Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ko Kana Ndikasangana Nomunhu Wokuchikoro?
“Kudzokera kuchikoro musi woMuvhuro kwaitambudza. Kana mumwe weshamwari dzangu akanga andiona, ndaizomunyepera nounyanzvi. Somuenzaniso, ndaizoudza shamwari dzangu kuti ndakanga ndichifamba ndichiunganidza mari yeLabour Party.”—James, England.
“Kuchikoro ndainyombwa nevanhu vakanga vandiona. Zvainditambudza kwazvo.”—Débora, Brazil.
NEI vechiduku ava vaitya kwazvo kuonekwa neshamwari dzavo? Vakanga vachiita zvimwe zvinhu zvisiri pamutemo here? Kusiyana naizvozvo, vaiita basa rinokudzwa zvikuru uye rinokosha zvikuru riri kuitwa panyika nhasi. Vakanga vari kuita basa rakarayirwa naJesu paakati: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.
Maererano nokutsvakurudza kweU.S. Gallup, vechiduku vanopfuura 90 kubva muzana vanodavira muna Mwari. Vanenge hafu vanoenda kuchechi vhiki imwe neimwe. Uye nepo vechiduku vakawanda vachiita mabasa anotsigirwa nechechi, zvakadai sokuimba mumakwaya, vashoma ndivo vanotaura nezvaMwari nevokuchikoro kwavo. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa pasi pose nokuda kwebasa razvo repasuo nesuo rokuparidza. Zviuru zveZvapupu zvechiduku zvinoita basa iri.
Kana uri Chapupu chechiduku, pasina mubvunzo iwewo unoita basa iri rokuparidza. Asi izvi hazvibvi zvareva kuti unozviwana zviri nyore kuita kudaro. Kufanana nevechiduku vane mashoko ataurwa kwokutanga, kufunga nezvokusangana nevokuchikoro kwako pasuo ungakuwana kuchikutambudza kwazvo. “Chimwe chinhu chakanga chakandiomera zvikuru,” anobvuma kudaro mumwe wechiduku wokuBritain anonzi Jennie, “chakanga chiri chokuti mumwe wokuchikoro kwedu andione ndakapfeka zvakanaka, ndine siketi, ndakatakura bhegi remabhuku—ndichiratidzika zvakatsvinda kupfuura zvandaiita kuchikoro.”
Kutya kusangana nevokuchikoro kunogona kuva kwakakura kwazvo zvokuti vamwe vaKristu vechiduku vakafunga kuita zvokunyengedzera kuti vasaonekwa. Wechiduku anonzi Leon anoti: “Ndinoziva mumwe wechiduku ari Chapupu anopfeka bhachi rinovhara musoro paanenge ari muushumiri, kuitira kuti avhare naro kumeso kwake kana akasangana neshamwari dzake dzokuchikoro.” Uyewo vamwe vechiduku vanongorega kuparidza mune mimwe misha. “Ndinoyeuka ndichinyengetera kuti tisaparidzira tiri mune imwe nzira,” anoyeuka kudaro wechiduku anonzi Simon, “nokuti ndaiziva kuti inenge yakazara nevanhu vokuchikoro kwedu.”
Hapana chakaipa nokunzwa kusagadzikana kana wasangana nomumwe munhu waunoziva paunenge uchiparidza. Zvisinei, kuita kuti kutya ikoko kukudzore ndiko kunogona kukukanganisa. “Ndakanga ndisingambofariri kuparidza,” anobvuma kudaro mumwe wechiduku wokuGermany anonzi Alicia, “zvokuti zvakakanganisa kunamata kwangu.”
Saka nei uchifanira kuparidza—zvikurukuru kana zvakakuomera kuita kudaro? Kuti tipindure, ngatione kuti nei Mwari achiti unofanira kuita izvozvi. Ipapo tozoratidza kuti iwe, nokuedza uye kushinga, ungakwanisa sei kukurira kutya kwako.
Mutoro Wokuparidza
Kutanga, zvingakubatsira kufunga nezvokuti hapana chitsva kana chinoshamisa nezvokuudza vamwe kutenda kwako. Kubvira munguva dzekare, varume nevakadzi vaitya Mwari vakaita kudaro. Somuenzaniso, Noa anozivikanwa zvikuru somuvaki weareka hombe. (Genesi 6:14-16) Asi maererano na2 Petro 2:5, aivawo “muparidzi wokururama.” Noa aiona aine mutoro wokunyevera vamwe nezvoruparadziko rwaiuya.—Mateu 24:37-39.
Gare gare, kunyange zvazvo vaJudha vakanga vasina kupiwa mirayiro yakananga yokuparidza kuvasiri vaJudha, vakawanda vakaudza vamwe zvavaitenda. Saka, mutorwa ainzi Rute akadzidza nezvaJehovha. Achifarira vamwene vake vechiJudha, Naome, Rute akavaudza kuti: “Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Gare gare, Mambo Soromoni akaratidza kuti vanhu vakawanda vakanga vasiri vaJudha vaizouya kuzonzwa ‘nezvezita guru’ raJehovha vomunamata patemberi yake.—1 Madzimambo 8:41, 42.
Kana ava vashumiri vaMwari vekare vakataura nevamwe—pasinei nokuti vakanga vasingarayirwi zvakananga kuita kudaro—vaKristu nhasi vanofanira kutonzwa vachisungirwa kuparidza kwazvo! Zvekare, takarayirwa kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Takafanana nomuapostora Pauro, pakuti tinofanira kuzivisa aya mashoko akanaka. (1 VaKorinde 9:16) Kuponeswa kwedu pachedu kuri pangozi. VaRoma 10:9, 10 inoti: “Nokuti kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiShe, . . . uchaponeswa. Nokuti munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.”
Unga“zivisa pachena” kupi? Kunyange zvazvo kuparidza kusina kurongwa kune nzvimbo yakwo, ushumiri hwepasuo nesuo ndihwo huchiri nzira inobudirira kwazvo yokusvika vanhu. (Mabasa 5:42; 20:20) Kuva muduku kunoita kuti uregererwe pakuita basa iri here? Kana. Bhaibheri rinopa murayiro uyu pana Pisarema 148:12, 13 unoti: “Majaya nemhandara; vatana nevana; ngavarumbidze zita raJehovha.”
Chinoita Kuti Kuparidza Kune Vezera Rako Kuome
Ichokwadi kuti kuva muushumiri wobva wasangana nomumwe munhu wokuchikoro kwako kunogona kuita kuti usanzwa zvakanaka. Zvekare, zvinhu zvagara zviripo kuti unoda kugamuchirwa nevamwe. Hapana anoda kunyombwa, kushorwa, kana kutukwa. Uye sokutaurwa kwazvakaitwa nowechiduku anonzi Tanya, “vana vokuchikoro vanogona kuva noutsinye kwazvo!” Saka ungasaziva kuti vokuchikoro kwako vachaita sei kana vakakuona wakapfeka zvakanaka uine Bhaibheri muruoko rwako. Zvinosuruvarisa kuti vachatokunyomba chete. “Pakanga pane mumwe mukomana womukirasi yedu aigara pandaigara,” anoyeuka kudaro mumwe wechiduku wokuBrazil anonzi Felipe. “Aiti, ‘Wava neBhaibheri riya manje! Uneiko mubhegi umu?’”
Kunyombwa zvakadaro hakusekesi. Bhaibheri rinotiudza kuti Isaka, mwanakomana waAbrahamu, chaizvoizvo akatsvinyirwa zvoutsinye nomwana waamainini vake, Ishmaeri. (Genesi 21:9) Muapostora Pauro haana kurerutsa kubatwa zvisina kufanira uku. Pana VaGaratiya 4:29, muapostora akanyatsotaura kuti kwaiva ‘kutambudzwa.’
Kufanana naizvozvo, Jesu akanyevera kuti vamwe vanhu vaizoita chisimba kuvateveri vake. Akati: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda zvikuru zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nemhaka yeizvi nyika inokuvengai.”—Johani 15:18, 19.
Saka somuKristu unofanira kuva wakagadzirira kutambura kusvika pamwero wakati. (2 Timoti 3:12) Kunyange kana ukasataura shoko reBhaibheri kune vezera rako, vamwe vanongokutambudza zvakadaro nokuti unochengeta tsika dzakakwirira dzomufambiro uye hauiti misikanzwa navo. (1 Petro 4:4) Zvisinei, Jesu anotaura mashoko aya anonyaradza: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.” (Mateu 5:11) Kunyombwa kana kushorwa kungakuita sei kuti ufare? Nokuti unoziva kuti uri kufadza mwoyo waJehovha Mwari! (Zvirevo 27:11) Uye nokufadza Mwari, unozviisa munzira yokuwana upenyu husingaperi!—Ruka 10:25-28.
Sezvineiwo, hakusi kuti vose—kunyange vakawanda—vokuchikoro kwako vachakuitira chisimba kana ukasangana navo muushumiri. Mumwe wechiduku wokuBritain anonzi Angela anotiyeuchidza kuti: “Kana ukasangana newokuchikoro kwako pasuo rake, kakawanda anenge achitotya kupfuura iwe!” Chokwadi, vamwe vanenge vachitoda chaizvo kuziva zvaunoda kutaura. Chero zvazviri, vaKristu vechiduku vakawanda vari kubudirira zvikuru pavanopupurira kune vavanodzidza navo. Nyaya yedu inotevera mune dzino dzinotevedzana ichakurukura dzimwe nzira idzo iwewo ungaita kudaro.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Vechiduku vakawanda vanotya kusangana newavanodzidza naye vari muushumiri
[Mufananidzo uri papeji 22]
Usamboita kuti kunyombwa kuite kuti unyare nokutenda kwako