RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 4/8 pp. 28-31
  • Mwana Wangu Akafa Asati Aberekwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwana Wangu Akafa Asati Aberekwa
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Toudza Vana Vedu Kutii?
  • Kukwanisa Kurarama Nokurasikirwa Kwandakaita
  • Rudo—Ndirwo Mushonga Wakanakisisa
  • Kunyaradzwa neShoko raMwari
  • Kupera Kwenhamo
  • Muzvarirwo Here Kunzwa Neiyi Nzira?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvinoda Vacheche
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 4/8 pp. 28-31

Mwana Wangu Akafa Asati Aberekwa

MUSI woMuvhuro, April 10, 2000, kunze kwaidziya uye kuine zuva, saka ndakati regai ndibude ndinoitawo zvimwe zvinhu. Ndakanga ndave kutosvitsa mwedzi mina ndiine pamuviri, uye kunyange ndakanga ndisinganzwi kunyatsosimba, ndakada kumbofurwa nemhepo. Zvadaro, pandakanga ndakamira pamutsetse wokuti ndibhadhare mari muchitoro, ndakanzwa kuti pane chakanga chisina kumira zvakanaka pandiri.

Pandakasvika kumba ndakabva ndanyatsoona kuti chokwadi pane chiripo chete. Ndakanga ndichibuda ropa—zvakanga zvisina kumboitika pandakabata pamuviri pangu paviri pokutanga—uye izvi zvakandityisa! Ndakaridzira chiremba wangu runhare, asi akanditi ndimbomira ndozouya zuva raitevera, nokuti ndipo pandakanga ndagara ndichifanira kumuona. Ini nomurume wangu tisati taradzika vana vedu manheru iwayo, takanyengetera pamwe chete, tichikumbira Jehovha kuti atipe simba chero patinenge tichirida. Pakupedzisira, ndakabatwa nehope.

Asi nenguva dzinenge dza2 usiku, ndakamuka ndava kurwadziwa kwazvo. Kurwadziwa kwacho kwakazopera zvishoma nezvishoma, asi pandakanga ndava kubatwa nehope, kwakatangazve, pari zvino kuchiti kukatanga kwopera. Ropa rakawedzera kubuda, uye mudumbu mangu makanga mava kusunga-sunga. Pfungwa dzangu dzakamhanya-mhanya, ndichiedza kufunga kuti pane chimwe chinhu chandakanga ndaita here chaiita kuti zvidaro, asi hapana chandakanga ndakanganisa.

Pakazosvika 5:00 magwanani, ndakaona kuti ndaifanira kuenda kuchipatara. Ini nomurume wangu patakasvika, takanyevenutswa nokubatwa nevanhu vane mutsa, vanobatsira, uye vanonzwira tsitsi vomuchipatara chokurapa nokukurumidzira. Kwapera maawa maviri, chiremba akatiudza chinhu chataitya kwazvo: Mwana wangu akanga afa.

Nokuda kwezvakanga zvamboitika, ndakanga ndakagadzirira kuti zvaizodaro uye handina kunyanya kuvhunduka nazvo zvikuru. Uyezve, murume wangu akanga ari padivi pangu nguva dzose uye aitsigira zvikuru. Asi zvino zvataive toenda kumba tisina mwana, takashaya kuti taizoudza vana vedu vaviri kutii, Kaitlyn, akanga aine makore matanhatu, naDavid, akanga aine makore mana.

Toudza Vana Vedu Kutii?

Vana vakanga vaenda kundorara vachiziva kuti pane chimwe chinhu chakanganisika, asi zvino taizovaudza sei kuti aizova munun’una kana hanzvadzi yavo yomunguva yemberi afa? Takasarudza kuvaudza zvakanga zvaitika chaizvo uye kusambovanza zvimwe. Amai vangu vakatibatsira kuita kudaro nokuudza vana kuti takanga tisiri kuuya kumba nomwana. Patakasvika kumba, vakamhanya kuzotimbundira nokutitsvoda. Mubvunzo wavo wokutanga wakanga uri wokuti, “Ko mwana mamusiya kupi?” Ndakatadza kupindura, asi murume wangu, akatibata zvakasimba takaungana, akati: “Mwana afa.” Takabatana uye takachema, zvakabatsira kuti titange kugadzikana.

Zvisinei, takanga tisina kugadzirira zvakazoitwa nevana vedu. Somuenzaniso, anenge masvondo maviri ndabva pamuviri, paungano yedu yeZvapupu zvaJehovha pakaziviswa kuti chimwe Chapupu chakwegura uye chaiva shamwari yepedyo yemhuri yedu chakanga chashayika. David, wemakore mana, akachema zvikuru, nokudaro murume wangu akabva aenda naye panze. Anyarara, David akabvunza kuti nei shamwari yake yakanga yafa. Akabva abvunza kuti nei mwana akanga afa. Akazobva ati kuna baba vake: “Saka imi muchafa here?” Akada kuzivawo kuti nei Jehovha Mwari akanga asati aparadza Satani ndokutanga “kugadzirisa zvinhu.” Chokwadi, takashamiswa nokuona kuti pane zvinhu zvakawanda zvaiva mupfungwa dzake duku.

Kaitlyn akabvunzawo mibvunzo yakawanda. Achitamba nezvidhori zvake, kakawanda aiita sokuti chimwe chidhori chake chiri kurwara, zvimwe zvacho zvichiita semanesi kana kuti vanhu vomumhuri. Akagadzira kadhibhokisi kuti riite sechipatara chezvidhori zvake uye nguva nenguva aiita sokuti chimwe chidhori chake chafa. Mibvunzo yevana vedu nemitambo yavo zvakatipa mikana yakawanda yokuvadzidzisa zvidzidzo zvinokosha zvoupenyu uye kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kutsungirira miedzo. Takavayeuchidzawo nezvechinangwa chaMwari chokuita kuti pasi rive paradhiso yakanaka, isina kutambura kwose uye kurwadziswa—kunyange rufu.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kukwanisa Kurarama Nokurasikirwa Kwandakaita

Pandakadzoka kumba kubva kuchipatara, ndainzwa ndapera basa uye ndavhiringidzika. Ndakanga ndine zvinhu zvakawanda zvaida kuitwa asi ndaitadza kuziva pokutangira. Ndakafonera shamwari dzangu dzakawanda dzakanga dzambowirwa nedambudziko rakafanana, uye dzakandinyaradza zvikuru. Imwe shamwari yangu yepamwoyo yakatitumira maruva uye yakati yaizotora vana yoswera navo masikati. Ndakafara zvikuru nokuva nehanya kwake uye kubatsira kwake zvakadaro!

Ndakaisa mifananidzo yemhuri yedu mumaarubhamu. Ndakatarira uye ndakabata mbatya dzomucheche dzakanga dzisati dzapfekwa—zviyeuchidzo chete zvaioneka zvomwana wandakanga ndarasikirwa naye. Kwevhiki dzakawanda ndaingoerekana ndasurukirwa. Mamwe mazuva ndaingoramba ndichichema—kunyange ndaitsigirwa nemhuri neshamwari. Pane dzimwe nguva, ndaifunga kuti ndave kupenga. Kuva pane shamwari dzaiva nepamuviri kwakanga kwakandiomera. Izvi zvisati zvaitika, ndaimbofunga kuti kubva pamurivi “kanhuwo” kanongoitika muupenyu hwomunhukadzi, chinhu chokuti chinongopfuura pasina zvinetso zvakawanda. Chokwadi ndakanga ndakarasika!a

Rudo—Ndirwo Mushonga Wakanakisisa

Nokufamba kwenguva, chinhu chakandirapa zvinobatsira rwakanga ruri rudo rwandakaratidzwa nomurume wangu uye nevamwe vaKristu. Chimwe Chapupu chakabika zvokudya ndokuuya nazvo. Mumwe mukuru womuungano nomudzimai wake vakaunza maruva nekadhi rakanaka, uye takatandara navo manheru. Taiziva kuti vakanga vakabatikana sei, saka kuva nehanya kwavo kwakafadza zvikuru. Dzimwe shamwari dzakawanda dzakatumira makadhi nemaruva. Mashoko mashoma okuti “Tiri kukufungai” aireva zvakawanda chaizvo! Imwe nhengo yeungano yakanyora kuti: “Tinoona upenyu sezvahunoitwa naJehovha—sechimwe chinhu chinokosha zvikuru. Kana achiziva panowa shiri duku pasi, chokwadi anoziva apo mwana ari mudumbu anowa.” Ambuya vangu vakanyora kuti: “Tinoshamiswa zvikuru nechishamiso chokuzvarwa uye upenyu, uye tinoshamiswawo zvikuru pazvinotadza kunyatsofamba zvakanaka.”

Tiri paImba yoUmambo vhiki shomanana gare gare, ndakanzwa kuda kuchema uye ndakabuda misangano yave kuda kutanga. Dzimwe shamwari dzangu mbiri dzepamwoyo dzakacherechedza pandakabuda ndichichema dzikauya kuzogara neni mumotokari, dzakandibata ruoko, ndokundisetsa. Pasina nguva refu tose tiri vatatu takadzokera mukati. Chokwadi mufaro chaiwo kuva neshamwari ‘dzinonamatira kupfuura hama’!—Zvirevo 18:24.

Nhau yacho payaifamba, ndakashamiswa nokuziva kuwanda kwevanhu vari Zvapupu vakamboita zvimwe chete izvozvo. Kunyange vamwe vandakanga ndisinganyatsozivi izvi zvisati zvaitika vakandinyaradza nokundikurudzira zvakanaka zvikuru. Kunditsigira kwavo kworudo panguva yokutambudzika kwakandifungisa chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shamwari inoda nguva dzose, hama inoberekwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Kunyaradzwa neShoko raMwari

Chirangaridzo chorufu rwaKristu chakaitwa vhiki yakatevera ndabva pamuviri. Mamwe manheru pataiverenga nhoroondo dzeBhaibheri dzemazuva okupedzisira aJesu, ndakabva ndangoona kuti: ‘Jehovha anoziva kurwadza kwokurasikirwa. Akarasikirwa nomwanakomana wake pachake!’ Nokuti Jehovha ndiye Baba vedu vokudenga, dzimwe nguva ndinokanganwa kunzwisisa kwaanoita uye kuti anonzwira urombo sei vashumiri vake—varume nevakadzi. Pakarepo ndakabva ndanzwa kurerukirwa zvikuru. Ndakanzwa ndava pedyo naJehovha kupfuura kare kose.

Ndakanyaradzwawo zvikuru nemabhuku anotsanangura Bhaibheri, kunyanya magazini omunguva yapfuura eNharireyomurindi uye Mukai! aitaura nezvokurasikirwa nomudiwa. Somuenzaniso, nyaya dzaiti “Facing the Loss of a Child” mumagazini yeMukai! yeChirungu yaAugust 8, 1987 dzaibatsira zvikuru, kungofanana nebhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.b

Kupera Kwenhamo

Nokufamba kwenguva, ndakaziva kuti ndakanga ndichipora apo ndaigona kuseka pasina kunzwa sendine mhaka uye pandaigona kukurukurirana pasina kutaura nezvomwana wandakanga ndarasikirwa naye. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva ndaizokurirwa, sepaya pandaiona shamwari dzakanga dzisina kunzwa nezvokubva kwepamuviri pangu kana dzimwe mhuri dzine vana vacheche dzaishanyira Imba yoUmambo.

Mangwanani erimwe zuva ndakamuka ndave kunzwa kuti iye zvino zvakanga zvapera. Kunyange ndisati ndasvinura, ndakanzwa kuti ndapora—rugare nokugadzikana zvandakanga ndisati ndanzwa kwemwedzi inoverengeka. Kunyange zvakadaro, pandakaona kuti ndava nepamwe pamuviri kwapera gore pamwe pabva, ndakatanga kufunga kuti apa pachabva zvekare. Zvinofadza kuti ndakabereka mwana mukomana akagwinya muna October 2001.

Ndichiri kuchema mwana wandakarasikirwa naye. Asi, zvakaitika zvose zvakawedzera kufarira kwangu upenyu, mhuri yangu, vaKristu vandinonamata navo, uye Mwari—anotinyaradza. Zvakaitikawo zvacho zvakasimbisawo chokwadi chokuti Mwari haatori vana vedu asi kuti ‘tinowirwa tose nenguva nezvinoitika.’—Muparidzi 9:11.

Ndinotarira mberi zvikuru kune zvazvichange zvakaita apo Mwari achabvisa kuchema kwose, kuungudza, marwadzo, kusanganisira marwadzo omuviri neomwoyo anouya kana pamuviri pabva! (Isaya 65:17-23) Ipapo vanhu vose vanoteerera vachagona kuti: “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”—1 VaKorinde 15:55; Isaya 25:8.—Nyaya Yakataurwa Nomumwe Munhu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutsvakurudza ruzivo kunoratidza kuti munhu wose anoita zvakasiyana nevamwe kana abva pamuviri. Vamwe vanovhiringika, vamwe vanoora mwoyo, uye vamwe vanosuruvara zvikuru. Kunzwa shungu chinhu chinongoitika kana munhu arasikirwa zvikuru zvakadai sokubva pamuviri, vanodaro vanotsvakurudza ruzivo, uye ndizvo zvimwe zvinoitika mukutanga kugadzikana patsva.

b Rakabudiswa neJehovah’s Witnesses.

[Bhokisi riri papeji 29]

Kuwanda Uye Zvinokonzera Kubva Pamuviri

“Zvidzidzo zvinoratidza kuti pamuviri pose panoonekwa zvikamu 15 kusvika ku20 kubva muzana zvinoguma nokupfupfudzika,” rinodaro The World Book Encyclopedia. “Asi ngozi yokubva pamuviri yakakura zvikuru mumavhiki maviri okutanga kana pachinge pabata (kunamba), panguva iyo vakadzi vakawanda vasingatombozivi kuti vave nepamuviri.” Rimwe bhuku rinoti “kubva pamuviri kunosvika 80 kubva muzana kunoitika muvhiki 12 dzokutanga kana pamuviri pabata,” zvichifungidzirwa kuti kumwe kwacho kungasvika hafu kunokonzerwa nokukanganisika kwezviri musero zvine mashoko okutodza zvemwana ari mudumbu. Kukanganisika uku hakukonzerwi nokukanganisika kwakafanana kuri mune zviri musero zvaamai kana zvababa.

Zvimwe zvinokonzera kubva pamuviri zvinogona kunge zvine chokuita noutano hwaamai vacho. Vanachiremba vanotaura nezvokukanganisika kwemakemikari omuviri nokugona kwavo kuzvidzivirira pazvirwere, utachiona, uye kukanganisika kwepamuromo wechibereko kana kuti chibereko chaamai. Zvirwere zvisingaperi zvakadai secheshuga (kana chisingarapwi zvakanaka) uye BP zvinogona kuvawo zvimwe zvinokonzera.

Maererano nenyanzvi, kupfupfudza hakukonzerwi chaizvoizvo nokurovedza muviri, kusimudza zvinhu zvinorema, kana kurara nomurume. Kashoma kuti kudonha, kurohwa zvishoma, kana kuvhunduka zvikonzere kubva kwepamuviri. Rimwe bhuku rinoti: “Mwana ari mudumbu kashoma kuti akuvadzwe nokukuvara kwako kunze kwokuti kukuvara kwacho kuri kukuru zvokuti kunoisa upenyu hwako pangozi.” Haiwa, kugadzirwa kwakanaka kwechibereko kunoratidza uchenjeri norudo zvoMusiki!—Pisarema 139:13, 14.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

Kubatsira Kungaita Vomumhuri Neshamwari

Pane dzimwe nguva zvakaoma kuziva zvokutaura kana zvokuita apo mumwe womumhuri kana kuti shamwari inobva pamuviri. Vanhu vanoita zvakasiyana-siyana kana varasikirwa zvakadaro, saka hapana nzira imwe yokunyaradza kana kubatsira nayo. Zvisinei, funga nezvemazano anotevera.c

Zvinhu zvinoshanda zvaungaita kuti ubatsire:

◆ Kumbira kubatsira kuchengeta vana vati kurei.

◆ Bika zvokudya wouya nazvo kumhuri yacho.

◆ Nyaradzawo baba vacho. Sokutaura kwakaita vamwe baba, “havanyori makadhi akawanda kuna baba vacho kana zvinhu zvadai.”

Zvinhu zvinobatsira zvokutaura:

◆ “Ndine urombo zvikuru nezvakaitika kwamuri.”

Mashoko mashoma aya anoreva zvakawanda, uye anogona kuzarura mukana wokutaura mamwe mashoko okunyaradza.

◆ “Hapana chakaipa nokuchema.”

Misodzi inenge iri pedyo muvhiki dzokutanga kana kunyange mwedzi inoverengeka pamuviri pabva. Simbisira munhu wacho kuti haumuzvidzi nokuratidza manzwiro aanenge achiita.

◆ “Ndingakufonerai zvekare here vhiki inouya kuti ndinzwe kuti munenge mava sei?”

Pakutanga, vanenge vabva pamuviri vanganyaradzwa kakawanda, asi nguva sezvainofamba uye vachiri kurwadziwa, vanganzwa kuti vamwe vavakanganwa. Zvakavanakira kuti vazive kuti unoramba uchivatsigira. Kurwadzikana kunogona kudzoka kwevhiki dzinoverengeka kana mwedzi inoverengeka. Kunogona kutovapo kunyange pamwe pamuviri pakazobudirira.

◆ “Ndashaya kuti ndoti kudiniko.”

Kakawanda kutaura kudaro kutori nani pane kusataura kana chinhu. Kutaura nomwoyo wose uye kuvapo zvinoratidza kuva nehanya kwako.

Zvokusataura:

◆ “Munogona kuzvara mumwe mwana.”

Nepo izvi zvingava zvechokwadi, zvingaonekwa sokusanzwira urombo. Vabereki vacho vanga vasingangodi chero mumwe mwana, vanga vachida mwana iyeye. Vasati vafunga nezvokuva nomumwe mwana, vachatanga vambochema mwana wavarasikirwa naye.

◆ “Ndofunga pane changa chisina kunaka pakamwana kacho ini.”

Kunyange zvingava zvakadaro, hazvinyaradzi. Mupfungwa dzaamai munoti anga ari mwana ane utano kwahwo.

◆ “Zviri nani kuti mwana wacho manga musingamuzivi. Zvingadai zvaitozorwadza zvakanyanya kudai zvazoitika azvarwa.”

Vakadzi vakawanda vanova norudo rukuru nevana vavo vasati vaberekwa nokukurumidza kwazvo. Saka mwana akadaro paanofa, vanonzwa shungu. Shungu idzi dzinowedzerwa nokuti hapana “aiziva” mwana wacho sezvaiitwa naamai vacho.

◆ “Chero muchitombovawo nevamwe vana.”

Kuvabereki vanenge vachichema, izvi zvingaenzana nokuudza mumwe munhu asisina rimwe gumbo kuti: “Chero uchitombovawo nerimwe racho.”

Ichokwadi kuti kunyange vanhu vane hanya zvikuru uye vepachokwadi pane dzimwe nguva vanotaura zvinhu zvisingafadzi. (Jakobho 3:2) Nokudaro, vakadzi vanonzwisisa vanenge vabva pamuviri vangafanira kuratidza rudo rwechiKristu uye vorega kusada kufarira vaya vanotaura mashoko ane chinangwa chakanaka, asi asina kunatsa kufungwa zvakanaka asati ataurwa.—VaKorose 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

c Akatorwa kubva mubhuku rinonzi A Guide to Coping With Miscarriage, rakanyorwa neBoka Rinotsigira Vanobva Pamuviri rokuNew Zealand rinonzi Wellington.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe