakakwana. (1 VaKorinde 13:4-7) Peter anoti: “Kubatsira mhuri yangu ndizvo zvakarurama kuita, uye ndinogutsikana nokuziva kuti ndiri kubatsira amai vangu nehanzvadzi dzangu.”
Pasina mubvunzo, kubva kwababa pamusha chiitiko chisingafadzi, chinorwadza. Asi unogona kuva nechokwadi chokuti nokubatsira kwaMwari uye kweshamwari dzechiKristu dzine rudo nemhuri, iwe nemhuri yenyu munogona kupfuurira kurarama.c
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
b Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Baba Vakaenda Vachitisiya?” iri mumagazini yaDecember 8, 2000.
c Kana uchida mamwe mashoko omubereki anorarama ari mumwe pamusha, ona nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzinowanika mumagazini echiRungu aDecember 22, 1990, naMarch 22, 1991.
[Mifananidzo iri papeji 19]
Dzimwe pwere ndidzo dzakatanga kukurukurirana nababa vadzo