Chizvarwa Chiri Mumatambudziko
“Mwedzi miviri yakapfuura, ndaifara uye ndaikwanisa kuita basa. Asi iye zvino kana ndikawana mukana wokuita chimwe chinhu, ndinenge ndakaneta zvokutadza kuchiita. Handisi kufara zvachose uye handitani kushatirwa, handizivi kuti vanhu vanokwanisa kugara neni sei. Zvakandiomera kutaura kuti nei ndakangoerekana ndisisafari.”—Paul.
“Ndinochema uye ndinorwadziwa zvikuru. Kana ndisiri kurwadziwa, ndinongoita kunge chitunha. Hapana chinhu chinondinakidza. Handichafariri kuva neshamwari dzangu. Ndinokotsira sedahwa. Mazuva mazhinji handikwanisi kumuka kuti ndiende kuchikoro uye ndava kutanga kufoira.”—Melanie.
PAUL naMelanie havasivo voga. Kuongorora kunoratidza kuti vanenge vachiri kuyaruka 8 kubva muzana muUnited States vari kutambura nokuora mwoyo uye kuti gore rimwe nerimwe vanenge 4 kubva muzana vanoora mwoyo zvikuru. Asi nhamba idzi hadzitauri chokwadi chakakwana, nokuti kuora mwoyo kunotadza kuoneka kana kuti vanhu vanongokusiya kwakadaro. Nyanzvi yepfungwa dzevachiri kuyaruka inonzi David G. Fassler yakanyora kuti “Chokwadi, pashure pokuongorora zvakawanikwa pavana uye pavachiri kuyaruka, ndinofunga kuti vanopfuura vaviri kubva pavachiri kuyaruka vasere vachaora mwoyo zvikuru pavanozosvitsa makore gumi nemasere.”
Migumisiro Yakaipa Chaizvo
Kuora mwoyo kune migumisiro yakaipa chaizvo pavachiri kuyaruka. Vanamazvikokota vanodavira kuti ndiko kunonyanya kukonzera zvinetso zvokudya, zvirwere zvakasiyana-siyana, kunetseka kuchikoro uye kushandisa zvinodhaka kunoitwa nevachiri kuyaruka.
Zvinotosuruvarisa kuti kuora mwoyo kwakaonekwa kuti kune chokuita nokuzviuraya kwevachiri kuyaruka. Maererano neU.S. National Institute of Mental Health, vechiduku 7 kubva muzana vakaora mwoyo zvikuru vanopfuudza upenyu hwavo.a Kunyange izvi hazviratidzi kukura kwakaita nhamo yacho yose, sezvo zvichifungidzirwa kuti pamunhu wechiduku mumwe nomumwe anozviuraya, vamwe vakawanda vanoedza kudaro. Saka pane chikonzero chakanaka kuti mushumo wakaitwa neCarnegie Council on Adolescent Development uti: “Kushaya hanya nematambudziko evachiri kuyaruka ingozi chaiyo mazuva ano. Kushaya hanya kwakadaro zvechokwadi kunoisa chizvarwa ichi munhamo huru.”
Havana Chinovanetsa Muupenyu Here?
Vamwe zvinovaomera kubvuma kuti vachiri kuyaruka vanogona kuora mwoyo zvechokwadi. ‘Vachiri vanana,’ vanhu vakuru vangafunga kudaro. ‘Havana chinovanetsa muupenyu, uye zvechokwadi havana nhamo sedzinosangana nevanhu vakura.’ Asi ndizvo here? Chokwadi ndechokuti vachiri kuyaruka vane matambudziko akatokura kukunda zvinozivikanwa nevanhu vakura. Dr. Daniel Goleman anoti: “Pasi pose chizvarwa chimwe nechimwe kubva pakatanga zana remakore rechi20 chakararama mumatambudziko akakura kudarika evabereki vacho okutambura nokuora mwoyo—kwete kusuruvara chete, asi kurukutika chaiko, kushaya mufaro, kuzvinzwira urombo uye kushaya tariro kwakakura—muupenyu. Uye izvi zviri kuramba zvichitanga kuitika kuvana vachiri nomukaka pamhino.”
Kunyange zvakadaro, vabereki vakawanda vangati: ‘Takakwanisa kuyaruka tisina kuora mwoyo. Nei mwana wedu achinetseka kudaro?’ Asi vanhu vakuru havafaniri kufananidza zvakaitika kwavari pavaiyaruka nezviri kuitika kuvechiduku nhasi. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanosiyana-siyana pamaonero avanoita zvinhu zviri munyika uye zvavanoita zvinosiyana.
Uyewo, vachiri kuyaruka vemazuvano vane mamwe matambudziko. “Vari kukura munyika yakasiyana zvachose neyakakurira vabereki vavo,” akanyora kudaro Dr. Kathleen McCoy mubhuku rake rinonzi Understanding Your Teenager’s Depression. Apedza kutaura zvakasiyana-siyana zvakachinja mumakumi emakore achangodarika, anoti: “Vachiri kuyaruka nhasi vanonzwa vasina kunyanya kuchengeteka, vasina chivimbo uye vasina tariro chaiyo sezvataiita kare kedu.”
Tichiona kupararira kwakaita kuora mwoyo pakati pevachiri kuyaruka, nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo mitatu inoti:
• Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvokuora mwoyo kwevachiri kuyaruka?
• Chii chinokonzera kuora mwoyo?
• Vachiri kuyaruka vakaora mwoyo vangabatsirwa sei?
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanamazvikokota vanoti nhamba chaiyo yakakura kudarika apa, sezvo nzufu dzinoverengeka dzakanzi dzakaitika netsaona kwaiva kuzviuraya.