RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 8/1 pp. 3-4
  • Zvitendero Zvose Zvakanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvitendero Zvose Zvakanaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzose Dzinotungamirira Kuna Mwari Here?
  • Unogona Here Kuziva Nzira Yakamanikana?
  • Zvitendero Zvose Migwagwa Yakasiyana-siyana Inoenda Kuna Mwari Here?
    Mukai!—2001
  • Nzira Nhete Inoenda Kurusununguko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Munofunga kuti ndimi mune chitendero chechokwadi here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Unofanira Kudzidza nezvaMwari
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 8/1 pp. 3-4

Zvitendero Zvose Zvakanaka Here?

TIRI kurarama munyika ine zvitendero zvakawanda uye zvakasiyana-siyana. Imwe tsvakurudzo ichangobva kuitwa yakaratidza kuti mupasi rose mune zvitendero zvikuru 19 uye 10 000 zviduku. Kusiyana-siyana kwakaita zvitendero izvi kwava kupa vanhu mukana wakakura wokuti vasarudze zvitendero zvavanoda. Saka zvine basa here kuti unosarudza chitendero chipi?

Vamwe vanhu vanoti zvitendero zvakasiyana-siyana zvakafanana nenzira dzakasiyana-siyana dzinokwidza mugomo. Kwavari hazvina basa kuti wasarudza kushandisa nzira ipi, nokuti nzira dzose dzinosvika kunzvimbo imwe chete. Vanoti kunongova naMwari Wemasimbaose mumwe chete, saka pakupedzisira zvitendero zvose zvinofanira kutungamirira kwaari.

Nzira Dzose Dzinotungamirira Kuna Mwari Here?

Jesu Kristu, mumwe wevadzidzisi vechitendero vairemekedzwa zvikuru, akatii nezvenyaya iyi? Akaudza vadzidzi vake kuti, “Pindai nesuo rakamanikana.” Nei? “Nokuti suo rakafara, nzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateu 7:13, 14, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Jesu aitaura here chaizvo kuti zvimwe zvitendero zvinotungamirira “kukuparadzwa”? Kana kuti aidzidzisa kuti vaya vasingatendi muna Mwari ndivo chete vari munzira yakapamhama, asi vaya vanotenda maari—pasinei nokuti vari muchitendero chipi—vari munzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu?

Achangobva kutaura kuti panongova nenzira mbiri, Jesu akati: “Chenjerai vaprofita venhema vanouya kwamuri sehwai asi mumwoyo vari vapere anoparadza.” (Mateu 7:15, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Akazoti: “Havasi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwekudenga; asi vanoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 7:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Zvine musoro kutaura kuti munhu anonamata kana munhu wacho achinzi muprofita kana kuti achitenda kuti Jesu ndi“Ishe.” Saka zviri pachena kuti Jesu ainyevera kuti hazvisi zvitendero zvose zvakanaka uye kuti havasi vose vadzidzisi vezvitendero vanofanira kuvimbwa navo.

Unogona Here Kuziva Nzira Yakamanikana?

Sezvo nzira dzose dzisingatungamiriri kuna Mwari, ungaziva sei nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu ipo paine nzira dzakawanda? Chimbofunga nezvomuenzaniso uyu: Fungidzira warasika uri muguta rakakura. Unotanga kutsvaka rubatsiro. Mumwe munhu anozviti anoziva anokuudza kuti uende nechokumabvazuva. Mumwewo anokukurudzira kuenda kumadokero. Uye mumwe anoti sarudza chero kwaunofunga kuti kwakakunakira. Pakupedzisira, mumwewo ari parwendo anobudisa mepu yakavimbika yenzvimbo yacho uye anokuratidza nzira yakarurama. Anobva akupa mepu yacho kuitira kuti upote uchiitarisa paunenge uchifamba. Hawaizova nechivimbo here kuti uchasvika kwauri kuenda?

Saka ndizvo zvazvakaitawo pakusarudza nzira yokunamata yakarurama, tinoda mepu yakavimbika inotitungamirira pakunamata. Inowanikwa here? Hungu. Mepu yacho iBhaibheri, iro rinoti: “Magwaro Matsvene akafemerwa naMwari uye anobatsira mukudzidzisa chokwadi nokurayira nokururamisa.”—2 Timoti 3:16, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.

Ungangodaro uine shanduro yeBhaibheri mumutauro wako yaunogona kushandisa kuti ikutungamirire pakunamata kwakarurama. Zvapupu zvaJehovha, vanhu vanobudisa magazini ino, vane shanduro yakavimbika inonzi Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Zvisinei, kana usiri Chapupu chaJehovha, ungada kushandisa dzimwe shanduro paunenge uchiongorora nyaya yokuziva chitendero chakanaka nechakaipa. Saka, nyaya dzichatevera ino dzichashandisa shanduro dzemaBhaibheri dzakawanda dzinoremekedzwa nezvimwe zvitendero.

Paunenge uchiverenga nyaya dzinotevera, enzanisa zvaunoziva nezvinotaurwa neBhaibheri. Ramba uchifunga nezvemashoko aJesu ane chokuita nekusiyanisa chitendero chakanaka nechakaipa. Akati: “Muti wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unoberekawo michero yakaipa. Muti wakanaka haugoni kubereka michero yakaipa, zvakadarowo nomuti wakaipa, haugoni kubereka michero yakanaka.” (Mateu 7:17, 18, Bhaibheri Rinoera) Chimbofunga michero mitatu yakanaka inotaurwa neBhaibheri inoratidza kuti ‘muti wacho wakanaka.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe