RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 3/8 pp. 22-28
  • Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanoziva Zvinodiwa Zvomudzimu
  • Kusununguka Kunamata muGermany
  • Vanhu vokuRussia muUnited States
  • Chinhu Chokutanga muUnited States
  • Chakanga Chiri Kuitika muMoscow
  • Muenzaniso Womufambiro Wakarongeka
  • MuGreece uye Kune Dzimwe Nzvimbo
  • Kokorodzano Yokutanga Yamarudzi Ose yeZvapupu zvaJehovha yeRussia
    Mukai!—1993
  • Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?
    Mukai!—2001
  • Kurwisa kweSoviet Chitendero
    Mukai!—2001
  • Chitendero Chakanyanya Kurwiswa neSoviet
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 3/8 pp. 22-28

Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata

KUBVA ZVAKAPARARA SOVIET UNION MUNA 1991, VANHU VANOGARA IKOKO VAVA NORUSUNUNGUKO RWAKAKURA RWOKUNAMATA MWARI. RUSUNUNGUKO RWAKADARO RWAKAKOSHESWAWO NAVANHU VAKATAMIRA KUNE DZIMWE NYIKA.

NOKUDA kwavakawanda vanogara mune yaimbova Soviet Union, rusununguko rwokuungana pachena nokuda kwokunamata Mwari mufaro unokosheswa zvikuru—wavakanga vasina kwemakumi akawanda emakore.

Zvichitevera Kupandukira kwavaBolshevik muna 1917, zvakava nenjodzi muRussia kurava Bhaibheri, uye vanhu vashoma vakaisa rusununguko rwavo panjodzi kuti vadaro. Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakasiyana nevamwe. Chokwadi, magazini yeNewsweek yaApril 16, 1956—anoda kusvika makore 44 apfuura—yakataura mashoko anonzi akataurwa nomumwe wechiduku muEast Germany okuti: “Hapana mumwe anorava Bhaibheri kunze kweZvapupu zvaJehovha.” Asi, nokuda kwokuva nemisangano yokudzidza Bhaibheri uye kuparidza mashoko eBhaibheri, Zvapupu zvakaiswa mumajere uye mumisasa yavasungwa. Zvisinei, kwose kwavakaenda vakaramba vachifunga nezvetariro yavo iri muBhaibheri, sezvinoratidzwa nebhokisi riri munyaya ino.

Pakatanga kuparara Soviet Union muna 1991, Zvapupu zviri ikoko zvakaita kokorodzano nomwe dzepurogiramu yomurayiridzo weBhaibheri. Pamwe chete, 74 252 vakapinda. Muna 1993, makore maviri chete gare gare, 112 326 vakaungana pakokorodzano sere dzakadaro munyika 4 dzenyika 15 dzaimbova dzeSoviet Union.a Vakawanda vezviuru izvozvo vakanga vapedza makore akawanda vari mumajere eSoviet uye mumisasa yavasungwa. Ava vaKristu vakatendeka vakafara kwazvo nokuda kworusununguko rwavo rwokunamata Mwari vasina zvinovavhiringidza.

Gore rimwe nerimwe kubvira muna 1993, vanhu vanobva mune dzaimbova nyika dzeSoviet vanokoshesa ropafadzo yokuungana vakasununguka pakuungana kwechiKristu munyika dzokumusha kwavo. Somuenzaniso, gore rapera Zvapupu zvaJehovha zvinosvika 282 333 neshamwari dzazvo zvakafara kunamata pamwe chete paKokorodzano Dzoruwa 80 dze“Shoko raMwari Rouprofita” mune dzaimbova nyika dzeSoviet. Uye pamwe chete vanosvika 13 452 vakabhabhatidzwa.

Kunyange zvichiita sezvinoshamisa, gore rapera kwaivawo nekokorodzano mumutauro wokuRussia mune dzimwe nyika pasi rose. Pamwe chete vanhu 6 336 vaivapo pakuungana kuna kwakadaro munyika dziri kunze kweyaimbova Soviet Union! Idzi dzakaitirwa kupi? Uye nei vanhu vakawanda vanotaura mutauro wokuRussia vachifarira kwazvo Bhaibheri? Regai tipindure zvishoma mubvunzo wokupedzisira.

Vanoziva Zvinodiwa Zvomudzimu

Russia ine nhoroondo yakanaka kwazvo yezvechitendero. Dzimba dzayo dzokunamatira dzamaoresa, dzakavakwa mazana emakore apfuura, ndedzimwe dzakakurumbira kwazvo muchiKristudhomu. Asi, Chechi yeOrthodox yeRussia, kufanana neChechi yeRoma Katurike, yakaita kuti vanhu varambe vasingazivi Bhaibheri.

“Bhaibheri,” rinotsanangura kudaro bhuku richangobva kubudiswa rinonzi The Russian Tragedy—The Burden of History, “harina kumbova rutivi runokosha rweOrthodox yeRussia.” Mugumisiro wacho, maererano nenyanzvi yechitendero yokuRussia Sergei Ivanenko, ndewokuti “kushaya ruzivo rweBhaibheri kwavatendi veOrthodox kwakatungamirira kuchokwadi chokuti vanhu vakawanda vanoenda kuchechi yeOrthodox vangangopedzisira vava kutenda mashura, zvemidzimu, nemashiripiti kukunda vasingatendi.”

Munyori wokuRussia akakurumbira Tolstoy akacherechedza zvakafanana. Akanyora kuti: “Ndakazvitendisa pachangu kuti dzidziso yechechi [yeOrthodox yeRussia] mukurondedzera yakanga ine manomano nokunyengera kunokuvadza, uye miitiro yose yokutenda mashura kwakaipa kwazvo nouroyi, zvinoshayisa simba zvachose zvinorehwa nedzidziso yechiKristu.”

Mamiriro acho ezvinhu akaratidza kuti ndiwo aidiwa chaizvo kuti chiKomonizimu cheSoviet chitange nedzidziso yacho yokuramba kuti kuna Mwari uye kuramba zvinonyatsozivikanwa chichiti: “Chitendero ndiyo mbanje yevanhu.” Asi, chiKomonizimu choga chakakurumidza kuva rudzi rwechitendero, kazhinji chichinzi Red Religion. Asi Red Religion haina kugara nguva refu. Apo Hurumende yeSoviet yakaparara muna 1991, mamiriyoni avanhu akavhiringidzika uye haana kuziva kwokuenda. Nokukurudzira kwaiita Zvapupu zvaJehovha, zviuru zvakawanda zvavanhu vokuRussia zvakatsvaka mhinduro muBhaibheri.

Somugumisiro wepurogiramu yakanaka yedzidzo, vanhu vokuRussia vakava vamwe vevanhu vakadzidza zvikuru munyika yose. Saka, vanhu vokuRussia vakawanda havana kungova varavi chete veBhaibheri asiwo vakada dzidziso dzaro. Panguva iyoyowo, kunyanya mumakore gumi okuma1990, mazana ezviuru zvavanhu vaibva mune dzaimbova nyika dzeSoviet Union akatamira kune dzimwe nyika, dzakadai seGermany, Greece neUnited States. Nemigumisiroi?

Kusununguka Kunamata muGermany

Muzana remakore rechi18 nerechi19, vanhu vokuGermany vakawanda vakatamira kuRussia. Akakurumbira zvikuru ndiSophie aiva nemakore 15, uyo akatsiva murume wake somutongi weRussia muna 1762. Mukutonga kwake kwakaita nguva huru, Sophie, uyo gare gare akazozivikanwa saCatherine Mukuru, akakoka varimi vokuGermany kuzogara muRussia. Zvadaro, apo Germany yakarwisa Soviet Union muHondo Yenyika II, vakawanda vaibva kuGermany ivavo vakaendeswa kuSiberia uye dzimwe nyika dzeSoviet dzakadai seKazakhstan, Kyrgyzstan neUzbekistan. Munguva pfupi ichangobva kupfuura iyi, vanhu vokuGermany vakawanda vanotaura mutauro wokuRussia, uyewo vamwe vanobva mune dzaimbova nyika dzeSoviet Union, vakatamira kuGermany kuti vanowana mamiriro ezvoupfumi ari nani.

Muna December 1992 ungano yokutanga inotaura mutauro wokuRussia muGermany yakaumbwa muBerlin. Pakazosvika gore rapera, ungano 52 uye mapoka maduku 43 akanga aumbwa kuva matunhu matatu anotaura mutauro wokuRussia muGermany. Paiva nenhamba yapamusoro yavanhu vanosvika 4 920 vaivapo paKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” mumutauro wokuRussia muCologne, yakaitwa misi yaJuly 30 kusvika kuAugust 1, uko vanhu 164 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa. Pakuvamba, musi waApril 1, muungano dzinotaura mutauro wokuRussia muGermany, 6 175 vaivapo kuti vachengete Chirangaridzo chorufu rwaJesu.

Vanhu vokuRussia muUnited States

United States yakavawo nevanhu vanotaura mutauro wokuRussia vaibva kune dzaimbova nyika dzeSoviet Union. The New York Times yakashuma kuti: “Pakati pa1991 na1996, vanhu vokuRussia vakanga vari boka raiwedzera nokukurumidza zvikuru muBrooklyn. Munguva imwe chete iyoyo, Immigration and Naturalization Service yakabvuma kuti vanhu vanopfuura 339 000 vokune dzimwe nyika vakauya muUnited States vakanga vabva kune dzaimbova nyika dzeSoviet Union.”

Gare gare, Times yaJanuary 1999 yakataurawo kuti mumakore gumi apfuura, vaJudha vanenge 400 000 vaibva kune dzaimbova nyika dzeSoviet Union vakanga vatamira kuNew York City nenzvimbo yakapoteredza. Uyezve, vanhu vokuRussia vane zviuru vakagara mune dzimwe nzvimbo muUnited States mumakore achangobva kupfuura. Somuenzaniso, kuchamhembe kweCalifornia kwakava nokuwedzera kwakakura kwavanhu vanenge 35 000 vatsva vakabva kuRussia, zvichiiita kuti ive yechitatu ine vanhu vakawanda vokune dzimwe nyika vanobva kune yaimbova Soviet Union ichitevera New York neLos Angeles. Ava vanhu vanotaura mutauro wokuRussia vakabvumawo mukana wokudzidza Bhaibheri, uye mazana avo akava vanamati vaMwari wechokwadi, Jehovha.

Musi waApril 1, 1994, ungano yokutanga inotaura mutauro wokuRussia yeZvapupu zvaJehovha munguva ichangobva kupfuura iyi muUnited States yakaumbwa muBrooklyn, New York. Pakupedzisira, ungano dzomutauro wokuRussia dzakaumbwa muPennsylvania, California, neWashington. Mapoka okudzidza akatangwa mune mamwe mativi akawanda enyika.

Chinhu Chokutanga muUnited States

Muna August apfuura, misi ya20 kusvika 22, nhamba yapamusoro yavanhu vanosvika 670 vakabva muUnited States yose neCanada vakafara kwazvo kupinda kokorodzano yoruwa yokutanga yomutauro wokuRussia yakaitirwa muNew York City. Hurukuro dzose dzakapiwa mumutauro wokuRussia, uye mutambo wevanhu vakapfeka nguo dzaipfekwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri, waitaura nezvenhau yaJakobho naEsau, wakaitwa nenhengo dzeUngano inotaura mutauro wokuRussia yeLos Angeles, California. Chokwadi chakanga chiri chinhu chikuru chekokorodzano.

Chimwe chinhu chikuru pakokorodzano chakanga chiri kubhabhatidzwa kwevanhu 14, vose vari pamufananidzo uri munyaya ino. Vanoverengeka vakabva kure anenge makiromita 4 000 kubva kuPortland, Oregon, uye kubva kuLos Angeles neSan Francisco, California, kuti vabhabhatidzwe pakokorodzano muNew York City. Izvi zvisati zvaitika, 14 ava vairarama mune dzaimbova nyika dzeSoviet dzeArmenia, Azerbaijan, Belarus, Moldova, Russia, neUkraine. Zvakaitika zvavo zvinoratidza kuti vanokoshesha zvikuru sei zivo yaMwari uye rusununguko rwokumunamata.

Svetlana (ari mumutsara wepamberi, wechitatu kubva kuruboshwe) akarerwa muMoscow. Ava nemakore 17 akaroorwa nomumwe muimbi akakurumbira aiva mukuru kwaari nemakore akawanda, uye muna 1989 vakauya kuUnited States nekarusvava kavo kakomana. Murume wake aifamba nzvimbo dzakawanda, uye makore mashanu gare gare vakarambana.

Apo Svetlana akasangana nomumwe waaishanda naye ari Chapupu, shamwari dzake dzakamunyevera kuti asabatanidzwe nekavakamuti “kapoka kaizodzora upenyu [hwake] nokutora mari [yake] yose.” Asi, aida kudzidza zvinotaura Bhaibheri. Aratidzwa zita raMwari muBhaibheri, anoti: “Ndakashamiswa kwazvo kuti Zvapupu ndizvo chete zviri kuita kuti rizivikanwe.”

Achiri pwere, Andrei (ari mumutsara weshure, wechitatu kubva kuruboshwe) akasiya musha wake muSiberia kuti anorovedza mitambo zvakanyanya mune yava St. Petersburg. Munguva pfupi yakatevera, Soviet Union yakaparara, uye muna 1993, Andrei, ava nemakore 22, akatamira kuUnited States. Anotsanangura kuti: “Ndakavamba kufunga nezvaMwari uye ndakatanga kuenda kuChechi yeOrthodox yeRussia. Pane imwe nguva, pakupemberera Isita yokuRussia, ndakapedza usiku hwose ndiri muchechi ndichitsvaka kuswedera pedyo naMwari.”

Panenge panguva iyi Svetlana akasangana naAndrei, uye akamuudza zvaakanga ari kudzidza mufundo yake yeBhaibheri. Akabvuma kuenda naye kumusangano weZvapupu zvaJehovha, uye pashure akabvuma fundo yeBhaibheri. Muna January 1999 vakaroorana. Vabhabhatidzwa pakokorodzano, vaifara kwazvo.

Pavel, (ari mumutsara weshure, wechina kubva kuruboshwe) akaberekerwa pedyo neQaraghandy, Kazakhstan, asi gare gare akatamira kuNal’chik, Russia. Iri guta rakakura riri pedyo neChechnya neDagestan, kwave kuchirwiwa zvikuru. Pavel akatanga kusangana neZvapupu ikoko muna August 1996, asi akatamira kuSan Francisco mwedzi wakatevera wacho. Aibatanidzwa muzvinodhaka uye akanga ava nemwana musikana, waakasiya kuRussia naamai vake.

Chinguva chipfupi achangosvika muUnited States, Pavel akaona Zvapupu zvaJehovha uye akabvuma fundo yeBhaibheri. Akagadzirisa upenyu hwake uye akanyorera amai vomwanasikana wake nezvezvinhu zvitsva zvaakanga ava kutenda. Iye zvino amai vari kudzidza neZvapupu, uye pane urongwa hwokuti vauye kuzogara kuUnited States kuitira kuti ivo naPavel varoorane ndokushumira Jehovha pamwe chete muCalifornia nomwanasikana wavo.

George (ari mumutsara weshure, wechipiri kubva kuruboshwe) akaberekwa ndokurerwa muMoscow. Akauya kuUnited States muna 1996, uye gore rakatevera racho akaroora Flora, uyo anobva kuAzerbaijan. George aienda kuchechi yeOrthodox yeRussia, asi pashure pokurava magazini yeNharireyomurindi, akava nemibvunzo nezvedzidziso yoUtatu. Pakupindurwa kwetsamba yake yaakanyorera Watch Tower Society, akagamuchira bhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? Muna 1998 iye naFlora vakavamba kudzidza Bhaibheri. Iye zvino ari kurongawo kuzobhabhatidzwa.

Chimwe chinhu chikuru pakokorodzano kwaiva kugamuchira kwaziso dzaibva kuMoscow, uko 15 108 vakanga vakaungana pakokorodzano yavo mukupera kwevhiki kwakafanana. Vaiva pakokorodzano muNew York City vakafara zvikuru sei kunzwa chiziviso chokuti 600 vakanga vabhabhatidzwa ikoko! Izvi zvaiva zvechokwadi tichifunga nezvemishumo inotyisa yakanga yabuda mumapepanhau nomuterevhizheni yakanga yatanga kubuda muUnited States uye kune dzimwe nzvimbo muvhiki akatangira kokorodzano.

Chakanga Chiri Kuitika muMoscow

Musi waJuly 21, 1999, Zvapupu zvakasaina chibvumirano chokushandisa Olympic Stadium iri pedyo nepakati peMoscow uye iri pedyo chaipo neChechi yeOrthodox yeRussia. Asi pasara vhiki imwe kuti kokorodzano itange, zvakava pachena kuti paizova nevanoshora. Pakazosvika Chitatu, August 18, mvumo yokushandisa nhandare yakanga isati yapiwa, kunyange zvazvo mari yokuhaya yakanga yatobhadharwa. Zvakataurwa kakawanda kuvakuru vakuru kuti, sezvinoratidzwa pabhokisi riri papeji 28, Zvapupu zvaJehovha isangano rechitendero rinozivikanwa pamutemo muRussia.

Nemhaka yokuti vanenge 15 000 vakanga vachigadzirira kupinda paChishanu mangwanani, vamiririri veZvapupu vakanga vava kunetseka. Vamwe vakanga vachiuya kuMoscow vachibva kumaguta namadhorobha aiva kure namakiromita akawanda. Pakupedzisira, pashure pokukurukurirana kwamaawa akati kuti, dzinenge nguva dza8 manheru, musi weChina, August 19, varidzi venhandare vakafara kuzivisa vamiririri veZvapupu kuti kokorodzano yaigona kuitwa. Vakuru vakuru veguta vakanga vataura kuti vakanga vasina chikonzero chokurambidza kuitwa kwekokorodzano yacho.

Mangwanani akatevera zviuru zvakapinda munhandare. Vazvipiri veZvapupu vakanga vashanda usiku hwose vachigadzirira kusvika kwazvo. Vakanga varipowo mumangwanani vakanga vari vatapi venhau, vakanga vaziviswa kare nezvokushora kwaiitwa maerererano nekokorodzano. “Makorokoto!” mumwe wavo akadanidzira kudaro. “Tinofara kunzwa kuti kokorodzano yenyu ichaitwa.”

Muenzaniso Womufambiro Wakarongeka

Varidzi venhandare vakafunga kuti zvaizova zvakanaka kuti pave nokuchengeteka. Saka, vanhu vanochengeta zvinhu vane michina inoona zvinhu zvesimbi yakadai seinoshandiswa kuona vafambi panhandare dzendege vakamiswa panopinda navanhu pose. Mapurisa akamiswawo mukati mose menhandare. Kokorodzano yakapfuurira zvakanaka pasinei nokutyisidzira kwakasimba.

Musi weMugovera masikati mumwe munhu akarova runhare achitaura kuti bhomba rakanga raiswa munhandare. Kutyisidzira kwacho kwakagamuchirwa chinguva chiduku hurukuro yakatangira yokupedzisira yezuva racho yava kunopera. Saka, nechikumbiro chavaridzi venhandare, chiziviso chakapiwa chokubuda munhandare pakarepo. Apo munhu wose akaita izvi nomutoo wakarongeka, vakuru vakuru venhandare namapurisa vakashamiswa. Havana kunge vamboona zvakadaro! Vakabvunza kana zvakanga zvambodzidzirwa.

Hapana bhomba rakawanikwa, uye zuva rakatevera purogiramu yakawedzerwa kuitira kuti zvakanga zvisina kuitwa neMugovera zvibatanidzwe. Varidzi venhandare vakafadzwa kwazvo nekokorodzano.

MuGreece uye Kune Dzimwe Nzvimbo

Mukupera kwevhiki yokupedzisira yaAugust uye yokutanga yaSeptember, kokorodzano dzoruwa mumutauro wokuRussia dzakaitwawo muGreece—kutanga muAthens kwozouya muThessalonica. Pamwe chete 746 vakapinda, uye 34 vakabhabhatidzwa. Kune ungano 8 dzinotaura mutauro wokuRussia muGreece, uye mapoka maduku 17 anoumbwa nevanobva kune dzimwe nyika dziri kuchamhembe kweyaiva Soviet Union. Ava vanoita misangano yavo mumutauro wokuRussia uye mimwe mitauro inotaurwa navanhu vakabva kune dzimwe nyika.

Mumwe wevakabhabhatidzwa muAthens akanga ari Victor. Akanga asingatendi kuti kuna Mwari, asi muna August 1998 akapinda kokorodzano yamarudzi yeZvapupu zvaJehovha muAthens, kwakabhabhatidzwa mukadzi wake. Akati akanga ashamiswa kwazvo norudo rwakaratidzwa navakanga vauya kukokorodzano zvokuti zvakabva zvamuita kuti adzidze Bhaibheri.

Mumwe murume anonzi Ighor akawana bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano uye apedza kurirava akarasa mifananidzo yake yokuchechi. Akatotanga kuzvisuma achiti mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anyorera hofisi yebazi muAthens uye ashanyirwa neZvapupu muna November 1998, akabva atopinda musangano wake wokutanga uye haana kuzombotadza kupinda kana mumwe zvawo kubva ipapo. Zvino, abhabhatidzwa, chinangwa chaIghor ndechokuva mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha.

Vanhu vanotaura mutauro wokuRussia vakatamira kune dzimwe nyika dzinoverengeka dzatisina kutaura. Vakawanda vevanhu ava vanofara norusununguko rwavo rwokudzidza Bhaibheri uye kuungana pachena kuti vanamate Mwari. Kwavari iyi ropafadzo mufaro wavanokoshesa!

[Mashoko Omuzasi]

a Dzinotevera inyika 15 dzacho, dzava nyika dzinozvitonga: Armenia, Azerbaijan, Belarus, Estonia, Georgia, Kazakhstan, Kyrgyzstan, Latvia, Lithuania, Moldova, Russia, Tajikistan, Turkmenistan, Ukraine neUzbekistan.

[Bhokisi riri papeji 22]

Vanhu vokuRussia Vanoda Bhaibheri

Purofesa Sergei Ivanenko, mazvikokota wezvechitendero anoremekedzwa wokuRussia, akatsanangura Zvapupu zvaJehovha savanhu vakazvipira kudzidza Bhaibheri. Mubhuku rake richangobva kubudiswa muchiRussia, O lyudyakh, nikogda nye rasstayushchikhsya s bibliey (Vanhu Vanogara Vaine maBhaibheri Avo), akanyora nezvenhoroondo yavo yapakuvamba yeSoviet Union, kuti: “Kunyange pazvaipedzisira zvava mujeri nemhaka yokutendeka kwazvo kune zvazvinodavira, Zvapupu zvaJehovha zvakatsvaka nzira dzokushandisa Bhaibheri.” Kuenzanisira izvi, akataura chakaitika chinotevera.

“Zvairambidzwa kuti musungwa ave neBhaibheri. MaBhaibheri aitorwa pakutsvaka kwaiitwa. Mune mumwe musasa waiva kuchamhembe, mumwe weZvapupu zvaJehovha aiva mugadziri wemagetsi uye aichengeta mabhuku eBhaibheri mubhokisi remagetsi maiva nemoto wemagetsi wakawanda kwazvo. Rutivi rumwe norumwe rweBhaibheri rwaiva rwakasungwa netambo yakasungirirwa paine imwe waya, uye murume iyeye chete ndiye aiziva katambo kokukweva kuti abudise chikamu charo—somuenzaniso, Evhangeri yaMateu—asina kubatwa nemagetsi. Ichokwadi kuti hapana kutsvaka kwakaitwa kwakabudirira, pasinei nokuti varindi vakatsvaka nesimba sei, saka iri Bhaibheri rakasiyana nemamwe harina kuonekwa.”

[Bhokisi riri papeji 28]

Zvapupu zvaJehovha Zvinonyoreswazve muRussia

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichizivisa nokushingaira Umambo hwaMwari muRussia kwemakore anopfuura zana. Zvisinei, nemhaka yokurambidza kwehurumende, Zvapupu hazvina kuzivikanwa pamutemo kusvikira musi waMarch 27, 1991. Panguva iyoyo, zvakanyoreswa muzita rokuti Administrative Center of the Religious Organizations of Jehovah’s Witnesses in the U.S.S.R.

Musi waSeptember 26, 1997, mutemo unonzi “On Freedom of Conscience and Religious Association” wakaumbwa. Mutemo mutsva uyu wakaziviswa kwazvo namapepanhau kupota nyika yose. Nei? Nokuti vakawanda vakaona chikamu chomutemo uyu sokuedza kurambidza mabasa okunamata ezvitendero zviduku muRussia.

Saka, pasinei nokunyoreswa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha muna 1991 zvatamburira, mutemo mutsva womuRussia weFreedom of Conscience waida kuti izvo, pamwe chete nemamwe masangano echitendero, zvinyoreswezve. Izvi zvakamutsa mibvunzo inoverengeka. Izvi zvairatidza here kuti zviremera zvomuRussia zvakanga zvava kudzokera kuzvirongwa zvokudzvinyirira Zvapupu zvaJehovha? Kana kuti kushivirira zvitendero uye rusununguko rwokunamata rwunotsigirwa neConstitution of the Russian Federation zvaizoramba zviripo here?

Pakupedzisira mhinduro yacho yakauya. Zvapupu zvakafara sei kuzivikanwa pamutemo zvekare apo Ministry of Justice yeRussia yakapa chitupa chokunyoreswa che“Administrative Center for Jehovah’s Witnesses in Russia,” musi waApril 29, 1999!

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kokorodzano yoruwa yokutanga mumutauro wokuRussia muUnited States

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mutambo womuBhaibheri wakaitwa muNew York neUngano inotaura mutauro wokuRussia yeLos Angeles

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ava 14 vakabhabhatidzwa muNew York vanobva munyika nhanhatu dzaimbova dzeSoviet Union

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vanopfuura 15 000 vakaungana muOlympic Stadium yeMoscow

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe