Nyaradzo Nokuda Kwavakapera Mwoyo
“Chisiko chose chinoramba chichigomera uye chichiva mumarwadzo pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Kutambura kwavanhu kwakanga kuri kukuru apo ikoko kwakanyorwa anopfuura makore 1 900 akapfuura. Vakawanda vaipera mwoyo. Naizvozvo, maKristu akakurudzirwa, kuti: “Taurai nomutoo unonyaradza kumweya inopera mwoyo.”—1 VaTesaronika 5:14.
Nhasi, dambudziko ravanhu rakatokura zvikuru, uye vanhu vakawanda kupfuura nakare kose vanopera mwoyo. Asi ikoko kunofanira kutishamisa here? Kwete chaizvoizvo, nokuti Bhaibheri rinozivisa ano sa“mazuva okupedzisira” uye rinoaidza kuti “nguva dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-5) Jesu Kristu akadeya kutaura kuti mukati mamazuva okupedzisira, kwaizova ne“shungu yamarudzi” uye “vanhu va[izo]pera simba nokuda kworutyo nekariro yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.”—Ruka 21:7-11, 25-27; Mateo 24:3-14.
Apo vanhu vanotambura kwenguva refu funganyo, rutyo, nhamo, kana kuti kumwe kunzwa kwakashata kwakadaro, vanowanzopera mwoyo. Chisakiso chokupera mwoyo kana kuti rusuruvaro rwokunyanyisa rungava rufu rwomudikani, chatanuro, kurasikirwa nebasa, kana kuti chirwere chisingaperi. Vanhu vanovawo vanopera mwoyo pavanokudziridza pfungwa yokuva vasina maturo, pavanonzwa kuti vanokundikana uye pavanonzwa kuti vagumbura vamwe vanhu. Munhu upi noupi angava anoputsanyika nomugariro une nhamo, asi apo munhu anokudziridza pfungwa yokuva asina tariro uye asingakwanisi kuona nzira yokubuda nayo pamugariro wakashata, kuora mwoyo kwakakomba kungavapo.
Vanhu vomunguva dzakare vakatambura kunzwa kumwe cheteko. Jobho akatambura chirwere nejambwa romunhu oga. Akanzwa kuti Mwari akanga amusiya, naizvozvo iye akaratidzira kusema upenyu. (Job 10:1; 29:2, 4, 5) Jakobho akapera mwoyo pamusoro porunoratidzira kuva rufu rwomwanakomana wake, achiramba kuva anonyaradzwa uye achishuva kufa. (Genesi 37:33-35) Achinzwa kuva nemhaka pamusoro pechikanganiso chakakomba, Mambo Dhavhidhi akachema, achiti: “Muswere wose wezuva ndafamba-famba ndakasuruvara. Ndagomara.”—Pisarema 38:6, 8; 2 VaKorinte 7:5, 6.
Nhasi, vanhu vakawanda vakava vanopera mwoyo nokuda kwokunyanyozvinetsa vamene, kuedza kutevera muitiro wezuva nezuva usingafungiki namasimba avo endangariro, omurangariro, uye omuviri. Sezvinooneka nhamo, inova pamwe chete nemifungo nemirangariro yakashata, zvinogona kutapura muviri ndokuparira kusagadzikana kwezvinhu muuropi, nokudaro ndokuparira kupera mwoyo.—Enzanisa naZvirevo 14:30.
Betsero Yavanoda
Epafrodhito, muKristu womuzana rokutanga ramakore womuFiripi, “akapera mwoyo nokuti [shamwari dzake] dzakanzwa kuti akanga arwara.” Epafrodhito, uyo akanga arwara pashure pokunge atumwa kuRoma neshamwari dzake nezvokudya zvomuapostora Pauro, zvimwe akanzwa kuti iye akanga agumbura shamwari dzake uye kuti idzo dzakamurangarira kuva akundikana. (VaFiripi 2:25-27; 4:18) Muapostora Pauro akabetsera sei?
Iye akatuma Epafrodhito kumusha aine tsamba inoenda kushamwari dzeFiripi iyo yakati: “Gamuchirai [Epafrodhito] setsika yenguva dzose muna Ishe nomufaro wose; uye rambai muchida vanhu vorudzi rwakadaro.” (VaFiripi 2:28-30) Idi rokuti Pauro akataura nomutoo wakakwirira nezvake uye kuti vaFiripi vakamugamuchira noushamwari nechidakadaka, zvamazvirokwazvo rinofanira kuva rakanyaradza Epafrodhito ndokumubetsera kubvisa kupera mwoyo kwake.
Pasina panikiro, pangiro yeBhaibheri yoku“taura nomutoo unonyaradza kumweya inopera mwoyo” yakanakisisa zvikuru. “Unodikanirwa kuziva kuti vamwe vanokuitira hanya somunhu,” akadaro mumwe mukadzi akatambura kupera mwoyo. “Unoda kunzwa mumwe munhu achiti, ‘Ndinonzwisisa; uchava nani.’”
Munhu akapera mwoyo anowanzoda kutanga kuita nhano kupfurikidza nokutsvaka munhu anonzwira tsitsi wokuvimba naye. Iyeyu anofanira kuva muteereri akanaka uye anoshivirira zvikuru. Iye anofanira kudzivisa kunyanyotaurira munhu akapera mwoyo kana kuti kuita kutaura kwechisarudzo, kwakadai sokuti, ‘Unofanira kusanzwa zvakadai’ kana kuti, ‘Ichecho chimiro chendangariro chakaipa.’ Mirangariro yomunhu akapera mwoyo haitani kukangaidzika, uye tsinhiro dzakadaro dzokutsoropodza dzingatomuita anzwe zvakaipisisa pamusoro pake amene.
Munhu akapera mwoyo anganzwa asina maturo. (Jona 4:3) Bva, munhu anofanira kuyeuka kuti chinokosha zvomenemene ndiwo makoshesere anoita Mwari mumwe munhu. Vanhu vakarangarira Jesu Kristu “saasingakoshi,” asika ikoku hakuna kuchinja ukoshi hwake chaihwo kuna Mwari. (Isaya 53:3) Iva nechokwadi kuti, Mwari zvaanoda Mwanakomana wake anodikanwa, iye anokudawo.—Johane 3:16.
Jesu akanzwira tsitsi avo vari mudambudziko ndokuedza kuvabetsera kuona ukoshi hwavo somunhu oga. (Mateo 9:36; 11:28-30; 14:14) Akatsanangura kuti Mwari anokoshesa kunyange shiri duku, dzisingakoshi. “Hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari,” iye akadaro. Anokoshesa zvikuru sei vanhu vanoedza kuita kuda kwake! Nezvaivava Jesu akati: “Kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.”—Ruka 12:6, 7.
Chokwadi, kungava kwakaomera munhu ari kutambudzika zvakakomba, ari kuremedzwa noutera hwake nezvikanganiso, kudavira kuti Mwari anomukoshesa zvikuru kwazvo. Anganzwa zvechokwadi kuti iye haana kufanirwa norudo rwaMwari netarisiro. “Mwoyo yedu ingatishurikidza,” Shoko raMwari rinobvuma kudaro. Asi ichecho ndicho chitemeso here? Aiwa hachisati chiricho. Mwari anoziva kuti vanhu vanoita chivi vangafunga nomutoo wakashata uye kunyange kuzvishurikidza vamene. Naizvozvo Shoko rake rinovanyaradza: “Mwari mukuru zvikuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.”—1 Johane 3:19, 20.
Hungu, Baba vedu vokudenga vane rudo vanoona zvinopfuura zvivi zvedu nezvikanganiso. Vanoziva migariro inopembedza, nzira youpenyu hwedu hwose, vavariro dzedu nemirangariro. Vanoziva kuti takagara nhaka chivi, chirwere, uye rufu uye nokudaro tine ganhuriro huru. Idi rokuti tinorwadziwa uye tinozvinetsa timene mariri rimene chibvumikiso chokuti hatidi kuita chivi uye hatisati tanyanyoita chivi. Bhaibheri rinoti ta“kaiswa mukusava namaturo” mukurwisana nokuda kwedu. Naizvozvo Mwari anonzwira urombo mugariro wedu unosuruvarisa, uye nomutoo wokunzwira tsitsi anorangarira utera hwedu.—VaRoma 5:12; 8:20.
“Jehovha ane tsitsi uye ane nyasha,” tinosimbisirwa kudaro. “Sokuva kure kwakaita mabvazuva kubva kumavira zuva, naizvozvo akaisa kudarika kwedu kure nesu. Nokuti iye amene anosanoziva kuitwa kwedu, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:8, 12, 14) Zvirokwazvo, Jehovha ndi“Mwari wenyaradzo yose, uyo anotinyaradza mudambudziko redu rose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.
Betsero inodiwa navakapera mwoyo inowanzobva mukuswedera pedyo naMwari wavo ane nyasha uye kugamuchira kokero yake yoku‘kandira mitoro yavo paari.’ Zvamazvirokwazvo iye anogona “kumutsidzira mwoyo wavari kupwanywa.” (Pisarema 55:22; Isaya 57:15) Naizvozvo Shoko raMwari rinokurudzira munyengetero, richiti: “Kandira kufunganya kwako kose pana [Jehovha], nokuti iye anokutarisira.” (1 Petro 5:7) Hungu, kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro vanhu vanogona kuswedera pedyo naMwari ndokufarikanya “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose.”—VaFiripi 4:6, 7; Pisarema 16:8, 9.
Gadziriro dzinoshanda mumararamiro dzinogonawo kubetsera munhu kukurira chimiro chendangariro chokupera mwoyo. Kurovedza muviri, kudya zvokudya zvakanaka, kufefeterwa nemhepo uye zororo rakakwana, uye kudzivisa kunyanyoona TV zvose zvinokosha. Mumwe mukadzi akabetsera vakapera mwoyo kupfurikidza nokuvapinza mukufamba kwesimba. Apo mukadzi akapera mwoyo akati: “Handidi kufamba,” mukadzi wacho nounyoro asi nomutoo wakatsiga akapindura, kuti: “Eya, uri kuenda.” Mukadzi wacho akashuma, kuti: ‘Takafamba makiromita matanhatu. Patakadzoka, akanga aneta, asi ainzwa zviri nani zvikuru. Haugoni kudavira kuti kurovedza muviri nesimba kunobetsera sei kutozosvikira wakuedza.’
Zvisinei, padzimwe nguva hakubviri kukurira chose chose kupera mwoyo, kunyange apo chinhu chiri chose chinenge chaedzwa, kubatanidza nokurapa. “Ini ndakaedza chinhu chiri chose,” akadaro mumwe mukadzi ane zera rapakati akati, “asi kupera mwoyo kunoramba kuripo.” Nomutoo wakafanana, zvino kwava kunowanzova kusingabviri kuporesa mapofu, mhatsi, kana kuti anokamhina. Bva, vakapera mwoyo vanogona kuwana nyaradzo netariro kupfurikidza nokugarorava Shoko raMwari, rinogovera imwe tariro yesununguko yechigarire kubva muzvakashata zvose zvavanhu.—VaRoma 12:12; 15:4.
Apo Kusina Munhu Achavazve Anopera Mwoyo
Apo Jesu akarondedzera zvinhu zvinotyisa zvinowira papasi mumazuva okupedzisira, akawadzera, kuti: “Apo zvinhu izvozvi zvinotanga kuitika, zvisimudzei kuti tote uye simudzirai misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Jesu akanga achitaura pamusoro pokununurwa ndokupinda munyika itsva yakarurama yaMwari, umo “chisiko chimene chichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari.”—VaRoma 8:21.
Ichava sununguko yakadini kurudzi rwomunhu kuva runosunungurwa pamitwaro yose yomunguva yakapfuura uye kumuka zuva rimwe nerimwe nendangariro dzisingaremedzwi nezvinetso, uchidisa kuita mubato wezuvaro! Hakuchinazve munhu upi noupi anodzivirirwa negore rokupera mwoyo. Chipikirwa chechokwadi kurudzi rwomunhu ndechokuti Mwari “achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kutoti kwakaratidzirwa nomumwe mutoo, kunokorwa mashoko kose kweBhaibheri kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures.