Kubatsira Kwaungaita
“Pwere dzakaora mwoyo dzinoda kubatsirwa. Asi pwere hadzikwanisi kuwana rubatsiro rwakadaro dziri dzoga. Munhu mukuru anofanira kutanga kuona dambudziko racho orega kuita zvokutamba naro. Apa ndipo pakaoma.”—Dr. Mark S. Gold.
UNGAITEI kana ukaona kuti wechiduku wako akaora mwoyo? Chokutanga, usaita zvokufungidzira. Zviratidzo zvinogona kunge zvichireva chimwe chinhu chisiri kuora mwoyo.a Uyezve, pwere dzose dzinombosuruvara pane imwe nguva. Asi kana izvi zvikaramba zviripo uye zvisingaratidzi kuti zvichapera, zvingava zvakanaka kuenda kunoona chiremba. Maererano neizvi, zvakanaka kuramba muchiyeuka mashoko aJesu anoti: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”—Mateu 9:12.
Udza chiremba wako mashoko ose aunoziva angamubatsira usingavanzi, kusanganisira kuchinja kuchangobva kuitika muunhu hwomwana wako zvingava zviri kukonzera kuti apere mwoyo. Iva nechokwadi chokuti chiremba anopedza nguva yakakwana akateerera asati ataura kuti chirwere chacho chii. “Hazvigoni kuti uunganidze mashoko ose anodiwa kuti uongorore mwana mumaminitsi makumi maviri,” anodaro Dr. David G. Fassler.
Inzwa wakasununguka kubvunza chiremba mibvunzo ipi neipi yaungava nayo. Somuenzaniso, kana chiremba achifunga kuti wechiduku wako akaora mwoyo zvikuru, ungabvunza kuti nei achidaro. Kana usina kugutsikana nezvinenge zvataurwa nachiremba, muudze kuti unoda kumbonzwa zvinotaura mumwe chiremba. Zvechokwadi, hapana chiremba akatendeseka achakurambidza kuita izvozvo.
Kubvuma Mamiriro Ezvinhu
Kana wechiduku wako akaora mwoyo zvikuru, usanyadziswa nazvo. Zviripo ndezvokuti kuora mwoyo kunogona kubata chero vechiduku vakanakisisa. Bhaibheri rinoratidza kuti kurwadziwa mupfungwa kwakatambudza vamwe vakanga vachiedza nomwoyo wose kushumira Mwari, pasinei nezera ravo. Funga nezvaJobho akanga akatendeka, uyo akafunga kuti Mwari amusiya ndokubva atanga kuvenga upenyu. (Jobho 10:1; 29:2, 4, 5) Hana akanga ari mushumiri waMwari akanga ane “shungu kwazvo” zvokuti akatadza kudya. (1 Samueri 1:4-10) Uye paiva nomurume aitya Mwari ainzi Jakobho, uyo akachema kwemazuva akawanda pashure pokufa kwomwanakomana wake ‘akaramba kunyaradzwa.’ Jakobho akatoshumba kupinda muguva nomwanakomana wake! (Genesi 37:33-35) Nokudaro, kurwadziwa mupfungwa hazvirevi kuti wakaneta pakunamata.
Kunyange zvakadaro, kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka kunogona kuvhiringidza vabereki zvikuru. “Ndinofanira kungwaririra zvandinotaura nezvandinoita,” vakadaro vamwe amai vane mwana akaora mwoyo. “Zviri kundinetsa, ndiri kutya, ndine hasha uye ndazoneta.” Vamwewo amai vanoti: “Ndinofamba-famba ndoona amai vachitenga vaine mwanasikana wavo achiri kuyaruka uye mwoyo wangu unonzwa kurwadziwa nokuti ini handikwanisi kuita izvozvo [nomwanasikana wangu] uye hazvisi kuzofa zvakaitikazve.
Kurwadziwa kwakadaro kunowanika muvanhu. Kunyange zvakadaro, pane dzimwe nguva kunogona kuva kwakanyanya. Kana izvozvo zvikaitika, wadii kuudza shamwari yaunovimba nayo? Zvirevo 17:17 inoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” Uyewo, usarega kunyengetera. Bhaibheri rinotipikira kuti kana tikakandira mitoro yedu pana Mwari, achatitsigira.—Pisarema 55:22.
Kakuda Kupomera Mumwe Munhu
Vabereki vakawanda vane vachiri kuyaruka vakaora mwoyo vanoshungurudzika uye vanofunga kuti zvakaitika izvi imhaka yavo. “Mwana wako paanenge akaora mwoyo,” anodaro mumwe mubereki, “unonzwa uine mhosva uye hapana anogona kuchinja mafungiro iwayo.” Unoramba uchinetseka kuti, ‘Ndepapi patakakanganisa? Zvinhu zvakatanga kuipira papi? Ini ndakawedzera mhosva yacho sei?’” Vabereki vangakwanisa sei kuramba vachifunga zvakanaka panyaya iyi?
Hapana mubvunzo kuti mumba munogara muine mhirizhonga munokanganisa mwana. Ndokusaka Bhaibheri richipa vanababa zano rokuti: “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Nokudaro, vabereki vangaita zvakanaka kana vakaongorora nzira dzavanoshandisa kubata nevana vavo uye kugadzirisa panenge pachidiwa kugadziriswa. Asi nguva dzose kuora mwoyo hakukonzerwi nokurera mwana zvisina kunaka. Chokwadi, chirwere ichi chinogona kuwanika mudzimba dzakawanda dzine rudo. Saka, vabereki vari kuita zvose zvavanokwanisa kubatsira vana vavo havafaniri kunzwa vaine mhaka.
Zvakakoshawo kuti musapa mwana akaora mwoyo mhaka. Zvimwe iye anenge achitonetsekawo nechirwere chacho. “Handina kumupa mhaka yokuva nechibhokisi kana kuti mabayo,” vanodaro vamwe amai. “Asi paakaora mwoyo, ndizvo zvandakaita. Ndakapa mwana wangu mhosva yokurwara—uye izvi zvinondirwadza zvikuru.” Kuona kuora mwoyo sechirwere uye kwete sokuzviitisa kuchabatsira vabereki uye vamwe kuti vanyanye kufunga nezvokuti vangabatsira sei munhu ari kutambura.
Kurera mwana akaora mwoyo kunogona kuita kuti vabereki vanetsane zvikuru. “Tainakurirana nyoka mhenyu,” anodaro mumwe mudzimai, “kunyanya patakafunga nezvoupenyu hwataitarisira kuva nahwo uye hwatakanga tinahwo nemhaka yomwanakomana wedu.” Tim, ane mwanasikana akaora mwoyo, anoti: “Zviri nyore kupomera mumwe wako. Kana vabereki vakava nezvinetso mumba mavo mwana asati ava kuratidza kuora mwoyo, unhu hwomwana husinganzwisisiki ndihwo hungazoita kuti zvibva zvatonyangara.” Musarega kuora mwoyo kwomwana kuchiita kuti musawirirana! Zvechokwadi, hapana chakanaka chinobuda kana muchinongedzerana—kunongedza mwana wenyu kana kuti imi pachenyu. Chinhu chinokosha ndechokutsigira munhu ari kutambura.
Kutsigira
Bhaibheri rinopa vaKristu zano rokuti: “Taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza.” (1 VaTesaronika 5:14) Kana achiri kuyaruka akaora mwoyo achinzwa asingakoshi, munogona kubatsira. Sei? Izvi hazviitwi nokutaura mashoko akadai sookuti: “Haufaniri kudaro,” kana kuti “Pfungwa idzodzo hadzina kunaka.” Pane kudaro, edza kuva netsiye nyoro nokuva ‘anonzwira ngoni.’ (1 Petro 3:8) Pauro akapa vaKristu zano ‘rokuchema nevanhu vanochema.’ (VaRoma 12:15) Yeuka kuti munhu akaora mwoyo zvechokwadi ari kurwadziwa. Kurwadziwa kwacho hakusi kwokufungidzira kana kuti kwokuzviitisa kuti anzwirwe tsitsi. Kana uchinge wateerera, edza kuita kuti ari kurwadziwa ataure zvakawanda. Mubvunze kuti nei achinzwa zvakadaro. Zvadaro, muudze zvakanaka-naka kuti kuzvishora kwakadaro hakuna kukodzera. Kumuudza kuti Mwari anomuda uye kuti ane ngoni kunogona kuita kuti ari kutambura asanyanya kufunganya.—1 Petro 5:6, 7.
Pane mamwe matanho anoshanda aunogona kutora. Somuenzaniso, ungada kuva nechokwadi chokuti mwana wako achiri kuyaruka akaora mwoyo ari kuwana zororo rakakwana, zvokudya zvinovaka muviri zvakakwana, uye kurovedza muviri. (Muparidzi 4:6) Kana zvikanzi anofanira kunwa mushonga, zvingava zvakanaka kubatsira mwana kuona kuti zvakakosha kunwa mushonga. Usaneta pakutsigira, uye usaneta kuratidza rudo.
Ichokwadi kuti kuora mwoyo kweachiri kuyaruka kunogona kubaya kusvika panyama nhete, kune ari kurwara uye kumhuri yose zvayo. Pakupedzisira, mwoyo murefu, kutsungirira, uye rudo zvichabatsira kuumba hwaro hwokubatsira vachiri kuyaruka vakaora mwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinonzi zvimwe zvirwere—kusanganisira zvomuropa, zveshuga, kupererwa neropa, kushomeka kweshuga yomuropa—zvinogona kuita kuti pave nezviratidzo zvakafanana nezvokuora mwoyo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Munhu akaora mwoyo zvechokwadi ari kurwadziwa. Kurwadziwa kwacho hakusi kwokufungidzira
[Bhokisi riri papeji 13]
KANA UCHIRI KUYARUKA UYE WAKAORA MWOYO
Hausiwe woga, uye pane tariro kudambudziko rako. Kuora mwoyo kwako kungava kunokonzerwa (1) nokukanganisika kwemakemikari mumuviri wako kana kuti (2) zvinhu zvomuupenyu zvausingakwanisi kudzora. Chipi nechipi chingava chikonzero chacho, haisi mhosva yako. Kunyange zvakadaro, chii chaungaita?
Bhaibheri rinoti “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” (Zvirevo 18:24) Wadii watsvaka shamwari yakadaro woiudza zviri kutsi kwomwoyo wako? Mubereki wako kana kuti mumwe munhu akura angakubatsira zvikuru mukurwisa kuora mwoyo.
Kana vabereki vako vakafungidzira kuti wakaora mwoyo zvikuru, vanogona kuenda newe kwachiremba ane ruzivo mukurapa hosha yacho. Iri idanho rakanaka, nokuti kakawanda kuora mwoyo kunogona kupedzwa nokurapwa, kana mishonga yacho iripo. Somuenzaniso, kana kukanganisika kwemakemikari kuri chikonzero chacho, mushonga unopedza kuora mwoyo unogona kupiwa. Kana ichi chiricho chinetso chako, usanyara kunwa mishonga. Zvinoita kuti muviri wako utangezve kushanda zvakanaka uye izvi zvinokwanisa kubatsira kuti ufare zvekare worarama upenyu hwakanaka.
Vakawanda vakaora mwoyo vakanyaradzwa nokuverenga Bhaibheri uye kuswedera pedyo naMwari mumunyengetero. Bhaibheri rinotiudza zvechokwadi kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”b—Pisarema 34:18.
[Mashoko Omuzasi]
b Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya ine musoro unoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinofanira Kuudza Mumwe Munhu Kuti Ndakaora Mwoyo Here?” yakabuda muMukai! yaNovember 8, 2000.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
RUBATSIRO UYE TARIRO KUNE VARI KUTAMBURA
Sezvo kuora mwoyo iri nhau yakaoma, hatikwanisi kutsanangura zvose zvinobatanidzwa munyaya dzino pfupi. Kunyange zvakadaro, vabudisi veMukai! vane chivimbo chokuti mashoko ataurwa anogona kubatsira vachiri kuyaruka uye vabereki vavo kutsungirira hosha inorwadza iyi.
Ungava wacherechedza kuti mirayiridzo yakawanda yacho munyaya yapfuura yabva muBhaibheri. Ichokwadi kuti ibhuku rekare-kare. Asi mazano aro anoshanda nhasi kungofanana nepanguva yaakanyorwa. Nei? Nokuti kunyange zvazvo nguva dzachinja, vanhu havana kuchinja. Tiri kutarisana nezvinetso zvimwe chete zvakatarisana nemadzitateguru edu. Musiyano uripo ndewokuti nhasi zvinetso izvi zvakura uye zvapararira.
Kunyange zvakadaro, pane chimwe chikonzero nei Bhaibheri richibatsira zvikuru: Rakafuridzirwa naMwari. (2 Timoti 3:16) Zvaari Musiki wedu, anoziva zvatinoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka muupenyu.
Chokwadi, Bhaibheri harisi bhuku rezvokurapa. Saka, haritirambidzi kuenda kunorapwa kana tichirwara, zvakadai sokuora mwoyo. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rine mashoko anogona kutibatsira kunyaradza vari kutambura. Kupfuura ipapo, rine chipikirwa chaMwari chokuti munguva pfupi iri kutevera acharapa hosha dzedu dzose. (Pisarema 103:3) Hungu, chinangwa chaJehovha ndechoku‘ponesazve mwoyo wowakapwanyika.’—Isaya 57:15.
Ungada kudzidza zvakawanda nezvetariro yakaisvonaka iyi here? Tapota ona Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti nyora tsamba kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Edza kunzwira ngoni
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kana kuora mwoyo kweachiri kuyaruka kukapfuurira, zvingava zvakanaka kunoona chiremba
[Mifananidzo iri papeji 12]
Iwe mubereki, usakurumidze kuzvishora, mumwe wako kana kuti mwana wako achiri kuyaruka