Uchi—Nhapitapi Inorapa
VAMWE vanotsvakurudza nezvemishonga inorapa vari kufara nezvakaita uchi zvokukwanisa kuuraya utachiona uye kudzivisa kuzvimba. Pepanhau reThe Globe and Mail rokuCanada rinoshuma kuti: “Kusiyana nokuwanda kwemishonga yepamusoro-soro yakatadza kushanda pautachiona hwave nhinhi kumishonga, uchi hunogona kukurira humwe hwacho kana hwaiswa paronda rine utachiona.”
Chii chiri muuchi chinoita kuti hukwanise kurapa? Mhinduro yacho ine chokuita nenyuchi inounganidza muto wemaruva. Rute rwenyuchi rune glucose-oxidase, kemikari inobatsira kugaya shuga iri mumuto wacho. Chimwe chinobva pakugayiwa uku ihydrogen peroxide, yagara ichishandiswa kusuka nokuita kuti ronda risaita utachiona. Kazhinji, hydrogen peroxide inoshanda kwenguva pfupi kana yaiswa paronda; asi kana huri uchi hwaiswa, panoitika zvakasiyana. “Kana hwangova paronda, uchi hunorerutswa nemvura dzomumuviri zvishoma, uye izvi zvinoita kuti kusasa kwahwo kuderere,” unodaro mushumo weGlobe. Makemikari acho anotanga kushanda kana kusasa kwacho kwaderera zvakadaro. Kugayiwa kweshuga iri muuchi kunononoka uye kunoitika pamwero unoenderana. Kuitika uku kunoburitsa hydrogen peroxide zvishoma nezvishoma muuwandu hunogona kuuraya utachiona hweparonda asi husingakuvadzi zvikuru nyama ine utano yakapoteredza.
Uchi hune zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kuva nechokuita pakupodza ronda, maererano neGlobe. “Uchi hwakatsveterwa hunoita kuti pave nounyoro hunochengetedza ganda uye kuti paronda pasaita goko. Uchi hunowedzera kukura nokugadzirwa kwetsinga itsva uye hunoita kuti masero anogadzira ganda idzva akurumidze kuvapo.” Kuwedzera pane izvozvo, makemikari anobvisa okisijeni ari muuchi anobatsira “kudzivisa kuzvimba, anobatsira kufamba kweropa uye anoita kuti ronda risachururuka mvura.”
Mushumo wacho unonyevera kuti, “Zvisinei, uchi hahusi mushonga womunhu wose.” Zvinofungidzirwa kuti majemusi ebotulism ari muzvikamu zvinenge 5 kubva muzana zvouchi. Mamwe masangano akadai seBotulism Reference Service yeHealth Canada pamwe nemasangano ezvokurapwa kwevana anoyambira kuti uchi husapiwa kuvana vari pasi pegore nokuti “vana havasati vave notupuka tunogara mumatumbu twakakwana kuti twuvachengetedze kuutachiona.”