RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 11/1 pp. 24-25
  • Mashoko Akanaka Mumitauro 500

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Mumitauro 500
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparidzira Vagari Vomunyika Vanotaura Mitauro Yakawanda
  • Shanduro yeBhaibheri Yemazuva Ano Mumitauro 80
  • Purogiramu Yedzidzo Yakakura
    Mukai!—2001
  • Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Bhuku Rabatsira Vakawanda
    Mukai!—2019
  • Jehovha ndiMwari Anotaura Nevashumiri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 11/1 pp. 24-25

Mashoko Akanaka Mumitauro 500

HONDO yevagari vomuRwanda ichitsviriridza, boka duku revashanduri rinotiza misha yaro, richisiya zvinhu zvaro. Asi, vanokwanisa kutakura makombiyuta maduku ari nyore kutakura, ndokuenda nawo kumisasa yevapoteri. Nei? Kuitira kuti vapfuurire kushandurira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumutauro weKinyarwanda.

Mumwe mukadzi wechiduku muSoutheast Asia anotaipa pakombiyuta yake kusvika pakati pousiku, achitsungirira kuneta, kupisa, uye kuenda-enda kwemagetsi uko kunomboita kuti amire basa rake rokushandura. Achivavarirei? Kuti abate misi ichanodhindwa zvaanoshandura.

Vashanduri ava ndevamwe veuto revanhu vakazvipira vanokwana 2 300 vanoshandira munzvimbo dzinopfuura 190 dziri munyika yose. Vane mazera anotangira pamakore 20 kusvika kumakore anenge 90, uye vanoshanda zvakaoma kuitira kuti vanhu vanyaradzwe nezvinotaurwa neBhaibheri mumitauro 500.—Zvakazarurwa 7:9.

Kuparidzira Vagari Vomunyika Vanotaura Mitauro Yakawanda

Mumakore mashoma apfuura, basa rokushandura reZvapupu zvaJehovha rakawedzera zvisingatauriki. Somuenzaniso, muna 1984, Nharireyomurindi yaibudiswa panguva imwe chete mumitauro 23 uye iroro raiva basa raishamisa panguva iyoyo. Iye zvino, Nharireyomurindi inowanika mumitauro 176, uye inobuda panguva imwe chete kuitira kuti vaverengi vari munyika yose vakwanise kudzidza mashoko akafanana panguva imwe chete.

Mumitauro inenge 50, Nharireyomurindi ndiyo chete magazini inogara ichibudiswa. Nei? Makambani anoita zvokudhinda anoona pasina chokubudisira mabhuku mumitauro yomunzvimbo idzodzo. Asi Zvapupu zvaJehovha zviri munyika yose zvinopa mari zvichizvidira kuti vose vave nezvinhu zvakaenzana kuitira kuti Shoko raMwari nemamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri awanikwe kwese kwese kwaanenge achidiwa.—2 VaKorinde 8:14.

Vanhu vanokoshesa chaizvo zvinotaurwa neBhaibheri mumutauro wavo. Somuenzaniso, munguva pfupi yapfuura, mabhuku anotsanangura Bhaibheri akashandurirwa muMiskito, mutauro unoshandiswa nevanhu vanenge 200 000 vari muNicaragua. Mumwe mukadzi akakumbira Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheria romutauro weMiskito, uye paakaendeserwa bhuku racho, mufundisi womunzvimbo iyoyo aivapo. Paakaona bhuku racho rakanaka chaizvo, mufundisi wacho akati aida kuti rive rake. Mukadzi wacho akaramba naro, kunyange mufundisi wacho paakati aizomupa 20kg yemhodzi dzekofi!

Mumakore 10 apfuura, mabhuku anotsanangura Bhaibheri akashandurirwa mumitauro inopfuura 12 yomuMexico, kusanganisira Maya, Nahuatl, uye Tzotzil. Mumakore ari pasi pegumi, ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzemitauro yemunyika iyoyo uye dzemutauro wemasaini dzakawedzera kubva pa72 kusvika kudzinopfuura 1 200. Zvapupu zvaJehovha zvingadyara zvinotaurwa neBhaibheri mumwoyo yevanhu, asi vanosiyira Mwari kuti amerese mbeu dzechokwadi.—1 VaKorinde 3:5-7.

Shanduro yeBhaibheri Yemazuva Ano Mumitauro 80

Mumakore mashoma apfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakashanda nesimba kushandurira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara kana kuti chikamu mumitauro 80. Zvakaguma nei? Chimwe Chapupu chokuSouth Africa chakati nezveBhaibheri reTswana: “Ende rakazonaka. Richawedzera kunzwisisa uye kukoshesa kwandinoita Shoko raMwari.” Mumwe muverengi wokuMozambique womutauro weTsonga akanyora kuti: “Kunyange zvazvo taiva nemamwe mabhuku ose anotsanangura Bhaibheri, kusava neBhaibheri kwakanga kwakafanana nokuva nemabhanan’ana nemheni asi pasina mvura! Asi, mvura yakazoturuka pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro weTsonga.”

Nenzira inoshamisa, vaya vari kushandura uye vari kuparadzira mashoko akanaka ari muBhaibheri vari kuzadzika uprofita hwekare. Jesu Kristu pachake ndiye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Girafu riri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SHANDURO MAMWE

YENYIKA ITSVA MABHUKU

Yakazara kana kuti

chikamu chete

80 2010 500 2010

36 2000

13 1990 200 1990

190 1980

7 1970 165 1970

125 1960

1 1950 88 1950

MITAURO

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vanhu vakazvipira vanokwana 2 300 vanoshandurira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro 500

BENIN

SLOVENIA

ETHIOPIA

BRITAIN

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe