RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 3 pp. 4-5
  • Ramangwana Rako Riri Mumaoko Aani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramangwana Rako Riri Mumaoko Aani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA
  • ZVINOGUMA NEI?
  • Fêng Shui—NdeyevaKristu Here?
    Mukai!—2001
  • Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Kutama-tama Kwemweya
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Unodavira Kuberekwazve Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 3 pp. 4-5
Mapikicha: 1. Mukadzi ari kutsanangurira munhu zvichaitika muupenyu hwake achishandisa makadhi. 2. Kambasi inoshandiswa pafeng shui uye purani yemba. 3. Munhu ari kupira rusenzi, zvekudya uye maruva kuvadzimu.

Ramangwana Rako Riri Mumaoko Aani?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti pane simba risingaoneki rinoita kuti vave neramangwana rakanaka kana kuti risina kunaka. Izvi zvinoita kuti vaite zvinhu zvavanofunga kuti zvichavabatsira kuti vave nemhanza yakanaka kana ramangwana rakanaka.

ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA

KUTARISA NYEREDZI: Vamwe vanhu vanofunga kuti mamiriro akanga akaita nyeredzi pavakazvarwa, ndiwo anoratidza kuti vachava neramangwana rakadii. Vanotarisa zvinotaurwa nevanoongorora nyeredzi kuti vazive ramangwana ravo uye kuti vaite zvisarudzo.

KUENDA KUVAPROFITA: Vamwe vanofunga kuti kana vachida kuti zvivafambire zvakanaka muupenyu vanofanira kunobvunza vaprofita. Vanofunga kuti vaprofita vane simba rekuziva zvichaitika mune ramangwana. Saka vanoteerera zvese zvavanoudzwa nevaprofita.a

KUNAMATA VADZIMU: Vamwe vanoti vanofanira kunamata kana kuremekedza madzitateguru avo kana vanamwari vakasiyana-siyana kuti vavadzivirire uye vavakomborere. Mumwe mukadzi anonzi Van,b anogara kuVietnam akati: “Ndaitenda kuti kupira kuvadzimu kwaizoita kuti ini nevana vangu tive neupenyu hwakanaka iye zvino uye mune ramangwana.”

KUBEREKWAZVE: Vakawanda vanoti kana munhu akafa anoberekwazve ava mumwe munhu kana chimwe chinhu uye kuti izvi zvinongoramba zvichiitika. Vanofunga kuti zvinhu zvakanaka kana kuti zvakaipa zvavanosangana nazvo zvinokonzerwa nezvinhu zvavakamboita pavairarama mune humwe upenyu.

Vakawanda vanofunga kuti zvinhu izvi zvataurwa zvakangofanana nekutenda mashura. Asi vanobvuma zvinotaurwa nevanoongorora nyeredzi, vanotarisa mitsetse yemumaoko, kuenda kuvaprofita, kana kushopera. Vanofunga kuti kuita izvi, kunogona kuvabatsira kuziva ramangwana ravo.

ZVINOGUMA NEI?

Vanhu vanotenda zvinhu izvi vanova neupenyu hwakanaka uye ramangwana rakanaka here?

Funga zvakaitika kune mumwe murume anonzi Hào anogara kuVietnam. Aitenda zvinotaurwa nevanoongorora nyeredzi, aiita zvefeng shui, uye ainamata vadzimu achifunga kuti zvaizomubatsira. Akabudirira muupenyu here? Hào anoti: “Bhizinesi rangu rakaparara, ndakanga ndakanyura muzvikwereti, ndaisawirirana nevamwe vemumhuri, uye ndaigara ndichingonetseka.”

Mumwe murume wekuTaiwan anonzi Qiuming aitendawo zvinotaurwa nevanoongorora nyeredzi, kuberekwazve, kuita mhanza yakanaka, feng shui uye ainamata vadzimu. Pashure pekunyatsoongorora zvinhu izvi, Qiuming akati: “Ndakaona kuti dzidziso idzi hadzipindirani uye dzinotokusiya usisazivi zvekuita. Ndakaona kuti kazhinji kacho zvinotaurwa nevanoongorora nyeredzi hazviitiki. Panyaya yedzidziso yekuberekwazve, kana kuri kuti munhu anoberekwazve ava chimwe chinhu kana mumwe munhu asi asingakwanisi kuyeuka zvakaitika kwaari mune humwe upenyu hwaaimborarama, angakwanisa sei kuchinja kuti asadzokorora zvaakakanganisa?”

“Ndakaona kuti dzidziso idzi hadzipindirani uye dzinotokusiya usisazivi zvekuita.”—QIUMING, TAIWAN

Sezvakaonekwa naHào, Qiuming nevamwewo vakawanda, nyeredzi, vadzimu, kuberekwazve kana rimwe simba risingaoneki, handizvo zvinoratidza kuti ramangwana remunhu rakamira sei. Saka izvi zvinoreva here kuti hapana zvatinogona kuita nezveramangwana redu?

ZVAUNOSARUDZA ZVINE ZVAZVINOITA

Kunyange zvazvo pasina zvatinogona kuita nezvinhu zvakawanda zvinoitika muupenyu hwedu, kakawanda kacho zvisarudzo zvatinoita ndizvo zvichaita kuti tive neramangwana rakanaka kana kuti kwete. Semuenzaniso nei tichigeza maoko kana kupfeka chekuvharidzira kumeso kana kuine zvirwere zvinotapukira zvakadai seCOVID-19? Tinoita izvi nekuti zvinodzivirira upenyu hwedu. Zviri pachena kuti zvatinosarudza zvine zvazvinoita.

Tinofanira kuita zvisarudzo zvakanaka kana tichida kubudirira. Makore anokwana 2 000 apfuura, mumwe mudzidzisi akachenjera akataura izvi achiti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”c

Vakawanda vanofunga kuti kana uchida kuva neramangwana rakanaka unofanira kuwana dzidzo yepamusoro nemari yakawanda. Chii chakaitika kune vamwe vakaita izvozvo?

a KuChina nedzimwe nyika dzekuAsia vanhu vanotenda mufeng shui. Vanoti kana uchida kuwana mufaro kana kubudirira muupenyu, pane nzira yaunofanira kuvaka nayo imba yako kana kurongedza zvinhu mumba mako.

b Munyaya ino nedzinotevera, mamwe mazita akachinjwa.

c Mashoko aya tinoawana muBhaibheri pana VaGaratiya 6:7. Pfungwa iyi inoratidzwawo nechimwe chirevo chekuAsia chinoti: Ukadyara manwiwa uchakohwa manwiwa; ukadyara bhinzi uchakohwa bhinzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe