RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 1/8 pp. 22-27
  • Purogiramu Yedzidzo Yakakura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yedzidzo Yakakura
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Romunyika Yose Rokubudisa Mabhuku
  • Chaanobudisirwa Mumitauro Yavo Pachavo
  • Chinoita Kuti Rive Basa Rinoongwa
  • Kuzadzikisa Zvinodiwa Zvinokosha Zvedzidzo
  • Mashoko Akanaka Mumitauro 500
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Zvitsuwa Zvizhinji Ngazvifare”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Jehovha Ari Kutungamirira Basa Redu Rokudzidzisa Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 1/8 pp. 22-27

Purogiramu Yedzidzo Yakakura

“Vakadzidza ndivo chete vakasununguka.”—Epictetus, c. 100 C.E.

AITSOROPODZA uranda womuzana remakore rechi19 William H. Seward aidavira kuti “tariro yose yokufambira mberi kwevanhu inotsamira papesvedzero inoramba ichiwedzera yeBhaibheri.”

Zvapupu zvaJehovhawo zvinoremekedza Bhaibheri zvikuru. Zvinotendiswa kuti avo vanoshandisa nheyo dzaro vanova varume vari nani, vadzimai vari nani, vana vari nani—hungu, vanhu vakanakisisa munyika. Saka zvinoteerera murayiro waJesu Kristu wokuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa.”—Mateu 28:19, 20.

Mukutsvaka vavariro iyi yokudzidzisa vanhu Bhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga ringava basa guru redzidzo rakapararira kwazvo munhau yevanhu. Rakakura zvakadini?

Basa Romunyika Yose Rokubudisa Mabhuku

Muushumiri hwazvo hwapachena, Zvapupu zvinoshandisa shanduro dzeBhaibheri dzinowanikwa mumazana emitauro. Asi zvakabudisawo New World Translation of the Holy Scriptures mumitauro 21 uye Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki (inonzi navamwe Testamendi Itsva) mumimwe mitauro 16. Uyezve, zviri kushandura Bhaibheri iri mumimwe mitauro 11. Zvapupu zvinobudisawo mabhuku anowedzera kuyemurwa kweBhaibheri uye anoita kuti rinzwisiswe zviri nani.

Somuenzaniso, magazini ino, Mukai!, inobudiswa mumitauro 82, uye avhareji yeanopfuura makopi 20 380 000 emagazini imwe neimwe anodhindwa. Imwe magazini yayo, inonzi Nharireyomurindi, ine avhareji yokudhindwa yemakopi 22 398 000 pamagazini imwe neimwe mumitauro 137. Izvi zvinoguma nokudhindwa kweanopfuura zvikuru makopi bhiriyoni emagazini aya gore rimwe nerimwe! Uyezve, Nharireyomurindi inodhindwa panguva imwe chete mumitauro 124 yacho, uye Mukai! mumitauro 58. Saka, pasi pose mashoko ari mumagazini aya ari kuverengwa nevanhu vemapoka emitauro akawanda panguva imwe chete mumutauro wavo pachavo.

Uyezve, mumakumi emakore achangopfuura Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mazana amamiriyoni emakopi emabhuku okudzidza Bhaibheri. Bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rakadhindwa makopi anopfuura mamiriyoni 107. Gare gare, rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano rakapfuura makopi mamiriyoni 81, uye munguva pfupi ichangopfuura, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rakapfuura makopi mamiriyoni 75 mumitauro 146. Uyewo, anopfuura makopi mamiriyoni 113 ebhurocha rine mapeji 32 rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? ave achidhindwa mumitauro 240.

Mamwe mabhuku ave achibudiswa kuzadzikisa zvimwe zvinodiwa zvakati. Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, rakagadzirirwa vana, radhindwa anopfuura mamiriyoni 51. Mabhuku maviri akagadzirwa pachifungwa zvikurukuru nezvevari kuyaruka, anonzi Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, ose pamwe chete akadhindwa anopfuura mamiriyoni 53. Uye rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rabatsira mamiriyoni emhuri kukurira zvinetso zvadzo, rave richidhindwa mumitauro 115.

Mamwe mabhuku mana akabudiswa kubvira muna 1985 anovaka kutenda zvikurukuru muMusiki, Mwanakomana wake, uye Bhaibheri ose pamwe chete akadhindwa anopfuura makopi mamiriyoni 117. Anonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, Munhu Mukurusa Ati Amborarama, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, uye Is There a Creator Who Cares About You?

Nhasi mabhuku eBhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha anowanikwa mumitauro 353, uye mamwe emabhuku aya achabudiswa munguva pfupi iri kutevera mumitauro 38 yokuwedzera. Zvechokwadi, mabhuku, tubhuku, mabhurocha, uye magazini zvinopfuura zvikuru mabhiriyoni 20 zvave zvichidhindwa neZvapupu zvaJehovha kubvira muna 1970! Uyezve, vadzidzisi vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu vakabatikana kuparadzira zivo yeBhaibheri munyika dzinopfuura 230. Asi zvose izvi zvakakwanisika sei, uye upenyu hwevanhu huri kuchinjwa zvakadini?

Chaanobudisirwa Mumitauro Yavo Pachavo

Sezvaunogona kunyatsofungidzira, zvinoda kushanda kukuru kwakarongeka kubudisa mabhuku akanaka panguva imwe chete mumitauro inopfuura zana. Mapoka okushandura, ayo akapa nguva yawo nounyanzvi, anoshandisa gadziriro dzekombiyuta kuita kuti pazova nezvinhu zvakanaka kwazvo, zvakarurama kwazvo, uye nokukurumidza kwazvo. Nokudaro, kunyange mumitauro ine vashanduri vashoma, mabhuku anoitwa kuti awanikwe nokukurumidza. Iye zvino, varume nevakadzi vanopfuura 1 950 vanobatanidzwa mubasa iri romunyika yose rokushandura, risiri rokuwana mari. Asi nei vachitamburira zvakadaro? Zvakakodzera chaizvoizvo here, sezvo vakawanda kwazvo vanotaura mitauro isinganyanyi kuzivikanwa vachizivawo mumwe mukuru?

Zvapupu zvaJehovha zvakawana kuti kutamburira kwacho kwakakodzera zvechokwadi nechikonzero chakaziviswa naWilliam Tyndale, mushanduri weBhaibheri akakurumbira zvikuru womuzana remakore rechi16. Akanyora kuti: “Ndakaona kubva muruzivo kuti hazvibviri sei kudzidzisa vanhuwo zvavo chokwadi chipi nechipi, kunze kwokuti Magwaro akaitwa kuti awanikwe kwavari mururimi rwavo rwaamai, kuitira kuti vaone marongerwo, kuenderana, uye zvinoreva ndima dzacho.”

Chokwadi, hazvina kugara zvichikwanisika kuti vanhu vave nemabhuku eBhaibheri mumutauro wavo waamai. Asi kana achigona kuwanikwa, chokwadi cheBhaibheri chinobaya mwoyo yavo nokukurumidza uye zvakadzama zvikuru. Izvi zvakacherechedzwa munyika dzeyaichimbova Soviet Union uko vanhu vemadzinza akasiyana-siyana vanotaura mitauro yakawanda kwazvo yemo. Muchikamu chokutanga chezana remakore rapfuura, vakawanda vevanhu ava vakabatanidzwa muSoviet Union uye vakadzidziswa—uye vaifanira kushandisa—mutauro wechiRussia. Nokudaro, vaiverenga nokunyora chiRussia uye, vaitaurawo mutauro wavo waamai.

Zvikurukuru kubvira pakawa Soviet Union muna 1991, vakawanda vevanhu ava vanoda kushandisa mutauro wavo waamai. Izvi ndezvechokwadi kune avo mutauro wavo waamai unosanganisira chiAdyghe, chiAltai, chiBelorussia, chiGeorgia, chiKirghiz, chiKomi, chiOssetia, chiTuvinia, kana kuti mumwe wemamwe mapoka. Kunyange zvazvo vakawanda vachikwanisa kukurukurirana muchiRussia, mabhuku eBhaibheri muchiRussia haabayi mwoyo yavo nokukurumidza. Ukuwo, mabhuku mumutauro wavo anokwezva zvinoshamisa. “Zvakanaka kuti muri kutanga kubudisa mabhuku mumutauro wedu,” akadaro mumwe akagamuchira turakiti reBhaibheri muchiAltai.

Mumwe muenzaniso weizvi iGreenland, chitsuwa chomuArctic chine vanhu vanenge 60 000 chete. Nharireyomurindi neMukai! zvinodhindwa muchiGreenland, uye magazini aya anozivikanwa zvikuru—sezvakangoitawo mamwe mabhuku anodhindwa neZvapupu zvaJehovha muchiGreenland. Chaizvoizvo, mabhuku akadaro anogona kuwanikwa mumisha yakawanda munzvimbo dziri kure zvikuru dzechitsuwa chacho.

MuSouth Pacific, vanhu 7 000 vanotaura chiNauru, 4 500 chiTokelau, uye 12 000 chiRotuma. Zvapupu zvava kubudisa maturakiti eBhaibheri nemabhurocha mumitauro iyoyo uye Nharireyomurindi inobuda kamwe pamwedzi muchiNiue, chinotaurwa nevanenge 8 000, uye chiTuvalu, chinotaurwa nevanenge 11 000. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha ndizvo vamwe vevanobudisa zvakanyanya zvinhu zvakadhindwa mumitauro inozivikanwa zvishoma, zvichibudisa mabhuku eBhaibheri mumitauro yakadai sechiBislama, chiHiri Motu, chiPapiamento, chiMauritian Creole, chiNew Guinea Pidgin, chiSeychelles-Creole, chiSolomon Islands Pidgin, nemimwe yakawanda zvikuru.

Kazhinji kacho kana nhamba yevanhu inotaura mutauro ikava duku, inonyanyawo kuva yoga uye kuva nzanga ine urombo. Asi, mwero wokugona kuverenga nokunyora munzvimbo dzakadaro ungava mukuru. Uye Bhaibheri mumutauro womunzvimbo iyoyo rinowanzova rimwe remabhuku mashomanana anowanikwa kuvagari vomunzvimbo yacho. Chaizvoizvo, hakuna kana pepanhau zvaro mumimwe yemitauro iyi, sezvo kuribudisa kusingabhadhari.

Chinoita Kuti Rive Basa Rinoongwa

Nokuti Zvapupu zvaJehovha zvinopa mabhuku anovandudza upenyu hwevanhu, vakawanda vakarumbidza basa razvo rokushandura. Linda Crowl, mushandi wepaInstitute for Pacific Studies, achishandira paYunivhesiti yeSouth Pacific muSuva, kuFiji, akati basa rokushandura reZvapupu ndicho “chinhu chinofadza zvikuru chiri kuitika muPacific.” Anorumbidza mabhuku azvo nemhaka yokuisvonaka kwawo.

Apo Mukai! inobuda kamwe pamwedzi mitatu yakatangwa mumutauro wechiSamoa, mapepanhau omunharaunda iyoyo uye nhau dzepaTV yehurumende zvaiva nenyaya yacho. Mukutepfenyura kwacho butiro reMukai! rakaratidzwa, uye magazini yacho yakavhurwa panyaya imwe neimwe. Nyaya dzacho dzakazoratidzwa imwe panguva.

Zvinokosha kuti mudzimwe nyika vashanduri vemabhuku eZvapupu vanowanzobvunzwa nemasangano omutauro omunharaunda nezvemaumbirwo omutauro, mitemo yokubatanidza nokupatsanura mashoko, uye kuumbwa kwemashoko matsva, nezvimwewo. Zvakajeka kuti basa redzidzo yepachena rinoitwa neZvapupu zvaJehovha rachinja upenyu hwevanhu vakawanda kuwedzera pane vakava nhengo dzinoshingaira dzeungano dzazvo.

Asi, sezvataona munyaya yatangira ino, vanhu vakuru vanoda kusvika bhiriyoni—chinenge chikamu chimwe muzvitanhatu chavagari vose vapasi—havagoni kuverenga nokunyora. Chii chave chichiitwa kubatsira vakadaro kuti vabatsirike nemashoko anokosha anowanikwa nokuverenga nokudzidza?

Kuzadzikisa Zvinodiwa Zvinokosha Zvedzidzo

Munyika dzakawanda Zvapupu zvakaronga purogiramu dzokudzidza dzepachena, zvichidzidzisa vanhu kuverenga nokunyora. Zvakatogadzirawo mabhuku azvo pachazvo emirayiridzo, akadai serinonzi Apply Yourself to Reading and Writing, rakabudiswa mumitauro 28. Zviuru zvakawanda zvevanhu, kusanganisira vakadzi nevakwegura, zvave zvichibatsirwa kuti zvigone kuverenga nokunyora zvichishandisa makirasi aya.

MuBurundi, Zvapupu zvaJehovha zvakaitisa makirasi okudzidza akabatsira mazana evanhu kuverenga nokunyora. Yaongorora migumisiro yakanaka yepurogiramu iyi, National Office of Adult Literacy yenyika iyoyo yakapa mubayiro varayiridzi vana vari Zvapupu paInternational Literacy Day, musi waSeptember 8, 1999.

Mushumo unotevera wakagamuchirwa nezvemakirasi okuverenga nokunyora muungano 700 dzeZvapupu zvaJehovha muMozambique: “Mumakore mana apfuura, vadzidzi 5 089 vakapedza kudzidza, uye panguva ino tine 4 000 vakanyoresa.” Mumwe mudzidzi akanyora kuti: “Ndinoda kuonga nomwoyo wose chikoro chacho . . . Ndaiva munhu asingazivi chinhu. Ndinoonga chikoro ichi, ndinogona kuverenga, uye kunyange zvazvo ndichiri kuda kurovedza, ndinogona kunyora.”

Kubvira muna 1946, apo zvakanyorwa zvakatanga kuchengetwa muMexico, vanhu vanopfuura 143 000 ikoko vakadzidziswa kuverenga nokunyora muzvikoro chaizvo zvakatangwa kudzidzisa unyanzvi uhwu. Mumwe mukadzi ane makore 63 akanyora kuti: “Ndinoonga zvikuru Zvapupu zvaJehovha, zvakandidzidzisa kuverenga nokunyora. Upenyu hwangu hwaisuruvarisa. Zvisinei, iye zvino ndinogona kuenda kuBhaibheri nokuda kwezano, uye ndakawana mufaro mumashoko aro.”

Munyika yokuSouth America inonzi Brazil, Zvapupu zvakadzidzisawo zviuru kuverenga nokunyora. “Kudzidza kuverenga kwakanga kwakaita sokusunungurwa pangetani pashure pemakore akawanda,” akadaro mumwe ane makore 64. “Zvino ndinogona kuwana marudzi ose emashoko. Zvinotokosha zvikuru, kuverenga nokudzidza Bhaibheri zvakandisunungura padzidziso dzenhema.”

Kazhinji kacho vadzidzisi veBhaibheri vari Zvapupu zvaJehovha vanobatsira vadzidzi vavo kudzidza kuverenga nokunyora somunhu oga oga. MuPhilippines, Martina akanga ava mumakore ake okuma80 apo chimwe Chapupu chakamushanyira. Martina aida chidzidzo cheBhaibheri chenguva dzose, asi akanga asingagoni kuverenga. Achibatsirwa nomudzidzisi wake weBhaibheri, Martina akafambira mberi, uye nokumwe kurovedzwa muungano yemo, akakwanisa kushandisa Bhaibheri kudzidzisa vamwe. Nhasi mudzidzisi weBhaibheri wenguva yakazara anogona kuverenga nokunyora.

Zvakajeka kuti mukana wokugona kuverenga nokunyora uripo kuvanhu vose. Asi tingabvunza kuti, Zivo inobva muBhaibheri pamusoro paMwari nezvinangwa zvake inobatsira vanhu chaizvoizvo here? Nyaya yokupedzisira yenyaya dzino dzinotevedzana ichapindura mubvunzo iwoyo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

“Handigoni Kuzvitsanangura Nemashoko . . . ”

Zviremera zvehurumende, nhengo dzemasangano edzidzo, uye vanhuwo zvavo vose vakaona kuedza kweZvapupu zvaJehovha kusimudzira kudzidziswa kwevanhu pasi pose. Heinoi mienzaniso yezvavakataura:

“Ini nehurumende yangu tinofara zvikurukuru nemhaka yebhuku iri [Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, muchiTuvalu] chimwezve chokuwedzera chitsva uye chinokosha kunhaka yakakosha yeTuvalu. Munofanira kunge muchifara zvikuru nezvamakaita—rutivi rwakaisvonaka mukuvaka upenyu hwomudzimu hwevanhu venyika ino. Ndinodavira kuti basa iri richanyorwa munhau yeTuvalu pamusoro pokudhindwa kwemabhuku edzidzo.”—Dr. T. Puapua, aimbova mutungamiriri wehurumende yeTuvalu, South Pacific.

“Zvapupu zvaJehovha zvine purogiramu yakasimba yokubudisa mabhuku , inoshandisa michina yamazuva ano muSouth Pacific. . . . Iri basa rokubudisa mabhuku rinotoshamisa zvikuru munhu paanofunga nezvokusava nechokwadi kwezvokukurukurirana . . . muZvitsuwa zvePacific.”—Linda Crowl, Yunivhesiti yeSouth Pacific, Suva, Fiji.

“Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri rine simba zvikuru uye rinoshamisa zvakadini mumutauro wechiIsoko! Tinoonga vanozvipira vari kushanda muboka rokushandura rechiIsoko nokutibatsira kuwana kunzwisisa kwakakwana bhuku racho.”—C.O.A., Nigeria.

“Handigoni kuzvitsanangura nemashoko kuti ndinoonga sei shanduro iyi yeBhaibheri [New World Translation muchiSerbia], iri nyore kunzwisisa. Kare, ndakaedza kuverenga Bhaibheri rose, asi ndaigarozviwana ndichikundikana nokukurumidza nokuti ndakanga ndisinganzwisisi mutauro wacho. Zvino ndinokwanisa kuverenga shanduro iyi yakasiyana nedzimwe uye kuinzwisisa!”—J. A., Yugoslavia.

“Tinokuongai nokuda kwemabhuku akaisvonaka, anorayiridza, uye anovaka anoshandurirwa mumutauro wechiTiv. Chaizvoizvo, mashoko haagoni kuratidza kubatsirwa kwose uye kurudziro inowanikwa mumabhuku aya nemabhurocha. Mabhuku aya averengwa nezviuru.”—P.T.S., Nigeria.

[Mufananidzo]

Makopi mamiriyoni 36 mumitauro 115

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Makopi anopfuura mamiriyoni 100 e“New World Translation” ave achibudiswa mumitauro 37

[Mifananidzo iri papeji 25]

Pasi pose vanoda kusvika 2 000 vanoshandura mabhuku eZvapupu zvaJehovha (Boka rechiZulu muSouth Africa, kuruboshwe; uye mushanduri wechiJapan, pasi)

[Mufananidzo uri papeji 25]

Magazini anopfuura bhiriyoni e“Nharireyomurindi” ne“Mukai!” anodhindwa gore rimwe nerimwe

[Mifananidzo iri papeji 26]

Makirasi okudzidza kuverenga nokunyora ari kuitiswa neZvapupu zvaJehovha pasi pose. (Mexico, kurudyi; uye Burundi, pasi)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe