RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 4/8 pp. 8-11
  • Kurarama Nezvinetso Zvokuva Amai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Nezvinetso Zvokuva Amai
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvipingamupinyi Zvokuva Amai
    Mukai!—2002
  • Matambudziko Anosangana Navanaamai
    Mukai!—2005
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2002
  • Kugutsikana Nokuva Amai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 4/8 pp. 8-11

Kurarama Nezvinetso Zvokuva Amai

Kana vana vachizova ivo chizvarwa chomunguva yemberi, saka vadzimai vanovarera, vanaamai vavo, chokwadi vanofanira kuremekedzwa, kukudzwa, uye kutsigirwa. Kunyange zvazvo nyika yazvino ichitaura zvakasiyana-siyana nezvokuva amai, Bhaibheri rinosimbisa kuti vana zvipo zvinobva kuna Mwari uye vanogona kupa mufaro kuvabereki. (Pisarema 127:3-5) Asi, hazvirevi kuti Magwaro haatauri nezvokuva amai. Bhaibheri rinotaura zvinhu zvakawanda zvinoita kuti kuva amai kuome.

Zvisarudzo zvinoitwa nevabereki nezvokurera vana uye kuva amai zvinoshandura upenyu uye unhu hwevana vavo zvachose. Zvisarudzo izvi zvinogona kuunza kuchinja kukuru muupenyu hwevabereki vacho, saka zvinoda kuitwa nokungwarira. Zvinosanganisira mibvunzo yakadai sokuti: Amai vanofanira kuenda kubasa here? Kana zvakadaro, kakawanda sei? Ndiani anofanira kurera vana amai vacho pavanenge vari kubasa? Pakupedzisira, vabereki vanofanira kuita zvavanofunga kuti ndizvo zvakanakira vana vavo uyewo zvakarurama kuna Mwari.

Zvisinei, vanaamai havafaniri kunzwa vari voga mukutamburira kuita zvisarudzo zvokuchenjera. Vanogona kunyaradzwa zvikuru nemashoko aIsaya 40:11, anoratidza kuti Mwari anofarira zvikuru zvinodiwa navanaamai vane vana vacheche, ‘vaachanatsa kutungamirira.’ Mwari anoratidza kufarira kwakadaro nokupa mhungamiro dzakawanda muBhaibheri dzinogona kuita kuti kuva amai kunakidze uye kubudirire.

❖ Iva anonzwisisa: VaKristu vanofanira kuzivikanwa nokunzwisisa kwavo. (VaFiripi 4:5) Janet Penley, munyori wemabhuku ariwo amai, akaona kukosha kwepfungwa iyi. “Ndakava amai ndiine tarisiro dzakakura zvikuru,” anodaro. “Ndaida kuva amai vakanaka sezvakanga zvisati zvamboitwa nevamwe vose. Ndakaverenga mabhuku ose ndokuteerera nyanzvi dzose. Asi pane kunzwa ndabudirira uye ndichigona, ndakapedzisira ndava kunzwa ndakundikana, ndaneta.” Anotaura kuti “kuita zvinotaurwa nevamwe uye kuedza kuenderana nemaitiro ‘akati’ kunoderedza shungu uye kunoita kuti ufunganye uye ushushikane.”

❖ Ita zvinhu zviri nyore: “Icho mhuri dzingarasikirwa nacho munyika ino yokuita zvinhu nokumhanya-mhanya mufaro wouduku nomufaro woupenyu hwemhuri,” yakanyora kudaro magazini yeNewsweek. Ndicho chikonzero nei vanaamai vakawanda vachida kurarama upenyu huri nyore. Ungaita sei izvi? Kutanga, ronga zvinofanira kuitwa pakutanga, uchitanga kufunga “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” kusanganisira nguva uye kutarisira pachako zvinodiwa nevana vako. (VaFiripi 1:10, 11) Chechipiri, ongorora mararamiro ako. Ungatofanira kurega kuita zvimwe zvinhu uye kusiya zvimwe zvinhu zvaunazvo zvisinganyanyi kukosha.

Chii chinonyanya kukosha muupenyu hwako? Kuva nezvinhu zvose panguva imwe chete here, kana kuti zvimwe zvinangwa zvingambosendekwa uchimboita zvimwe? Carolyn, amai vanowana zvishoma, anotaura nezvemararamiro aanoita achiti: “Ndinoita kuti zvinhu zvirambe zviri nyore uye ndinochengetedza mari pakutenga.” Gloria, ane vana vatatu, anoti: “Takanga tisina mari yokutenga mbatya dzinodhura, asi ndaisonera vana mbatya, uye ndaivaudza kuti idzodzi dzaiva dzemberi nokuti hapana mumwe aiva nadzo.”

Shoko raMwari rinoti munhu “unochengeta njere, uchawana zvakanaka.” (Zvirevo 19:8) Njere dzinodiwa pakuongorora kuwanda kusingaperi kwemabasa okuzvivaraidza, midziyo, uye miitiro inovhiringidza vanaamai nevana. Judith, vamwe amai vokuSouth Africa, anoti: “Tiri kungowandirwa nezvigadzirwa zvitsva, zvinhu zvemazuva ano, uye mabasa okuitirwa akawanda!” Angela, ane vana vana wokuGermany anorarama nechinetso ichi nenzira iyi: “Unofanira kusarudza zvinokosha uye zvinoshanda kwauri, wobatsira vana vako kuti vaite izvozvo.”

❖ Chinja zvinokwanisika: “Shandisa pfungwa uye kusarudza zvakanaka,” rinokurudzira kudaro Bhaibheri. (Zvirevo 3:21, Contemporary English Version) Kana pari zvino uri kuenda kubasa, mhuri yenyu inogona kungorarama nemari yomurume wako here? Kukubatsira kupindura mubvunzo uyu, ona kuti mari chaiyo inosara yakawanda sei kana wabvisa yemitero, yokurera vana, yokuenda nokudzoka kubasa, yokutenga mbatya, yokutenga zvokudya kunze, neimwewo. Uyewo, mari yomurume wako inogona kubatirwa mutero mukuru kana mari yenyu yabatanidzwa ichiita sokuti muri vanhu vanotambira mari yakawanda. Ungatoshamisika neshoma inosara.

Vamwe vanoshanda kwemaawa mashoma kana kuti pedyo nepamba, zvingatoreva mari shoma asi nguva yakawanda nevana. Kana ukasarudza kurega kushanda uye kana basa rako raikosha kwauri kuti uonekwewo pane vamwe uye kugutsikana kwako pachako, funga kuti ungaita sei uri pamba kuti izvozvo zvirambe zvakadaro.

❖ Batsirwa: Shoko raMwari rinoratidza kakawanda kuti ‘kukumbira kuti ubatsirwe’ kunoguma zvakanaka. (Eksodho 2:23, 24; Pisarema 34:15) Kukumbira kubatsirwa kwaamai kunofanira kuita kuti murume wacho abatsire. Nokushandira pamwe kwake mungada kutanga muitiro wokubatsirana mabasa omumba zvokuti unowana nguva yokuita zvinangwa zvamaronga pamwe—zvakadai sokunge uripo kuitira vana venyu. Kana zvichiita, amai vanofanirawo kuva nevamwe vanhu vanovabatsira, kusanganisira mhuri, neshamwari dzakavimbika, dzinofarira zvavanofarira nezvinangwa zvavo.

Vanaamai vakawanda vanowana rubatsiro runokosha kubva kuungano yechiKristu yavanopinda nayo. María, ane vana vatatu, akaona kuti “kuva pedyo neungano” ndiyo imwe nzira iyo “Mwari anotiratidza nayo rudo netsitsi uye anoratidza nayo kuti ane hanya nesu.”

❖ Wana nguva yokuzorora: Kunyange Jesu, murume akakwana, akagwinya, akakumbira vadzidzi vake kuti vaende ‘kunzvimbo isina vanhu kuti vazorore zvishoma.’ (Mako 6:30-32) Kubudirira kwako saamai kunoenderana nokugona kwako kugara wakadzikama munguva dzinonetsa. Ichokwadi kuti vana vako vanokuda, asiwo vanodawo kuti ufare uye ugutsikane. Unoda kuzorora zvakakwana.

Angela, ambotaurwa, ane zano rake rokuzorora: “Ndinova nenguva yangu ndoga mangwanani. Ndinopedza awa nechidimbu ndiri ndoga. Uye ini nomurume wangu tine manheru maviri pavhiki apo vana vedu vanenge vachifanira kuenda kumwewo mumba vachiita zvimwe zvinhu ikoko vakanyarara. Saka tinogona kuva neawa tiri vaviri.”

❖ Koshesa kunamata: Zvakacherechedzwa kuti zvinetso zvokuva amai zvinowedzerwa nokushaya chinangwa uye kusaziva zvinhu zvinofanira kutanga kuitwa. Mhuri dzechiKristu dzinova nomufaro padzinoshanda pamwe kuti dziise kuda kwaMwari pokutanga muupenyu hwadzo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuzvipira kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.” (1 Timoti 4:8) Mhuri inorarama ichizvipira kuna Mwari uye inotevera nhungamiro yake sezvairi muBhaibheri ichawana mufaro. Kunyange kana munhu mumwe womumhuri akashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, zvinhu zvinofamba zvakanaka kupfuura zvazvaizoita kudai pasina anodaro.

Adele, amai vechiKristu vanoshanda muswere wezuva, akaona zvakakoshera kufunga nezvezvinhu zvokunamata. Anoti: “Tine zvinhu zvinotitungamirira nemashoko akawanda ari mumabhuku anotsanangura Bhaibheri anotidzidzisa zvinhu zviri kusangana nevana vedu uye kuvabatsira kwatingaita. Kuona vana vako vachiita zvaunovadzidzisa pakunamata zvinoita kuti zvose zvive zvinokosha. Paunoona zvinhu zviduku, zvakanaka mumaitiro avo uye mafungiro, unoziva kuti vari kuzvishandisa uye kuti zvauri kuedza kuita zviri kubudirira.”a

Hungu, unogona kubudirira kumhanya nhangemutange ine zvipingamupinyi yokuva amai. Mwari pachake anonyaradza achisimbisira kuti kuedza kwevanaamai vanoshingaira uye vanozvipira vanovimba naye hakungavi pasina. Vanaamai vanova noushamwari naye vanogona kunyaradzwa nechipikirwa chake ‘chokupa wakaneta simba.’—Isaya 40:29.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri akawanda akagadzirirwa kudzidzisa vana. Iwaya anosanganisira Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, uye Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.

[Bhokisi riri papeji 10]

Kudzidzisa Kwaamai

Saamai, pane dzimwe nguva ungave uchitadza kuziva kuti uri kuita kuti upenyu hwomwana wako huzova hwakaita sei. Pane dzimwe nguva, zvavanodzidza kubva kune vezera ravo, vadzidzisi, varaidzo, nemitambo yemavhidhiyo, uye mimhanzi zvinogona kuita sezviri kukurira zvaunoedza kuti vaite.

Funga muenzaniso waJokebedi, amai vaMosesi. Vakararama munguva dzakaoma zvikuru uye havana zvakawanda zvavaigona kuita muupenyu hwomwana wavo. Asi, vakashandisa mikana yavakanga vanayo kuti vaumbe makuriro aaizoita. Kutanga, vakaratidza kutenda kukuru nokuramba kuita kuti Mosesi aurayiwe. Mwari akakomborera kuedza kwavo kwete nokungoita kuti mwana wacho ararame asiwo nokuronga mafambiro ezvinhu akaita kuti Jokebedi ave ndiye anomurera—uye ari amai vake.—Eksodho 1:15, 16; 2:1-10.

Zviri pachena kuti Jokebedi akabatsira kupa mwanakomana wake unhu hwaakava nahwo. Chokwadi chokuti Mosesi akanga akura akatsigira vaHebheru naMwari wavo kunze kwokubatana kwake neimba youmambo muIjipiti chinoratidza kushandurwa kwaakanga aitwa nevabereki vake mumakore ake ari muduku.—VaHebheru 11:24-26.

Kana uri amai, zvichida unotova nemikana yakawandisa kupfuura yaJokebedi yokuita kuti mwana wako akure neimwe nzira. Uri kutora mukana wemakore mashoma ouduku hwomwana wako kuti umupe dzidziso yaMwari isingaperi here? Kana kuti uri kubvumira nyika iripo kuti inyanye kudzora kukura kwomwana wako here?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Batsirana nevamwe basa romumba, iva nenguva yokumbova woga, uye isa zvinhu zvokunamata pokutanga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe