RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 11/8 p. 19
  • Shandisa Mishonga Yokurapa Noungwaru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Mishonga Yokurapa Noungwaru
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Mishonga Nokuchenjera
    Mukai!—1996
  • Unogona Sei Kufarikanya Utano Hwakanaka?
    Mukai!—1998
  • Kuzvirapa Betsero Nengozi
    Mukai!—1998
  • Paunorwarirwa
    Mukai!—2015
Mukai!—2001
g01 11/8 p. 19

Shandisa Mishonga Yokurapa Noungwaru

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

KANA chiremba wako akakunyorera mishonga, hapana mubvunzo kuti anoita izvozvo nevavariro dzakanaka, anonyora mishonga yacho achivakira pane zvaanenge aona, paruzivo rwake rwezvokurapa rwaakawana mukugara nebasa. Kunyange zvakadaro, murwere haafaniri kutarisira kuti chiremba achaita zvose kuti apore. Murwere wacho anoramba aine mutoro wezvaanopinza mumuviri wake.

Pakushandisa mishonga yakanyorwa nachiremba, funga nezvemazano anoshanda anotevera anobva kune mumwe chiremba:

● Mishonga yose ine mamwe matambudziko ainogona kukonzera. Une kodzero yokuziva kuti mushonga upi wauri kunyorerwa uye mamwe matambudziko aungakonzera. Kana chiremba wako akarega kukupa mashoko aya, usazeza kubvunza. Muzviitiko zvakawanda zvinobatsira zvichapfuura mamwe matambudziko aungakonzera. Asi unofanira kuzviziva kuti uite chisarudzo chakangwara.

● Mishonga ine zvainoita zvakasiyana-siyana pamunhu mumwe nomumwe. Chiremba wako haagoni kufanoziva chaizvo kuti mushonga wakati uchaitei pauri. Kana ukanetseka nematambudziko aunokonzera ausingatarisiri, bvunza chiremba wako.

● Bvunza kuti uchafanira kushandisa mushonga wacho kwenguva yakareba zvakadini. Uye zivawo kana uchigona kupinda muropa.

● Chenjera kurega kushandisa mushonga usati wapera, zvimwe nokuti wava kunzwa zviri nani. Kukurumidza kurega kushandisa mushonga kungawedzera dambudziko rako. Pane kudaro, tanga wabvunza chiremba wako.

● Nguva dzose shandisa mushonga uchipiwa mazano nachiremba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe