Muzvarirwo Here Kunzwa Neiyi Nzira?
MUMWE munhu akafirwa anonyora, kuti: “Somwana muEngland, ndakadzidziswa kusataura kunzwa kwangu pachena. Ndinogona kuyeuka baba vangu, vaichimbova murume wehondo, vachitaura kwandiri vakarumanisa meno vachiti, ‘Usachema!’ apo chimwe chinhu chakanga chandiparira marwadzo. Handigoni kuyeuka kana amai vangu vakambotsvoda kana kuti kumbundira upi noupi wedu vana (kwaiva nevana vedu). Ndakanga ndine makore 56 apo ndakaona baba vangu vachifa. Ndakanzwa kurasikirwa kukuru. Bva, pakutanga, handina kukwanisa kuchema.”
Mudzimwe tsika, vanhu vanotaura kunzwa kwavo pachena. Kana vachifara kana kuti vakasuruvara, vamwe vanoziva kunzwa kwavanoita. Pane rumwe rutivi, mumamwe mativi enyika, zvikurukuru muEurope yokuchamhembe neBritain, vanhu, zvikurukuru varume, vakaumbwa kuti vavanze kunzwa kwavo, kudzvinyirira mirangariro yavo, kuramba vakaterama ndokusaratidzira kunzwa kwavo pachena. Asi apo unenge watambura kurasikirwa nomudiwa, kwakati ipei here kutaura nhamo yako? Chii chinotaura Bhaibheri?
Avo Vakachema muBhaibheri
Bhaibheri rakanyorwa navaHebheru venharaunda yokumabvazuva kweMediterranean, avo vakanga vari vanhu vanotaura. Rine mienzaniso yakawanda yavanhu vakaratidza pachena nhamo yavo. Mambo Dhavhidhi akachema kurasikirwa nomwanakomana wake akapondwa Amnoni. Kutaura idi, iye a“kachemawo kwazvo.” (2 Samueri 13:28-39) Iye akatotambudzika nokurasikirwa nomwanakomana wake anonyengera Absaromi, uyo akanga aedza kubvuta umambo. Nhauro yeBhaibheri inotiudza, kuti: “Mambo [Dhavhidhi] akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti: Haiwa, mwana wangu Absaromi, mwana wangu, mwana wangu Absaromi! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Absaromi, mwana wangu, mwana wangu!” (2 Samueri 18:33) Dhavhidhi akachema sababa vapi navapi vomuzvarirwo. Uye kangani vabereki vakashuva kuti vaigona kuva vakafa panzvimbo pavana vavo! Kunoratidzika kuva kusiri kwomuzvarirwo kwazvo kuti mwana afe mubereki asati.
Jesu akaita sei kurufu rweshamwari yake Razaro? Akachema pakusvika pedyo neguva rake. (Johane 11:30-38) Gare gare, Maria Magdharene akachema sezvo akasvika pedyo neguva raJesu. (Johane 20:11-16) Chokwadi, muKristu ane nzwisiso yetariro yorumuko yeBhaibheri haasati achitambudzika zvisinganyaradziki, sezvinoita vamwe vasina hwaro hweBhaibheri hwakajeka hwezvitendero zvavo pamusoro pomugariro wavakafa. Asi somunhu ane kunzwa kwomuzvarirwo, muKristu wechokwadi, kunyange ane tariro yorumuko, anotambudzika uye anochema kurasikirwa nomudiwa upi noupi.—1 VaTesaronika 4:13, 14.
Kuchema Kana Kuti Kusachema
Zvakadiniko nokuita kwedu nhasi? Unokuwana kwakaoma kana kuti kuchikwenudza here kuratidza kunzwa kwako? Vapi vezano vanorumbidzei? Mirangariro yavo yazvino uno inowanzodzokorora zvayo uchenjeri hwakare hwakafuridzirwa hweBhaibheri. Ivo vanotaura kuti tinofanira kutaura nhamo yedu, kwete kuidzvinyirira. Ikoku kunotiyeuchidza nezvavarume vakatendeka vekare, vakadai saJobho, Dhavhidhi, uye Jeremia, vane kutaura nhamo kunowanwa muBhaibheri. Ivo zvamazvirokwazvo havana kuvanza kunzwa kwavo. Naizvozvo, hakusi kuchenjera kuzviparadzanisa umene navanhu. (Zvirevo 18:1) Chokwadika, kuchema kunoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana mutsika dzakasiyana-siyana, kuchitsamirawo pazvitendero zvorudzidziso zvakapararira.a
Zvakadiniko kana uchinzwa uchida kuchema? Kuchema rutivi rwomusikirwo womunhu. Yeukazve nhambo yorufu rwaRazaro, apo Jesu “akafa neshungu mumweya, . . . akachema misodzi.” (Johane 11:33, 35) Nokudaro akaratidza kuti kuchema kuita kwomuzvarirwo kurufu rwomudiwa.
Muzvarirwo kutambudzika ndokuchema apo mudiwa anofa
Ikoku kunotsigirwa nechinoitika chomumwe amai, Anne, avo vakanga varasikirwa nomucheche wavo Rachel nemhaka yeSIDS (Sudden Infant Death Syndrome). Murume wavo akatsinhira, kuti: “Chinhu chinoshamisa chaiva chokuti Anne kana kuti ini hatina kuchema pamariro acho. Mumwe munhu ari wose akanga achichema.” Kuna ikoku, Anne akapindura, kuti: “Hungu, asi ndakachemera zvikuru tose tiri vaviri. Ndinofunga kuti kwakandirova chaizvoizvo vhiki shomanene pashure pengwavaira yacho, apo pakupedzisira ndakanga ndiri ndoga rimwe zuva mumba. Ndakachema muswere wose wezuva. Asi ndinodavira kuti kwakandibetsera. Ndakanzwa zviri nani nokuda kwako. Ndaifanira kuchema kurasikirwa nomucheche wangu. Ndinodavira chaizvoizvo kuti unofanira kurega vanhu vanotambudzika vachichema. Kunyange zvazvo kuri kuita kwomuzvarirwo kuti vamwe vati, ‘Usachema,’ ikoko hakubetseri chaizvoizvo.”
Maitire Avamwe
Vamwe vakaita sei apo vakaparadzwa nokurasikirwa nomudiwa? Somuenzaniso, rangarira Juanita. Iye anoziva kuti kurasikirwa nomucheche kunonzwika sei. Akanga ava nokupfupfudzika kushanu. Zvino akanga ava napamuviri zvakare. Naizvozvo apo tsaona yemotokari yakamumanikidzira kuiswa muchipatara, akanetseka zvinonzwisisika. Vhiki mbiri gare gare akava namarwadzo okubereka—nguva isati yasvika. Nokukurumidza pashure paikoko Vanessa muduku akaberekwa—achirema makirogiramu anoti pfuurei 0,9. “Ndakafara kwazvo,” Juanita anoyeuka kudaro. “Pakupedzisira ndakanga ndava amai!”
Asi mufarwa wake wakagara nguva pfupi. Mazuva mana gare gare Vanessa akafa. Juanita anoyeuka, kuti: “Ndakanzwa ndisina maturo kwazvo. Umai hwangu hwakatorwa kwandiri. Ndakanzwa ndisina kukwana. Kwairwadza kuuya kumusha kukamuri ratakanga tagadzirira Vanessa nokutarira hembe duku dzomukati dzandakanga ndamutengera. Kwemwedzi miviri yakatevera, ndakamutsidzira zuva rokuberekwa kwake. Ndakanga ndisingadi kuva nechinhu chipi nechipi chokuita nomunhu upi noupi.”
Kuita kwakanyanya here? Kungava kwakaomera vamwe kunzwisisa, asi avo, kufanana naJuanita, vakapfuura nomakuri vanotsanangura kuti vakatambudzika nokuda kwomucheche wavo kungofanana nezvavaizoita nokuda kwomumwe munhu akanga ararama kwenguva yakati. Nguva refu mwana asati aberekwa, ivo vanodaro, anodiwa navabereki vake. Pane chisungo chaicho naamai. Apo mucheche iyeyo anofa, amai vanonzwa kuti munhu chaiyeiye arasika. Uye izvozvo ndizvo izvo vamwe vanofanira kunzwisisa.
Kukutapura Kunogona Kuita Hasha Nokuva Nemhaka
Vamwe amai vakataura kunzwa kwavo apo vakaudzwa kuti mwanakomana wavo ane makore matanhatu okukura akanga afa kamwe kamwe nemhaka yechinetso chomwoyo chokuberekwa nacho. “Ndakapfuura nomunhevedzano yokuita—kupera simba, kusadavira, kuva nemhaka, uye hasha kumurume wangu nachiremba nokuda kwokusaziva kuti mugariro wake wakanga wakakomba sei.”
Hasha dzinogona kuva chimwe chiratidzo chenhamo. Dzingava hasha kuvanachiremba navakoti, kunzwa kuti vanofanira kuva vakaita zvakawanda mukutarisira nyakufa. Kana kuti dzingava hasha kushamwari nehama dzokunyama avo, kunoratidzika kudaro, vanotaura kana kuti kuita chinhu chisina kururama. Vamwe vanoshatirirwa nyakuenda nokuda kwokuregeredza utano hwake. Stella anoyeuka, kuti: “Ndinoyeuka ndichishatirirwa murume wangu nemhaka yokuti ndaiziva kuti kwaigona kuva kwakasiyana. Akanga ave achirwara zvikuru, asi akanga afuratira nyevero dzavanachiremba.” Uye pane dzimwe nguva kune hasha kuna nyakuenda nemhaka yemitoro iyo rufu rwake runounza pamupenyu.
Vamwe vanonzwa vane mhaka nemhaka yehasha—ndiko kuti, vangazvishurikidza vamene nemhaka yokuti vanonzwa vakashatirwa. Vamwe vanozvishora vamene nokuda kworufu rwomudiwa wavo. “Angadai asina kufa,” vanozvipwisa vamene, “kudai bedzi ndakanga ndamuita kuti aende kuna chiremba nokukurumidza zvikuru” kana kuti “ndakamuita kuti aone mumwe chiremba” kana kuti “ndakamuita kuti atarisire zviri nani utano hwake.”
Kurasikirwa nomwana ikuvadziko inotyisa—kunzwira urombo kwapachokwadi nokuzviisa munzvimbo yomumwe zvinogona kubetsera vabereki
Nokuda kwavamwe kuva nemhaka kunopfuura ikoko, zvikurukuru kana mudiwa wavo akafa kamwe kamwe, nenzira isingakarirwi. Ivo vanotanga kuyeuka nguva apo vakanga vashatirirwa nyakuenda kana kuti vakanga vaita nharo naye. Kana kuti vanganzwa kuti vakanga vasiri chaizvoizvo zvose izvo vanofanira kuve vakanga vari kuna nyakufa.
Muitiro murefu wokutambudzika wavanamai vakawanda unotsigira izvo nyanzvi dzakawanda dzinotaura, kuti kurasikirwa nomwana kunosiya mukaha wechigarire muupenyu hwavabereki, zvikurukuru amai.
Apo Unorasikirwa Nomukwanyina
Kurasikirwa nomukwanyina weroorano ndirumwe rudzi rwekuvadziko, zvikurukuru kana vose vari vaviri vairarama upenyu hwokushingaira zvikuru pamwe chete. Kunogona kureva mugumo wamararamire ose ayo vaigoverana, wokufamba, basa, varaidzo, uye kutsamirana.
Eunice anotsanangura chakaitika apo murume wake akafa kamwe kamwe nehosha yomwoyo. “Kwevhiki yokutanga, ndaiva mumugariro wokusashanda kwemirangariro, sokunge ndakanga ndarega kushanda. Ndaisagona kunyange kuravidza kana kuti kunhuwidza. Bva, pfungwa yangu yokuva nomufungo yakapfuurira nenzira yakaparadzana. Nemhaka yokuti ndakanga ndave ndine murume wangu apo vakanga vachiedza kumudzikamisa vachishandisa CPR nokurapa, handina kutambura zviratidzo zvokuramba zvenguva dzose. Kunyanguvezvo, kwakanga kune kunzwa kwakakomba kwekangaidziko, sokunge ndakanga ndichitarira motokari ichiwira pamawere uye kwakanga kusina chinhu chandaigona kuita pamusoro pako.”
Akachema here? “Chokwadika ndakachema, zvikurukuru apo ndakarava mazana amakadhi okunzwira urombo andakanga ndagamuchira. Ndakachema nerimwe nerimwe. Kwakandibetsera kutarisana nerasara rose rezuva racho. Asi hapana chinhu chaigona kubetsera apo ndaibvunzwa ndabvunzwazve kuti ndainzwa sei. Sezvinooneka, ndaisiririsa.”
Chii chakabetsera Eunice kurarama munhamo yake? “Ndisingakuzivi, ndisingazivi ndakaita chisarudzo chokupfuurira noupenyu hwangu,” iye anodaro. “Zvisinei, kuchiri kundirwadza ndiapo ndinoyeuka kuti murume wangu, uyo aida upenyu zvikuru kwazvo, haasi pano kuti ahufarikanye.”
“Usarega Vamwe Vachirayira . . .”
Vanyori veLeavetaking—When and How to Say Goodbye vanopa zano, kuti: “Usarega vamwe vachirayira kuita kwavanofanira kuita kana kuti kunzwa. Muitiro wokutambudzika unoshanda zvakasiyana nomunhu ari wose. Vamwe vangafunga—uye kukuzivisa kuti vanofunga—kuti uri kunyanyotambudzika kwazvo kana kuti hausi kutambudzika zvakakwana. Vakanganwire uye kanganwa pamusoro pako. Kupfurikidza nokuedza kuzvimanikidzira umene kupinda muchimiro chakaitwa navamwe kana kuti nechaunga chose zvacho, unodzivisa kukura kwako kuutano hwemirangariro hunodzorerwa.”
Chokwadika, vanhu vakasiyana-siyana vanobata nhamo yavo nenzira dzakasiyana-siyana. Hatisi kuedza kukarakadza kuti nzira imwe iri nani zvayo kupfuura imwe nokuda kwomunhu ari wose. Zvisinei, ngozi inomuka apo kurega kunotanga, apo munhu arohwa nenhamo anenge asingakwanisi kuyananiswa nezvokwadi yomugariro wacho. Ipapo betsero ingadikanwa inobva kushamwari dzinonzwira tsitsi. Bhaibheri rinoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” Naizvozvo usatya kutsvaka betsero, kutaura, uye kuchema.—Zvirevo 17:17.
Nhamo kuita kwomusikirwo kukurasikirwa, uye hakuna kuipa kuti nhamo yako ive pachena kuvamwe. Asi mimwe mibvunzo inoda mhinduro: ‘Ndinogona sei kugara nenhamo yangu? Muzvarirwo here kutambura kunzwa kuva nemhaka nehasha? Ndinofanira kubata sei nouku kuita? Chii chinogona kundibetsera kutsungirira kurasikirwa nenhamo yacho?’ Chikamu chinotevera chichapindura mibvunzo iyoyo nemimwe.
a Somuenzaniso, vanhu veYoruba veNigeria vane chitendero chegamuchidzanwa mukuberekwazve kwomweya. Naizvozvo apo amai vanorasikirwa nomwana, kune nhamo huru asi yenhambo pfupi bedzi, nokuti rwiyo rweYoruba runoti: “Imvura inoraswa. Dende haripunzwi.” Mukuwirirana neYoruba, ikoku kunoreva kuti dende rine mvura, amai, vanogona kubereka mumwe mwana—zvichida kuberekwazve kwowafa. Zvapupu zvaJehovha hazviteveri magamuchidzanwa api naapi akavakirwa pakutenda mashura kunobva mupfungwa dzenhema dzomweya usingafi nokuberekwazve, izvo zvisina hwaro muBhaibheri.—Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4, 20.