RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 pp. 4-9
  • Kunzwisisa Hosha yeArthritis

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunzwisisa Hosha yeArthritis
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaita Majoini
  • Rheumatoid Arthritis
  • Osteoarthritis
  • Kurapa
  • Arthritis—Hosha Inoremadza
    Mukai!—2001
  • Tariro Kune Vane Hosha yeArthritis
    Mukai!—2001
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2001
  • Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 pp. 4-9

Kunzwisisa Hosha yeArthritis

“USIKU, NDINOTARISA TSOKA DZANGU NEMAOKO ZVAKAREMARA UYE NDINOCHEMA.”—MIDORI, JAPAN.

HOSHA yemajoini yatambudza vanhu kwemazana emakore. Zvitunha zvakaomeswa zvokuEgypt zvinopa uchapupu hwokuti hosha iyi yave iripo kwemazana emakore. Zvinoita sokuti Mupanguri ainzi Christopher Columbus akarwara nayo. Uye mamiriyoni nhasi ari kutambura. Hosha inoremadza iyi inombova chii chaizvo?

Shoko rechiRungu rokuti “arthritis” rinotorwa pamashoko echiGiriki anoreva kuti “majoini anorwadza” uye rine chokuita nehosha dzemajoini dzinodarika 100.a Hosha idzi hadzingokanganisi majoini chete asiwo tsandanyama, mapfupa, uye nyama dzinobata mapfupa. Mamwe marudzi ehosha yacho anogona kukanganisa ganda rako, nhengo dzomukati kunyange maziso ako. Ngationgororei marudzi maviri ehosha dzemajoini dzine chokuita nearthritis—dzinonzi rheumatoid arthritis (RA) uye osteoarthritis (OA) pachiRungu.

Zvakaita Majoini

Joini zvinoreva panosangana mapfupa maviri. Joini rinonzi synovial rakatenderedzwa nekamwe kamudzira kakaomarara kanodzivirira uye kanotsigira. (Ona mufananidzo uri papeji 4.) Kamudzira aka kakatenderedzwa nekaganda kanonzi synovial membrane. Kamudzira aka kanobudisa zvimvura-mvura zvinotsvedza. Mukati mekamudzira aka, kwakaperera mapfupa acho maviri kwakavharwa nenyama inonzi shwashwa pachizezuru. Kanoita kuti mapfupa ako asakwizane. Shwashwa inoshandawo kudzikamisa muviri, uye kuvharidzira panoperera mapfupa ako nokuita kuti mapfupa ako ose abatsirane kutakura muviri wako.

Somuenzaniso, paunofamba, kumhanya, kana kuti kusvetuka, kuremerwa kunoitwa hudyu nemabvi ako kunogona kupetwa kanokwana kana kusvika kukasere kudarika kurema kunoita muviri wako! Kunyange zvazvo uremu hwakawanda hwacho huchideredzwa netsandanyama dzakapoteredza, shwashwa inobatsira mapfupa ako kukwanisa kutakura mutoro uyu nokuti inoita sesiponji.

Rheumatoid Arthritis

Kana toreva nezverheumatoid arthritis (RA), simba romuviri rinodzivirira zvirwere rinorwisa majoini ose. Nokuda kwechikonzero chisingazivikanwi, masero eropa akawanda kwazvo—kusanganisira anonzi T, ane basa guru pasimba romuviri rinodzivirira zvirwere—anopinda mumajoini. Izvi zvinokonzera kupindana kwemakemikari zvinozoguma zvaita kuti joini racho rirwadze. Masero anonzi synovial angatanga kuwedzera zvisingadzoreki, oumba kabundu kanonzi pannus. Zvadaro, bundu racho rinoburitsa makemikari asina kunaka anobva aparadza shwashwa. Mapfupa angabva atanga kubatana, oita kuti kufamba kuome—uye zvichirwadza zvisingatauriki. Izvi zvinokuvadzawo midzira, uye tsandanyama, zvichiita kuti majoini asagadzikane uye aite seaminyuka, kakawanda kacho zvinoguma nokuremara kunooneka. Kazhinji RA inokanganisa majoini zvakafanana, ichibata chiningoningo, mabvi, uye tsoka. Vanopfuura 50 muzana vakaonekwa kuva neRA vanovawo nemapundu pasi peganda ravo. Vamwe vanopererwa neropa uye, vanorwadziwa nemaziso uye gurokuro. Kuneta uye kuita sevane dzihwa, kusanganisira kungopisa-pisa muviri uye tsandanyama dzinorwadza zvinoitika pamwe chete neRA.

RA inosiyana-siyana pamatangiro ainoita uye kugara kwainoita. Mune mumwe munhu kurwadziwa kwacho kungauya zvishoma nezvishoma kwevhiki dzakati kuti kunyange kwemakore. Kune mumwe, zvinogona kungoitika kamwe kamwe. Kune vamwe vanhu, RA inogara kwemwedzi mishomanana zvadaro yopera pasina kukuvadza kunooneka. Vamwe vangava nezviratidzo zvakaipisisa, zvinozoteverwa nokunzwa zviri nani. Uye kune vamwe varwere hosha yacho inoramba iripo kwemakore akawanda, ichiramba ichivaremadza.

Ndivanaani vari pangozi yokubatwa neRA? “Inonyanya kubata vakadzi vari kumakore okuma40,” anodaro Dr. Michael Schiff. Zvisinei, Schiff anopfuurira kuti “inogona kubata chero ani pazera chero ripi kusanganisira vana, pamwe chete nevarume.” Kune vaya vane hama dzine RA, mikana yokubatwa nayo inowedzerawo. Dzimwe ongororo dzinoverengeka dzinoratidza kuti kusvuta, kuva nomuviri wakanyanya, uye kuwedzerwa ropa ndezvimwe zvingawedzera mikana yokubatwa nayo.

Osteoarthritis

“Osteoarthritis,” inodaro Western Journal of Medicine, “yakada kufanana nemamiriro okunze munzira dzakawanda—inowanikwa kwose kwose, haiwanzooneki, dzimwe nguva inogona kukanganisa zvikuru.” Kusiyana neRA, osteoarthritis (OA) haiwanzopararira kudzimwe nhengo dzomuviri asi inowanzoparadza joini rimwe kana kuti mashomanana. Shwashwa sezvainoparara zvishoma nezvishoma, mapfupa anotanga kukwizana. Izvi zvinozoita kuti pave nemapfupa anobudira kunze anonzi osteophytes. Mapfupa ari pasi peganda anoomarara uye anobva abhenda. Zvimwe zviratidzo zvinosanganisira zviziso zvezvigunwe zvakabudira, kukwizana kwemapfupa kunonzwika, kudedera kwetsandanyama, pamwe chete nokurwadziwa, kuomarara, uye kutadza kufamba.

Pasichigare, OA yaifungidzirwa kuva mumwe mugumisiro wokukwegura. Zvisinei, vanamazvikokota vakasiyana nepfungwa iyoyo yavanga vagara vanayo kwenguva refu. The American Journal of Medicine inoti: “Hapana uchapupu hwokuti joini risina chinetso kana richishanda sezvarinoita nguva dzose, ringatyoka roga muupenyu hwomunhu.” Saka chii chinokonzera osteoarthritis? Kuedza kunzwisisa zvinonyatsoikonzera “kuri pamakakatanwa,” maererano nemagazini yokuBritain inonzi The Lancet. Vamwe vaongorori vanoti kukuvadzwa kwebvupa, zvakadai sokutsemuka kuduku, kungatanga kwaitika. Zvadaro, izvi zvingakonzera mapfupa anobudira kunze uye kuparara kweshwashwa. Vamwe vanofunga kuti OA inotangira mushwashwa chaimo. Vanofunga kuti painotanga kuparara, mapfupa ari nechepasi anotanga kurwadziwa. Kumwe kuchinja kunotanga kuitika sezvo muviri unoedza kugadzirisa shwashwa inenge yakuvadzwa.

Ndivanaani vari pangozi yokubatwa neOA? Nepo zera risiro roga rinokonzera OA, kurasikirwa neshwashwa kunowanzoitika sezvo munhu anokwegura. Vamwe vari pangozi vanosanganisira vaya vane majoini asina kunyatsoita zvakanaka kana kuti vane tsandanyama dzomumakumbo nomuhudyu dzisina kusimba, makumbo asina kuenzana, kana kuti muzongoza usina kumira zvakanaka. Kurwadza kwejoini kunokonzerwa zvimwe netsaona kana kuti nebasa rinoita kuti munhu ashandise majoini ake zvakanyanya kwazvo zvingakonzerawo osteoarthritis. Kuparara kwacho kwangotanga chete, kuva nomuviri wakanyanya kunogona kuwedzera OA.

Dr. Tim Spector anoti: “Osteoarthritis ihosha yakaoma kunzwisisa inogona kukonzerwa nezvimwe zvinhu zvinenge zvichiitika asiwo inogona kukonzerwawo nezvinhu zvagara zviri muropa.” Vanonyanya kubatwa neOA vakadzi vari kumakore okuma40 kana kuti vakwegura vane vamwe vakamboita chirwere chacho mumhuri yavo. Kusiyana nehosha inonzi osteoporosis, kunyanya kurema kwemapfupa kunotangira kuitika kweOA. Vamwe vaongorori vanoti kushayikwa kwemavhitaminzi C uye D ndiko kunokonzera.

Kurapa

Kurapa hosha yemajoini kunowanzobatanidza kushandisa mishonga, kurovedza muviri uye kunatsiridza mararamiro. Chiremba wokurovedza muviri angakurudzira kuva nepurogiramu yokurovedza muviri. Zvingabatanidza kufamba-famba, kurovedza tsandanyama, kana kuti kusimudza zvinhu zvinorema. Izvi zvakaonekwa kuti zvinoita kuti zviratidzo zvakawanda zvive nani kusanganisira kurwadza kwemajoini uye kuzvimba, kuneta, uye kuora mwoyo. Kubatsira kunoita kurovedza muviri kunoonekwa kunyange kune haridzofanzirofa. Kurovedza muviri kungaita kuti mapfupa arambe achirema. Vamwe vanoti kurwadziwa kwakati kuti kwakaderedzwa nokutova uye kuboora-boora muviri.b

Nokuti kuderedza uremu kunogona kuderedza kurwadza kwemajoini, zvokudya zvomunhu zvinokwanisa kubatsira pakuderedza hosha yemajoini. Vamwe vanotiwo kudya kunosanganisira zvokudya zvine calcium zvakadai semiriwo mitema, michero minyoro, uye hove dzinogara mumvura inotonhora idzo dzine mafuta akanakira muviri kwazvo—uye zvinosanganisira zvokudya zvine mafuta mashoma—hazvingoiti kuti uremu huderere asi zvinoderedzawo kurwadziwa. Sei? Vamwe vanoti kudya kwakadaro kunoita kuti kurwadziwa kuve kushoma. Zvinonziwo kurega kudya nyama, mukaka, chizi, yogati uye aizikirimu dzinogadzirwa nomukaka, gorosi, uye miriwo yakadai semadomasi, mbatatisi, uye mhiripiri zvakabatsirawo vamwe.

Muzvimwe zviitiko imwe nzira yokuvhiya inonzi arthroscopy inokurudzirwa. Izvi zvinosanganisira kuisa chimwe chinhu mujoini, zvichiita kuti chiremba wacho abvise bundu rinenge richibudisa makemikari anoparadza. Zvisinei, nzira iyi inobatsira zvishoma nokuti kurwadziwa kunowanzoramba kuripo. Imwe nzira yakatooma zvikuru ndeyokubvisa joini racho (kakawanda pahudyu kana kuti ibvi) kwava kuritsiva nerakaitwa zvokugadzirwa. Kuvhiya uku kunogara kwemakore 10 kusvikira ku15 uye kunonyanya kushanda pakumisa kurwadziwa.

Munguva ichangopfuura, vanachiremba vakaedza dzimwe nzira dzokurapa dzisinganyanyi kurwadza, zvakadai sokuisa zvakananga mumwe mushonga wakaita mvura mujoini. Izvi zvinonyanya kuitwa pamabvi. Kubayiwawo jekiseni rine mushonga unoita kuti shwashwa igadzirisike kwakabatsirawo, maererano nedzimwe ongororo dzakaitwa kuEurope.

Kunyange zvazvo pasina mushonga wati wawanikwa wokurapa hosha yemajoini, mishonga yakawanda inoderedza kurwadza, uye mimwe yakaratidza kuti inokwanisa kuderedza kupfuurira kwehosha yacho. Kune mapiritsi anonyaradza marwadzo, mishonga yakawanda kwazvo inoshandiswa pakupedza zviratidzo zvinoparadza zvehosha yemajoini kusanganisira inonyaradza kurwadza (anonzi Analgesics pachiRungu). Zvisinei, kupora kwacho kungauyawo nomubhadharo, sezvo mishonga yose iyi ichikwanisa kuva nezvimwe zvirwere zvakawanda zvainokonzera. Kusarudza zvokuita kwakaomera vose murwere nachiremba kana vachifunga nezvokubatsira kuripo uye njodzi dziripo.

Vamwe vakatambura nehosha yemajoini vakaita sei kuti vagone kurarama nehosha iyi inorwadza?

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe hosha dzemapfupa dzinosanganisira osteoarthritis, rheumatoid arthritis, systemic lupus erythematosus, juvenile rheumatoid arthritis, gout, bursitis, rheumatic fever, hosha inonzi Lyme, carpal tunnel syndrome, fibromyalgia, Reiter’s syndrome, uye ankylosing spondylitis.

b Mukai! haikurudziri nzira ipi neipi yokurapa, mushonga, kana kuti kuvhiya. Murwere mumwe nomumwe ane mutoro wokutsvaka uye kunyatsoongorora kurapa kupi nokupi zvichienderana nezvaanoziva.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

KUFUTA, KUSVUTA, UYE KUWEDZERWA ROPA ZVINGAWEDZERA MIKANA YOKUTI MUNHU ABATWE NE“RHEUMATOID ARTHRITIS”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

MISHONGA INOTSIVA YAKAJAIRIKA

Mimwe mishonga yomuchipatara inofungidzirwa kuva isina ngozi, pane mishonga inotsiva yakajairika. Iyi inosanganisira mumwe mushonga unoita zvokudyiwa, uyo vamwe vaongorori vanoti wakabatsira pakuderedza kuzvimba kwemajoini uye kurwadziwa zvikuru nerheumatoid arthritis (RA). Sei? Nokuisa mishonga inoderedza kurwadziwa. Mimwe mishonga mishoma inotsiva yakajairika yakaratidzawo kuti inogona kuderedza zvinhu zvinoparadza izvi. Zvinosanganisira vhitamini E, vhitamini C, mafuta ehove ane kemikari rinobatsira chaizvo, mafuta edzimwe mhodzi, kunyange mafuta emamwe maruva. Kwemakore akawanda muChina vave vachishandisa mumwe muti wakada kuita somuzambiringa unonzi “Tripterygium wilfordii” Hook F. Zvinonzi wakabatsira pakuderedza zviratidzo zveRA.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

JOINI RAKASIMBA

BURSA

TSANDANYAMA

SHWASHWA

MUDZIRA

CAPSULE YEJOINI

KAGANDA KANOBUDISA SYNOVIAL

MVURA INONZI SYNOVIAL

BVUPA

JOINI RINE RHEUMATOID ARTHRITIS

KUBATANA KWEMAPFUPA

KUPARARA KWEMAPFUPA NESHWASHWA

MEMBRANE IRI KURWADZA

JOINI RINE OSTEOARTHRITIS

ZVIKAMU ZVESHWASHWA ZVANGOREGERERANA

KUPARARA KWESHWASHWA

PAKADZIKIRA BVUPA

[Kwazvakatorwa]

Kubva ku: Arthritis Foundation

[Mufananidzo uri papeji 7]

Hosha yemajoini inogona kutambudza munhu wezera chero ripi

[Mifananidzo iri papeji 8]

Purogiramu yokurovedza muviri uye kudya kwakakodzera zvinogona kubatsira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe