Nyaradzo Nokuda Kwevanochema
KURWISA kwougandanga kwakaitika musi waSeptember 11, 2001, muNew York City neWashington D.C., kwakatyisa vanhu kupota pasi rose. Muzuva rimwe, zviuru zvakafa, kusanganisira mazana evadzimi vomoto, mapurisa nevarapi vakashinga.
Kubvira pazvakaitika, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiedza zvakabatana kunyaradza vaya vakafirwa nevadiwa vavo munjodzi yacho. Zvakaita kudaro kuti ‘zvirape vane mwoyo yakaputsika’ uye kuti ‘zvinyaradze vose vanochema.’—Isaya 61:1, 2.
Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvakawana kuti vanorasikirwa nevadiwa vavo murufu kakawanda vanofunga nezvemibvunzo inotevera. Bhaibheri rine mhinduro dzacho. Zvakadini ukatarirawo Magwaro ari pasi muBhaibheri rako?
Rufu rwomunhu rwakafanorongwa paruchaitika here?
Pana Muparidzi 9:11, Bhaibheri rinotaura kuti “nguva nezvinoitika” (“zvinongoitika zvoga,” New English Bible) zvinowira vanhu vose. Ko kana rufu rwakafanorongwa paruchaitika, nei Bhaibheri richitikurudzira kutora matanho okuchengeteka?—Somuenzaniso, ona Dheuteronomio 22:8.
Nei tichifa?
Vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, vakaiswa muparadhiso yepasi. Kudai vakaramba vachiteerera, vangadai vasina kufa. Rufu rwaizongouya bedzi kana vanhu vakasateerera Mwari. (Genesi 1:28; 2:15-17) Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha havana kuteerera Musiki wavo. Zvakabva zvaguma nokuripa kutadza kwavo—norufu. Sezvo vanhu vose vakabva kuna Adhamu naEvha, vose vakagara nhaka chivi norufu. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe [Adhamu] norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose.”—VaRoma 5:12.
Vakafa vari mumamiriro ezvinhu akaita sei?
Adhamu apanduka, Mwari akati: ‘Uchadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ (Genesi 3:19) Nokudaro, rufu mamiriro okusaziva zvachose—chaizvoizvo, kusavapo. Bhaibheri rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Bhaibheri rinotiwo munhu paanofa, ‘anodzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.’—Pisarema 146:3, 4.
Hatina mweya unopukunyuka parufu here?
Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti mweya wako chaizvoizvo ndiwe, kwete chimwe chinhuwo chakazvimirira chinopfuurira kurarama wafa. (Genesi 2:7; Zvirevo 2:10; Jeremia 2:34) Sezvo izvi zvakadaro, tinogona kuti apo munhu anofa, mweya wafa. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Mweya [kureva kuti munhu] unotadza, uchafa.”—Ezekieri 18:4.
Itariroi iripo nokuda kwevaya vakafa?
Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chaMwari kudzosa vakafa kuupenyu achiita zvokumutsira vanhu muparadhiso yepasi umo kurwara norufu zvinenge zvisisimo. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake vobuda.”—Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:1-4.
Achitaura nezveshamwari yake Razaro yakanga ichangobva kufa, Jesu akafananidza rufu nokurara. (Johani 11:11-13) Uyezve, Jesu amumutsa, Razaro haana zvaakataura nezvokumbova munzvimbo yokutambudzwa kana kuti nzvimbo yomufaro panguva yaakanga afa. (Johani 11:37-44) Izvi zvinonzwisisika, nokuti vakafa havana chavanoziva. Havatamburi, asi vanomirira “awa” yavachamutswa. Apa chinokosha ndechokuti, chokwadi chokuti Jesu akamutsa Razaro chinoratidza kuti vakafa vanogona kurarama zvekare. Chokwadi, nechishamiso ichi Jesu akaratidza pamwero muduku zvichaitika pasi pano mukutonga kwoUmambo hwaMwari. (Mabasa 24:15) Zvinonyaradza zvikuru kune vaya vakarasikirwa nevadiwa vavo murufu munguva ino inonetsa!