RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 4/8 pp. 14-16
  • Ndingaparidza Sei Kune Vokuchikoro Kwangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaparidza Sei Kune Vokuchikoro Kwangu?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwedzera Kunzwa Kuda Kuparidza
  • Kutaura Kuti Uri Ani
  • Ko Kana Ndikasangana Nomunhu Wokuchikoro?
    Mukai!—2002
  • Ndingaita Sei Kuti Chokwadi Chive Changu?
    Mukai!—1998
  • Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Ndichitya Kutaura Zvandinotenda Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 4/8 pp. 14-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaparidza Sei Kune Vokuchikoro Kwangu?

“Ndakanga ndaenda kunoparidza apo ndakabva ndaita mahwekwe nomumwe wandinoziva. Ndakapera simba! Wandakanga ndichiparidza naye akapindira ndokubva ataura naye.”—Alberto.

“Ndaiziva kuti mumwe wandinodzidza naye aigara paimba iri mumugwagwa uyu, saka ndakaita kuti mukoma wangu ataure pamasuo ose. Papera nguva akaita seaneta ndokundikumbira kuti ndikurukure pasuo raitevera. Ndakagogodza musiwo, ndokuona kuti ndabondera, ndipo paaigara! Ndakatya zvikuru!”—James.

VECHIDUKU vanowanzonzwa sokuti “hazvinyatsoiti” kuti vakurukure nezvechitendero. Zvisinei, pakati pevaKristu vechokwadi, vechiduku vanokoshesa ropafadzo yavo yavakapiwa naMwari yokuudza vamwe zvavanodavira. Ndokusaka zviuru zvevechiduku vari Zvapupu zvaJehovha vachienda kunoparidza pasuo nesuo. Asi vamwe vanoita kudaro vachitya kuti zvimwe vangasangana nomumwe wavanoziva wokuchikoro kwavo. “Nanhasi handinzwi kugadzikana kana ndikasangana nevanhu vandakadzidza navo,” anodaro Jennifer, kunyange zvazvo akapedza chikoro chesekondari makore anoverengeka apfuura.

Kana uri muKristu wechiduku, unganzwa zvakadaro dzimwe nguva. Chokwadi, tose tinotya kurambwa, saka hapana chakaipa nokunzwa kunetseka zvishoma kana toreva nezvokutaura nezvechitendero kune wokuchikoro kwako.a Asi hapana chikonzero chokuti kutya kukupedze simba. Unoyeuka here murume anonzi neBhaibheri “Josefa weArimatiya”? Akatenda zvinhu zvaakadzidza kuna Jesu. Nepo Bhaibheri rinorondedzera Josefa so“mudzidzi waJesu asi wepachivande nemhaka yokutya kwake vaJudha.” (Johani 19:38) Ko iwe waizonzwa sei nezveshamwari yaida kuti ushamwari hwenyu hurambe huri hwepachivande? (Ruka 12:8, 9) Saka hazvishamisi kuti Mwari anotarisira vaKristu vose kuti ‘vazivise pachena’ kutenda kwavo. (VaRoma 10:10) Izvi zvingasanganisira kutaura nevechiduku kuchikoro kwako.

Josefa weArimatiya akakurira kutya kwake zvokusvika padanho rokukumbira mvumo yokuviga mutumbi waJesu. Iwewo ungakurira kutya kwako sei?

Kuwedzera Kunzwa Kuda Kuparidza

Chokwadi muapostora Pauro akanga asingambonyari kuudza vamwe zvaaidavira. Pana VaRoma 1:15, anozvitsanangura pachake somunhu anoda kuzivisa shoko reBhaibheri. Chii chakakonzera kuda kwakadaro? Sezvakanyorwa mundima 16, anoti: “Handinyari nemashoko akanaka; iwo, chaizvoizvo, isimba raMwari roruponeso kumunhu wose ane kutenda.” Zvakadini newe? Iwe wakazviratidza chaizvoizvo kuti ichi ndicho chokwadi here? (VaRoma 12:2) Iwe pachako unobvuma here kuti shoko reBhaibheri “isimba raMwari roruponeso”?

Kungopinda misangano yechiKristu nevabereki vako hakuna kukwana. “Zviri nyore kungoenda kumisangano,” anodaro wechiduku anonzi Deborah, “nokuti vabereki vako vanokuudza kuti uende. Asi vanhu pavakandibvunza mibvunzo yezveBhaibheri, ndakashaya mhinduro dzacho.” Mumwe wechiduku anonzi Mi Young anobvumawo kudaro achiti: “Tinofanira kuzviratidza pachedu kuti ichi ndicho chokwadi.”

Chii chingakukurudzira kuti uudze vamwe zivo yako yeBhaibheri? Kuridzidza uri woga. Wechiduku anonzi Sean anoti: “Paunotanga kudzidza Bhaibheri uri woga, unotanga kugamuchira chokwadi. Unenge uchidzidza kuti uwane zivo yako pachako.” Ichokwadi kuti havasi vanhu vose vakaberekwa vachifarira kudzidza. “Handifariri kuverenga,” anobvuma kudaro Shevon. “Saka pakutanga zvakanga zvakandiomera kuverenga Nharireyomurindi neMukai! kana kuverenga Bhaibheri zuva roga roga. Asi nokufamba kwenguva, ndakatanga kuita izvozvo.”

Kudzidza nokushingaira kwakadaro kunounzei? Muapostora Pauro anoti: “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaRoma 10:17) Panokura kutenda kwako nokubvumiswa kwako, mafungiro ako achatochinja chete. Mumwe wechiduku wokuBrazil anonzi Elisângela akagumisa kuti: “Kuva muKristu chikomborero, kwete chinhu chokunyara nacho.” Chokwadi, panokura kutenda kwako, unoona uchimanikidzirwa kutaura nevamwe—kusanganisira vaunodzidza navo. Pauro akati: “Tinotenda saka tinotaura.” (2 VaKorinde 4:13) Kana ukasadaro, unga“chena paropa” revamwe sei kana ukaramba kupa zivo inopa upenyu kune vechiduku vaunoona mazuva ose?—Mabasa 20:26, 27.

Zvisinei, vamwe vaKristu vechiduku vanofunga kuti havana kugadzirira kutaura nevamwe nezveBhaibheri. “Kana usingazivi zvokutaura,” anodaro mumwe wechiduku anonzi Joshua, “kuedza kuparidza hakunyanyi kunakidza.” Uyewo, kunzwisisa zvakadzama Bhaibheri kuchakubatsira kuti urishandise nounyanzvi. (2 Timoti 2:15) Muungano dzeZvapupu zvaJehovha, vechiduku vanogona kuenda kuvakuru veungano vokumbira kubatsirwa kuti vakudziridze unyanzvi hwavo hwokudzidzisa. Mumwe wechiduku wokuGermany anonzi Matthias anoti: “Pandakatanga kunyatsokurukura nevanhu—kwete kungogovera mabhuku anotsanangura Bhaibheri—ndakatanga kunakidzwa nokuparidza.”

Pakupedzisira, unogona kunyengetera kuna Mwari kuti akubatsire kuti utaure noushingi. (Mabasa 4:29) Muapostora Pauro pachake akabatsirwa naMwari panhau iyi. Pana 1 VaTesaronika 2:2 anoti: “Takava vasingatyi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” Maererano nerimwe bhuku, mashoko aya anganzi, “Mwari akabvisa kutya mumwoyo yedu.” Saka wadii kunyengetera wokumbira Mwari kuti abvise kutya mumwoyo mako?

Kutaura Kuti Uri Ani

Maererano nomunyengetero iwoyo, unogona kuita danho roushingi. Mumwe wechiduku wokuBritain anonzi Chic anopa zano rokuti: “Udza vepachikoro pako kuti uri muKristu.” Haufaniri kuva ‘mudzidzi wepachivande.’ Mumwe wechiduku anonzi Rebecca anobvuma kuti pane imwe nguva aitya kusangana nomumwe munhu waanoziva mubasa rokuparidza. Asi anoti akaona kuti “kana ukavaudza kuti uri muKristu uye kuti unoenda pasuo nesuo, pane dzimwe nguva vanokubvunza kuti, ‘Saka iwe uchazombouyawo here kumba kwedu?’”

Asi unofanira kumirira zvokuita mahwekwe here? Tsvaka mikana yokuzivisa kutenda kwako pachikoro. Yeuka mubvunzo wakabvunzwa nomuapostora Pauro kuti: “Vachatenda sei maari wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?” (VaRoma 10:14) Uri pachinzvimbo chakanaka zvikuru chokubatsira vaunodzidza navo kuti vanzwe. Wechiduku anonzi Iraida anoti: “Kuchikoro ndiyo ndima yokuparidza yatingagona kusvika chete.” Saka vechiduku vakawanda vanotora mukana waivanawo nokuparidza zvisina kurongwa.

Zvisinei, dzimwe nguva panenge pane mabasa omukirasi anokupa mukana wokutaura nevamwe chokwadi cheBhaibheri. Mumwe musikana wokuBritain anonzi Jaimie anorondedzera kuti: “Taikurukura nezvemhindumupindu muchidzidzo chesayenzi, uye ndakataura zvandinodavira. Mumwe wevakomana vaivapo akandinyomba ndokuti Zvapupu zvaJehovha madofo uye kuti hazvifaniri kuenda kuzvikoro. Zvisinei, pakarepo vamwe vana muchikoro vakatanga kunditsigira.” Zviri pachena kuti mufambiro wake somuKristu ane muenzaniso wakanaka wakabatsira. Jaimie anowedzera kuti: “Ndakapedzisira ndagovera bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? kune mumwe wandinodzidza naye.”b

Mumwe musikana ane makore 14 wokuRomania anonzi Roxana anotaura zvakaitika zvakada kufanana neizvi achiti: “Mudzidzisi wangu akati kirasi ichakurukura nezvedoro, fodya, nezvinodhaka. Ndakabva ndaunza magazini yeMukai! yaApril 8, 2000 yaitaura pamusoro po‘Kurega Kwaungaita Kusvuta.’ Mumwe wandinodzidza naye akaona magazini yacho, akaitora, uye akaramba kundidzosera. Aiverenga, akati zvino akanga ashinga kurega kusvuta.”

Ungasawana vanoita zvakanaka kudaro nguva dzose. Asi Muparidzi 11:6 inotikurudzira kuti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi.” Kana pasina chinhu chinofadza chinoitika, kuzivisa vamwe nezvezvitendero zvako kuchikoro kuchakupa pokutangira kuti uzokurukura zvakanaka kana ukazosangana newaunodzidza naye muushumiri hwepaimba nemba. Mumwe wechiduku anonzi Jessica wokuBritain anoti: “Kuparidza kune vaya vaunoziva vokuchikoro kuri nyore nokuti unotozivana navo.” Ungashamisika nokuona kuda kuziva zvaunotenda kunoitwa nevamwe vaunodzidza navo.

Chokwadi, havasi vose vachakugamuchira nomutsa. Asi Jesu akapa zano iri rinoshanda: “Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pakubuda mumba iyoyo . . . zunzai guruva riri patsoka dzenyu.” (Mateu 10:14) Nemamwe mashoko, haufaniri kuona sokuti iwe ndiwe warambwa. Ibva hako norugare uye tsvaka mumwe anoda kuteerera. Pane imwe nguva uchawana vane mwoyo yakatendeseka vane nzara yechokwadi vanoda kuteerera. Hazvaizofadza here kudai mumwe wavo aizova mumwe waunodzidza naye? Kana zvakadaro, uchafara kuti wakurira kutya kwako kuzivisa vaunodzidza navo kutenda kwako.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ko Kana Ndikasangana Nomunhu Wokuchikoro?,” iri mumagazini yedu yaMarch 8, 2002.

b Rakabudiswa neJehovah’s Witnesses.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

“Paunotanga kudzidza Bhaibheri uri woga, unotanga kugamuchira chokwadi.”—Sean.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Usatya kutaura kuti uri muKristu

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mabasa omukirasi kakawanda anopa mikana yokutaura nevamwe chokwadi cheBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe