Kente—Jira Remadzimambo
NOMUNYORI WEMUKAI! MUGHANA
ACHIMHANYA zvikuru, maoko omuruki anoenda shure achidzoka mberi achipfuura nepamusoro pechirukwa. Maoko achifamba achitevedzera kamutinhimira kokurira kwemavhiri anofambisa tambo uye zvinodzikakata, mhizha inoramba yakaisa pfungwa dzayo pachirukwa chine mavara-mavara chiri pamberi payo. Inobata tambo nezvigunwe zvemakumbo ayo; tambo idzi dzinofambisa zvinosunga shinda—zvinokwira zvichidzika zvichipatsanura uye kuisa shinda dzinoenda kumusoro dzinenge dzakareba mamita 6 mberi kwomuchina wokurukisa padzinofanira kuva. Nokukurumidza zvigunwe zvake zvinoruka shinda dzesirika dzine mavara akanaka dzichipinda dzakachingama pashinda dzinoenda mberi, pachigadzirika chirukwa chinokakatwa kuti chisimbe kuva mucheka wapera kurukwa.
Chipenga chejira rinobuda ipapo chakangopamhama masendimita gumi chete. Asi chinobwinya nemavara akajeka uye patani dzakaitwa nounyanzvi. Mhizha yacho inonyemwerera nokugutsikana painozoongorora chigadzirwa chayo chounyanzvi—jira rekente chairo.
Unyanzvi Hwekare
Kwezviuru zvemakore, vashandi vane unyanzvi vakashandisa mutoo wekare wokuruka. Shinda dzakagadzirwa neflax, donje, uye sirika dzave dzichiwanikwa nyore kuti dzishandiswe pakuruka. Mavara aitorwa kubva mumidzi uye mashizha emiti, zvichiita kuti varuki vagadzire mapatani asina kunyanya kuoma muzvavanoruka.
Varuki vaiva pakati pevanorarama vachifamba-famba muAfrica vakagadzira michina yokurukisa yakanga iri midiki uye yaitakurika zviri nyore kubva panzvimbo nenzvimbo. Yaizivikanwa semichina yezvipenga, yairuka zvipenga zvitete zvejira rakapamhama masendimita 7,5 kusvika ku11,5 chete. Iyi micheka mirefu yaizobatanidzwa nokusonwa kuitira kuumba jira guru rinogona kumonerwa pamuviri sechipfeko. Michina yokuruka zvipenga yaitakurwa pamisana yemhuka dzinotakura zvinhu pakufamba mumagwenga, pakuyambuka nzizi uye pakupfuura nomunzvimbo dzine makomo mahombe. Sezvo waitakurwa uchipfuura nomunzvimbo dzekare dzokutengesera, muchina wokuruka zvipenga waichinja zvikuru vanhu vaizoushandisa.
Kuda Machira
Kwemazana emakore akawanda madzimambo okuMadokero kweAfrica uye madzishe aidzora nyika yakazara zvicherwa yaidanwa nevaitsvaka upfumi vokuEurope kuti Gold Coast.a Ndarama yakawanda yaicherwa munzvimbo iyi, ichiunza upfumi kumadzimambo eAshanti aitonga uye dzimba dzawo dzoumambo. Akashonga zvuma zvendarama uye akamonera machira akarukwa zvakaisvonaka, madzimambo aya nemadzishe awo akanga akakurumbira airatidza upfumi hwawo, simba, uye chiremera chawo pavanhu vaaitonga. Mucheka wakasiyana nemimwe waipfekwa nemadzimambo aya wakasvika pakunzi kente, shoko ringadai raireva kufanana kwakaita kurukwa kwomucheka wacho netswanda. Mamwe marudzi omuGold Coast airukawo machira, asi kana zvave zvemadzimambo eAshanti, jira rekente rakasvika pakumirira mukurumbira nechinzvimbo chemadzimambo.
Varuki vemicheka vomuGold Coast vaishandisa shinda yedonje yakanga yagadzirwa imomo. Shinda dzakanga dzakaitwa ruvara rwebhuruu ndidzo dzaingowanikwa chete. Idzi shinda dzebhuruu dzairukwa nechena dzisina kunyatsoti mbuu dzomucheka wedonje kuti pave nemitsetse nemakamba-makamba akaita patani dzisina kunyanya kuoma kugadzira nokuda kwevanhu veimomo.
Kuruka kwakatsetseka kwekente yevokudzimba dzoumambo kwaifanira kuitwa nevakasarudzwa chete. Mapoka okurukira dzimba dzoumambo aiumbwa kuitira kuti aruke uye kugadzira mucheka wepamusorosoro. Marukiro acho akanga achichengetedzwa asingafaniri kuzivikanwa uye akavanzika. Vamwe varuki vose vairambidzwa kuruka mavara omucheka kana manyerekete aiva amambo neveimba yake youmambo chete. Mambo airamba achiva nembatya dzakawanda, imwe neimwe iine manyerekete ayo nepatani zvakasiyana nezvimwe. Setsika yacho, hazvaiita kuti apfeke jira rimwe pane vanhu kanopfuura kamwe.
Kuda Ruvara
Muzana remakore rechi16, rumwe rudzi rwomucheka rwakatanga kuwanika muGold Coast. Uyu mucheka mutsva wakanga usingarukwi pamichina yezvipenga yeAfrica asi wairukwa kunyika dzokure uye wakaunzwa nevafambisi vezvikepe vokuEurope vaitsvaka nyanga dzenzou, ndarama, nevaranda. Micheka yaibva kune dzimwe nyika iyi yaive neshinda dzaiva noruvara runokwezva nedzakajeka. Pasina nguva refu, uyu mucheka wakabva kune dzimwe nyika, wakanga wakarukwa nounyanzvi neshinda tsvuku, dzeyero, uye dzegirini, wakava chinhu chokutengesa chinokosheswa. Vashoma ndovakanga vane upfumi hwokutenga machira anodhura kudaro kubva kuvatengesi vokuEurope. Vakapfuma vomuAshanti bedzi, vaidzora kutengeswa kwendarama, nyanga dzenzou, nevaranda kungarava idzi dzaiva pamhenderekedzo dzegungwa, ndivo vaikwanisa kuiwana. Asi jira rakarukwa handiro raidiwa namambo womuAshanti nemadzishe ake.
Paingotengwa mucheka wacho chete, varuki vaibishaira kurudunura nokubvisa shinda dzaiva noruvara rwakanaka dzaidiwa zvikuru, kwave kurasa jira raisara. Idzi shinda dzaikosha dzaizorukwazve pamuchina wokuruka zvipenga wevaruki vamambo. Paiwedzera ruvara rwezvaishandiswa pakuruka, mano okugadzira nokufambira mberi zvakavapo, zvichiita kuti mhizha dziratidze unyanzvi hwadzo hwokugadzira nokuruka machira kupfuura kare kose. Varuki vane unyanzvi vaibva kune mamwe marudzi vaipinzwa basa nemadzimambo eAshanti, zvichiita kuti parukwe micheka yekente yakaisvonaka.
Patani dzaiva dzakafanana nehove, shiri, michero, mashizha, kuvira kwezuva, miraraungu, uye zvimwe zvinonakidza kuona zvakasikwa dzaiiswa pamachira akanga akaitwa mifananidzo yacho nokungwarira zvikuru uye akanga ane zvaaireva. Machira airukwa achiiswa shinda dzoruvara rwendarama airatidzira upfumi, ruvara rwegirini rwairatidzira chinhu chichangotanga kana chitsva, nhema yaifananidzira kusuruvara, uye tsvuku yairatidza kutsamwa, uye sirivha yairatidza kuchena uye mufaro.
Varuki vaishanda nokushivirira uye pasina kumhanya-mhanya kwemwedzi yakawanda pajira rimwe chete, vachiziva kuti chavanenge vapedza kuruka chaizoratidza kukura kwounyanzvi hwavo uye kugona kuruka kwavo. Kudiwa kwezvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi zvakadaro kwakanga kwakaderera, sezvo vashoma varivo vaigona kutenga jira rekente rakanga risingawaniki pose pose uye raidhura.
Kente Yemazuva Ano
Nokufamba kwenguva, kudzora kwemadzimambo nemadzishe ane simba kwakatanga kuderera. Saka pakanga pasisina kudiwa kwembatya dzemadzimambo dzakasiyana nedzevamwewo vanhu. Kudiwa kwejira iri rakanaka kwakawedzera, sezvarakatanga kushandiswa nevasiri vedzimba dzoumambo. Parakatanga kurukwa nokukurumidza kuti vakawanda vairida variwane, jira rekente rakatanga kuderera parunako, unyanzvi hwokugadzirwa, uye mutengo.
Nhasi kurukwa kwekente kwakawanda kunoitwa neshinda dzakagadzirwa nevanhu uye inobva yazoshandiswa kugadzira mabhegi, matai, mabhandi, heti, nezvipfeko zvakawanda. Varuki vashoma ndivo vanofarira kugadzira jira rekente nenzira yakaoma inodya nguva yaishandiswa kare. Nhasi kente yekare yemandorokwati inokosheswa uye inopfuudzwa kuchizvarwa pashure pechizvarwa mumhuri. Chokwadi, mazuva akapfuura ayo jira rekente rakanga rakanaka zvisingaenzaniswi uye riri rounyanzvi hwepamusoro raigadzirwa pamichina yematanda uye richitorwa seremadzimambo.
[Mashoko omuzasi]
a Yava kunzi Ghana mazuva ano.
[Mifananidzo iri papeji 16]
Michina yokuruka zvipenga yakareruka uye inotakurika
[Mufananidzo uri papeji 17]
Muruki anoshandisa makumbo ake kufambisa zvinosunga shinda, kana kuti zvinokakata shinda