Zvinotaura Bhaibheri
Zvitendero Zvose Migwagwa Yakasiyana-siyana Inoenda Kuna Mwari Here?
“NDINOONA zvakaoma chaizvo kudavira kuti Mwari wezvinhu zvose zvakasikwa akasarudza kuzivikanwa nechitendero chimwe chete,” akadaro munyori Marcus Borg. Desmond Tutu, akawana Mubayiro woRugare weNobel akati: “Hapana chitendero chinogona kutaura kuti chinoziva zvose zvisinganzwisiswi” mune zvokutenda. Pfungwa yechiHindu yakakurumbira ndeyokuti “Jotto moth, totto poth,” kana zvangoshandurwawo zvinoreva kuti zvitendero zvose migwagwa yakasiyana-siyana inoenda kunzvimbo yakafanana. VaBuddha vanodavirawo pfungwa iyi. Zvechokwadi, mamiriyoni evanhu anodavira kuti zvitendero zvose migwagwa yakasiyana-siyana inoenda kuna Mwari.
Nyanzvi yezvakaitika kare Geoffrey Parrinder akati: “Dzimwe nguva zvinotaurwa kuti zvitendero zvose zvine chinangwa chakafanana, kana kuti inzira dzakaenzana dzinoendesa kuchokwadi, kana kutoti zvose zvinodzidzisa zvakafanana.” Zvechokwadi, dzidziso, tsika, uye vanamwari vezvitendero vakafanana. Zvitendero zvakawanda kwazvo zvinotaura nezvorudo uye zvinodzidzisa kuti kuponda, kuba, uye kunyepa kwakaipa. Mumapoka ezvitendero akawanda kwazvo, vamwe vanoshanda nomwoyo wose kuti vabatsire vamwe. Saka, kana munhu ari wepachokwadi muzvaanodavira uye achiedza kurarama upenyu hwakanaka, zvine basa here kuti ari muchitendero chipi? Kana kuti zvitendero zvose zvinongova migwagwa yakasiyana-siyana inoendesa kuna Mwari here?
Kuva Wepachokwadi Kwoga—Kwakakwana Here?
Funga nezvomurume womuzana remakore rokutanga ainzi Sauro, akazova muapostora wechiKristu aizivikanwa saPauro. Aiva mutsigiri anoshingaira wechiJudha, uye izvi zvakaita kuti aedze kuparadza kunamata kwevateveri vaKristu kwaaifunga kuti hakuna kukodzera. (Mabasa 8:1-3; 9:1, 2) Asi nengoni dzaMwari, Sauro akasvika pakuziva kuti vanhu vanoda zvechitendero saiye vangashingairira Mwari, asi nemhaka yokusaziva chokwadi chose, vangave vasina kururama. (VaRoma 10:2) Sauro paakadzidza zvakawanda nezvezvinodiwa naMwari uye zvaanoita, akatanga kuchinja ndokunamata nevaya vaakanga ambotambudza—vateveri vaJesu Kristu.—1 Timoti 1:12-16.
Bhaibheri rinotaura here kuti pamazana ezvitendero tisarudze chatinoda uye kuti chero chatinosarudza chinogamuchirwa naMwari? Muapostora Pauro akagamuchira mirayiridzo kubva kuna Jesu Kristu akamutswa iyo yakataura zvakasiyana zvikuru. Jesu akamutuma kuvanhu vemamwe marudzi ‘kuti asvinudze maziso avo, kuti avabvise murima avaendese kuchiedza uye avabvise pasimba raSatani avaendese kuna Mwari.’ (Mabasa 26:17, 18) Zviri pachena kuti chitendero chatinosarudza chine basa. Pauro akatumwa kune vanhu vakawanda vaitova nechitendero chavo. Asi vaiva “murima.” Zvechokwadi, dai zvitendero zvose zvaingova migwagwa yakasiyana-siyana inoendesa kuupenyu husingaperi uye inowanisa nyasha dzaMwari, paisazova nechikonzero chokuti Jesu adzidzise vateveri vake basa rokuita vadzidzi raakavarayira kuita.—Mateu 28:19, 20.
Mumharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati: “Pindai nepasuo rakatetepa; nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu,uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kune “kutenda kumwe.” (VaEfeso 4:5) Zviri pachena kuti vakawanda vari mumugwagwa “wakafara” vane chitendero. Asi havana “kutenda kumwe.” Sezvo kune kunamata kumwe chete kwechokwadi, vaya vanoda kuwana kutenda kwechokwadi vanofanira kukutsvaka.
Tsvaka Mwari Wechokwadi
Kubva pakutanga chaipo penhoroondo yomunhu, Mwari akaudza vanhu zvaanoda kuti vaite. (Genesi 1:28; 2:15-17; 4:3-5) Nhasi zvaanoda zvinotsanangurwa zvakajeka muBhaibheri. Izvi zvinoita kuti tikwanise kusiyanisa kunamata kunogamuchirwa nokunamata kusingagamuchirwi. (Mateu 15:3-9) Vamwe vakagara nhaka chitendero chavo, nepo vamwe vanongoteverawo kunoenda vanhu vakawanda vomunzanga. Kuvakawanda, chitendero inongova nhau yokuti vakaberekwa rini uye kupi. Zvisinei, unofanira kungosiya kusarudza kwako chitendero kuti kungoerekana kwaitika here kana kuti vamwe vakusarudzire?
Unofanira kusarudza chitendero chako uchiziva uye zvakavakirwa pakunyatsonzvera Magwaro. Muzana remakore rokutanga, vamwe vanhu vakadzidza vaiita zvinopfuura kungobvuma mashoko omuapostora Pauro. Vai“nyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11; 1 Johani 4:1) Wadii kuitawo saizvozvo?
Bhaibheri rinorondedzera Mwari wezvose zvakasikwa seari kutsvaka vanhu kuti vamunamate nechokwadi. Sezvakanyorwa pana Johani 4:23, 24, Jesu akatsanangura kuti: “Kunyange zvakadaro, awa iri kuuya, uye zvino yatovapo, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, zvechokwadi, Baba vari kutsvaka vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu” chete ndiko kunogamuchirwa naye. (Jakobho 1:27) Mwari akakomborera kutsvaka kuri kuita mamiriyoni kuti awane mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu. Haazopi upenyu hwomunguva yemberi kune vasina hanya asi kune vaya vanoita zvose zvavanogona kuti vawane nzira yakatetepa ndokuitevera.—Maraki 3:18.