Chinozvipedza Pakupedzisira!
FUNGIDZIRA nyika umo mwana wose anofarirwa zvechokwadi, achidiwa zvechokwadi, uye akakomborerwa nevabereki vane hanya, vane rudo vane chido chechokwadi chokupa nhungamiro yakanakisisa ingabvira kuvana vavo. Fungidzira nyika umo mwana wose akasimba mumuviri nomupfungwa, musina paunoona vanachenzira, musina vanotorerwa uhwana hwavo nokushayiwa mari kunovaita kuti vashande!
Zvinodiwa here? Zvechokwadi. Zvinodavirika here? Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kudaro, uye nokuda kwezvikonzero zviviri.
Vabereki Vanogona Kuita Chimwe Chinhu Kuzvipedza
Pasina mubvunzo uchabvumirana nokuti vanhu vakuru vane simba rokugadzirisa—dzimwe nguva kutodzivisa—zvimwe zvezvinetso zvevana. Chokwadi, izvi zvinoenderana nokuti ivo, vakuru vacho, vari kuda kudaro. Hungu, vabereki pachavo vane chimwe chezvinopedza chinetso chacho.
Somuenzaniso, vanhu vakuru vanokwanisa kutevera zano reBhaibheri rokuti “mukadzi haafaniri kubva kumurume wake . . . uye murume haafaniri kusiya mukadzi wake” havana vana vanotambura nokuda kwokugara mumusha wakaparadzwa nokuparadzana kana kuti nokurambana.—1 VaKorinde 7:10, 11.
Vanhu vakuru vanoda kutevera zano reBhaibheri roku“famb[a] nenzira yakafanira . . . , kwete mumitambo yokuzvifadza nenguva dzokunwira kudhakwa,” havana vana vanotambura marwadzo anokonzerwa nokuva nevabereki zvidhakwa kana vakapindwa muropa nezvinodhaka.—VaRoma 13:13; VaEfeso 5:18.
Vanhu vakuru vanoda kutevera zano reBhaibheri roku‘rega ufeve’ vanobatsira kuderedza ngozi yokuti vana vavo vakure vasingafarirwi, zvichida mumhuri yomubereki mumwe.—1 VaTesaronika 4:3; Mateu 19:9.
Vanhu vakuru vanoda kutevera zano reBhaibheri rokuti, “musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo,” uye ‘vanoda vana vavo’ havazovi nevana vacharwadziwa nokusabatwa zvakanaka mune api neapi amarudzi akwo.— VaKorose 3:21; Tito 2:4.
Mukupfupikisa, dai vanhu vakuru vose vaida kutevera zano reBhaibheri rakapiwa naJesu rokuti, “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo,” kwaizodai kuine mamiriyoni evana vasingafarirwi uye vasingadiwi here?—Mateu 7:12.
Zvinofadza kuti kune vanhu vakuru vakawanda vanoda kuita zviri pamusoro apa. Asi, zvinosuruvarisa kuti havasi vose vari kudaro, uye ipapo ndipo pane chinetso. Uye kunyange vanoda vacho vanowana kuti nguva zhinji zvavanoedza zvinovhiringidzwa nokusakwana kwevanhu nezvimwe zvinhu zvavasina simba rokudzora. Vanhu vangaita chimwe chinhu kupedza zvinetso zvevana; asi zviri pachena kuti havakwanisi kupa nzira yokupedza nayo yakakwana.
Hurumende yaMwari Ichapa Nzira Yokuzvipedza Nayo Yakakwana
Munyori John Ruskin, ataurwa munyaya yatangira ino, aidavira zvakasimba kuti “mutoro wokutanga weHurumende ndewokuona kuti mwana wose azvarirwa munyika mayo achava nepokugara, zvokupfeka, zvokudya, uye dzidzo zvakanaka kusvikira ava pazera rokuzvimiririra.” Zvisinei, Ruskin akabvuma kuti “kuitira kuti izvi [zvishande] Hurumende yacho inofanira kuva nechiremera pavanhu vatisingatomboroti nezvavo.”
Hurumende inotsigirwa naMwari chete ndiyo ingakwanisa kuva nechiremera chakanaka chakataurwa nezvacho naRuskin. Uye hurumende yakangoita saizvozvo yakapikirwa—iyo Jesu akataura nezvayo pana Mateu 6:9, 10. Hurumende inoitwa naMwari iyi ikangotanga kudzora zvinhu zvepasi zvakakwana chete, ichashandisa chiremera chayo pavanhu vose—kupa pokugara, kupa zvokupfeka, kupa zvokudya, uye kudzidzisa vose vainotonga, kusanganisira vana. (Isaya 65:17-25) Asi hurumende iyoyi yakakwana ichaita zvakatowanda.
Umambo hwaMwari huchadzorera vanhu kukuva vakakwana, zvichivagonesa kurera vana zvakanyatsodzikama. (Jobho 33:24-26) Vana vacharerwa murugare uye muukama hwenyika yose, pfungwa iri muZiviso yeKodzero dzeVana yeUN. (Pisarema 46:8, 9) Hakuzofizve kwakadiwa Gore Revana Renyika Dzose kana kuti Chibvumirano Chekodzero Dzevana.
Kudzorera utano hwakakwana kuvabereki nevana vakaremara rinenge risiri basa rakaoma kuna Jesu Kristu, Mambo wehurumende yokudenga iyi. Zvishamiso zvaakaita paakanga ari pasi pano zvinoita kuti pave nechokwadi. (Ruka 6:17-19; Johani 5:3-9; 9:1-7) Kunyange kumutsa vana nevabereki vakafa zvinenge zvisina kukura kupfuura simba rake rokuzviita!—Mateu 9:18-25.
Zvinofadza zvakadini kuziva kuti nguva yokuti Mwari aitire vana vepasi chimwe chinhu yava pedyo!
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 12]
Zvinobatsira Vechiduku
Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsofarira kubatsira vechiduku kudzivisa zvinetso uye kuvaratidza nzira yakanakisisa yokubata nayo nezvinetso zvisingadzivisiki. Saka mumakore ose aya zvave zvichibudisa zvinobatsira zvinoverengeka zvakagadzirirwa kubata nezvinodiwa nevechiduku—kubva kune vanoenda kukireshi kusvika kune vari kuyaruka. Mabhuku aya anosanganisira rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri nerinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda pamwe chetewo nevhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Izvi zvingawanikwa kubva kuZvapupu zvaJehovha zvinogara kwaunogara kana kuti nokunyorera vabudisi vemagazini ino.
Kana vari vana vazvo, Zvapupu zvaJehovha zvinovaratidza kuti vanofarirwa uye vanodiwa nokukurukura navo zvinetso zvavo nguva dzose. Vabereki vanowanzoshandisa mashoko akaisvonaka anowanikwa mune zvokubatsira kudzidza zvataurwa pamusoro apa sehwaro hwokurovedza vechiduku kunofambira mberi, uye kwenguva dzose. Zvichida ungada kutevedzera maitiro mamwe chetewo nevana vako.