RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 3/8 pp. 3-4
  • Vadzidzisi—Nei Tichivada?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vadzidzisi—Nei Tichivada?
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kuitirei Mudzidzisi?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 3/8 pp. 3-4

Vadzidzisi—Nei Tichivada?

“Zuva rimwe rokuva nomudzidzisi ari nyanzvi riri nani pane anokwana chiuru okudzidza zvakaomarara uri woga.”—Chirevo chokuJapan.

UNOYEUKA mudzidzisi aikunakidza zvikuru kuchikoro here? Kana kuti kana uchiri mwana wechikoro, une mudzidzisi waunofarira here? Kana zvakadaro, nei?

Mudzidzisi akanaka anoita kuti munhu ave nechivimbo uye anoita kuti kudzidza kuve chinhu chinonakidza. Mumwe ane makore 70 wokuEngland anoyeuka achinzwa kuda mudzidzisi wake wechiRungu pachikoro chaakadzidza muBirmingham. “VaClewley vakaita kuti ndione kuti ndine mano andakanga ndisingazivi kuti ndinawo. Ndakanga ndine nyadzi uye ndakanyarara, asi ivo vakandidzidzisa kuti ndive mumakwikwi omutambo wechikoro. Mugore rangu rokupedza chikoro, ndakahwina mubayiro womutambo wacho. Ndingadai ndisina kuzviita kudai pasina kundikurudzira kwavakaita. Zvinondirwadza kuti handina kuzovaona mumakore akatevera kuti ndivaonge nokuda kwokuzvipira kwavo kuvana vavaidzidzisa.”

Margit, mukadzi akanaka ari mumakore okuma50, anobva kuMunich, Germany, anoti: “Pakanga pane mumwe mudzidzisi wandaifarira zvikuru. Aikwanisa kutsanangura zvinhu zvakaoma zvikuru nenzira yakapfava. Aitikurudzira kubvunza mibvunzo patakanga tisinganzwisisi. Akanga asiri munhu akazvinyararira zvake, asi akanga ane ushamwari. Izvozvo zvaiita kuti zvidzidzo zvacho zvinakidze chaizvo.”

Peter, wokuAustralia, anoyeuka mudzidzisi wemasvomhu uyo, sematauriro aakaita kuti, “akatibatsira kuti tione zvairehwa nezvataidzidza nokutipa mienzaniso inoshanda. Pataidzidza trigonometry, akatidzidzisa kuyera kureba kwechivako pasina kana kumbochibata, tichingoshandisa mitemo yetrigonometry chete. Ndinoyeuka nechomumwoyo ndichiti, ‘Izvi zvinonakidza!’”

Pauline, anobva nechokuchamhembe kweEngland, akaudza mudzidzisi wake kuti: “Handigoni masvomhu.” Mudzidzisi akabvunza kuti: “Unoda kuagona here? Ndinogona kukubatsira.” Anowedzera kuti: “Mumwedzi mishoma yakatevera, akaramba achindibatsira, kunyange kundibatsira tapedza zvidzidzo. Ndaizviziva kuti aida kuti ndibudirire—uye kuti aiva nehanya neni. Kuziva kwandakaita izvi kwakandiita kuti ndishande nesimba, uye ndakavandudzika.”

Angie, anobva kuScotland, iye zvino ane makore okuma30, anoyeuka VaGraham, mudzidzisi wake wenhau dzakaitika (history). “Vaiita kuti chidzidzo chenhau dzakaitika chinakidze kwazvo! Vairondedzera chiitiko chimwe nechimwe senyaya uye vaifarira zvikuru chidzidzo chimwe nechimwe. Vaizviita zvose kuti zvinakidze zvikuru.” Anoyeukawo achinzwa kufarira Mai Hewitt, mudzidzisi wake akanga akura wegiredhi rokutanga. “Vakanga vane mutsa uye vane hanya. Rimwe zuva muchikoro, ndakaenda kunovabvunza mubvunzo. Vakanditakura mumaoko avo. Vakandiita kuti ndinzwe kuti vaiva nehanya neni zvikuru.”

Timothy, anobva nechokumaodzanyemba kweGreece, akaratidza kuonga kwake. “Ndichiri kuyeuka mudzidzisi wangu wesayenzi. Akachinja zvachose maonero andaizoita nyika yakandipota uye upenyu. Akaita kuti muimba yokudzidzira munakidze chaizvo. Akaita kuti tide kuziva uye tide kunzwisisa.”

Mumwewo ndiRamona, wokuCalifornia, U.S.A. Akanyora kuti: “Mudzidzisi wangu wesekondari aida chiRungu. Ndakapedzisira ndave nechido sechaaiva nacho! Aiita kuti kunyange zvakaoma zvive nyore.”

Jane, wokuCanada, akataura nomufaro zvikuru nezvomumwe mudzidzisi wezvokurovedza muviri aiva “akazara nemazano okunakidzwa uye okudzidza. Aienda nesu kusango uye otidzidzisa mutambo wokufamba muchando uye kuredza muchando. Taitogadzirawo chimupotohayi, chakafanana nechinogadzirwa nevaIndia pamoto watainge tavesa. Zvose izvi zvaiva zvinhu zvinonakidza nokuti ndaiwanzogara pamba ndichingoverenga!”

Helen mukadzi anonyara akaberekerwa muShanghai uye akadzidza kuHong Kong. Anoyeuka kuti: “Mugiredhi rechishanu ndakanga ndine mudzidzisi, VaChan, vakandidzidzisa zvidzidzo zvokurovedza muviri nokudhirowa mifananidzo. Ndakanga ndiri mutete uye ndakanga ndisingagoni volleyball nebasketball. Havana kundinyadzisa. Vakandirega ndichitamba badminton nemimwe mitambo yandaigona zvakanaka. Vakanga vachinzwisisa uye vane mutsa.

“Chero pakudhirowa mifananidzo pacho—ndakanga ndisingagoni kudhirowa mifananidzo yezvinhu kana yevanhu. Saka vakandiita kuti ndidhirowe mapatani, zvandakanga ndichiti gonei. Nokuti ndakanga ndichiri muduku pane vamwe vadzidzi, vakanditi ndigare mugiredhi iroro kwerimwe gore. Apa ndipo pakachinja kudzidza kwangu. Ndakava nechivimbo uye ndakafambira mberi. Ndicharamba ndichivaonga.”

Vadzidzisi vapi vanonyatsogona basa? William Ayers anopindura mubhuku rake rinonzi To Teach—The Journey of a Teacher kuti: “Kudzidzisa kwakanaka kunoda kuva mudzidzisi ane hanya, anotarisira akazvipira paupenyu hwevadzidzi. . . . Kudzidzisa kwakanaka haisi nhau yemaitiro kana kuti zvitayera, mazano kana kuti zviito zvakati. . . . Chaizvoizvo kudzidzisa inhau yorudo.” Saka mudzidzisi anobudirira ndiye anoita sei? Anoti: “Mudzidzisi aitaura zvawainzwisisa, mudzidzisi aikunzwisisa kana kuti aiva nehanya newe sezvauri, mudzidzisi aiva nechido chechimwe chinhu—mumhanzi, masvomhu, chiLatin, makite—chawainzwa wave kuda kwazvo uye chaikukurudzira.”

Pasina kupokana, vadzidzisi vakawanda vakagamuchira mashoko okuongwa kubva kuvadzidzi, kunyange vabereki, saka vakakurudzirwa kuramba vachidzidzisa pasinei nezvinodzosera shure. Chikuru mumashoko okuonga ose aya kunenge kuri kufarira kwechokwadi uye mutsa wakaratidzwa nomudzidzisi kumwana.

Chokwadi, havasi vadzidzisi vose vanoita nenzira yakanaka kudaro. Uyewo zvekare, vadzidzisi kakawanda vanoiswa pamiedzo inodzosera shure pane zvavanogona kuitira vadzidzi vavo. Izvi zvinotiita kuti tive nomubvunzo wokuti, Nei vanhu vachipinda basa rakaoma kudaro?

[Mufananidzo uri papeji 4]

“Chaizvoizvo kudzidzisa inhau yorudo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe