Arthritis—Hosha Inoremadza
“HAUNGAGONI KUFUNGIDZIRA KURWADZIWA KWACHO KUSVIKIRA WAKUNZWA. NDAKAFUNGA KUTI NZIRA CHETE YOKUWANA ZORORO KWAIZOVA KUFA.”—SETSUKO, JAPAN.
“SEZVO NDAVE NDINAYO KUBVIRA NDINE MAKORE 16, NDINOFUNGA KUTI HOSHA IYI YAKATORA UDUKU HWANGU.”—DARREN, GREAT BRITAIN.
“NDAKARASIKIRWA NEMAKORE MAVIRI OUPENYU HWANGU NOKUTI NDAINGOGARA NDAKARARA.”—KATIA, ITALY.
“KUBVIRA PAKANGOTANGA KURWADZA KWEMAJOINI ANGU OSE, NDINONGOGARA NDICHIRWADZIWA.”—JOYCE, SOUTH AFRICA.
AYA mashoko anosuruvarisa evanhu vane hosha yemabvi nemajoini inonzi arthritis pachiRungu. Hosha yemajoini inoita kuti mamiriyoni anorwara nayo aende kunoona vanachiremba gore negore achitsvaka kunyaradza marwadzo, kutadza kufamba, uye kuremara kwaingakonzera.
MuUnited States chete, hosha yemajoini inobata vanhu vanodarika mamiriyoni 42, uye inoremadza munhu mumwe chete pavatanhatu voga voga vanayo. Kutaura zvazviri, hosha yemajoini ndiyo inokonzera kuremara kudarika zvimwe zvose munyika iyoyo. Kukanganiswa kunoitwa upfumi nehosha iyi “kwakada kufanana nokuderera kwoupfumi hwenyika kuri pakati nepakati,” inodaro National Centers for Disease Control and Prevention, sezvo zvichidyira vagari vomuUnited States mari inodarika madhora mabhiriyoni 64 (madhora mabhiriyoni 3 520 omuZimbabwe) gore negore pakubhadhara kurapwa uyewo kutadza kuenda kumabasa. Maererano neWorld Health Organization, ongororo dzaisanganisira nyika dzichiri kubudirira, dzakadai seBrazil, Chile, China, India, Indonesia, Malaysia, Mexico, Pakistan, Philippines, uye Thailand, dzakaratidza kuti zvinoitwa nehosha dzemajoini munyika idzi zvakangoda “kufanana nezviri munyika dzakabudirira.”
Manyepo kuti hosha yemajoini inongobata vanhu vakwegura. Chokwadi, vanhu vanonyanya kukanganiswa nayo sezvavanokwegura. Asi rudzi rwehosha iyi runonyanya kuzivikanwa runonzi rheumatoid arthritis pachiRungu, runonyanya kubata vaya vari pakati pemakore 25 ne50. MuUnited States, vanenge vanhu vatatu pavashanu voga voga vane hosha yemajoini vari pasi pemakore 65. Saizvozvowo, muGreat Britain, pavanhu mamiriyoni 8 vanorwara nayo, mamiriyoni 1,2 vari pasi pemakore 45. Vanodarika 14 500 vana.
Gore rimwe nerimwe, nhamba yevanhu vanobatwa nehosha yemajoini inowedzera nokukurumidza zvikuru. MuCanada, mumakore gumi anotevera, nhamba yevanhu vane hosha iyi ichawedzera nemiriyoni imwe chete. Kunyange zvazvo kupararira kwehosha yemajoini kwakakura muEurope pane muAfrica neAsia, kupararira kwechirwere ichi kuri kuwedzerawo mumakondinendi iwayo. Kuwedzera kuri kuita hosha yemajoini kwakaita kuti World Health Organization izivise 2000-2010 kuva Makore Gumi Emapfupa Nemajoini. Munguva iyi vanachiremba uye dzimwe nyanzvi dzezvoutano munyika yose vachabatana mukuedza kuvandudza upenyu hwevaya vane hosha dzemajoini.
Chii chinozivikanwa nezvehosha iyi inorwadza? Ndivanaani vari pangozi yokubatwa nayo? Vaya vanorwara nehosha yemajoini vangararama sei nemigumisiro yayo inoremadza? Pachazombova nomushonga here munguva yemberi? Nyaya dzedu dzinotevera dzichakurukura nhau idzi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
X ray: Yakashandiswa nokubvumira kwomutsa kweArthritis Research Campaign, United Kingdom (www.arc.org.uk)