Ganhuro 34
Hurambirei Mirimo?
“INI ndiri mwana mundangariro,” anodaro Mike, jaya rezera ramakore 24. “Padzimwe nguva ndinotya uye kunyange kutyisidzirwa navamwe vezera rangu ndimene. Ndinotambura nokupera mwoyo, kusachengeteka, uye padzimwe nguva ndakatomborangarira kuzviuraya.”
Ann, wezera ramakore 36, anozvirondedzera iye amene so“muduku zvikuru mundangariro,” ane “kuzviremekedza kwakaderera.” Iye anowedzera, kuti: “Ndinokuwana kwakaoma zvikuru kurarama upenyu hwenguva dzose.”
Mike naAnn vari kucheka miuyo yechisarudzo chavakaita pavaiveri vari vaduku zvikuru, ndiko kuti, kuedza mirimo. Mamirioni epwere nhasi ari kuita nenzira imwe cheteyo—kuzvibaya jekiseni, kumedza mapiritsi, kunhuhwidza mirimo, uye kusvuta chinhu chiri chose chinobvira pacocaine kusvikira kumarijuana. Kune dzimwe pwere, ‘kushandisa mirimo’ ndiyo nzira yokunzvenga nayo zvinetso. Dzimwe dzinobatanidzwa mukuda kugutsa kuda kuziva kwadzo. Asi dzimwe dzinoshandisa mirimo kuderedza kupera mwoyo kana kufinhwa. Uye kana dzangotanga, zhinji dzinopfuurira kushandisa mirimo nokuda kwokuifarira chaizvoizvo. Grant wezera ramakore 17, anoti: “Ndinosvuta [marijuana] bedzi nokuda kwemiuyo yayo. Kwete nokuda kworuteramo kana zvikonzero zvefambidzano. . . . Handina kutongosvuta nokuda kwedzvinyiriro yave zera rangu, asi nokuda bedzi kwokuti ndaida kudaro.”
Zvisinei hazvo, mabanza okuti nokukurumidza uchava akatayayika kana kuti anogoverwa nomutoo wakananga mirimo akawanda. “Kunyange varindi vokuchikoro chedu vari kutengesa bhanje [marijuana],” inodaro imwe pwere. Mirimo inoratidzirwa pamhene uye inotengeswa. Pasinei zvapo nomukurumbira wayo, kunyange zvazvo zvakadaro, pane chikonzero chakanaka chokuti iwe urambe mirimo. Ungadaro sei?
Mirimo Inodzivisa Kukura
Rangarira pwere dzinoshandisa mirimo kunzvenga zvinetso, saMike naAnn. Sezvaratidzirwa muganhuro yedu yatangireyi, kukura mundangariro kunobva mukunangana nezvinetso zvoupenyu, kubata norubudiriro, kutsungirira kundikano. Pwere dzinovimba noutiziro hwemirimo kubva muzvinetso dzinopinganidza kukura kwadzo kwendangariro. Dzinokundikana kukudziridza mano anodikanirwa kugonana nezvinetso.
Sezvinongoita unyanzvi humwe hupi nohupi, mano okugonana nazvo anoda kurovedza. Kuenzanisira: Wati wamboona mutambi wenhabvu ane unyanzvi here? Anokwanisa kushandisa musoro wake netsoka nomutoo usati uri chimwe chinhu kunze kwounoshamisa! Asika, uyu mutambi akakudziridza sei mano akadaro? Kupfurikidza namakore erovedzo. Iye akadzidza kukava bhora, kumhanya naro, kunzvenga, zvichingunodaro, kutozosvikira iye ava anoisvokwanisa pamutambowo.
Kukudziridza unyanzvi hwokugonana nazvo kwakafananawo zvikuru. Kunoda rovedzo—ruzivo rwokuzviwanira! Asika, pana Zvirevo 1:22 Bhaibheri rinobvunza, kuti: “Ko imi vasina ruzivo rwokuzviwanira mucharamba muchida kusava noruzivo rwokuzviwanira kusvikira riniko, . . . uye imi mapenzi muchada kuramba muchivenga zivo kusvikira riniko?” Pwere inovanda seri kwokudhakwa kunoparirwa nemirimo ‘inoda kusava noruzivo rwokuzviwanira’; inokundikana kukudziridza zivo nounyanzvi hwokugonana nazvo inodikanirwa kubata noupenyu. Sokureva kunoita bhuku rinonzi Talking With Your Teenager nezvavashandisi vechiduku vemirimo, kuti: “Chifundo chokuti zvinhambo zvinorwadza zvoupenyu zvinogona kupukunyukwa pasina izvi zvinhu hachitongodzidzwi.”
Ann, uyo aishandisa mirimo sechinzvengeso, nokudaro anobvuma, kuti: “Ini handisati ndabata nezvinetso zvangu kwamakore 14.” Mike akataura mufungo mumwe chetewo, achiti: “Ini ndakanga ndashandisa mirimo chibviro apo ini ndakanga ndine makore 11 okukura. Apo ini ndakarega pazera ramakore 22, ndakanzwa somwana. Ndakanamatira pane vamwe, ndichiedza kuwana chengeteko. Ndakaziva kuti kukura kwendangariro yangu kwakamira apo ini ndakatanga kushandisa mirimo.”
“Ndakapambadza makore iwayo ose ekudziridziko,” anowedzera kudaro Frank, uyo akashandisa zvisina kufanira mirimo kubvira pazera ramakore 13. “Apo ini ndakarega, ndakaziva nomutoo unorwadza kuti ndakanga ndisina kugadzirira chose chose kubata noupenyu. Ndakavazve wezera ramakore 13 ane nhamo imwe cheteyo yendangariro inonangana nomumwe muyaruki upi noupi.”
Ko Mirimo Inogona Kukuvadza Utano Hwangu Here?
Iyi ndiimwe nzvimbo yokuitira hanya. Pwere zhinjisa dzinoziva hadzo kuti inonzi mirimo inokora inogona kukuuraya. Asi zvakadiniko neinonzi mirimo isingakori, yakadai semarijuana? Ko nyevero dzose dzaunonzwa pamusoro padzo dzinongova hadzo mashoko okungwaririra pakutaura okutyisidzira here? Mukupindura, ngatinangidzirei ngwariro pamurimo wemarijuana.
Marijuana (inozivikanwawo sembanje, mudzepete, uswa, bundo, kana kuti masora) yave iri chinangwa chepokanidzano huru pakati pamagorokotera. Uye sezvinobvumwa, zvizhinji hazvizivikanwi pamusoro pouyu murimo wakakurumbira. Kutanga, marijuana yakaoma kunzwisiswa zvikurukuru; mudzanga wemarijuana une zvinopfuura zvisanganiswa zvine 400 muutsi hwayo. Kwakatorera vanachiremba makore anopfuura 60 kuziva kuti utsi hwomudzanga hunoparira gomarara. Nenzira imwe cheteyo kungada makumi amakore munhu upi noupi asati aziva zvechokwadi chaizvoizvo icho zvisanganiswa zvine 400 zvemarijuana zvinoita kumuviri womunhu.
Hunyanguvezvo, pashure pokufunda zviuru zvemapepa okunzvera, boka renyanzvi reSangano rezveMishonga rinozivikanwa reU.S. rakataura, kuti: “Ufakazi hwesayenzi hwakabudiswa kusvikira zvino hunoratidza kuti marijuana ine tapuro huru zvikuru dzendangariro noupenyu, dzimwe dzacho, zvimwe mumigariro yakati kuti, dzinokuvadza utano hwomunhu.” Ndeipi iri mimwe yeiyi miuyo inokuvadza?
Marijuana—Zvainoita Kumuviri Wako
Somuenzaniso, rangarira mapapu. Kunyange vatsigiri vakatsiga zvikuru vemarijuana vanobvuma kuti kusvuta utsi hakungagoni kuva kwakakunakira. Utsi hwemarijuana, soutsi hunobva mufodya, hune chiverengero chakati kuti chezvinhu zvine muchetura, zvakadai setara.
Dr. Forest S. Tennant, Jr., akanzvera varwi Veuto veU.S. vane 492 vakanga vashandisa marijuana. Vanenge vane 25 muzana vavo “vakatapurwa namaronda apa huro nokuda kwokusvuta mbanje, uye vane 6 muzana vakashuma kuti ivo vakanga vatapurwa nechirwere chegurokuro remhepo.” Mune kumwe kunzvera, vane 24 mune vashandisi vembanje vane 30 vakawanwa kuva vane “kuvadziko dzinoratidzira nhano dzokutanga dzegomarara” pamagurokuro emhepo.
Chokwadi, hakuna munhu anogona kusimbisira kuti vakadaro vachava zvomenemene negomarara rinokudziridzika gare gare. Asika waizoda kupinda mungozi iyoyo here? Kunze kwezvo, Bhaibheri rinoreva kuti Mwari “anopa vanhu vose upenyu nechifemo.” (Mabasa 17:25) Waizova uchiratidzira ruremekedzo nokuda kwoMupi woupenyu here kudai waisvuta noune chimwe chinhu chinokuvadza mapapu napahuro?
Pana Muparidzi 12:6 uropi hwomunhu nomutoo wenhetembwa hunoidzwa kuti “ndiro yendarama.” Hwakatikurei zvikuru kupinda chibhakera chako uye hunenge hune uremo hwamakirogiramu 1,4, uropi hausati huchingova bedzi chichengeto chinokosha cheyeuko dzako asiwo nzvimbo inokosha inoraira gadziriro yose yetsinga dzako dzokunzwa. Uchirangarira izvozvo, cherechedza nyevero yeSangano rezveMishonga, inoti: “Tinogona kutaura nechivimbo kuti marijuana inoparira miuyo yakakomba pauropi, kubatanidza nechinjo dzamakemikari nomukushanda kwamativi omuviri.” Kuri zvino, hapana ufakazi hwakasimba hwokuti marijuana inokuvadza ndangariro kwechigarire. Hunyanguvezvo, bviro yokuti marijuana ingakuvadza munzira ipi neipi “ndiro yendarama” haisati ichifanira kubviswa nomutoo wokurerutsa.
Asika zvakadiniko nekariro yokuva kwako anoroora pane rimwe zuva uye uchiva nevana? Sangano rezveMishonga rakashuma kuti marijuana inozivikanwa kuva “inoparira hurema hwokubereka nahwo painoshandiswa mumwero mikuru mumhuka dzakaedzwa.” Kana ine miuyo mimwe cheteyo pavanhu kusvikira zvino kuchigere kubvumikiswa. Yeuka, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti hurema hwokuberekwa nahwo (hwakadai sohumwe hunoparirwa nehormone DES) hunowanzotora makore kuti huzviratidzire ihwo humene. Naizvozvo, izvo nguva yemberi yakachengetera vana—uye vazukuru—vavasvuti vemarijuana zvinomirira kuti zvionwe. Dr. Gabriel Nahas anotaura kuti kusvuta marijuana kungava “kunopinza mungozi vazukuru mavara okutodzana.” Ko munhu upi noupi anorangarira vana se“nhaka inobva kuna Jehovha” angatsunga kupinda mungozi dzakadaro here?—Pisarema 127:3.
Mirimo—Murangariro weBhaibheri
Chokwadika, marijuana ndimumwe bedzi wemirimo mizhinji inozivikanwa. Asi kunosanoenzanisira kuti pane chikonzero chakaringanira chokudzivisa mirimo ipi neipi inoshandura ndangariro nokuda kwomufaro. Bhaibheri rinoti: “Rutsvindo rwamajaya ndirwo simba rao.” (Zvirevo 20:29) Sejaya duku, iwe pasina panikiro unofarikanya utano hwakanaka. Ko hutsungirei hako kuhurasha nenzira iyeyo?
Zvinokosha zvikuru, kunyange zvazvo zvakadaro, isu tine murangariro weBhaibheri pamusoro peiyi inhau. Iro rinotiudza kuti “taviridzirai . . . mano okufunga,” kwete kuakuvadza kupfurikidza nokushandisa zvisina kufanira kwemirimo. (Zvirevo 3:21) Rinopfuurirazve kuraira, kuti: “Ngatizvichenurei pasvibiso iri yose yenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene mukutya Mwari.” Zvamazvirokwazvo, ndokunaavo bedzi vaka‘zvichenura ivo vamene pasvibiso,’ vachidzivisa miitiro yakadai sokushandisa zvisino kufanira mirimo, avo Mwari anopikira, kuti: “‘Ndichakupinzai.’ ‘Uye ini ndichava baba venyu.’”—2 VaKorinte 6:17–7:1.
Kunyanguvezvo, kuramba mirimo kungava kusati kuri nyore.
Vezera Rimwero Nedzvinyiriro Yavo
Humwe husiku hunotonhorera hwamadziya Joe naFrank, mukoma nomunin’ina neshamwari dzapedyo, vakaita rangano. “Pasinei hapo nechinoita munhu upi noupiwo zvake,” akakarakadza kudaro Joe, muduku wavavirivo, “ngatiregei kuzvinyengedza tichitamba nemirimo.” Pwere mbiri dzakabatana zvanza pamusoro peranganoyo. Makore mashanu bedzi gare gare, Joe akawanwa akafa mumotokari make somuuyo wetsaona ine chokuita nemirimo. Uye Frank akava anopindwa muropa zvakakomba nemirimo.
Chii chakava chisino kururama? Mhinduro inowanwa mune iyi nyevero inokosha inowanwa muBhaibheri, inoti: “Musatsauswa, songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera.” (1 VaKorinte 15:33) Joe naFrank vose vari vaviri vakakumbanira boka risina kururama. Zvavakanyanyosonganirana naavo vaishandisa mirimo, ivo vamene vakavamba kushandisa mirimo.
Bhuku Self-Destructive Behavior in Children and Adolescents rakacherechedza, kuti: “Kazhinji kazhinji zvikuru vechiduku vanowanzokupinzwa kana kuti ku‘dzidziswa’ mirimo yakasiana-siana neshamwari yapedyo . . . Vavariro [dzake] dzingava dzokugoverana manyemwe kana kuti chinoitika chinofadza.” Mike, adudzwa pakuvamba-vamba, anosimbisa ikoku, achiti: “Dzvinyiriro yevazera rangu kwandiri yakanga iri imwe yezvinhu zvakaomesesa zvokubata nazvo. . . . Nguva yokutanga yandakasvuta marijuana, ndakakuita nokuti vana vose vandakanga ndinavo vaikuita, uye ndakanga ndichida kugamuchirika.”
Kutaura nomutoo wakajeka, kana shamwari dzako dzikatanga kushandisa mirimo, uchadzvinyirirwa zvakasimba mundangariro kuti uwirirane, kuti ugamuchirike. Kana usingachinji rudzi rweshamwari dzako, sezvinobvira zvikuru iwe pakupedzisira uchavawo mushandisi wemirimo.
“Kufamba Navanhu Vakachenjera”
“Iye unofamba navanhu vakachenjera uchava akachenjera, asi iye unova nezvokuita namapenzi uchaguma nomutoo wakaipa,” inodaro Zvirevo 13:20. Kuenzanisira pfundo racho, kudai waiedza kudzivisa kubatira dzihwa, hausati waizodzivisa kuva pedyo nomunhu anaro here? “Nenzira yakafanana,” rinodaro bhuku rinonzi Adolescent Peer Pressure, “kana tichizodzivisa . . . kushandisa zvisina kufanira mirimo . . . , tinoda kuchengeta migariro youtano yakadzikama ndokuderedza kusadziviririka kupesvedzero dzinokuvadza.”
Naizvozvo unoda here kuramba mirimo? Naizvozvo rinda vaunosonganirana navo. Tsvaka shamwari dziri maKristu anotya Mwari avo vachatsigira kutsunga kwako kwokuramba usingatongoshandisi mirimo. (Enzanisa na 1 Samueri 23:15, 16.) Cherekedzawo, mashoko ari pana Eksodho 23:2. Kunyange zvazvo pakuvamba-vamba akanangidzirwa kuzvapupu zvinopa chipupuriro chakapikwa, iwo ipangiro yakanaka nokuda kwepwere: “Iwe hausati uchifanira kutevera boka nokuda kwamadonzo akashata.”
Mumwe munhu anotevera nomutoo usingapanikirwi vezera rake haasati ari chimwe chinhu kunze kwokuva muranda. Bhaibheri pana VaRoma 6:16 (New International Version) rinoti: “Hamuzivi here kuti apo imi munozvipa imi mumene kune mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, imi muri varanda vouyu wamunoteerera?” Ndokusaka Bhaibheri richikurudzira pwere kukudziridza “mano okufunga.” (Zvirevo 2:10-12) Dzidza kuzvifungira iwe umene, uye hausati uchizokombamira kukutevera pwere dzisingadzoreki.
Chokwadi, ungava uchida kuziva pamusoro pemirimo netapuro dzayo. Asika iwe hausati uchidikanirwa kushatsa ndangariro yako umene nomuviri kuti ugoziva zvinoita mirimo kuvanhu. Ingocherechedza bedzi vanoshandisa zvisina kufanira mirimo vezera rako—zvikurukuru vaya vave vari vashandisi zvisina kufanira kwenhambo refu yenguva. Vanoratidzika kuva vakasvinura navanogona here? Vakaita kuti mamakisi avo arambe akakwirira here? Kana kuti ivo vakagomara uye havateereri, padzimwe nguva vanotova vasingazivi nezvechiri kuitika kwavari? Shoko rakaitwa navashandisi zvisina kufanira vemirimo ivo vamene kurondedzera vakadarovo: “vasakari.” Asi, “vasakari” vazhinji sezvinobvira vakatanga kushandisa mirimo nokuda kwokuda kuziva. Hakusatiwo kuchishamisa, ipapoka, kuti Bhaibheri rinokuchidzira maKristu kudzivisa kuda kuziva kusina kunaka uye kuva “vana pamusoro poushati.”—1 VaKorinte 14:20.
Unogona Kuramba!
Bhukwana rakabudiswa neU.S. National Institute on Drug Abuse rinotiyeuchidza, kuti: “Kuramba banza rokushandisa murimo . . . maruramiro ako. Shamwari dzipi nedzipi dzinotsamira pauri pamusoro pechisarudzo chako dziri kukuvadza maruramiro ako somunhu akasununguka.” Unogona kuitei kana mumwe munhu akakugovera mirimo? Iva noushingi hwokuti aiwa! Ikoku hakusati kuchireva hako kupa mharidzo pamusoro poushati hwokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Bhukwana rimwe chetero rakakarakadza kupindura kwakapfava kwokuti, “Aiwa wazviita, Handidi kusvuta” kana, “Aiwa, handidi chinetso” kana kunyange musere wokuti, “Handidi kushatsa muviri.” Kana vachipfuurira vachida kukugoverwa, ungatofanira hako kuti aiwa, noushingi! Kuita kuti vamwe vazive kuti iwe uri muKristu kungabvumikisawo kuva taviridziro.
Kukura hakusati kuri nyore. Asi kana uchiedza kudzivisa marwadzo anowedzera kupfurikidza nokushandisa mirimo, unogona kudzivirira nomutoo wakakomba mabanza ako okuva mukuru anovimbwa naye akakura muzivo. Dzidza kunangana nezvinetso nomutoo wakananga. Kana dzvinyiriro dzichiratidzika kuva dzinogombedzera, rega kutsvaka kunzvenga nemirimo. Taura zvinhu nomubereki kana kuti navamwe vakura vanovimbwa navo vanogona kukubetsera kuronga zvinhu. Yeukawo, pangiro yeBhaibheri, inoti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokuonga itai kuti teterero dzenyu dziziviswe kuna Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rwucharinda mwoyo yenyu namasimba enyu endangariro.”—VaFiripi 4:6, 7.
Hungu, Jehovha Mwari achakupa simba rokutaura kuti aiwa! Usatongorega vamwe vachikudzvinyirira kunetesa kutsunga kwako. Sokukurudzira kunoita Mike: “Rega kuedza mirimo. Uchatambura nguva yose yasara youpenyu hwako!”
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko pwere zhinji zvikuru dzichibatanidzwa nemirimo?
◻ Ko kushandisa mirimo kunogona sei kudzivirira kukura kwako kwendangariro?
◻ Chiiko chinozivikanwa pamusoro pokuti marijuana inotapura sei muviri?
◻ Chii chiri murangariro weBhaibheri wokushandisa mirimo nokuda kwomufaro?
◻ Neiko kurinda shamwari dzako kuchikosha kukuramba usingatoshandisi mirimo?
◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzokuramba nadzo mirimo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 274]
“Kunyange varindi vokuchikoro kwedu vari kutengesa mbanje,” inodaro imwe pwere
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 279]
“Ndakaziva kuti kukura kwendangariro yangu kwakamira apo ndakatanga kushandisa mirimo.”—Mike, aichimbova mushandisi wemirimo
[Bhokisi riri papeji 278]
“Marijuana”—murimo Mutsva Unoshamisa Here?
Kwave kune nhau huru yakaitwa pamusoro pokutaura kwokuti “marijuana” ingava noukoshi hwokurapa mukurapa chirwere chameso nechirwere cheasthma uye kuderedza kusvotwa uko varwere vegomarara vanotambura mukati mokurapwa nemidzanga ye“marijuana.” Mushumo weSangano rezveMishonga reU.S. unobvuma kuti pane zvokwadi yakati kuti muidzi kumbiro. Asika ikoku kunoreva here kuti munguva yemberi iri pedyo vanachiremba vacharapa neminzanga ye“marijuana”?
Sezvinobvira hakuitiki, nokuti kunyange zvimwe zvezvinopfuura zvisanganiswa zvemidzanga zvinopfuura 400 zve“marijuana” zvingabvumikisa kuva zvinobetsera, kusvuta “marijuana” hakungatongovi mutoo uno mufungo wokushandisa mishonga yakadaro. “Kushandisa ‘marijuana,’” inodaro nyanzvi yakakurumbira Dr. Carlton Turner, “kungava kwakaita sokupa vanhu chingwa chakaora chokudya kuti vaone jekiseni repenisirini.” Naizvozvo kana zvisanganiswa zvipi nezvipi zve“marijuana” zvikava mishonga inobvumirwa nehurumende, zvichava “mishonga inotorwa mubhanje kana yakafanana nayo” ye“marijuana,” zvisanganiswa zvemidzanga zvakafanana nayo, izvo vana chiremba vachashandisa. Hakuzatiwo kuchishamisa, ipapoka, kuti Munyori weU.S. Wezvoutano Namabasa Avanhu akanyora, kuti: “Kunofanira kusimbiswa kuti betsero dzinobvira dzokurapa hadzingatongogoni kuchinja ngozi yemiuyo yakaipa youtano ye‘marijuana.’”
[Mufananidzo uri papeji 275]
Iva noushingi hwokuti aiwa kumirimo!
[Mifananidzo iri papeji 276, 277]
Dzivisa zvinetso zvako kupfurikidza nemirimo zvino . . . uye iwe ungakuwana kwakaoma kunangana nezvinetso somukuru