RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 5/8 pp. 21-23
  • Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinetso Chakasiyana Nezvimwe Chechitendero
  • Chitendero Chainyanya Kuvengwa
  • Kupomera Kwacho Kwakanga Kusina Kururama
  • Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?
  • Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata
    Mukai!—2000
  • Kukunda Mumatare Kwevanhu vaMwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Chakaita Kuti Chitendero Chirambe Chiripo
    Mukai!—2001
  • Kurwisa kweSoviet Chitendero
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 5/8 pp. 21-23

Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?

KUTANGAZVE kwezvitendero kwave kuchishamisa munyika dzaichimbova dzeSoviet Union. MuRussia chete, 50 muzana inogara imomo zvino inoti tiri veOrthodox, uye mamiriyoni vanamati mune zvimwe zvitendero. ChiIslam, chiJudha, uye chiBuddha ndizvo zvimwe zvacho zvagara kwenguva refu, uyewo Zvapupu zvaJehovha zvine nhoroondo inobvira kare imomo.

Kare kakadai sa1891, vamiririri veVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha 1931 asati asvika, vakashanyira Kishinev, kuRussia (yava kunzi Chisinau, Moldova). Ikoko misangano yaiitwa pamwe chete nevamwe vanamati. Muna 1928, George Young, mumiririri chaiye weVadzidzi veBhaibheri, akaonana nevakuru vakuru veSoviet muMoscow, kuRussia, kuti apiwe mvumo yokubudisa mabhuku eBhaibheri muSoviet Union. Gare gare, Zvapupu zvakazivikanwa chaizvo nemhaka yokuti Soviet yakaedza kuzvidzinga.

Pakangoparara Soviet Union makore anoda kusvika gumi apfuura, vanhu vakatanga kushamisika, ‘Nei Soviet yakaedza kuti pasave nechitendero?’ Vakawanda vakanga vadzidza dzidziso dzokusadavira Mwari kwemakumi emakore vakada kuziva kuti chitendero chinobatsirei. Bhaibheri, rave richirambidzwa sebhuku risingatenderwi, ringava nemhinduro yezvinetso zvevanhu chaizvoizvo here? Vanhu vomuRussia vakatanga kuongorora voga.

Chinetso Chakasiyana Nezvimwe Chechitendero

Kufarira Bhaibheri kwevakawanda kwakakonzera chinetso chakasiyana nezvimwe chechitendero muyaichimbova Soviet Union. Pepanhau rinonzi Guardian rokuLondon, kuEngland, gore rapera iri rakati: “‘Hondo naMwari’ ingave yapera, asi makore gumi chete pashure pokukundwa kunonyadzisa kwehurumende yokutanga munyika yose yakanga yatsidza kusadavira Mwari, imwe hondo yechitendero yemashoko ingangove iri kutanga muRussia.” Ihondo ipi iri kunzi nepepanhau iri hondo yemashoko mune zvechitendero?

Sezvataurwa munyaya yedu yapfuura, Chechi yeOrthodox yokuRussia yakashanda pfudzi nepfudzi nevatungamiriri veSoviet kuitira kuti irambe iripo nokupiwa mamwe mabasa. The Guardian inorondedzera kupfuurira kwoukama hwacho ichitsanangura kuti: “Mumakore gumi apfuura chechi yakaonekawo ichiita ukama hwepedyo isina kusununguka neyaichimbova hurumende yaiidzvinyirira, ichiwanzotsigira hurumende yeRussia (Mufundisi Mukuru akatsigira hondo yakaitwa muChechnya) uye somugumisiro kwava kuwana chinzvimbo mune zvematongerwe enyika.”

Magazini inonzi Los Angeles Times yaFebruary 10, 1999, yakataura nezvebasa rechechi pakupesvedzera mune zvematongerwe enyika payaisimbisa Mutemo Worusununguko Rwehana Nemasangano eZvitendero. Los Angeles Times yakati mutemo uyu, wakasainwa neaimbova Mutungamiriri Wenyika Boris Yeltsin muna September 1997, “wakasimudzirwa neChechi yeOrthodox yokuRussia.” Mutemo wacho wakapa chechi iyi chinzvimbo chayaida sechitendero “chagara chiripo,” sezvakangoitawo chiIslam, chiJudha, uye chiBuddha. Pakati pezvaibatanidzwa, mutemo wacho wairayira kuti masangano ose ezvitendero zvomuRussia anyorese patsva.

The New York Times yaFebruary 11, 1999, yakataura kuti mutemo uyu wapiwa, “Chechi yeOrthodox yakaramba ichiita kuti vaya vayaivenga vaomeserwe.” Times yakawedzera kuti: “August apfuura, Aleksei II, Mufundisi Mukuru weChechi yeOrthodox yokuRussia, akakumbira kuti zvitendero zvinotendeutsa zvirambidzwe, kunyanya zviya zvinoedza kunyengedza vanhu kuti vabve mu‘zvitendero zvemadzitateguru avo.’” Kubvira ipapo, kuedza kurambidza zvinonzi zvitendero zvinotendeutsa kwakapfuurira, kuchiita kuti pave neinozivikanwa se“hondo yemashoko mune zvechitendero.”

Chitendero Chainyanya Kuvengwa

Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvainyanya kuvengwa pakurwisa kwaitungamirirwa neChechi yeOrthodox yokuRussia. Musi waJune 20, 1996, hofisi yomuchuchisi yakatanga kuongorora mhosva yaive yakwidzwa neDare Rokudzivirira Vechiduku paZvitendero Zvenhema raisabvumira mamwe masangano ezvitendero. Kunyange zvazvo pomero yacho yakaongororwa yaongororwazve nemhaka yokushayikwa kwouchapupu hwokuwana Zvapupu zviine mhosva, nguva yoga yoga yaizomutsiridzwa.

Panguva iyoyi, mashoko enhema pamusoro peZvapupu akaparadzirwa. Komsomolskaya Pravda, pepanhau rokuRussia rinoverengwa nevanhu 1 200 000, munyaya yaro yaNovember 21, 1998 rakataura kuti: “Mumakore maviri chete, Chechi yeOrthodox yomuRussia yabudisa mabhuku anopfuura gumi, mabhurocha, uye tumabhuku ‘zvakagadzirirwa’ zvakanyanya kunanga maJehovist.” Nei chechi yakanyanya kuvavarira kutaura zvenhema pamusoro peZvapupu?

“Zvichida,” rakapfuurira pepanhau rinonzi Komsomolskaya Pravda, “chikonzero chikuru ndechokuti mumakore manomwe chete apfuura nhamba yenhengo dzesangano iri yawedzera zvakapetwa kagumi, uye Chechi yeOrthodox yomuRussia, kungofanana nesangano chero ripi zvaro rechitendero, haidi vakwikwidzi.”

Pakutanga kwa1999 apo nyaya yaipomerwa Zvapupu mumatare yakatangwazve, vanhu vakawanda munyika yose vakada kuziva. Musoro mukuru weNew York Times yaFebruary 11 waiti: “Dare reMoscow Riri Kuongorora Kurambidzwa Kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha.” Nyaya yacho yakati: “Mhosva yacho zvino iri mumaoko edare reguta reMoscow, ichatambwa muhoro duku yedzimhosva, iri kunyatsotariswa nemapoka ezvitendero uye ekodzero dzevanhu sokuedza kwokutanga kuri pachena kushandisa [Mutemo Worusununguko Rwehana Nemasangano eZvitendero] kudzvinyirira kunamata.”

Lyudmila Alekseyeva, mutungamiriri weInternational Helsinki Federation, akatsanangura nei nyaya yeZvapupu yainyanya kutariswa. Mukadzi uyu akataura kuti kana vaya vari kuedza kuti pasave neZvapupu zvaJehovha “vakabudirira munyaya iyi,” ipapo “vachanzwa vakasununguka kurwisa mamwe mapoka” aya anonziwo haasi emadzitateguru. Zvisinei, nyaya yacho yakambomiswazve musi waMarch 12, 1999. Asi mwedzi wakatevera, musi waApril 29, Gurukota Rinoona Nezvedzimhosva muRussia rakapa gwaro rokubvumira “Sangano reZvapupu zvaJehovha muRussia.”

Pasinei nokubvumira kwehurumende uku, kurwisa Zvapupu uye zvimwe zvitendero zviduku kwakapfuurira muRussia uye munyika dzaichimbova dzeSoviet Union. Lawrence Uzzell, mutungamiriri weKeston Institute muOxford, kuEngland, akati “zvine mubayiro nguva dzose kutarira Zvapupu zvaJehovha” nokuti zviri kuitika kwazviri zvinoshanda “sechiratidzo chokutanga chenyevero.” Zvechokwadi, rusununguko rwokunamata rwevanhu vanosvika makumi emamiriyoni ruri pangozi!

Kupomera Kwacho Kwakanga Kusina Kururama

Muzana remakore rokutanga, mupristi mukuru nevamwe vatungamiriri vechitendero vakatambudza vateveri vaJesu. (Johani 19:15; Mabasa 5:27-33) Somugumisiro, chiKristu chakanzi nezvacho: “Zvechokwadi pamusoro peboka iri tinozviziva kuti rinoshorwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Saka, hazvishamisi kuti vaKristu vechokwadi vanotambudzwawo nhasi, sezvave zvichiitwa Zvapupu zvaJehovha.

Asi, apedza kuongorora uchapupu pane zvaipomerwa vaKristu vepakutanga, Gamarieri, muFarisi akakurumbira nomudzidzisi woMutemo, akapa zano kuti: “Musapindira mune zvevarume ava, asi varegei vakadaro; (nokuti, kana zano iri kana basa iri richibva kuvanhu, richaparara; asi kana richibva kuna Mwari, hamungakwanisi kuvaparadza;) kana zvisina kudaro, zvimwe mungawanwa chaizvoizvo muri vanorwisana naMwari.”—Mabasa 5:38, 39.

Vatsoropodzi vave vachinyatsoongororawo Zvapupu zvaJehovha nhasi. Nomugumisiroi? Sergey Blagodarov, anozviti muOrthodox, mubhuku rinonzi Komsomolskaya Pravda akati: “Kwemakore anopfuura zana, hapana nyika imwe pasi pano yakakwanisa kuratidza pachena mabasa akaipa anopomerwa nhengo dzeZvapupu zvaJehovha, kana yakakwanisa kuzvirambidza ichiti kuvapo kwazvo hakusi kwepamutemo.”

Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?

Bhaibheri rinotaura nezve“chitendero chakachena,” kana kuti “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa.” (Jakobho 1:27a; onawo King James Version.) Sezvataurwa munyaya yapfuura, Bhaibheri rinorondedzera umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema se“hure guru . . . iro madzimambo apasi akaita ufeve naro.” Hure iri rinofananidzira chitendero—“Bhabhironi Guru”—rinonzi ra“kadhakwa neropa revatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.”—Zvakazarurwa 17:1-6.

Hungu rondedzero iyi inonyatsokodzera chitendero chave chichishanda pfudzi nepfudzi nevatungamiriri vezvematongerwe enyika kuchengetedza basa racho! Asi, remangwana rechitendero ichi chinofananidzwa nehure guru rakatotaurwa. “Matambudziko aro,” rinodaro Bhaibheri, “achauya nezuva rimwe, rufu nokuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto, nokuti Jehovha Mwari, akaritonga, akasimba.” Hazvishamisi kuti nyevero yengirozi ndeyokukurumidzira inoti: “Budai mariri . . . kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro”!—Zvakazarurwa 18:4, 7, 8.

Mudzidzi Jakobho paakarondedzera “kunamata kwakachena,” akati ‘hakuna ruvara rwenyika.’ (Jakobho 1:27b) Uyezve, nezvevateveri vake vechokwadi Jesu Kristu akati: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:16) Saka unogona kuona here nei Zvapupu zvaJehovha zvisingazvibatanidzi munyaya dzezvematongerwe enyika ino? Zvinoita kudaro nemhaka yokutenda zvizere chipikirwa cheBhaibheri chinoti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kutongwa kwenyaya yacho kwakaitwa muMoscow muna February 1999. Gweta (nechokuruboshwe), mutongi (nechepakati), uye muchuchisi (kurudyi)

[Mufananidzo uri papeji 23]

Bhaibheri rinorondedzera zvichaitika kuzvitendero zvose munguva ichauya

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe