Uri Kukokwa kuKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira”
MUZIMBABWE moga, kokorodzano 17 dzakarongwa kuitwa. Yokutanga ichaitwa musi waAugust 9 kusvika 11, uye yokupedzisira pakati paSeptember. Kumwe kwokuungana kwemazuva matatu uku—kunowanzoitwa kubva musi weChishanu kusvika Svondo—zvichida kuchaitirwa muguta kana kune imwe nzvimbo iri pedyo newe.
Munzvimbo dzakawanda, purogiramu ichatanga nenziyo nenguva dza9:30 mangwanani. Pazuva rokutanga, hurukuro yokuchingamidza ichateverwa nechikamu chinenge chichibvunzurudza vazivisi voUmambo. Kana hurukuro idzi dzinoti “Fara Kwazvo Muna Jehovha” uye “Ratidzai Kuti Munoonga,” dzapiwa, purogiramu yemangwanani ichapedziswa nehurukuro inokosha inoti, “Vazivisi voUmambo Vanopisa Nokushingaira.”
Purogiramu yemasikati omusi weChishanu ichange ine hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvitatu, “Uprofita hwaMika Hunotipa Simba Rokufamba Muzita raJehovha,” uyewo nehurukuro dzinoti “Ramba Wakachena Mutsika Nokurinda Mwoyo Wako” uye “Ngwarira Unyengeri.” Pakupedzisira, rubatsiro runokosha ruchapiwa maererano noushumiri hwechiKristu muhurukuro yokupedzisira yezuva racho inoti, “Namata Mwari Wechokwadi Bedzi.”
Purogiramu yemangwanani omusi woMugovera ichange ine hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvitatu, inoti, “Vazivisi voUmambo Vanopa Mbiri Kuushumiri Hwavo.” Ichateverwa nehurukuro dzinokurudzira dzinoti “Zvikonzero Zvoku‘ramba Tichinyengetera’” uye “Kutaura Nevamwe Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka.” Purogiramu yemangwanani ichaguma nokukurukurwa kwokuzvitsaurira nokubhabhatidzwa, pashure pacho pachava nomukana wokuti vanokwanirisa vabhabhatidzwe.
Purogiramu yemasikati omusi woMugovera ichange ine hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvitatu pakokorodzano yacho inoti, “Kusimba Kwokutenda Kwedu Kunoedzwa Nemiedzo Yakasiyana-siyana.” Zvikamu zvacho zvichabatsira vaKristu kunangana nokuoma kwakaita kusava nekwavakarerekera. Purogiramu yomusi woMugovera ichapera nehurukuro inosimbisa pakokorodzano yacho uye inonyevenutsa mwoyo inoti “Swedera Pedyo naJehovha.”
Purogiramu yemangwanani omusi weSvondo ichanyanya kukurukura kuvechiduku, ichivhura nehurukuro dzinoti “Unovimba naJehovha Here?” uye “Vechiduku—Vakai Remangwana Renyu Nesangano raJehovha.” Chikamu chokupedzisira chichava nemaminitsi 20 okubvunzurudza. Izvi zvichateverwa nomutambo wevanhu vakapfeka zvipfeko zvekare unotaura nezvaJeremia, akademba-temba kuti, “Ndiri mwana hangu” paakagadzwa somuprofita. (Jeremia 1:6) Zvadaro pachava nehurukuro ichakurukura mashoko anenge abuda mumutambo. Purogiramu yemasikati ichange ine hurukuro yavose inoti, “Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja.”
Chokwadi upenyu hwako huchapfumiswa mumudzimu nokuvapo kwako mazuva ose ari matatu. Kuti uzive nzvimbo ichaitirwa kokorodzano pedyo nomusha wako, bvunza paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yekwaunogara kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.