Kushandisa Zvinodhaka Zvisina Kufanira—Pane Chinopedza Chinetso Ichi!
“COCAINE Yakawanda Inorambidzwa Yakawanika Mumabhodhoro eWaini.” Nyaya yepepanhau racho yaitevera musoro mukuru uyu yakatsanangura kuwana kwakaita mapurisa okuJohannesburg muSouth Africa, bhokisi guru rinotakurirwa zvinhu raiva nemabhodhoro 11 600 ewaini yokuSouth America. Muwaini yacho makanga muine cocaine yairema makirogiramu ari pakati pe150 ne180. Iyi yakanzi ndiyo cocaine yakawandisa yati yapinda munyika yacho kubvira nokubvira.
Kunyange zvazvo kukwanisa kuwana zvakadai kuchikurudzira, chokwadi ndechokuti munyika yose mapurisa anowana zvinodhaka zvinorambidzwa zvinofungidzirwa kuva 10 kusvika ku15 muzana chete. Zvinosuruvarisa kuti izvi zvakafanana nomurimi anochekera pamusoro sora rine nharo asi achisiya midzi yaro muvhu.
Mari yakawanda inowanwa nokutengesa zvinodhaka inokanganisa zvinoedzwa nehurumende kuderedza kugadzirwa nokutengeswa kwazvo. MuUnited States moga, kutengeswa kwezvinodhaka zvinorambidzwa kunofungidzirwa kunzi kunopinza mabhiriyoni emadhora pagore. Nemhaka yokuti zvine mari yakawanda kudaro, hazvishamisi kuti mapurisa uye vakuru vakuru vehurumende, kunyange vamwe vane zvinzvimbo zvepamusoro, vanoita uori.
Alex Bellos wepepanhau rinonzi The Guardian Weekly anonzi ari kuBrazil akati maererano nokuongorora kweparamende, “nhengo 3 dzeparamende, nhengo 12 dzedare revatongi uye mameya matatu vakataurwa kunzi vaivapowo . . . pamazita evanhu vanopfuura 800 vaipomerwa kubatanidzwa muutsotsi hwakarongwa hwokutengesa zvinodhaka zvinorambidzwa muBrazil.” Mazita acho aisanganisirawo “mapurisa, magweta, vanamuzvinabhizimisi, uye vanasapurazi vomumaruwa 17 pamaruwa 27 omuBrazil.” Achitaura nezvezvakawanwa izvi, purofesa wezvematongerwe enyika paYunivhesiti yeBrasília akati: “Vanhu vakawanda vomuBrazil vanobva mumamiriro ose ezvinhu vanopomerwa mhosva.” Zvakafanana zvingataurwawo munzanga dzakawanda dzizere zvinodhaka. Mitemo yokugadzira nokutengesa zvinodhaka ndiyo inokonzera chinetso chacho.
Vachiona kusabudirira kwomutemo pakurambidza zvinodhaka, vamwe vanotsigira zvimwe zvinodhaka kuti zvive zvepamutemo. Pfungwa yakapararira ndeyokuti vanhu vanofanira kutenderwa kuva nezvinodhaka zvishoma zvokushandisa voga. Zvinofungidzirwa kuti izvi zvaizoita kuti hurumende ikwanise kuzvideredza nyore nyore uye yaizoderedza mari yakawanda inowanwa nevakuru vakuru vanotengesa zvinodhaka.
Vamwe Vanobudirira
Kubvisa zvinodhaka mumuviri weakapindwa muropa kungaita kuti arege zvinodhaka uye kungavandudza utano hwake. Zvinosuruvarisa ndezvokuti munhu akapindwa muropa nezvinodhaka ava paya paaiva asati ashandisa zvinodhaka, anoedzwa kuzvishandisazve. Mumwe munyori anonzi Luigi Zoja anotaura chikonzero chacho: “Zvakaoma kuchinja unhu hwomunhu pasina kumuudza mamwe mafungiro matsva akasiyana zvachose neaaiva nawo.”
Darren, ataurwa munyaya yapfuura, akawana “mafungiro matsva” akachinja upenyu hwake. Anotsanangura kuti: “Ndaiva munhu ainyatsozivikanwa kuti haadaviri Mwari, asi nokufamba kwenguva, kunyange zvazvo ndaishandisa zvinodhaka kubvira mangwanani kusvika usiku, ndakasvika pakuziva kuti panofanira kuva naMwari. Ndakaedza kurega zvinodhaka kweinenge mwedzi miviri kana kuti mitatu, asi shamwari dzangu dzaindikurudzira kusarega. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kushandisa zvinodhaka, ndakatanga kuverenga Bhaibheri nguva dzose ndisati ndarara. Ndakanga ndava kusonganirana zvishoma neshamwari dzangu. Mamwe manheru ini newandaigara naye takanga takadhakwa kwazvo. Ndakamuudza zveBhaibheri. Mangwanani acho akaridzira mukoma wake runhare, akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akatiti tiende kune chimwe Chapupu chaigara muguta rataigara, uye ndakaenda kunochiona.
“Takakurukura kusvikira na11:00 dzousiku, uye ndakabva ipapo ndava nemabhuku eBhaibheri akawanda. Akatanga kundidzidzisa Bhaibheri uye ndakarega kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira uye kuputa. Inenge mwedzi mipfumbamwe gare gare, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Kurega muitiro wokushandisa zvinodhaka hakusi nyore. Michael, ataurwa munyaya yapfuura, anoratidza zvinetso zvaakava nazvo paakarega kushandisa zvinodhaka pashure pokunge azvishandisa zvisina kufanira kwemakore 11, anoti: “Ndakaona zvakaoma chaizvo kudya uye ndakadzikira uremu. Ndainzwawo chiveve, ndaidikitira, ndaiona vanhu sevanopenya. Ndainzwa kuda kwazvo kushandisazve zvinodhaka, asi kuswedera pedyo naJehovha mumunyengetero uye kudzidza Bhaibheri kwakandibatsira kuramba ndakachena.” Ava vaimboshandisa zvinodhaka vanobvuma kuti zvaiva zvakakosha kurega zvachose kusonganirana nevaimbova shamwari dzavo.
Chikonzero nei Zvinoedzwa Nevanhu Zvichikundikana
Kushandiswa kwezvinodhaka zvisina kufanira ndechimwewo chinetso chikuru pane zviri munyika yose. Kuwedzera kunotyisa kwouipi, chisimba, uye utsinye zvakabata nyika yose. Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) “Wakaipa” iyeye anotaurwa nomuapostora Johani pana Zvakazarurwa 12:9 kuti: “Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.”
Kuwedzera pane kukanganisa kwavo, vanhu vanofanira kurwisana nomuvengi uyu ane simba. Satani ndiye akakonzera kutadza kwevanhu pakutanga. Akatsunga kuita kuti vanhu varambe vachitadza uye kuvabvisa kuna Mwari. Kushandisa kwevanhu zvinodhaka zvisina kufanira kunoratidzika seimwe nzira yaari kushandisa. Ari kuita akatsamwa kwazvo nokuti anoziva kuti “ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:12.
Mwari Anoshandisa Chii Kupedza Chinetso Ichi?
Bhaibheri rinoratidza urongwa hwoMusiki hworudo kudzikinura vanhu muchivi. Pana 1 VaKorinde 15:22, tinoudzwa kuti: “Sezvo vose vari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” Jesu akauya pasi nokuzvidira ari munhu akakwana ndokupa upenyu hwake hwepasi kudzikinura vanhu pamigumisiro yechivi norufu.
Kuziva chinokonzera rufu uyewo chinopedza zvinetso zvevanhu kwakakurudzira vakawanda kuti varege kupindwa muropa nezvinodhaka. Asi Bhaibheri rinoita zvakawanda kupfuura kungotibatsira somunhu kukunda chinetso chezvinodhaka iye zvino. Rinotaura nezvenguva, apo kupesvedzera kwaSatani kunenge kwaguma, pachapera zvechigarire zvinetso zvenyika, kusanganisira kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira.
Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera “rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana.” (Zvakazarurwa 22:1) Rwizi urwu rwokufananidzira runoreva zvakapiwa naMwari achishandisa Jesu Kristu kuita kuti munhu awanezve upenyu hwakakwana mupasi riri paradhiso. Zvakazarurwa inorondedzera miti youpenyu inokura zvakanaka mumhenderekedzo dzorwizi yobva yati: “Mashizha emiti yacho akanga ari okurapa marudzi.” (Zvakazarurwa 22:2) Mashizha iwayo okufananidzira anomirira zvichaitwa naJehovha kurapa achiitazve kuti vanhu vakwane mumudzimu nomumuviri.
Pakupedzisira, vanhu vachange vasununguka, kwete pakushandisa zvinodhaka zvisina kufanira chete asiwo pahosha dzose uye zvinetso zviri kuvatambudza munyika ino yapera basa!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]
Mbanje Ingashandiswa Isingakuvadzi Here?
Nyika dzakati kuti dziri kufunga kubvumira mbanje zvepamutemo, zvikurukuru kuti ishandiswe mukurapa. Zvakaonekwa kuti chinodhaka chacho chinorapa kumira mwoyo kunokonzerwa nokushandiswa kwemishonga pakurapa, uye zviri pachena kuti inobatsira vanorwara neAIDS kukunda kusada kudya. Yave ichishandiswawo pakunyaradza marwadzo.
Kunyange zvazvo pane kuitirana nharo pamusoro pezvakawanwa muongororo, kuongorora kwakataurwa nezvakwo mumagazini inonzi New Scientist kwakaratidza mimwe migumisiro inokuvadza kwazvo yembanje.
Ongororo yakaitwa paYunivhesiti yeHarvard yakaenzanisa boka raiputa mbanje zuva roga roga neboka rakanga risinganyanyi kuishandisa. Vakawana musiyano muduku pakukanganisa kwainoita pfungwa. Zvisinei, pakuongorora mano okukwanisa kubata nemamiriro ezvinhu matsva, vainyanya kushandisa mbanje zvaivanetsa chaizvo.
Imwe yunivhesiti yakaongorora boka rinoputa mbanje nguva dzose uye rimwe rinoputa midzanga yefodya, mumakore anodarika 15. Vanoputa mbanje vaiputa midzanga mitatu kana mina pazuva, asi vefodya vaiputa midzanga 20 kana kupfuura. Nhamba yakaenzana kumapoka ose yaitambura nechikosoro uye hosha yegurokuro. Kuongorora mapapu kwakaratidza kukuvara kwemasero kwakafanana kumapoka ose.
Kunyange zvazvo vanoputa mbanje vasinganyanyi kuputa midzanga yakawanda, zvakawanwa kuti mudzanga mumwe unobudisa tara yakawanda nekatatu kupfuura yomudzanga wefodya. Uyezve, New Scientist yakati: “Vanoputa mbanje vanoikweva zvakanyanya uye vanochengeta chiutsi chayo kwenguva refu.”
Uyezve, masero emapapu anodzivirira hosha evanoputa mbanje akawanikwa achitadza kurwisa utachiona ne35 muzana kupfuura zvaiita evaputi vemidzanga yefodya.
[Kwazvakatorwa]
U.S. Navy photo
[Bhokisi riri papeji 11]
“Mhosva Inoshungurudza” Vabereki
Imwe nyaya yomupepeti iri mupepanhau rokuSouth Africa rinonzi Saturday Star yakaratidza kushushikana kuripo nezvokuwedzera kwokushandiswa kwezvinodhaka zvisina kufanira pakati pepwere dziri muSouth Africa ndokubva yati:
“Kuti vana vedu vanoshandisa [zvinodhaka] imhosva inoshungurudza isu vabereki uye nzanga yosewo zvayo. Vhiki nevhiki tinoshanda nesimba kuti tiwane mari, tichipira zvizere nguva yedu nesimba kuti tiwane zvinhu. Vana vedu vanokumbira zvinotinetesa pfungwa, nomuviri. Zvakadini nezvenguva inokosha yokuva navo? Zvingori nyore kuvasiyira mari kuti vasatinetse. Izvi zviri nyore pane kuvateerera—zvinetso zvavo, tarisiro dzavo, misikanzwa yavo. Usiku huno, sezvatakagara patafura yomuchitoro chokudyira kana kuti zvatiri kuzorora tichiona TV tiri kuziva here zvavari kuita?”
Kana kuti tingawedzera kuti tinonyatsoziva zvavari kufunga here?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Vakawanda vakakurudzirwa kurega kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira