RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 3/8 pp. 5-7
  • Kuitirei Mudzidzisi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuitirei Mudzidzisi?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinokurudzira Mudzidzisi?
  • Kudzidzisa—Kuedza Kwaunoita uye Ngozi Dziripo
    Mukai!—2002
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 3/8 pp. 5-7

Kuitirei Mudzidzisi?

“Vadzidzisi vakawanda vanosarudza basa ravo nokuti nderokubatsira vanhu. [Kudzidzisa] kuzvipira kuchinja upenyu hwevana.”—Teachers, Schools, and Society.

KUNYANGE zvazvo vamwe vadzidzisi vachiita kuti kuite sokuri nyore, kudzidzisa kunogona kuva nhangemutange yokumhanya ine zvigumbuso—kutambura nemakirasi ane vana vakawanda, basa rokuita rakawanda, vakuru vakuru vanonetsa, ndururani dzevana, uye kubhadharwa mari shoma. Pedro, mudzidzisi muMadrid, Spain, anotaura nenzira iyi: “Kuva mudzidzisi hakusi nyore zvachose. Kunoda kuzvipira kukuru. Kunyange zvakadaro, pasinei nezvinonetsa zvacho, ndichiri kuona kudzidzisa kuchipa mubayiro zvikuru pane basa romunyika yezvokutengeserana.”

Chinetso chacho chinogona kuva chichivhiringidza muzvikoro zvomumaguta makuru enyika dzakawanda. Zvinodhaka, chitsotsi, unzenza, uye dzimwe nguva kusanzwisisa kwevabereki zvinokanganisa zvikuru mamiriro epachikoro uye kupa chirango. Kupandukira kwakawanda. Saka nei vanhu vakawanda vakadzidza vachisarudza kuva vadzidzisi?

Leemarys naDiana vadzidzisi muNew York City. Vanoshanda nevana kubva vari kukireshi kusvika vava nemakore gumi. Vose vanotaura mitauro miviri (chiRungu nechiSpanish) uye vanonyanya kushanda nevana vokuSpain. Takavabvunza kuti . . .

Chii Chinokurudzira Mudzidzisi?

Leemarys akati: “Chii chinondikurudzira? Kuda kwandinoita vana. Ndinoziva kuti kune vamwe vana ndini ndoga ndiri kuvatsigira mune zvavanoedza kuita.”

Diana akati: “Ndakadzidzisa mwana wehanzvadzi yangu ane makore masere akanga achinetseka kuchikoro—kunyanya pakuverenga. Zvaifadza kwazvo kumuona pamwe nevamwe vachidzidza! Saka ndakasarudza kuti ndinoda kudzidzisa, uye ndakasiya basa rangu rokubhengi.”

Mukai! yakabvunza mubvunzo mumwe chete iwoyo kuvadzidzisi vokune dzimwe nyika, uye zvinotevera ndozvakanga zvakaita dzimwe mhinduro dzacho.

Giuliano, wokuItaly ave nemakore okuma40, akatsanangura kuti: “Ndakasarudza basa iri nokuti ndairifarira pandakanga ndiri mudzidzi (ari kurudyi). Ndakariona serinobatsira kufunga uye rine mikana yakawanda yokukurudzira vamwe. Kufarira zvikuru kwangu kwokutanga kwakandibatsira kuti ndikurire zvinonetsa zvandakasangana nazvo pakutanga mubasa rangu.”

Nick, wokuNew South Wales, kuAustralia, akati: “Basa randakanga ndadzidzira rokutsvakurudza ruzivo rwemishonga rakanga risingawaniki, asi mabasa akawanda akanga achiwanikwa mune zvedzidzo. Ndakabva ndangoona kuti kudzidzisa kunondinakidza, uye vana vacho vanoita sevanonakidzwa nokudzidziswa neniwo.”

Muenzaniso wevabereki kakawanda ndiwo wakanyanya kukurudzira kune vaya vanosarudza kuva vadzidzisi. William wokuKenya, akapindura mubvunzo wedu achiti: “Kuda kwangu kudzidzisa kwakakonzerwa zvikurukuru nababa vangu, vakanga vari mudzidzisi kare muna 1952. Kuziva kuti ndiri kuumba pfungwa dzevechiduku chinhu chakandiita kuti ndirambe ndiri mubasa iri.”

Rosemary, anobvawo kuKenya, akatiudza kuti: “Ndakagara ndichida kubatsira vanotambura. Saka ndakanga ndine chisarudzo chokuva mukoti kana kuti mudzidzisi. Basa rokudzidzisa ndiro randakatanga kuwana. Nokutiwo ndiri amai, zvakawedzera kuda kwangu basa racho.”

Berthold, wokuDüren, muGermany, ane chikonzero chake chokudzidzisa chakasiyana nezvevamwe: “Mudzimai wangu akandiita kuti ndinzwe ndine chivimbo chokuti ndaizova mudzidzisi akanaka.” Uye ndakaona kuti zvaaitaura ichokwadi. Akawedzera kuti: “Basa rangu zvino rinondipa mufaro mukuru. Kana mudzidzisi asinganyatsooni kukosha kwedzidzo uye asingafaririwo vechiduku, zvinomuomera kuti ave mudzidzisi akanaka, anobudirira, anokurudzirwa, uye anogutsikana.”

Mudzidzisi wokuJapan, Masahiro, anobva kuNakatsu City, akati: “Chakandiita kuti ndive mudzidzisi kwakanga kuri kuva nomudzidzisi akanaka mugore randakaita giredhi rechinomwe. Aitidzidzisa nokuzvipira chaiko. Uye chikonzero chikuru nei ndakaramba ndiri mubasa rangu rokudzidzisa ndechokuti ndinoda vana.”

Yoshiya, zvino ane makore 54 anobvawo kuJapan, akanga ane basa rinobhadhara kwazvo romufekitari asi akanzwa kuti akanga ari muranda kwariri uye pakufamba kuenda kwaaishanda. “Rimwe zuva ndakafunga kuti, ‘Ndicharamba ndichirarama kudai kusvika rini?’ Ndakasarudza kutsvaka basa rine chokuita nevanhu kwete zvinhu. Kudzidzisa kwakasiyana nemamwe mabasa. Unoshanda nevechiduku. Zvinoratidza kuda vanhu.”

Valentina, wokuSt. Petersburg, kuRussia, anokoshesawo kuva mudzidzisi. Akati: “Kudzidzisa ibasa randakasarudza. Ndave ndiri mudzidzisi wemagiredhi okutanga kwemakore 37. Ndinofarira kushanda nevana, kunyanya vaduku. Ndinoda basa rangu, uye ndosaka ndisati ndaenda kumudyandigere.”

William Ayers, ari mudzidzisi pachake, akanyora kuti: “Vanhu vanoda kudzidzisa nokuti vanoda vana nevechiduku, kana kuti vanoda kuva navo, vachivaona vachifambira mberi nokukura uye vova vanogona zvikuru, vanounyanzvi zvikuru, uye vane simba kwazvo munyika. . . . Vanhu vanodzidzisa . . . sechipo chomunhu kune vamwe. Ndinodzidzisa ndiine tariro yokuita kuti nyika ive nzvimbo yakanaka.”

Hungu, pasinei nezvinonetsa nezvinodzosera shure, zviuru zvevakadzi nevarume vakazvipira zvinokwezverwa kubasa rokudzidzisa. Ndezvipi zvimwe zvezvinetso zvikuru zvavanosangana nazvo? Nyaya inotevera ichakurukura nezvomubvunzo iwoyo.

[Bhokisi riri papeji 6]

Mazano Okukurukurirana Kwomudzidzisi Nomubereki

✔ Ziva vabereki vacho. Hakusi kutambisa nguva. Izvi zvinokubatsirai mose. Mukana wako wokuva noukama nevangazokubatsira zvakanaka.

✔ Taura uchiratidza kuti uri kutaura nomubereki—usavaderedza kana kuvazvidza. Usashandisa mutauro unoshandiswa nevadzidzisi.

✔ Paunenge uchitaura nezvevana, taura zvakanaka nezvavo. Kuvarumbidza kunobatsira pane kuvazvidza. Tsanangura zvinogona kuitwa nevabereki kuti vabatsire mwana kuti abudirire.

✔ Ita kuti vabereki vataure iwe woteerera.

✔ Nzwisisa kuti mwana anogara sei kumba. Kana zvichiita, shanyira musha wacho.

✔ Sarudzai zuva ramunozokurukura zvekare. Kuzoonana kunokosha. Zvinoratidza kuti kufarira kwako ndekwechokwadi.—Kubva mubhuku rinonzi Teaching in America.

[Mufananidzo uri papeji 6]

‘Baba vangu vakanga vari mudzidzisi.’—WILLIAM, KENYA

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Ndinofarira kushanda nevana.”—VALENTINA, RUSSIA

[Mifananidzo iri papeji 7]

“Kudzidzisa kwakasiyana nemamwe mabasa. Unoshanda nevechiduku.”—YOSHIYA, JAPAN

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe