Dzivisa Musungo Wokubhejera
“Kubhejera hakuna kukanganisa utano hwangu, uye ndaigara ndakasarudza uwandu hwemari yandaishandisa pakubhejera. Asi ndinobvuma kuti pose pandaitamba mutambo werotari, ndaigara ndichisarudza dzandaiti ndidzo nhamba dzangu dzemhanza yakanaka.”—Linda.
VAKAWANDA vanobhejera vanotanga kudavira kuti pane nhamba dzemhanza yakanaka kana kuti mushonga wokuhwina. Vangasafunga kuti vanodavira zvavanofunga izvi zvakasimba, asi vanogona kungopfuurira nazvo zvakadaro.
Vamwe vanobhejera vanotonyengetera kuna Mwari, vachikumbira kuti avabatsire kuti vakunde mumutambo wavo wavanenge vasarudza. Asi Bhaibheri rinoratidza kushora kwaMwari vaya vanoti vanomunamata asi vachi“gadzirira tafura [“mwari weMhanza Yakanaka,” NW].” (Isaya 65:11) Hungu, Mwari anosema miitiro inosimudzira zvokudavira mhanza yakanaka. Kubhejera pachakwo kunokurudzira kuvimba kusina chinangwa neinowanzonzi Mhanza Yakanaka.
Kubhejera kunosimudzirawo kuda mari kusina nyadzi. Munzanga yanhasi yanyanya kuda zvenyika, mari pachayo yava mumwe mwari, uye kubhejera kwava nzira yakakurumbira yokuinamata. Machechi matsva ndiwo ava dzimba hombe dzokubhejera, uye chitendero chitsva chacho ndechokuti makaro akanaka. Vanotsvakurudza ruzivo vakawana kuti vanhu vakawanda vanoshanyira dzimba dzokubhejera vanoti vanoita kudaro, kwete kuti vanakidzwe kana kuti vanofarira nzvimbo dzacho, asi kuti vahwine “mazakwatira emari.” Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:10.
Pana 1 VaKorinde 6:9, 10, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Musatsauswa. . . . vanonamata zvidhori . . . kana vanhu vanokara . . . havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” Makaro hachisi chinetso chomunzanga bedzi; kurwara mumudzimu kune ngozi—asi kurwara kwacho kunorapika.
Vakawana Simba Rokuchinja
“Ndakaedza kurega kubhejera kakawanda,” anoyeuka kudaro Kazushige, ataurwa nezvake munyaya yokutanga. “Ndakaona kuti kubhejera kwandaiita neshamwari dzangu kumabhiza kwakanga kuri kuparadza mhuri yangu. Ndaidyiwa mari yose yandaihwina. Ndakatodyiwa zvekare mari iyo mudzimai wangu akanga achengeta kuti izoshanda paizoberekwa mwanakomana wedu wechipiri, uye pakupedzisira ndakatanga kubhejera nemari yekambani. Ndakapedzisira ndisingachazviremekedzi. Mudzimai wangu aigara achichema uye aindikumbira kuti ndirege kubhejera, asi ndakanga ndisingagoni kurega.”
Kazushige akabva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Pandainyanya kuverenga Bhaibheri, ndipo pandainyanya kudavira kuti kuna Mwari uye kuti ndaizobatsirwa nokumuteerera. Ndakasarudza kuti nesimba rinopiwa naMwari, ndaizorega kubhejera. Ndakashamisika kuti handina kungorega kubhejera chete asi kuti ndava kutokuvenga. Iye zvino pandinofunga nezvenhamo yakakonzerwa pamhuri yangu nokubhejera kwangu, mwoyo wangu unorwadza. Ndinoonga zvikuru Jehovha Mwari kuti akandibatsira kuti ndirege kubhejera uye kuti ari kundibatsira kuti ndirarame upenyu hune chinangwa!”—VaHebheru 4:12.
John, ataurwawo nezvake munyaya yokutanga, akatangawo kudzidza Bhaibheri. Anoyeuka kuti: “Kudzidza kwangu Bhaibheri kwakandibatsira kuti ndinyatsofunga nezvemamiriro angu ezvinhu. Kokutanga, meso angu akavhurwa kuti ndione kukuvara kwandaiita uye kwaiita mhuri yangu nemhaka yokubhejera. Ndakasvika pakuona kuti kubhejera kunoita kuti vanhu vanyanye kuzvifunga uye vave nemakaro—unhu hunovengwa naJehovha. Sezvandakaramba ndichidzidza, kuda kwangu Jehovha kwakandipa simba rokurega kubhejera. Ndakatanga kubhejera ndine tarisiro yokuwana upenyu huri nani. Iye zvino zvandakarega kubhejera uye ndiri kufara ndichishumira Jehovha, zvandaida zvakazoitika.”
Mudzimai waJohn, Linda, akasarudzawo kurega kubhejera. “Zvakanga zvakaoma,” anodaro. Asi ini nomurume wangu patakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakadzidza kubatikana nezvinhu zvinokosha kwazvo muupenyu. Ndakadzidza kwete kungoda zvinhu zvinodiwa naMwari chete asiwo kuvenga zvinhu zvaanovenga, kusanganisira marudzi ose emakaro. Kuwedzera pakuva noupenyu hune chinangwa, ndave nemari yakawanda muchikwama changu.”—Pisarema 97:10.
Nokuva noushamwari naJehovha Mwari, iwewo unogona kuwana simba nouchenjeri zvokudzivisa musungo wokubhejera. Kuita kudaro kuchavandudza utano hwako mune zvemari, mumanzwiro uye pakunamata. Ipapo uchava nomufaro wokuzvionera chokwadi chemashoko ari pana Zvirevo 10:22 anoti: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa, kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Makaro hachisi chinetso chomunzanga bedzi; kurwara mumudzimu kune ngozi
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]
Kubhejera uye Masimba Asingaoneki
Mumushumo wakaenda kuNational Gambling Impact Study Commission, vanotsvakurudza ruzivo paDuke University vakataura nezvokubatana kuri munzira yokushambadza nayo kubhejera nokudavira zvemasimba asingaoneki. Mushumo wacho unoti: “Kushambadzwa [kwerotari] kwakawanda kunonyanya kusimbisa kuwana zvinhu . . . Asi uku hakusi kuwana zvinhu nokushanda nesimba uye kushingirira asi kwakada kufanana nokuvimba nemasimba asingaoneki anoshandira vanoanamata kwakavakirwa patarisiro, kurota nokudavira mashiripiti. Uye mukuru wemarotari wose anoziva kuti vatengi vake vakanakisisa ndevaya vanovakira kubhejera kwavo pamashiripiti, zvenyeredzi, zvoun’anga, uye ‘bhuku rezviroto’ rinoremekedzwa rine nhamba dzinoenderana nemazita, mazuva, nezviroto. Pane kusimbisa kuti nhamba dzose dzine mukana wokusarudzwa uye kuti kubhejera nenhamba dzakakurumbira kunoderedza mari yavanga vachitarisira kuwana mumitambo yokubhejera, vezvemarotari vakasarudza kukurudzira vanobhejera kuti vazvisarudzire (voramba vachishandisa) nhamba dzavo pachavo.”
[Mifananidzo iri papeji 10]
“Kuda kwangu Jehovha kwakandipa simba rokurega kubhejera.”—John
“Kuwedzera pakuva noupenyu hune chinangwa, ndave nemari yakawanda muchikwama changu.”—Linda
[Mifananidzo iri papeji 10]
“Chinondishamisa ndechokuti, handina kungorega kubhejera chete asi ndakatanga kukuvenga.”—Kazushige