RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 2/8 pp. 11-13
  • Nyika Iyo Munhu Wose Achagamuchirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Iyo Munhu Wose Achagamuchirwa
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakachengeteka asi Havagutsikani
  • Kuvadzosera Kunyika Kwavo Ndiyo Mhinduro Here?
  • Kuvaka Nyika Yokuti Munhu Wose Anenge Akachengeteka
  • Kubatsira ‘Vatorwa’ Kuti ‘Vashumire Jehovha Vachifara’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Chii Chiri Mhinduro Yacho?
    Mukai!—1996
  • Nhamba Dziri Kukura Dzavapoteri
    Mukai!—1996
  • Kuwana Pavangatiwo Ndepavo
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 2/8 pp. 11-13

Nyika Iyo Munhu Wose Achagamuchirwa

“Sezvo vapoteri vari chinetso chepasi pose, kutsvaka zvokugadzirisa chinetso ichi kunofanirawo kuitwa pasi pose.”—Gil Loescher, purofesa wezvokudyidzana kwenyika dzepasi pose.

VECHIDUKU vakanga vachangoroorana ava vakaenda huri usiku. Vachinetseka pamusoro pokuchengeteka kwavo, murume wacho haana kumbopambadza nguva, kunyange zvazvo vakanga vaine mwana muduku. Akanga anzwa kuti mutongi ane udzvinyiriri wenyika yacho akanga achironga kuuraya vanhu vakawanda muguta racho. Pashure perwendo rwakaoma runodarika makiromita 160, mhuri yacho yakazoyambuka muganhu kuenda kwakachengeteka.

Mhuri duku iyi yakazozivikanwa pasi pose gare gare. Zita romwana wacho raiva Jesu, uye vabereki vake vaiva Mariya naJosefa. Vapoteri ava havana kubva munyika yavo kuti vanotsvaka upfumi. Asi, upenyu hwavo hwaiva pangozi. Nokutika, mwana wavo ndiye aida kuurayiwa!

Kufanana nevamwe vapoteri vakawanda, Josefa nemhuri yake vakadzokera kunyika yokumusha kwavo pakupedzisira apo mamiriro ezvematongerwe enyika akavandudzika. Asi kutiza kwavo panguva yakafanira chokwadi kwakabatsira kuponesa upenyu hwomwana wavo muduku. (Mateu 2:13-16) Ijipiti, nyika yavakapotera, yaizivikanwa nokubvuma vose vapoteri vezvematongerwe enyika kana kuti vanotama nokuda kwezvikonzero zvourombo. Mazana emakore akawanda izvi zvisati zvaitika, madzitateguru aJesu akanga apotera muIjipiti apo nzara yakaparadza nyika yeKenani.—Genesi 45:9-11.

Vakachengeteka asi Havagutsikani

Mienzaniso iri muMagwaro uye yemazuva ano inoratidza kuti kutizira kune imwe nyika kunogona kuponesa upenyu. Kunyange zvakadaro, chinhu chinorwadza kuti mhuri ipi neipi itize musha wayo. Kunyange zvazvo musha ungava usina kunyanya kunaka, zvimwe wakatora makore akawanda nemari kuti uvepo. Uye ingava nhaka yemhuri inovabatanidza netsika dzavo uye nyika yavo. Uyezve, vapoteri vangatora zvinhu zvishomanana pavanotiza, ndokunge vatozvikwanisa. Saka, nguva dzose vapoteri vanopinda muurombo, pasinei nemamiriro avo ezvinhu ekare.

Kunzwa kwokuzorora pavanosvika kunzvimbo yakachengeteka kunogona kukurumidza kunyangarika kana upenyu hwemangwana huchiratidzika kuti huchava hwokugara mumusasa wevapoteri. Uye kugara mumusasa wevapoteri pakunotora nguva yakareba, ndipo pakunoomawo chaizvo, kunyanya kana pasina kudyidzana nevanhu vomunharaunda. Vapoteri, kungofanana nevamwe vanhu vose, vanoda kuva nepavanoti ndepavo chaipo. Musasa wevapoteri haisi nzvimbo yakakodzera yokurera mhuri. Pachazova nenguva apo munhu wose achava nenzvimbo yaanoti uyu ndiwo musha wangu here?

Kuvadzosera Kunyika Kwavo Ndiyo Mhinduro Here?

Muma1990, vanhu vanenge mamiriyoni mapfumbamwe vakanga vatiza misha yavo vakadzokera kumisha yavo pakupedzisira. Kune vamwe vaivava, chaiva chiitiko chinofadza, uye vakatanga kuvakazve upenyu hwavo nechido. Asi kune vamwe, vakanga vasingambozvidi. Vakangodzokera nokuti mamiriro avo ezvinhu akanga asingachaiti munyika yavakanga vapotera. Zvinetso zvavakawana muupoteri zvakanga zvakanyanya kukura zvokuti vakaona kuti vaitozova noupenyu huri nani kumba, pasinei nokusachengeteka kwavaizongotarisana nakwo.

Kunyange mumamiriro ezvinhu akanakisisa, kudzokera kumusha kune zvinetsowo zvakwo nokuti kunoreva kutamiswa zvachose kechipiri. “Kutama kumwe nokumwe kunoguma nokurasikirwa nezvinhu zvinoraramisa, zvakadai somunda, mabasa, misha nezvipfuyo,” inotsanangura kudaro The State of the World’s Refugees 1997-98. “Uye kutama kumwe nokumwe kunotanga nguva yakaoma yokuitazve zvinhu patsva.” Imwe ongororo yevapoteri vakadzoserwa kunyika kwavo nechepakati peAfrica yakaratidza kuti “kuvapoteri vaigamuchira rubatsiro pavaiva mune imwe nyika, kudzokera kwaizooma pane kugara vari vapoteri.”

Zvisinei, chinotonyanya kurwadza mamiriro ezvinhu emamiriyoni evapoteri vanomanikidzwa kudzokera kunyika yavo vasingadi. Chii chinenge chakavamirira? “Vapoteri vanenge vadzokera kumusha vangatofanira kurarama munyika isina mutemo nokugadzikana, uko ugororo nokuparwa kwemhosva nechisimba zvakapararira, uko masoja akaburitswa basa anotorera vanhu zvinhu zvavo uye uko vanhu vakawanda vane pfuti,” wakadaro mumwe mushumo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Zviri pachena kuti mamiriro ezvinhu akaoma kudai haamboiti kuti vanhu vanenge vasina misha ava vachengeteke sezvinodiwa.

Kuvaka Nyika Yokuti Munhu Wose Anenge Akachengeteka

Kudzosera vanhu kunyika dzavo vachida kana vasingadi hakufi kwakapedza zvinetso zvevapoteri kana zvinoita kuti vave vapoteri zvacho zvisina kugadziriswa. Mai Sadako Ogata, vaimbova Mumiririri Mukuru Wevapoteri kuSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, vakataura muna 1999 kuti: “Zviitiko zvemakore gumi ano—uye zvegore rapfuura iri—zvinonyatsoratidza kuti nyaya dzevapoteri hadzigoni kukurukurwa pasina kumbotaura nezvokuchengeteka.”

Uye kusachengeteka kukuru kunonetsa mamiriyoni evanhu pasi pose. Munyori mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, Kofi Annan, anotsanangura kuti: “Mune zvimwe zvikamu zvepasi, nyika dzakaparara nemhaka yokurwisana kwomunyika yacho uye kurwisana nedzimwe, zvichisiya vagari vakawanda vomunyika dzacho vasina kudzivirirwa zvakakwana. Kumwewo, kuchengeteka kwevanhu kwave kuchiiswa pangozi nehurumende dzinoramba kuita zvinodiwa noruzhinji, dzinotambudza vanodzipikisa uye kuranga nhengo dzisina mhosva dzemapoka evanhu vashoma.”

Hondo, kutambudzwa, uye kurwisana kwemarudzi—zvinhu zvikuru zvinokonzera kusachengeteka zvakarondedzerwa naKofi Annan—kakawanda kacho zvinotangira paruvengo, rusaruro, uye kusaruramisira. Zvinhu zvakaipa izvi hazvigoni kubviswa nyore nyore. Izvozvo zvinoreva kuti chinetso chevapoteri chicharamba chichiwedzera here?

Kudai zvinhu zvaizosiyirwa mumaoko evanhu, pasina mubvunzo zvaizoguma zvadaro. Asi muBhaibheri, Mwari anopikira kuti “unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:9) Kuburikidza nomuprofita wake Isaya, anorondedzerawo nguva apo vanhu “vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. . . . [Vasi]ngabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.” (Isaya 65:21-23) Mamiriro ezvinhu akadaro achabvisa chinetso chevapoteri zvechokwadi. Anogona kuvapo here?

“Sezvo hondo dzichitanga mupfungwa dzevanhu, mupfungwa dzevanhu ndimo munofanira kuumbwa mafungiro okuchengetedza rugare,” inodaro nhanganyaya yomushumo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose Redzidzo, Sayenzi, Netsika. Musiki wedu anonyatsoziva kuti kuchinja mumafungiro kunodiwa. Muprofita mumwe iyeye anotsanangura chikonzero nei munhu wose pasi pano achagara akachengeteka pahunoti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.

Zvapupu zvaJehovha zvakatowana kuti kuziva Jehovha kunogona kukurira rusaruro noruvengo. Mubasa razvo rokuparidza rinoitwa munyika yose, zvinotsvaka kusimudzira tsika dzechiKristu dzinokurudzira rudo panzvimbo poruvengo, kunyange munyika dzasakadzwa nehondo. Zvinopawo chero rubatsiro rwazvinogona kuvapoteri.

Kune rimwe divi, vanoziva kuti mhinduro yakakwana yokupedza upoteri ina Mambo akagadzwa naMwari, Jesu Kristu. Anonyatsonzwisisa kuti ruvengo nechisimba zvinogona sei kuparadza upenyu hwevanhu nyore nyore. Bhaibheri rinotivimbisa kuti acharuramisira varombo. (Isaya 11:1-5) Mukutonga kwoumambo hwake hwokudenga, kuda kwaMwari kuchaitwa pasi pano, sokudenga. (Mateu 6:9, 10) Zuva iroro parinouya, hapana anozomboda kuva mupoteri. Uye munhu wose achavawo nepaanoti ndipo pamba pake.

[Bhokisi riri papeji 12]

Chii Chinodiwa Kugadzirisa Chinetso Chevapoteri?

“Kukwanisa kupa zvinodiwa nevanhu vepasi pano vakatiza misha yavo—zvose vapoteri nevakatiza misha asi vari munyika yavo—kwakaoma pane kungopa kuchengeteka kwenguva pfupi norubatsiro. Kune chokuita nokugadzirisa kutambudzwa, chisimba uye kukakavadzana zvinoita kuti vanhu vatize misha yavo. Kune chokuita nokuziva kodzero dzevarume, vakadzi uye vana vose kuti vave norugare, kuchengeteka uye chiremerera pasina kutiza misha yavo.”—The State of the World’s Refugees 2000.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 13]

Umambo hwaMwari Hunopa Chigadzikiso Chipi?

“Munyika yose kururama uye kururamisira kuchaitwa. Nokuti munhu wose achaita zvakarurama, kuchava norugare uye kuchengeteka nokusingaperi. Vanhu vaMwari vachange vasisina zvinovanetsa, uye misha yavo ichazara norugare nokuchengeteka.”—Isaya 32:16-18, Today’s English Version.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe