Zvipingamupinyi Zvokuva Amai
Kuva amai chinhu chakaoma asi chinonakidza. Vanaamai vanova nenguva dzinokosha dzavasingadi kuti dzitorwe nechimwe chinhu. Asi, pane dzimwe nguva vamwe vanonzwa kuti vava kukundikana. Helen anofananidza upenyu hwake saamai nomujaho une zvipingamupinyi. Uye zvinoita sokuti nguva sezvainofamba, panowanikwa zvipingamupinyi zvakawanda uye zvakakurisa.
Vanaamai vangapa nguva yavo yokumbosununguka uye humwe upenyu hwavo vaine vamwe vanhu kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vatarisirwa zvakanaka. “Ndinogara ndichidiwa nguva dzose,” anodaro Esther, amai vane vana vashanu. “Ndakarega kunyatsogeza zvinonyevenutsa, ndava kungoita zvokuzvidira mvura, ndakarega kuva nezvokudya zvemanheru zvinonaka, ndava kudya zviya zvokungodziyisa chete. Ndine nzendo dzandisati ndafamba, nzvimbo dzandisati ndaona, zvinhu zvandisati ndaita. Asi washeni ndaita kare, mbatya dzatoainwa!”
Chokwadika, vanaamai vakawanda vangataurawo nezvenguva dzakasiyana nedzimwe dzomufaro dzavanova nadzo pavanorera vana vavo. Esther anoti: “Kunyemwerera kwenguva dzose kwaunowana, kunzi ‘Maita Amai’ kunonakidza, uye kumbundirwa kwoushamwari—izvi ndizvo zvinoita kuti urambe uchipfuurira.”a
Amai Vanotanga Kushanda
Chibingamupinyi chikuru chinoita kuti kuva amai kuome ndechokuti vakawanda vari kuita mabasa epamba ekare panguva imwe chete vachiitawo rimwe basa rakaoma rokuwana mari yokurera mhuri yavo. Vanaamai vakawanda ivava vanoshanda kumabasa, kwete nokuti vanoda kudaro, asi nokuti vanotofanira kudaro. Vanoziva kuti vakagarira maoko, mhuri dzavo, kunyanya vana vavo, vachararama vasina zvimwe zvinhu. Mari yavanotambira—kakawanda ishoma pane yevarume vanoita basa rakafanana—inokosha kwazvo.
Somuenzaniso, muSão Paulo, kuBrazil, 42 kubva muzana yevanhu vanoshanda vakadzi. Rimwe pepanhau ikoko rakadana vanaamai vanorera vana muswere wezuva richiti “rudzi ruri pangozi.” Mumisha yomuAfrica, chinhu chakajairika kuona amai vane svinga rehuni pamusoro nomwana akaberekwa kumusana.
Kubasa Kunonetsa
Kuwedzera pazvipingamupinyi zvacho, kumabasa kungada kuti vanaamai vashande maawa akawanda. Uye zvinodiwa zvacho zvingasaperera ipapo chete. Maria anogara muGreece, akapinzwa basa, waaishandira akamukumbira kusaina gwaro raakavimbisa kuti akanga asingazoiti pamuviri kwemakore matatu. Kana aizoita pamuviri, aizofanira kubhadhara. Maria akasaina gwaro racho. Asi kwapera rinenge gore nehafu, akaita pamuviri. Waaishandira wacho akabva aratidza gwaro riya kuna Maria, uyo akaenda kudare redzimhosva kuti arambe mutemo wekambani yaanoshandira uye pari zvino ari kumirira zvichabuda.
Muzviitiko zvishoma, varidzi vebasa vangamanikidzira vanaamai kudzoka kubasa vachangobva kubatsirwa. Kakawanda, havaderedzerwi maawa avanoshanda kana vadzoka kubasa. Nokudaro panenge pasina zvinoitwa zvokuratidza kuti zvino vava nomutoro wokutarisira kasvava. Havagoni kutora rivhi kwenguva refu vasingaomerwi mune zvemari. Vanaamai vangatofanirawo kuendesa vana vavo kunorerwa vana kusina kutsarukana uye vasingawani rubatsiro rwakakwana kubva kuhurumende.
Kune rimwe divi, vamwe vanaamai vanoshanda, kwete kuti vawane mari, asi kuti vagutsikane. Sandra akasarudza kudzokera kubasa pashure pokubereka mwana wake wokutanga nowechipiri. Anoyeuka kuti panguva dzaaizviona ave oga pamba aine mwana mucheche, ‘dzimwe nguva aimira oyeva nepawindo achinetseka nokuti ko vamwe vanhu vose vari kuitei munyika imomu.’ Uye vamwe vanaamai vanoda kunzvenga kunetsa kunoita upenyu hwemhuri nokuenda kubasa. Daily Telegraph yokuBritain yakashuma kuti: “Vamwe vanaamai vanoda kupedza mamwe maawa vachiita basa chinyararire. Izvi zvinowedzera chinetso chacho, zvichiwedzera kuderedza nguva yavanopedza nevana, vari kuwedzera kuva vasingakendengi, vane hasha, uye ndururani.”
Kuwandirwa Nezvokuita
Kuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka kubasa nokumba zvakaoma. Vachitaura manzwiro anoita vakawanda, vamwe amai vokuNetherlands vakati: “Nguva dzose kunenge kuri kuneta chete. Ndinomuka ndakatoneta. Pandinouya kumba kubva kubasa, ndinenge ndadhamba nokuneta. Vana vangu vava kutoti, ‘Amai vanogara vakaneta chete,’ uye izvozvo zvinondiita kuti ndishushikane. Handidi kurega basa, asiwo ndinoda kuva amai vane ushamwari uye vanoita kuti zvinhu zvose zviitike. Asi handinyatsosviki pandinoda chaipo.”
Iye mumwe wemamiriyoni evanaamai vanoshanda vaiva nepfungwa yokuti ‘nguva yakanaka’ nevana inogona kutsiva iya yavanowanza kugara vasipo—asi vakasvika pakuona kuti pfungwa yacho haishandi. Vanaamai vakawanda nhasi vanoti kuita zvinonetsa zvokubasa nemitoro yokumba pamwe chete kunovasiya varukutika, vadhamba, uye vachibhadharwa mari shoma.
Apo vakadzi vanopedza maawa akawanda vasiri nevana vavo, vana havawani zvavanoda chaizvo—nguva uye kutarisirwa naamai vavo. Fernanda A. Lima, nyanzvi yepfungwa dzevana yokuBrazil, anoti hapana anogona kuita basa raamai semaitirwo arinoitwa naamai. “Makore maviri okutanga muupenyu hwemwana ndiwo anokosha zvikuru,” anodaro. “Mwana anenge achiri muduku zvikuru zvokusagona kunzwisisa kuti nei amai vake vasipo.” Mumwe munhu wokurera angapedza chido chomwana chokuva naamai vake asi haangagoni kuvatsiva. “Mwana anonzwa kuti haasi kuwana rudo rwokutarisirwa naamai vake,” anodaro Lima.
Kathy, amai vanoshanda vane mwanasikana muduku, vakati: ‘Ndaishushikana zvikuru, sokunge ndaimukanda [kukireshi]. Zvakaoma kuziva kuti uri kurasikirwa nokuona mwana wako achikura nokuyaruka, uye zvinhu zvinorwadza kufunga kuti anofarira kugara kukireshi pane kugara newe.’ Mumwe mushandi womundege wokuMexico akabvuma kuti: “Papera nguva yakati, mwana wako anotadza kukuziva, haakuremekedzi nokuti hausi kumurera. Vanoziva kuti uri amai vavo, asi vanobva vatanga kuda kuva nevamwe vakadzi vanovarera.”
Kune rimwe divi, vanaamai vanogara pamba nguva dzose kuti varere vana vavo vanoti vanofanira kutsungirira kuderedzwa uye kutarisirwa pasi kwavanoitwa nevanhu vakakura vachikoshesa basa rinobhadharwa. Mune dzimwe nyika kuva amai vemba hakuchaonekwi sokunokosha, nokudaro vakadzi vanomanikidzwa kutsvaka mabasa avo, kunyange kana imwe mari yacho isina basa.
Kusiyiwa Kuti Vatambure Vari Voga
Chokwadi chiripo kuwedzera pane zvipingamupinyi zvokuva amai ndeichi: Vaneta nebasa rezuva rose, amai vanouya kumba, kwete kuti vazorore, asi kuti vapfuurire kuita mamwe mabasa omumba. Vanaamai, vangava vachienda kubasa kana kuti vasingaendi, kakawanda vanoonekwa saivo vane mutoro wokutarisira imba nevana.
Nepo vanaamai vari kuwedzera vachishanda maawa akawanda, vanababa kakawanda havaiti basa raamai. The Sunday Times yeLondon yakanyora kuti: “Britain inyika yavanababa vasingagari pamba, maererano nokumwe kutsvakurudza kutsva kunoratidza kuti varume vanopedza maminitsi mashoma se15 pazuva nevana vavo. . . . Varume vakawanda havafariri kupedza nguva yakawanda vaine mhuri dzavo. . . . Zvichienzaniswa, amai vokuBritain vanoshanda vanopedza maminitsi 90 pazuva nevana vavo.”
Vamwe varume vanotsutsumwa kuti mudzimai wavo haadi kumupa mamwe mabasa nokuti mudzimai wacho anoda kuti zvinhu zvose zviitwe semaitiro aanozviita chaiwo. “Zvikasadaro unozvikanganisa,” varume vacho vanodaro. Saka zviri pachena kuti kana vachida kubatsirwa nokushandira pamwe kwomurume wavo, amai vemba vakaneta vangatofanira kuda kubvuma dzimwe nzira pamaitirwe emamwe mabasa omumba. Kune rimwe divi, murume haafaniri kushandisa izvozvo kuti asaita basa.
Kuwedzera Zvipingamupinyi
Dzimwe tsika dzakadzika midzi dzinogona kuwedzera zvipingamupinyi zvacho. MuJapan, vanaamai vanotarisirwa kuitira vana vezera rimwe chete zvakafanana. Kana vamwe vana vari kudzidzira kuridza marimba kana kunyora mifananidzo, amai vanonzwa vachimanikidzwa kuti vana vavo vaitewo izvozvo. Zvikoro zvinomanikidza vabereki kuti vana vavo vabatane nevamwe muzvimwe zvinoitwa kuchikoro nevamwe vana. Kuda kuramba kunoita kuti vashushwe nevana, vadzidzisi, nevamwe vabereki, uye nehama. Izvozvo zvinoitikawo mune dzimwe nzvimbo.
Kushambadza nokuda kutenga-tenga kunoita kuti vana vanetse nokuda zvimwe zvinhu. Munyika dzakabudirira, vanaamai vangafunga kuti vanofanira kupa vana vavo zvavanoda nokuti vanoona vamwe vanaamai vachipa vana vavo zvinhu izvozvo. Kana vasingagoni, vangafunga kuti vakundikana.
Uku kukurukura nezvokuva amai kwomuzuva rino hakufaniri kuvhariridza basa remamiriyoni avanaamai vanoshanda nesimba, vanozvipira, vanoita nepavanogona napo kuti vazadzise basa guru kwazvo—rokurera zvizvarwa zvomunguva inotevera. Iyi iropafadzo. Bhaibheri rinoti: “Vana zvikomborero nezvipo zvinobva kuna ISHE.” (Pisarema 127:3, Contemporary English Version) Miriam, ane vana vaviri, anonyatsomiririra vanaamai ivavo paanoti: “Pasinei nezvinonetsa, kuva amai kunofadza zvisingaenzaniswi. Zvinopa isu madzimai pfungwa yokugutsikana patinoona vana vedu vachibvuma kurovedzwa uye kubvuma chirango chinopiwa vova vanhu vanogara munzanga vane tsika.”
Chii chingabatsira vanaamai kuti vawedzere kuda chipo chavo? Nyaya inotevera ichapa mamwe mazano anoshanda.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya idzi dziri kutaura nezvevanaamai vakaroorwa. Munguva inotevera, Mukai! ichataura nezvezvinetso zvavanaamai vasina varume.
[Bhokisi riri papeji 6]
“Zuva Rokurangarira Amai”
Urombo hwakanyanyisa, kusadzidza, varume vasingachengeti, kurohwa nguva dzose, uye mukondombera weAIDS zvinotambudza vanaamai kumaodzanyemba kweAfrica. PaZuva Rokurangarira Amai richangobva kuitwa, pepanhau rokuSouth Africa rinonzi The Citizen rakashuma kuti: “Vakadzi vanosvika zviuru zvakawanda vacharohwa nevarume vavo uye vamwe vacharasikirwa noupenyu hwavo paZuva Rokurangarira Amai.” Zvinetso zvakadaro zvinoita kuti zviuru zvevanaamai vokuSouth Africa varase vana vavo gore negore. Munguva inokwana makore maviri ichangopfuura, pakanga pane kuwedzera kwe25 kubva muzana kwevana vanoraswa. Zvinonyanya kupedza simba kuwedzera kwevakadzi vanozviuraya. Munguva ichangopfuura, mumwe mukadzi anobva kunzvimbo ine urombo kwazvo akabata vana vake vatatu pachipfuva pake akamira pamberi pechitima chaiuya. Vose vakaurayiwa. Kuti vawane chouviri, vamwe vanaamai vanoita zvoupfambi uye vanotengesa zvinodhaka kana kuti vanokurudzira vanasikana vavo kuita izvozvo.
KuHong Kong zvinoshumwa kuti “vamwe vanaamai vechiduku vanouraya vana vavo pavanobereka kana kuti vanokanda mwana mubhini, sezvo vasingagoni kurarama munyika ine zvinhu zvakaoma.” South China Morning Post yakataura kuti vamwe vakadzi vechiduku vakaroorwa muHong Kong “vari kunetseka zvikuru zvokuti kutora zvakanaka kwepfungwa dzavo kunogona kuderera kusvika pamwero wokuti vanozviuraya.”
[Bhokisi riri papeji 7]
Kuva Amai Munyika Dzakasiyana-siyana
Nguva shoma kwazvo
❖ Ongororo yakaitwa muHong Kong yakaratidza kuti 60 kubva muzana yevanaamai vanoshanda havapedzeri nguva yavanofunga kuti ndiyo yakakwana nevana vavo. Uye kubva Muvhuro kusvika Chishanu vana 20 kubva muzana vanosvika kumakore matatu vane vabereki vanoshanda havagari pamba pavo, kazhinji vanenge vari kwambuya nasekuru.
❖ Vakadzi vomuMexico vanopedza anenge makore 13 oupenyu hwavo vachirera mwana kana vana vari pasi pemakore mashanu.
Vanaamai nebasa
❖ MuIreland vanaamai vanosvika 60 kubva muzana vanogara pamba kuti varere vana. MuGreece, Italy, neSpain, vakadzi vanenge 40 kubva muzana vanoita kudaro.
Kubatsira pamba
❖ MuJapan, madzimai anosvika 80 kubva muzana akati anoshuva kuti dai mumwe womumhuri akavabatsira nemabasa omumba, kunyanya pavanenge vachirwara.
❖ MuNetherlands varume vanopedza maawa anenge maviri pazuva vaine vana uye maawa 0,7 vachiita mamwe mabasa omumba. Vakadzi vanopedza anenge maawa 3 vaine vana uye maawa 1,7 vachiita mabasa omumba.
Vanaamai vakaneta
❖ MuGermany vanaamai vanopfuura 70 kubva muzana vanonzwa vakaneta. Vanenge 51 kubva muzana vane zvinetso zvomusana nemajoini. Vanopfuura 33 kubva muzana vanogara vakaneta uye vasina tariro. Vanenge 30 kubva muzana vanotemwa nomusoro usingarapiki.
Vanaamai vanorohwa
❖ MuHong Kong, vakadzi vanosvika 4 kubva muzana vakabvunzurudzwa vakati pane imwe nguva vakamborohwa vaine pamuviri.
❖ Kuongorora kwakaitwa nemagazini yeFocus muGermany kwakaratidza kuti vanenge amai vamwe pavatanhatu vose vakabvuma kuti pane imwe nguva vakamborohwa nevana vavo.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kuva amai kunogona kunetesa zvikuru, sezvo vakadzi vakawanda vachifanira kuita basa uye kurera mhuri panguva imwe chete