RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 12/8 pp. 6-9
  • Vana Vane Kodzero Yokufarirwa Nokudiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vana Vane Kodzero Yokufarirwa Nokudiwa
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusabatwa Zvakanaka Kwevana Kunosiyana-siyana
  • Vaya Vanoda Kunyatsotarisirwa
  • Musha weVana weSOS
  • Nzira Yokuzvipedza Nayo Ichiri Kutsvakwa
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Chinozvipedza Pakupedzisira!
    Mukai!—2000
  • Bhaibheri Ringakubatsira Here Kudzidzisa Vana Vako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 12/8 pp. 6-9

Vana Vane Kodzero Yokufarirwa Nokudiwa

“IDA mwana zvishomanana, uye uchadzorerwa zvakawanda.” Akanyora kudaro munyori wechiRungu nomuongorori womuzana remakore rechi19 John Ruskin. Zvichida vabereki vakawanda vachabvuma kuti zvinobatsira kuda vana vako, kwete nokuda kworudo rwaunozowanawo chete asi, zvinotokosha zvikuru, zvakanaka zvinozoitwa norudo urwu pavari.

Somuenzaniso, bhuku rinonzi Love and Its Place in Nature rakati pasina rudo “vana vanoita sevachafa.” Uye Ashley Montagu akakurumbira, anodzidza nezvemadzinza evanhu akaberekerwa kuBritain , akasvika pakuti: “Mwana asina kudiwa akasiyana zvikuru neakadiwa mumamiriro akaita makemikari omumuviri make, masimbiro nemashandiro omuviri wake, uye mashandiro epfungwa dzake. Mwana akadiwa anotokura zvakasiyana neasina.”

Toronto Star yakashuma nezvokuongorora kwakabudisa mhedziso dzakadarowo. Yakati: “Vana vakakura vasingambundirwi, kupuruzirwa kana kuti kukwizwa zvinyoro-nyoro nguva dzose . . . vane mahomoni anokonzera kupera mwoyo akawanda zvakapfuuridza mwero.” Chaizvoizvo, kuraswa muucheche “kunogona kukuvadza kwenguva yakareba mano okudzidza nokuyeuka.”

Zvakawanikwa izvi zvinosimbisa kuti vabereki vanofanira kuvapo pachavo. Zvikasadaro, pangava sei noukama hwakasimba pakati pomubereki nemwana? Asi zvinosuruvarisa kuti, kunyange munzvimbo dzakapfuma dzepasi, tsika zvino yava yokuedza kupa mwana zvaanoda pasina kuvapo kwevabereki vake. Vana vanoendeswa kuchikoro, vanoendeswa kuSandesikuru, vanoendeswa kubasa, vanoendeswa kunozorora nguva dzezhizha, vanopiwa mari vanoendeswa kunzvimbo dzevaraidzo. Vabviswa pakati pemwoyo wemhuri, vave kungotenderera nechokunze vari kure, sokunge zvakadaro, ndezvomuzvarirwo kuti mamiriyoni evana anosvika pakunzwa—kana muri mupfungwa chete—vangosiyiwa, vasingadiwi, vasingafarirwi, vakakombwa nenyika ine utsinye yevanhu vakuru. Kunzwa kwakadaro kwakatekeshera pakati pevana kungava chimwe chezvikonzero nei kuine vanachenzira vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 3 000 muBerlin. Mumwe akadaro ndiMicha, uyo akati: “Hapana aive achandida.” Mumwe mukomana ane makore mapfumbamwe wokuGermany akachema-chema achitiwo: “Ndingasva hangu ndaita imbwa yedu.”

Kusabatwa Zvakanaka Kwevana Kunosiyana-siyana

Kungosiya vana vakadaro ndeimwe nzira yokusavabata zvakanaka inoratidza kushayikwa kworwunonzi neBhaibheri “rudo . . . rwokuzvarwa narwo.” (VaRoma 1:31; 2 Timoti 3:3) Uye kungakonzera dzimwe nzira dzakatonyanya kushata dzokusabatwa zvakanaka. Somuenzaniso, kubvira paGore Revana Renyika Dzose muna 1979, kwanga kuchinyanya kutariswa zvinetso zvokubatwa zvakashata kwomuviri nokushinhwa navo. Chokwadi, zvakaoma kuwana nhamba dzakarurama, uye dzinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Asi hapana mubvunzo kuti mavanga ayo vana vanoshinhwa navo vanokura nawo akaoma kubvisa.

Pasinei nokuti kubata zvakashata ndekworudzi rwupi, kunoudza vana mashoko okuti havadiwi uye havafarirwi. Uye chinetso ichi chinenge chiri kuwedzera. Maererano nepepanhau rokuGermany rinonzi Die Welt, “vana vakawanda zvikuru vari kukura kuva vasingabatsiri munzanga.” Rinowedzera kuti: “Vana vanoshayiwa ushamwari hunowanikwa mumusha. Maererano na[Gerd Romeike, mukuru werimwe sangano rinopa vana mazano muHamburg], kuwirirana mupfungwa pakati pevabereki nevana kuri kuderera, kana kuti hakuna kutombobvira kwatanga. Vana vakadaro vanonzwa varaswa, uye chishuvo chavo chokuchengetedzwa hachizadziki.”

Vana vanonyimwa kodzero yavo yokufarirwa nokudiwa vangava nehasha, vachipedzera shungu pane avo vakavasiya kana kuti panzanga yose zvayo. Anodarika makore gumi akapfuura, mushumo wechimwe chikwata chakaumbirwa kuita izvozvo chokuCanada waikurudzira chiito chechimbi-chimbi zvikasadaro chizvarwa chose che“avo vanofunga kuti nzanga haina hanya navo” chaizoparadzwa.

Vechiduku vasingadiwi vangava nomuedzo wokuda kutiza pamba kuti vasiye zvinetso zvavo, vachizongosvikowana zvakatokura mumaguta atambudzwa nokuparwa kwemhosva, zvinodhaka, uye unzenza. Kutaura zvazviri, anodarika makore 20 akapfuura, mapurisa akafungidzira kuti vana 20 000 vakatiza pamba vari pasi pezera remakore 16 vaigara muguta guru rimwe roga romuUnited States. Vakatsanangurwa se“migumisiro yemhuri dzakaputsika uye utsinye, hunowanzoitwa nevabereki zvidhakwa kana kuti vakapindwa muropa nezvinodhaka. Vanogara mumigwagwa, voshandisa miviri yavo kuti vararame uye ipapo, varohwa nevanovatsvagira zvikomba vanorasikirwa nokuzviremekedza, vanorarama vachitya kuwanikidzwa kana vakaedza kutiza basa racho.” Zvinosuruvarisa kuti, pasinei nokuedza kwokutendeseka kuchinja aya mamiriro ezvinhu akashata, achiripo.

Vana vanokurira mumamiriro ezvinhu atsanangurwa pamusoro apa vanokura kuva vakuru vasina kudzikama, kazhinji kacho vasingakwanisi kurera vana vavo pachavo zvakanaka. Sezvo ivo pachavo vasingafarirwi nokudiwa, vanoberekawo vamwe vakaita saivo pachavo—vana vanonzwa vasingafarirwi nokudiwa. Mumwe wezvematongerwe enyika wokuGermany akazvitaura nomazvo neiyi nzira: “Vana vasina rudo vanokura kuva vakuru vanovenga zvikuru.”

Zvechokwadi, mamiriyoni evabereki ari kuita nepaanogona napo kuti ave nechokwadi chokuti vana vawo vanoziva kuti vanofarirwa uye vanodiwa. Havangovaudzi chete asi vanoratidza nokuva nehanya navo nokutarisira mwana mumwe nomumwe zvakakodzerana naye. Kunyange zvakadaro, zvinetso zvichiripo—zvinetso zvinonyatsooneka kuti hazvikwanisiki kupedzwa navabereki vamwe nevamwe. Somuenzaniso, mune dzimwe nzvimbo dzenyika, gadziriro dzevanhu vasina kukwana dzezvoupfumi nematongerwe enyika dzinokundikana kutarisira vana zvakakwana mune zvoutano, dzidzo yakakodzera, uye zvokudya zvakakwana, pamwe chete nokuvadzivirira padambudziko rokushandiswa kwevana uye mararamiro anosiririsa. Uye kazhinji kacho mamiriro aya ezvinhu anowedzerwa nevakura vane makaro, uori, umbimbindoga, uye vasingafungi nezvevamwe.

Kofi Annan, munyori mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, akataura zvinetso zvikuru izvo vana vanotarisana nazvo nhasi paakanyora kuti: “Mamiriyoni evana achiri kungoshivirira kunyadziswa kwakashata kunokonzerwa nourombo; mazana ezviuru anotambudzwa nemigumisiro yemakakatanwa uye kusagadzikana kwezvoupfumi; makumi ezviuru anoremadzwa muhondo; vamwe vakawanda zvikuru vanoitwa nherera kana kuurayiwa neHIV/AIDS.”

Asi haasi mashoko ose akashata! Masangano anomirira UN, akadai seUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) neSangano Routano Pasi Pose (World Health Organization), ashanda zvakaoma kuti avandudze magariro evana. Annan akati: “Vana vakawanda vari kuzvarwa vari vatano uye vakawanda vari kudzivirirwa hosha; vakawanda vanogona kuverenga nokunyora: vakawanda vakasununguka kudzidza, kutamba, uye kungoraramawo savana kudarika zvaifungwa kunzi zvingabvira kunyange makore anenge gumi apfuura.” Kunyange zvakadaro, akanyevera kuti: “Ino haisi nguva yokugutsikana nezvakaitwa kare.”

Vaya Vanoda Kunyatsotarisirwa

Vamwe vana vanoda kunyatsotarisirwa. Mumavambo ema1960, nyika yakashamiswa kunzwa mishumo yaibva kunyika dzinopfuura gumi nembiri pamusoro pokuzvarwa kwezviuru zvevanowanzonzi vana vethalidomide. Paraishandiswa nevakadzi vane pamuviri, piritsi racho rokunyaradza marwadzo nokurarisa rinonzi thalidomide raive nezvimwe zvaraikonzera zvisingatarisirwi zvaikonzera kuti vazvare vana vane nhengo dzakagonyana kana kuti dzisipo. Maoko nemakumbo aiwanzoita maduku-duku.

Makore makumi mana gare gare chava kunyanya kukonzera kuremara kwevana chimbambaira.a Vamwe vanofungidzira kuti zvimbambaira zvinokwanisa kuputika zvinobva pamamiriyoni 60 kusvika kumamiriyoni 110 zvakapararira pasi rose. Vanhu vanenge 26 000 vanourayiwa kana kuremadzwa gore negore—kusanganisira vana vakawanda. Kubvira muna 1997, apo Jody Williams akahwina Mubayiro Worunyararo weNobel nokuda kwokukurudzira kwake kurambidzwa kwezvimbambaira, dambudziko iri rave riri kutarisiswa. Asi nzvimbo dzine zvimbambaira dzichiriko. Mumwe wezvematongerwe enyika wokuGermany akati pamusoro pokuedza kubvisa zvimbambaira munyika yose: “Zvakafanana nokuedza kubvisa mvura mubhavhu nechipunu chetii iyo pombi yakavhurwa.”

Rimwe boka revana rinoda kutarisiswa nderevaya vakarasikirwa nevabereki vavo. Jehovha Mwari, Musiki womunhu, akaita chinangwa chokuti vana vakure vachitarisirwa navose amai nababa. Mwana anoda uye ane kodzero yokutarisirwa kwakadaro nevabereki vose.

Misha inochengeta nherera nemasangano anorera vana anoedza kutarisira zvinodiwa nevana vakarasikirwa nevabereki vose. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vamwe vevana vanoshayiwa zvikuru vari kudisisa kurerwa ndivo vacho vari kuwanzosiyiwa—vanorwara, vane zvinetso zvokudzidza, kana kuti vakaremara kana vane vabereki vokune imwe nyika.

Masangano akavambwa anokurudzira vanhu kubvisa mipiro yemari yenguva dzose nokudaro “vorera” mumwe mwana ari kugara munyika ine urombo kupfuura yavari. Mari inenge yabviswa inoshandiswa kudzidzisa mwana wacho uye kumuwanisa zvinodiwa muupenyu. Kana zvichidiwa, mifananidzo nematsamba zvingatopananwa kusimbisa ukama hwacho. Kunyange zvazvo ichibatsira, gadziriro iyi haisviki pakuva nzira chaiyo yokupedza chinetso.

Mumwe muenzaniso unofadza wezvave zvichiitwa kubatsira vana vakarasikirwa nevabereki ndechimwe chirongwa icho muna 1999 chakasvitsa makore makumi mashanu chichishanda.

Musha weVana weSOS

Muna 1949, Hermann Gmeiner akatanga waakati Musha weVana weSOS muImst, kuAustria. Kubva pamavambo maduku aya, sangano rake rakura zvokusanganisira misha yokurera vana nemimwewo inoita basa rakadaro inenge 1 500 iri munyika 131 dzomuAfrica, America, Asia, neEurope.

Gmeiner akavakira chirongwa chake panheyo ina dzinotungamirira—amai, ukama hwokuberekwa pamwe, musha, uye nzanga. “Amai” vanoumba hwaro hwe“mhuri” yevana vashanu kana vatanhatu—kana zvichibvira vanodarika ipapo. Vanogara navo uye vanoedza kuvaratidza rudo nokutarisira kunotarisirwa kubva kuna amai chaivo. Vana vanoramba vari pamwe chete mu“mhuri” imwe chete iyoyo kusvika nguva yavo yasvika yokuti vabve pa“musha.” Vana vemazera akasiyana-siyana vanoumba “mhuri” yacho. Vaine zvose “vakoma navanun’una” ne“hanzvadzi,” vana vanodzidza kutarisirana, zvichivabatsira kuti vasafunga nezvavo pachavo chete. Kuedza kubatanidza vana kuti vave “mhuri” kunoitwa vachiri vaduku sezvinobvira. Vakoma nevanun’una nehanzvadzi dzokunyama vanowanzochengetwa pamwe chete mu“mhuri” imwe.

Misha inoumbwa ne“mhuri” dzinenge 15, imwe neimwe ichigara mumba mayo yoga. Vana vose vanorovedzwa kubatsira “amai” vavo pakuita mabasa anodiwa kuitwa pamba. Kunyange zvapo pangasava nababa, gadziriro inoitwa yetsigiro yomunhurume anopa mazano ababa uye kupa chirango chakakodzera. Vana vacho vanopinda zvikoro zvomunzvimbo iyoyo. “Mhuri” imwe neimwe inowana mari yakarongwa pamwedzi yokushandisa. Zvokudya nezvokupfeka zvinotengwa munzvimbo iyoyo. Chinangwa ndechokuti vana vazive zvakaita upenyu hwemhuri nezvinetso nezvinofadza zvahwo zvose, kuti vakwanise kurarama upenyu chaihwo sezvingabvira. Izvi zvinovagadzirira kutanga mhuri dzavo pachavo kana vakura.

Nzira Yokuzvipedza Nayo Ichiri Kutsvakwa

Masangano anorera vana, misha inorera nherera, Misha yeVana yeSOS, UNICEF, nemamwe masangano namapoka akadaro anoita basa rakanaka paanoedza kutsigira vana vari kutambura. Asi hapana nerimwe rawo rinogona kubvisa chokwadi chokuti kune vanhu vari kutambura. Kunyange vangave vachida zvakadini, havakwanisi kupa mwana akaremara mitezo yakasimba, kuvandudza mafungire emwana anorwara nepfungwa, kubatanidzazve mwana nevabereki vakaparadzana kana kuti vakarambana, kana kumudzorera kuti ambundirwe nomubereki akashaya.

Vanhu havagoni kupa nzira chaiyo yokupedza nayo zvinetso zvevana kunyange kana vangaedza sei. Asi zvichapedzwa! Hungu, uye zvichida nokukurumidza kupfuura zvaungatarisira. Asi sei?

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya dzinotevedzana dzine musoro unoti “Zvimbambaira—Chii Chinogona Kuitwa?” dziri mumagazini yedu yaMay 8, 2000.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Mwana anoda uye ane kodzero yorudo rwevabereki vose vari vaviri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe