Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingamuudza Sei Manzwiro Andinoita?
“Ndinoda kupindurwa mubvunzo uyu, Ndiani anofanira kutaura kuti ndinokuda, mukomana kana kuti musikana?”—Laura.a
MUKOMANA wacho munhu wauchangobva kuonana naye kana kuti zvichida mumwe munhu wawagara uchiziva kwenguva yakati—uye unoda kudanana naye. Une chokwadi chokuti anonzwawo sezvaunoita uye kuti anozeza kana kuti anonyara kuzvitaura. Saka zvinokunetsa kana zvingave zvakanaka kuti utange kumuudza.b
Tisati taenda kure, ngatimbofunga nezvemaonero anoita vanhu vaunogara navo—vaya vomumhuri yako kana kuti vari munzanga yokwako. Somuenzaniso, tsika dzekwaunogara dzinoti ibasa revabereki vako kukutsvakira wokuroorana naye here?c Ichokwadi kuti ungafunga kuti nyaya yokupfimbana neyokuroorana zvinhu zvaunofanira kuzviitira woga. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanoedza kusagumbura vamwe zvisina kukodzera. Vanodawo kufunga nezvemaonero anoita vomumhuri dzavo uye vadiwa vavo.
Zvisinei, munyika dzakawanda, zvakajairika kuti vaviri vazvisarudzire wokudanana naye vasati varoorana. Zvingava zvakaipa here kuti mukadzi atange kupfimba murume? Zvakare, maonero emhuri neenzanga anofanira kufungwa nezvawo. Izvozvo zvingashamisa kana kugumbura vakawanda here?
Ndezvipi zvimwe zvinojekeswa neBhaibheri panyaya yokuti zvakakodzera here kuti mukadzi atange kupfimba murume? Munguva inotaurwa muBhaibheri, mukadzi aitya Mwari ainzi Rute ndiye akatanga kupfimba murume ainzi Bhoazi kuti varoorane. Uye Jehovha Mwari akakomborera zvaakaita! (Rute 3:1-13) Ichokwadi kuti Rute akanga asiri mwana muduku, akanga ari chirikadzi, atokura zvokugona kuroorwa. Akanga asiri kuita zvoufuza kana kuti kutamba norudo naBhoazi. Asi akanyatsotevedzera mitemo yaMwari yokuroorana.—Dheuteronomio 25:5-10.
Zvichida wakura zvokuda kuroorwa, uye pane rimwe jaya rauri kuda. Kunyange zvakadaro, kudurura mwoyo wako kune mumwe munhu angave asiri kunzwa zvakafanana newe inhau inoda kungwarira, ine ngozi. Zvakafanana nokutora mwoyo wako wouisa mumaoko omumwe munhuwo zvake. Achaubata zvakanaka here kana kuti achaudonhedzera pasi? Nzira yakanakisisa yokudzivisa kunyadziswa kusina kukodzera kana kuti kurwadziswa mupfungwa ndeyokutevera zvinotaurwa neBhaibheri.
Ita Nokungwara
Zviri nyore kuzviwana wava kungogara uchirota uchidanana nomumwe munhu. Ungatofungidzira zuva rako romuchato uye pashure pacho. Zvisinei, kunyange zvazvo kufungidzira izvi kunganakidza, zvinongova mupfungwa chete. Kunogona kukonzera zvishuwo zvikuru zvausina nzira yokuzvigutsa nayo. Bhaibheri rinoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” (Zvirevo 13:12) Kufungidzira kunokanganisawo zvaunozosarudza. Zvisinei, Zvirevo 14:15, inoti: “Wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Kuva akangwara kunoreva kushandisa mano ako zvakanaka wosarudza zvakanaka. Unogona sei kuva akangwara paunenge wakaputirwa norudo?
Kutanga, edza “kuita nokuziva.” (Zvirevo 13:16) Sezvinotaura mumwe mukadzi wechiduku, “hazviiti kuti unyatsoda mumwe munhu kutoti wava kumuziva.” Usati wadurura mwoyo wako kune mumwe munhu, tarisa zvaanoita nematauriro ake. Cherechedza zvaanoitira vamwe vanhu. Rimwe jaya rinoti: “Bvunza shamwari dzake nezvake, uye bvunza vakuru vanonyatsomuziva.” Ano“pupurirwa zvakanaka kwazvo” nevaya vari muungano yechiKristu yokwake here? (Mabasa 16:2) Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Isabel anotiwo, “kuenda kunovhakacha muri mumapoka uye kuziva mhuri yake kunogona kubatsira kwazvo.” Kuvhakacha muri mumapoka kuchakubatsira kumucherechedza usina zvakawanda zvinokuvhiringidza.
Kusvika pakuziva munhu nenzira iyi kunoda nguva uye kushivirira. Asi zvichaita kuti ukwanise kuona mafungiro, miitiro, uye unhu huchaita kuti manzwiro ako arambe asina kuchinja kana kuti achinje. Zvirevo 20:11 inoti: “Kunyange nomwanakomana [kana kuti jaya] unozvizivisa nezvaanoita, kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.” Chokwadi nokukurumidza kana kuti pava paya zviito zvake zvicharatidza kuti munhu worudzii.
Saka, ramba muedzo wokukurumidza uye wokuratidza manzwiro ako nguva isati yakwana. Kana ukakurumidzira zvinhu uye akabvuma, uchazoona kuti haana kukodzera kuroorana naye.d Zvaunenge waratidza kuti unoda jaya racho, kuriramba kungarikuvadza—zvichida zvakadzama.
Zvaunoita
Zvichida jaya iri ringave richikucherechedzawo! Uri kuita kuti uoneke nenzira inoratidza unhu hwakanaka hwaMwari here? Isabel anoti, “Ndakacherechedza kuti vasikana vakawanda havapfeki zvakakodzera. Kana uchida kuti munhu anoda zvokunamata akuone, unofanira kupfeka zvine mwero.” Pasinei nezvingave zvichibudiswa nenyika yefashoni, kuzvishongedza ‘nguo dzakagadzirwa zvakanaka, nemwero nokunaka kwepfungwa,’ kuchaita kuti ukwezve zvikuru murume anoda Mwari.—1 Timoti 2:9.
Bhaibheri rinokurudzirawo vaKristu vechiduku ku“va muenzaniso . . . pakutaura.” (1 Timoti 4:12) Matauriro aunoita anonyatsoratidza zvauri. Chii chaunofanira kuita kana mikana ikamuka yokuti ukurukure nejaya racho? Kana achinyara, anganzwa asina kugadzikana uye achitya. Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Abbie anoti, “Ungatanga iwe kutaura kuti uone zvaanoita.”
Sei? Kana ukaramba uchingotaura nezvako usingamiri, angapedzisira afunga kuti unongozvifunga uye hauna hanya nevamwe. Bhaibheri rinokurudzira kuti “musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvenyu zvomunhu oga, asi muchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.” (VaFiripi 2:4) Kubvunza mibvunzo mishomanana yakakodzera nezvake kana zvaanofarira kungamubatsira kuti ataure akasununguka.
Iyi haisi nguva yakakodzera kutaura no“rurimi runonyengedzera” kana ne“miromo inoreva nhema.” (Pisarema 120:2) Murume akangwara achaona kuti kutaura kwakadaro hakusi kwechokwadi. Panguva imwe chete, usataura zvinhu nemhaka bedzi yokuti unofunga kuti anoda kuzvinzwa. Izvi ndezvechokwadi kunyanya kana mukatanga kukurukura nyaya dzinokosha uye mukatanga kukurukura zvinhu zvamunovavarira somunhu oga mune zvokunamata. Nguva dzose iva zvauri, nokuratidza kuti uri womwoyo wose uye wechokwadi. Zvadaro bedzi ndipo paunogona kuziva kana mune vavariro dzakafanana muupenyu.
Kana Pasina Zvaaita
Zvisinei, zvakadini kana akaratidza kuti haakudi pasinei nezvaunenge waedza kuita usinganyepedzeri? Zvichida kwapera vhiki dzakawanda—kana kuti mwedzi—uye achingoratidza kuti haakudi. Unofanira kungozviona sokunyara here? Ungazvibvunza kuti: ‘Kana achinyara kudaro, agadzirira kuroora here? Kana ndikaroorana naye, angakwanisa kutungamirira mhuri here somusoro, kana kuti angazotarisira kuti ndidaro?’ (1 VaKorinde 11:3) Mumwe mubvunzo wokufungisisa ndouyu, ‘Anonyara chaizvoizvo here kana kuti ari kungoratidza kuti haandidi?’ Zvapedzisira kutaurwa izvi zvingarwadza. Asi kubvuma izvozvo kungaita kuti usazonyara kuratidza rudo kumunhu angave asingakudi.
Ungafunga kuti wakaona uchapupu hwokuti anokuda. Unofunga kuti ari kungonyanyononoka kutaura uye kuti achabvuma kana akangoti kurudzirwei. Zvichida. Asi kana ukasarudza kumutanga, unofanira kuziva kuti izvi zvine ngozi. Unofanira kutanga wanyatsofunga kwete zvaunozotaura chete asiwo nguva ingave yakakodzera kuti uzvitaure.
Somuenzaniso, unogona kusarudza kuti zvingava nani kuratidza kuti unomufarira pane kukurumidza kutaura kuti “unomuda.” Pakakodzera uye pakasununguka, unogona kungotaura kuti unoda kumuziva zviri nani. Usanetseka hako kana matauriro ako akaita seanonyadzisa. Manzwiro ako epachokwadi angataura zvakawanda kupfuura mashoko chaiwo. Yeukawo kuti unenge uri kungoratidza chido chokutanga kudanana nomumwe munhu, kwete kuti unoda kuroorana naye. Kunyange zvakadaro, izvi zvingamushamisa, saka mupe nguva yokuti anyatsofungisisa zvaunenge wataura.
Kana wasvika pakuziva jaya iri zvechokwadi uye wazvionera kuti rine mutsa nehanya, haufaniri hako kutya kunyadziswa kana kutaurirwa zvinorwadza. Asi unofanira kuita sei kana akapindura nomutsa asi achiti haadi zvachose? Asi jaya rinofanira kuita sei kana rasangana nezvakadaro? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Kunyange zvazvo nyaya ino ichinyanyotaura nezvevakadzi vechiduku asi majaya uye vamwe vari kufunga nezvokupfimbana vachawanawo zano reMagwaro racho richibatsira.
c Kurongerwa wokuroorana naye nguva dzose hakuiti kuti usafare. Somuenzaniso, munguva inotaurwa muBhaibheri, Isaka naRebheka vakaroorana varongerwa, uye Isaka “akamuda.” (Genesi 24:67) Tinodzidzei? Usakurumidza kuramba tsika dzekwaunogara chero bedzi dzisingapesani nomutemo waMwari.—Mabasa 5:29.
d Zvitsauko 28 kusvika 31 zvebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, zvingakubatsira kuona kana mumwe munhu akakodzera kuti uroorane naye.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kucherechedza zvaanoita kungachinja zvaunofunga nezvake
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kana uchida mumwe munhu, taura nevanhu vakuru vanomuziva