RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 4/8 pp. 28-30
  • Ndingamuudza Sei Kuti Hazviiti?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingamuudza Sei Kuti Hazviiti?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Usingamudi
  • Nei Zvakaoma Kumuudza Kuti Hazviiti
  • Taura Naye Zvakanaka
  • Ndinofanira Kuita Sei Nomusikana Anoratidza Kundifarira?
    Mukai!—2005
  • Ndingamuudza Sei Manzwiro Andinoita?
    Mukai!—2004
  • Zvakadini Kana Asingandidiwo?
    Mukai!—1998
  • Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 4/8 pp. 28-30

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingamuudza Sei Kuti Hazviiti?

“Munguva yezhizha gore rino, imwe hama iri muungano medu yaida kudanana neni. Ndakanga ndisingaidi. Chinetso ndechokuti, ndakanga ndisingazivi kuti ndoiudza sei kuti hazviiti pasina kuirwadzisa.”—Elizabeth.a

“UNGADA kuva shamwari yangu here?” Wakambobvunzwa mubvunzo iwoyo nerimwe jaya here? Semhandara,b ungadaro wakanzwa kufara uye kugutsikana—kunyange kunzwa manyukunyuku! Ukuwo, ungadaro wakanzwawo kuvhiringidzika zvikuru kuti waisaziva zvokupindura.

Apo mumwe munhu anotaura kuti anokuda, zvinogona kukonzera kunzwa kwakasiyana-siyana. Zvinonyanya kuva zvechokwadi kana wakura zvakakwana zvokukwanisa kuroorwa uye uchikwanisa kupindura kufarirwa kwakadaro!c Kunyange zvakadaro, zvauchaita zvinonyanyoenderana nokuti ndiani ari kubvunza mubvunzo wacho. Kana ari munhu akura mupfungwa uye achikukwezva, mhinduro yako ingava nyore. Zvisinei, zvakadini kana zvakajeka kuti haana zvinodiwa zvinoita kuti ave wokuroorana naye akakodzera? Uye, zvakadini kana usingamudi kunyange zvake ane unhu hwakanaka?

Fungawo nezvemhandara yadanana nomumwe munhu kwenguva yakati kuti asi yosvika pakuziva kuti haidi kupedza upenyu hwayo hwose naye. Pane kusiyana naye, inoramba ichifambidzana naye. “Ndingamuudza sei kuti hazvichaiti?” inobvunza kudaro.

Kana Usingamudi

Kare munguva yemadzitateguru, zviri pachena kuti vanhu vairoorana nevavaisarudzirwa nevabereki vavo. (Genesi 24:2-4, 8) Munyika dzokuMadokero vaKristu vakawanda vakasununguka kusarudza wavanoda kuroorana naye. Bhaibheri rinongova nechinodiwa chimwe chete—chokuti muKristu aroore “munaShe bedzi.”—1 VaKorinde 7:39.

Izvi zvinoreva here kuti unofanira kuroorwa newaunonamata naye upi noupi anoratidza kukufarira kana kuti waunenge wafambidzana naye kwenguva pfupi? Funga muenzaniso womuBhaibheri womusikana muduku womumaruwa aibva mumusha wokuMiddle East weShunemi. Soromoni, mambo wake, akamuona ndokumuda zvikuru. Zvisinei, paakaedza kumupfimba, musikana muduku wacho haana kungomuramba chete asi akakumbirawo vakadzi vepadare vaishandira mambo kuti: “Murege kupfutidza kana kumutsa rudo, kusvikira irwo rwada rumene.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Mhandara yakachenjera iyi yaisada kuti vamwe vaedze kuimanikidzira kuvhiringidzwa nepfungwa. Yaisada Soromoni, nokuti yaidanana nomumwe mufudzi akaderera.

Izvi zvinodzidzisa chidzidzo chinokosha kune avo vari kufunga zvokuroona nhasi chokuti: Haugoni kungoda chero munhuwo zvake. Saka kunyange pashure pokufambidzana nomumwe munhu kwenguva yakati kuti, mhandara ingaona kuti haimudi. Zvimwe kusamuda kwainoita kunokonzerwa nohumwe unhu hunoshoreka pamumwe wacho. Kana kuti zvimwe hainzwi ichikwezvwa naye. Hungava ufuza kuita sousingafungi nezvokunzwa kwakadaro. Kuita sousingafungi nezvakwo kungasaita kuti kupere.d “Ndakanga ndine mibvunzo yakawanda kwazvo mupfungwa dzangu nezvake,” akadaro Tamara nezvejaya raakanga achifambidzana naro. “Kwete mibvunzo miduku asi yaitondinetsa kusvika padanho rokunzwa kusagadzikana pandaiva naye.” Gare gare akaona kuti nemhaka yemibvunzo iyi, zvakanga zvakanakisisa kugumisa kufambidzana kwacho.

Nei Zvakaoma Kumuudza Kuti Hazviiti

Kunyange zvakadaro kuudza jaya kuti hazviiti kungava nyore kutaura pane kuita. SaElizabeth ataurwa patangira nyaya ino, ungadaro uchitya kumurwadzisa. Chokwadi, tinofanira kufunga manzwiro anoita vamwe. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu ‘kupfeka rudo rukuru kwazvo netsitsi’ uye kubata vamwe semabatirwo avanoda kuitwawo. (VaKorose 3:12; Mateu 7:12) Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti unofanira kunyepedzera kungoitira kuti usagumbura kana kurwadzisa jaya iri? Pane imwe nguva richatoti rizive chete manzwiro aunoita chaiwo, uye kutadza kwako kuva akatendeseka uye kuverengera kuriudza chokwadi zvichawedzera kurwadziwa kwacho bedzi. Zvingatonyanya kuipa kana ukaroorana nejaya racho nokungoti chete unorinzwira urombo. Kunzwira urombo hahusi hwaro hwakanaka hwokuvakira muchato.

Zvisinei, zvimwe uri kurwisana nepfungwa yokuti, ‘Kana ndikarega kuroorana naye, ndingasavazve nomukana wechipiri.’ Sokutaura kwakaita imwe nyaya mumagazini inonzi Teen, musikana angafunga kuti: “Haasiriye ‘wandinoda,’ asi anotombovapo—uye handidi kuva ndoga.” Ichokwadi kuti chido choushamwari chakasimba. Zvisinei, kugutsa chido ichi zvakakodzera, hakurevi kungova nomumwe munhu parutivi pako. Kunosanganisira kuwana mumwe munhu waunogona kuda zvechokwadi uye anokwanisa kuzadzikisa mitoro yomumba iri muMagwaro. (VaEfeso 5:33) Saka usakurumidza kusarudza wokuroorana naye! Vakawanda vakazodemba kuroorana kwavo kwechimbichimbi.

Pakupedzisira, vamwe vangaramba vachifambidzana kunyange kana zvakajeka kuti jaya racho rine zvinana zvakakomba. ‘Kana ndikamupa imwe nguva shoma,’ vanofunga kudaro, ‘angachinja.’ Izvi zvine musoro here? Pamusoro paizvozvo, miitiro yakashata nenzira dzokuzvibata kazhinji kacho zvakadzika zvakasimba uye zvakaoma zvikuru kuchinja. Uye kunyange kana akachinja kamwe kamwe uye zvinoshamisa, unogona kuva nechokwadi kuti kuchinja uku ndekwechigarire here? Mumamiriro ezvinhu akadai imwe mhandara inonzi Karen yakasarudza nokuchenjera kusiyana nerimwe jaya payakaziva kuti vakanga vasina vavariro dzakafanana. “Zvakanga zvakaoma,” anobvuma kudaro, “nokuti chitarisiko chake chaindikwezva. Asi ndaiziva kuti ndicho chaiva chinhu chakarurama chokuita.”

Taura Naye Zvakanaka

Ichokwadi kuti kuramba mumwe munhu hakusi nyore. Sepasuru ine chinhu chinoputsika mukati, nhau yacho inofanira kutaurwa zvakanaka. Heano mazano mashoma angabatsira.

Kurukura nhau yacho nevabereki vako kana nomumwe akura ari muungano. Vangakwanisa kukubatsira kuona kuti zvimwe zvauri kutarisira kuti dai aita hazvibviri.

Mubudire pachena. Muite kuti anyatsonzwisisa manzwiro aunoita. Kungoti “Hazviiti” kuchagumbura vanenge vachipfimba. Kana zvakakodzera, ramba zvakasimba, zvakadai sokuti, “Ndine urombo, asi handisi kutombozvifarira.” Chenjerera kusapa pfungwa yokuti ungachinja pfungwa dzako kana akaramba achiedza. Kujekesa kuti haumudi kunofanira kudzivisa kuvhiringidzika kupi nokupi uye kuti zvimuitire nyore kukurira kuodzwa mwoyo kwake.

Iva akatendeseka uye ane unyanzvi. Zvirevo 12:18 inoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.” Nepo kumubudira pachena kuchikosha, Bhaibheri rinoti kutaura kwedu kunofanira kuva “nenyasha, kwakarungwa nomunyu.”—VaKorose 4:6.

Omerera pachisarudzo chako. Shamwari dzine vavariro dzakanaka, zvimwe dzinoziva zvishomanana nezvezvikonzero zvechisarudzo chako, dzingakumanikidza kuti uedzezve kufambidzana naye. Asi pakupedzisira unofanira kurarama nechisarudzo chako—kwete shamwari dzako dzine vavariro dzakanaka.

Ita maererano nemashoko ako. Izvi zvisati zvaitika, zvimwe mave muri shamwari dzakanaka, uye ndezvomuzvarirwo kushuva kuti dai zvinhu zvadzoka pazvaiva. Asi kakawanda hazvishandi uye hazviiti. Manzwiro ake nezvako ava okuda kudanana. Kuona zvinhu sezvazviri here kufunga kuti anogona kungofuratira kunzwa ikoko ndokungoita sokuti hapana chakamboitika? Saka nepo zviri nani kuti muve noushamwari, kutaura parunhare nguva dzose kana kupedza nguva yakawanda muri mose zvinogona kuwedzera nhamo yake. Zvinogona kuguma nokutamba nepfungwa dzake, uye ukadaro unenge uchiratidza kusava nomutsa.

Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti “[v]ataure chokwadi” kune mumwe nomumwe. (VaEfeso 4:25) Kuita kudaro kungava kwakaoma, asi kungabatsira mose muri vaviri kupfuurira noupenyu hwenyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Nepo nyaya ino yakanyanya kunanga mhandara, mashoko acho anoshandawo kumajaya.

c Ngozi dzokufambidzana muchiri vaduku zvikuru dzakakurukurwa mumagazini yedu yaFebruary 8, 2001.

d Ona nyaya inoti “Young People Ask . . . Should We Break Up?” iri mumagazini yechiRungu yeMukai! yaJuly 22, 1988.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Haugoni kungoda chero munhuwo zvake

[Mufananidzo uri papeji 30]

Buda pachena pakutaura manzwiro ako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe