PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 12-16
Uchenjeri Huri Nani Kupfuura Ndarama
Rakaprindwa
Nei uchenjeri hunobva kuna Mwari huchikosha? Hunotichengetedza uye hunoita kuti tisapinda mumatambudziko. Hunoitawo kuti tive nemafungiro akanaka, titaure zvinovaka uye toita zvinhu zvakanaka.
Uchenjeri hunoita kuti tisadada
Munhu akachenjera anoziva kuti uchenjeri hwese hunobva kuna Jehovha
Vaya vanenge vabudirira muupenyu kana kuti vane zvakawanda zvekuita muungano vanofanira kungwarira kuti vasapedzisira vava kudada kana kuzvikudza
Uchenjeri hunoita kuti titaure zvakanaka nevamwe
Munhu akachenjera anoona zvakanaka zvinoitwa nevamwe uye anotaura zvinhu zvakanaka nezvavo
Mashoko euchenjeri anoita kuti vanhu vade kuteerera uye anotapira seuchi, haasi ehasha kana ekupopotedzana