Zvinotaura Bhaibheri
Fêng Shui—NdeyevaKristu Here?
MUASIA, nzvimbo dzemakuva dzinosarudzwa maererano nayo. Mapurani ezvivako anogadzirwa uye zvivako zvinoshongedzwa maererano nayo. Zvivako zvinotengwa uye kutengeswa maererano nayo. Mumutauro wokuChina inozivikanwa sefêng shui, nzira yokushopera pachishandiswa manhamba kana kuti mitsetse. Kunyange zvazvo fêng shui yave yakakurumbira muAsia kwemazana emakore, mumakore achangopfuura yakapararira ichiendawo kunyika dzokuMadokero. Dzimwe nyanzvi dzokuvaka dziri kuishandisa pakugadzira mapurani ezvivako zvine nhurikidzwa dzakawanda, mahofisi, uye misha. Mamwe madzimai ari kuishandisa pakushongedza dzimba dzawo. Mabhuku akati kuti uye Indaneti zvinoisimudzira uye zvinoidzidzisa.
Nei iri kuva yakakurumbira? Maererano nomumwe mutsigiri wayo, fêng shui, inogona kuunza “mararamiro akavandudzika, utano, michato iri nani kana kuti kushamwaridzana, upfumi hwakawanda, uye rugare rwepfungwa kumunhu nomunhu.” Nepo zvichinzwika sezvinofadza, muitiro uyu chii, uye vaKristu vanofanira kuuona sei?
Inombova Chii?
Mashoko omutauro wokuChina okuti fêng shui kana ashandurwa sezvaari chaizvo anoreva kuti “mhepo-mvura.” Fêng shui yakatanga kare, zviuru zvemakore zvakapfuura panguva yakatangwa uzivi hwakawanda hwokuMabvazuva. Zvimwe zvinobatanidzwa ndezvokunonzi kuenzana kwakaita yin uye yang, kureva kuti chirume nechikadzi (rima nechiedza, kupisa nokutonhora, zvakaipa nezvakanaka). Pfungwa yokuenzana kwezvinhu iyi yakabatanidzwa nepfungwa yokuti chʼi, iyo inoreva kuti “mhepo” kana kuti “chifemo.” Yin, yang uye chʼi, pamwe chete nezvinhu zvishanu zvinoti huni, ivhu, mvura, moto uye simbi, zvinoumba chikamu chikuru cherondedzero yefêng shui. Vakazvipira kufêng shui vanodavira kuti mitsetse yesimba inofamba panzvimbo yoga yoga. Chinangwa chacho ndechokuona nzvimbo chaidzo umo masimba, kana kuti chʼi, zvenyika nedenga zvinosvika pakuenzana. Izvi zvinoitwa nokugadzirisa nzvimbo kana kuti kugadziridza chivako panzvimbo yakati. Kuita kuti zvienzane kunonzi kunounza rombo rakanaka kune vaya vanoshanda ipapo kana kuti vanogarapo.
Kakawanda kacho, nyanzvi dzefêng shui dzinoshandisa kambasi ine manhamba.a Iyi ikambasi duku inoiswa pakati pechati yakafanana neinoshandiswa pakuverenga zvenyeredzi. Kambasi yacho ine madenderedzwa akafanana, akakamurwa nemitsetse. Kambasi yacho ine mashoko ezvinhu zvakadai semapoka enyeredzi, mwaka, uye nguva dzokutenderera kwezuva. Pakuongorora nzvimbo kana kuti chivako, kambasi yacho inoshandiswa. Nyanzvi yefêng shui inocherechedza panosangana tsono yekambasi nemitsetse uye madenderedzwa ari nechokunze kwekambasi yacho, uye kubva pane izvi inobva yaziva zvinodiwa “pakugadzira” nzvimbo.
Zvinhu zviri pedyo zvakadai semakomo nenzizi, pombi dzinofambisa tsvina, kunyange panofanira kuiswa mahwindo uye madhoo pachivako, zvose zvingafungwa nezvazvo pakusarudza nzira yokuita nayo kuti nzvimbo ienzane. Somuenzaniso, muCanada mumwe mutengesi womuchitoro akarembedza girazi padhoo rokumashure rechitoro chake kuitira kuti “agadzirise” kumira kwemadhoo acho. Saizvozvowo nyanzvi yokushopera ingakurudzira kuti maruva omumba kana kuti fenicha zvibviswe pazviri, kutsiva mupikicha, kana kuti kuisa kapondi kokuchengetera hove kuitira kuti chivako kana kuti kamuri rienzane.
Maonero echiKristu
Maraibhurari akawanda anoisa mabhuku anotaura nezvefêng shui pamwe chete nezvinyorwa zvinotaura nezvouzivi hwenyeredzi uye kushopera. Kutaura zvazviri, Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary inorondedzera kushandiswa kwekambasi so“kushopera pachishandiswa manhamba kana kuti mitsetse kana zvimwe zvinhu.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) Saka, vakawanda vanobvuma kuti fêng shui nedzimwe nzira dzokushandisa manhamba nemitsetse marudzi okushopera. Anosanganisira kufembera uye kuita zvemidzimu, izvo zvisiri zvinhu zvitsva kuvanhu.
VaIsraeri pavakabva muIjipiti uye pavakazopinda munyika yeKenani muzana remakore rechi15 B.C.E., kushopera kwemarudzi ose kwakanga kwakapararira munyika dzacho dzose dziri mbiri. Kuburikidza naMosesi, Mwari akataura sezvakanyorwa pana Dheuteronomio 18:14 kuti: “Ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo.” Marudzi akawanda okushopera aiva muIjipiti uye muKenani akatangira muBhabhironi yekare. Jehovha paakanyonganisa mutauro wevanhu veBhabhironi, vakapararira vachienda kune dzimwe nzvimbo, vachienda nemiitiro ine chokuita nokushopera kweBhabhironi uye kuita zvemidzimu.—Genesi 11:1-9.
Jehovha Mwari akanyevera anyeverazve vaIsraeri zvakasimba kuti vasaita miitiro yokushopera yemamwe marudzi, achiti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango . . . Nokuti vose vanoita izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako.” (Dheuteronomio 18:9-12; Revhitiko 19:26, 31) Vaiita zvokushopera vaifanira kuurayiwa pasina kunzwira tsitsi.—Eksodho 22:18; Revhitiko 20:27.
Nei kushopera kwaishorwa zvakasimba kudaro? Mabasa 16:16-19 inotaura nezvomukadzi aiva ne“dhimoni rokushopera.” Hungu, kushopera kwakabatana zvikuru nechidhimoni. Nokudaro, kuita rudzi rupi norupi rwokushopera kunogona kuita kuti munhu ataure naSatani nemadhimoni ake! Izvozvo zvingaguma nokukuvara mumudzimu.—2 VaKorinde 4:4.
Dzimwe nzira dzokushongedza mumba dzakakurumbira uye kusima maruva, dzokuMabvazuva kana kuti dzokuMadokero, dzingave dzakakanganiswa nemiitiro yechitendero chenhema yakadai sefêng shui. Zvisinei, nguva dzakawanda nzira dzakadaro hadzichina kukosha kwechitendero kwadzaimbova nakwo. Kunyange zvakadaro, kwaizova kuputsa mutemo waMwari kwakajeka kushandisa fêng shui kushopera nezvenguva yemberi kana kuti kuwana rombo rakanaka kana kuti utano hwakanaka. Kuita kudaro kwaizova kuputsa murayiro weBhaibheri wakajeka wokurega kubata chinhu chipi nechipi “chisina kuchena.”—2 VaKorinde 6:14-18.
[Mashoko Omuzasi]
a Munyika dzokuMadokero vakaedza kuita kuti fêng shui iratidzike seyesayenzi, vamwe vachitoshandisa kunyange makombiyuta pakuongorora nzvimbo.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kambasi inoshandiswa pakushopera
[Kwazvakatorwa]
Mapeji 2 ne15: Hong Kong Tourism Board