Ndiani Achapa Nyika Zvokudya?
VANHU vachazombochengetedza zvipenyu zvemarudzi akasiyana-siyana pane kuzviparadza here? Maererano nenyanzvi yezvinhu zvipenyu John Tuxill, izvozvo zvingada “kuchinja kukuru kwazvo.” Zvisinei, anowedzera kuti kuchinja kwakadaro “hakungaitiki pasina kuchinja kukuru mukuziva kwevanhu nezvokubatsira kunoita kusiyana-siyana kwezvinomera, chido chavo chokuchinja zviri kuitwa iye zvino, uye chido chavo chokuedza mitoo mitsva.”
Vakawanda vanozviona zvakaoma kudavira kuti kuchinja kukuru kwakadaro kuchaitika. Uye vakawanda vanoramba zvakagumiswa naTuxill. Pane masayendisiti ezvakatikomberedza anofunga kuti basa rokusiyana-siyana kwemarudzi ezvinhu zvipenyu harisati rave kunyatsonzwisiswa uye zvichida hakuratidzwi sezvakuri nevamwe vawo. Kunyange zvakadaro, masayendisiti paanenge achiri kukurukura nezvenhau yacho, zvinenge zvakakosha kuongorora kutaurwa kwengozi ingangovapo kuri kubva kunyanzvi munhau iyi. Dzinoratidzika kuti dziri kunetseka, kwete chete nokupera kwezvinhu zvakasiyana-siyana munharaunda yazvo asiwo nemakaro uye kusaona zviri mberi kwavanoona kuchiitika pakurasikirwa kwakadaro. Ona mashoko aya anobva kuvanyori vakasiyana-siyana.
“Makore zana apfuura bedzi, mazana emamiriyoni evarimi, akanga akapararira panyika pose, aichengetedza oga mbeu dzawo. . . . Nhasi, dzakawanda dzembeu dzacho dzakaunzwa, kuchinjwa zvadzinofanira kuita kana dzamera, uye kutorwa kodzero dzadzo nemakambani epasi pose ndokuchengetwa sezvinhu zvenyanzvi. . . . Nokunyanya kuomerera pazvinhu zvinopa mari kwenguva pfupi, maindasitiri ezvokugadzira mbeu ari kuratidza kuti achaparadza zvinhu zvinokosha zvembeu izvo rimwe zuva zvingangova zvinokosha pakudzivirira chirwere chinoramba kupera uye nhinhi yechipembenene.”—Munyori wesayenzi Jeremy Rifkin.
“Mashoko anobudiswa munhau, anowanzogara achitaurwa, ndeokuti kutengeserana ndiko chinhu chikuru, kutengeserana pasina kubhadharisana mitero, uye upfumi hwepasi pose. Kana zvinobudisa nhau zvichidzorwa nemakambani makuru ezvokutengeserana akapfuma, zvinodavirwa izvi zvakafanana nezvinotendwa nezvitendero uye hapana anombozvibvunza kuti zvaitirwei.”—Nyanzvi yezvinhu zvipenyu David Suzuki.
Mubhuku rake rinonzi Seeds of Change—The Living Treasure, munyori Kenny Ausubel anotaura unyengeri huri munyika dzakabudirira apo “hurumende dzeko nemakambani makuru anodemba nezvengozi ingangovapo pasi pose yokutsakatika kwe‘nhaka yevanhu vose’ yezvinoratidza zvichaita chinhu kana chaberekwa.” Anotaurawo kuti vari kuisa pangozi kusiyana-siyana kwemarudzi ezvinhu nokushandisa nzira dzemazuva ano dzokurima uye dzokudzokorora kurima chirimwa chimwe chete mumunda mumwe.
Zvisinei nokuti kutya zvikuru kwenyanzvi dzezvakatikomberedza ndekwechokwadi kana kuti kwete, ungazviwana zvakaoma kunzwa une chivimbo nezveremangwana repasi rino. Ringaramba riripo kwenguva yakareba sei kana vanhu vachiita sevanokurudzirwa nemakaro? Vave neshungu dzokuwana mhinduro, vanhu vakawanda vanodavira kuti sayenzi ichatinunura.
Sayenzi Nounyanzvi Hwokugadzira Zvinhu Zvingatinunura Here?
Royal Society yeEdinburgh munguva pfupi yapfuura yakaratidza kunetseka nokuti kufambira mberi mune zvesayenzi iye zvino kwava kukurumidza zvikuru uye kwakaoma kunzwisisa zvokuti masayendisiti anogona kupinda mungozi yokutadza kunyatsonzwisisa zvakunoreva. “Sayenzi inopa nzwisiso shoma isina kuzara yezvinhu zvakasikwa,” akanyora kudaro David Suzuki. “Hapana chatinomboziva nezvemaumbirwo ezvinhu zvipenyu zvePasi, tisingadudzi hedu nezvokubatana kwazvakaita uye kurarama kwazvinoita zvichitsigirana.”
Sokutsanangura kwakaita magazini inonzi Science, “hapana chinoratidza kuti kubatsira kwemaGEO [Genetically Engineered Organisms] kunobatsira kana kuti ndekwepasi pose. . . . Kugona kwedu kufanotaura zvichaitika kuzvinhu zvipenyu zvinounzwa, kusanganisira maGEO, hakuna kujeka.”
“Kunowanzonzi kufambira mberi” kwakawanda zvechokwadi kwave kuri bakatwa rinocheka nenhivi mbiri. Kunobatsira mune dzimwe nzira, asiwo kunoratidza kushaya uchenjeri kwevanhu, uye kakawanda kacho kunoratidza makaro avo. (Jeremia 10:23) Somuenzaniso, zvirongwa zvokukohwa pakuru zvakaita kuti pave negoho guru uye vanhu vakawanda vakawana zvokudya, kwakaitawo kuti pave nokupera kwokusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu. Nokukurudzira kushandisa mishonga inouraya zvipembenene uye dzimwe nzira dzokurima dzinodya mari yakawanda, zvechokwadi zvirongwa zvokukohwa pakuru zvakabatsira “makambani anouchika mbeu uye vane simba vomunyika dzisina kubudirira pane kubatsira vanhuwo zvavo,” akanyora kudaro Dr. Mae-Wan Ho. Muitiro uyu uri kupfuurira sezvo kurima kwakavakirwa paunyanzvi hwokushandura zvinhu zvipenyu kunova bhizimisi rakatokura uye rine simba zvikuru uye kunotipinza mune remangwana umo kuwana zvokudya kunenge kuchitsamira zvikuru pasayenzi.
Zvisinei, zvinetso izvi hazvifaniri kutiodza mwoyo. Chaizvoizvo, zvinongoshanda kuratidza pfungwa huru. Bhaibheri rinotibatsira kuona kuti hatifaniri kutarisira zvakawanda kubva kune vanhu vasina kukwana vari kushandisa pasi nezviwanikwa zvaro iye zvino. Pari zvino, kukundikana uye kushandisa nomutoo usiri iwo chaizvoizvo ndiwo muitiro womunhu wagara uripo. Nokudaro, Pisarema 146:3 rinopa zano kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Asi tinogona kuvimba zvizere naMwari. (Zvirevo 3:5, 6) Ane chido uye simba rokutibatsira.—Isaya 40:25, 26.
Munguva Pfupi iri Kutevera—Nyika Yakazara Nezvinhu Zvipenyu
Usati wavandudza imba yava kuparara, ungada kutanga kubvisa tsvina yose. Kufanana neizvozvo, Jehovha Mwari munguva pfupi iri kutevera achabvisa uipi hwose panyika, kusanganisira vaya vanoona nyika yedu, zvinhu zvayo zviripo zvakasikwa, uye kunyange vamwe vanhu sezvinhuwo zvokungoshandisa pamadiro vachida kuwana upfumi pachavo kana pamakambani. (Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 11:18) Asi Jehovha achaponesa vose vanomuda uye vanovavarira kuita kuda kwake.—1 Johani 2:15-17.
Adaro, nyika nezvinhu zvayo zvisingaverengeki zvipenyu, kusanganisira vanhu vanoteerera, ichatongwa nehurumende inoitwa naMwari—Umambo hwaMesiya. (Dhanieri 7:13, 14; Mateu 6:10) Uye nyika ichabereka zvinhu zvakazowanda pakutonga ikoko! Pisarema 72:16 rinoti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pemakomo.” Hungu, zvokudya hazvizombokonzeri makakatanwa kana kunetseka. Pane kudaro, zvichange zvisingakuvadzi uye zviri mafashafasha.
Saka nyika iripo zvainonyura murima rokupera mwoyo nokusava nechokwadi, vaya vanovimba naJehovha vanogona kutarira mberi kune remangwana rakajeka pakare pasi pano. Tariro iyi iri mu“mashoko akanaka oumambo,” ayo Zvapupu zvaJehovha zvinoudza vamwe nomufaro uye vose vanoda nyika iri nani uye inoruramisira. (Mateu 24:14) Netariro iyoyi yechokwadi—uye kutarisira kwaMwari kwakaita sekwababa kuvanhu vake—tinogona, kunyange zvino, ‘kugadzikana, tisingatyi zvakaipa.’—Zvirevo 1:33.
[Mufananidzo uri papeji 10]
MuUmambo hwaMwari, zvokudya zvichange zvisingakuvadzi uye zviri mafashafasha
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
FAO Photo/K. Dunn
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Tourism Authority of Thailand