RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 8/8 pp. 24-27
  • Kudzidza Kubva kuvaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Kubva kuvaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurarama “Maererano naKristu”
  • Kuparadzana Nenyika
  • “Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”
  • Chidzidzo Chatinogona Kuwana
  • Nguva Yemberi Yakaisvonaka
  • “Havasi Rutivi Rwenyika”
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • “Ivo Havazati Vari Rutivi Rwenyika”
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Nyika Isina Hondo Nokukurumidza
    Mukai!—1996
  • VaKristu Vasina Kwavakarerekera Mumazuva Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 8/8 pp. 24-27

Kudzidza Kubva kuvaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga

“Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvepakutanga zvenyika uye kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.

NDIKO kunyevera kwakaita muapostora Pauro vaKristu vomuzana remakore rokutanga maererano nengozi yokungotevera zvinofungwa nevanhu. Vaikwanisa zvichida kuramba vari munhungamiro yakavimbika yaipiwa naJesu nevaapostora vake, dzidziso dzakanga dzatovabatsira zvikuru, kana kuti kubatwa semhuka nedzidziso dzevanhu dzinoramba dzichichinja, nzira yakanga yatounza nhamo yakakura kumamiriyoni evanhu.—1 VaKorinde 1:19-21; 3:18-20.

Kurarama “Maererano naKristu”

Vaya vairwa muhondo dzemachechi anenge makore ane chiuru adarika vakatadza kuziva kuti kurarama “maererano naKristu” zvinoreva zvakawanda kupfuura kungotaura kuti uri muteveri waJesu Kristu. (Mateu 7:21-23) Zvinoreva kurarama zvakakwana maererano nedzidziso dzaJesu dzinowanikwa muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. (Mateu 7:15-20; Johani 17:17) “Kana mukaramba muri mushoko rangu,” Jesu akadaro, “muri vadzidzi vangu chaivo.” (Johani 8:31) “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu,” akadaro, “kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

Kutaura chokwadi, vaya vairwa muhondo dzemachechi vakanga vabatwa semhuka “nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu.” Uye hazvinyanyi kushamisa kuti vanhu vakawanda vakanyengedzwa, apo vatungamiriri vavo vechechi, mabhishopu avo chaiwo, “akava vanhu vanozivikanwa kuti vakanga vari varwi.” “Kuda zvehondo kwakanga kwakanyanya zvikuru pakati pevafundisi,” rinodaro Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, rakanyorwa naMcClintock naStrong, zvokuti “chero chinhu pachaifanira kuuya [nehondo], vakanga vakagadzirira nguva dzose kuti varwe.”

Chii chakatungamirira kumamiriro ezvinhu anosuruvarisa aya? Zvichitevera kufa kwevaapostora vomuzana remakore rokutanga, vatungamiriri vechechi vakaramba kutenda vakasiya dzidziso dzaKristu, sezvakanga zvataurwa neShoko raMwari chaizvo. (Mabasa 20:29, 30) Chechi ine uori yakaguma yabatanidzwa zvakanyanya muzvinhu zvenyika. Muzana remakore rechina, Mutungamiriri weRoma ainzi Constantine akatendeuka kuti ave muKristu iye ava kutandadza. Zvadaro, Cyclopedia yacho inoti “kuchinja kubva pakunamata zvidhori kwava kutakura Chipiyaniso uku kwakaguma kwaita kuti rive basa romuKristu wose kuti ave musoja.”

Chokwadi, iroro rakanga risiri basa revaKristu. Asi “mashoko okunyengetedza” ouzivi hwevanhu akatungamirira vanhu kuti vatyore zvikuru mutemo wakanga wapiwa naKristu. (VaKorose 2:4) Dzimwe pfungwa dzinonyengera dzakataurwa kubvira kare kuti zviite sokuti hondo dzevanhu uye kurwisana zvakarurama. Asi chaizvoizvo, kuti munhu ane tsitsi kana kuti anotya Mwari abatanidzwe “muhondo youtsinye hukuru, sezvinoratidzwa nezvakaitika kare uye mazuva ano,” inodaro Cyclopedia yacho, “hakukwanisi kuwiriraniswa kunyange kwenguva pfupi . . . nezvinodzidziswa nechiKristu.”

Machechi asingadaviri muna Kristu akarwawo hondo kwemazana emakore. Kufanana nemachechi echiKristudhomu anoti anodavira muna Kristu, vakaponda nhengo dzemachechi avo uyewo vamwe nemhaka yokuti ndeveimwe nyika, verimwe bato rezvematongerwe enyika kana kuti imwe chechi. Vakaita zvehondo uye kutyisidzira vanhu kuti vatendeukire kuchitendero chavo. Vamwe vacho vakabatanidzwa mukuteura ropa zvikuru kuti zvavaida zviitike. Havana kusiyana nemachechi anoti anodavira muna Kristu.

Kuparadzana Nenyika

Chii chakaita kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakwanise kusabatanidzwa muhondo dzakadeura ropa uye zvematongerwe enyika panguva yavo? Pane zvinhu zviviri zvakavabatsira. Chokutanga, pakanga pane murayiro waJesu kumuapostora Petro apo Petro akashandisa bakatwa rake kuti amudzivirire: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Chechipiri, mashoko aJesu kuna Pirato apo iye akabvunza nezvokuva mambo kwaJesu: “Umambo hwangu hahusi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi pano.”—Johani 18:36.

VaKristu vepakuvamba vakashandisa sei mashoko iwayo? Vakaramba vasiri rutivi rwenyika zvachose, vachiramba vasina kwavakarerekera munyaya dzezvematongerwe enyika uye dzechiuto. (Johani 15:17-19; 17:14-16; Jakobho 4:4) Vakaramba kutakura zvombo kuti varwe nevamwe vanhu. Zvakajeka kubva munhau dzezvakaitika kare kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga havana kubatana nemasangano aida kusunungura vaJudha kana kubatana nemauto eRoma. Uyezve, havana kuedza kuudza vatungamiriri vezvematongerwe enyika zvokuita, nokuti iri rakanga riri basa revatungamiriri vehurumende ivavo.—VaGaratiya 6:5.

Justin Martyr, muzana remakore rechipiri C.E., akanyora nezvevaKristu kuti vakanga ‘vapfura minondo yavo kuva mapadza.’ (Mika 4:3) Achipindura vaya vakanga vava kupikisa zvaiitwa nevaKristu, Tertullian akabvunza kuti: “Zvinganzi zviri pamutemo here kuita basa rokurwa nebakatwa, nepo Ishe achitaura kuti iye anoshandisa bakatwa achaparara nebakatwa?”

“Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

Kuramba kuenda kuhondo hakuna kuita kuti zvinhu zvive nani nokuda kwevaKristu vepakutanga. Zvakanga zvakasiyana nezvaidavirwa mazuva iwayo. Celsus, muvengi wechiKristu, akashora zvavaidavira. Iye aifunga kuti munhu wose anofanira kuenda kuhondo kana audzwa kuita izvozvo nevari kutonga. Pasinei nokuitirwa utsinye hwakakura, vaKristu vepakutanga vakaramba kutevera kufunga kwevanhu kwakanga kuchipesana nezvaidzidziswa naKristu. “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu,” vakadaro.—Mabasa 4:19; 5:29.

Zvapupu zvaJehovha mumazuva ano zvakatevera muenzaniso wavo. Somuenzaniso, panguva yaitonga vaNazi muGermany, vakaramba zvachose kubatanidzwa muhondo dzaHitler dzoumhondi. Vakanga vachida kutsungirira kutambudzwa, kunyange kufa kana zvichiita, pane kuti vatyore murayiro wechiKristu wokusatsigira chero divi. Zvinonzi “vanosvika hafu vavo vakaiswa mujeri uye hafu yeivava yakaurayiwa” nevaNazi nemhaka yokuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri. (Of Gods and Men) Nokudaro, pamakumi emamiriyoni akaurayiwa muHondo Yenyika II, hapana kana mumwe wavo akaurayiwa neChapupu chaJehovha. Pane kuuraya vamwe, Zvapupu zvakanga zvichida kuisa upenyu hwazvo pangozi, sezvakaitwa nevakawanda vacho.

Chidzidzo Chatinogona Kuwana

Zvakaitika kare zvinogona kutidzidzisa chii? Zvechokwadi chimwe chacho ndeichi: Nguva dzose pfungwa dzevanhu dzakaita kuti pave nokuvengana uye kudeura ropa kunoitwa nemarudzi uye vanhu. Muparidzi 8:9 inotaura nenzira yakarurama kuti: ‘Munhu akaitira mumwe munhu zvakaipa.’ Uye chikonzero chikuru cheizvi chinowanika pana Jeremia 10:23, apo Shoko raMwari rinoti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Mwari haana kusika vanhu kuti vazvitungamirire voga vachibudirira, pasina iye. Havana kupiwa simba iri. Zvakaitika kare zvakaratidza kuti izvi ndezvechokwadi.

Zvino, somunhu mumwe nomumwe, hatikwanisi kuchinja zvinoitwa nevatungamiriri venyika pavanodzokorora zvinhu zvakaipa zvakaitika kare, uye hatina mvumo yokuedza kuvanyengetedza kuti vatore rimwe gwara. Asi hatifaniri kubatanidzwa mukurwisana kwavanoita kwava kuva vamwe vavo. Nezvevateveri vake, Jesu akati: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:14) Kuti tidzivise kubatanidzwa mukurwisana kwenyika ino, tinofanira kubvumira Shoko raMwari Bhaibheri kuti ritungamirire upenyu hwedu—kwete kutungamirirwa nepfungwa dzevanhu dzinochinja-chinja.—Mateu 7:24-27; 2 Timoti 3:16, 17.

Nguva Yemberi Yakaisvonaka

Shoko raMwari rakavimbika rinoita zvinopfuura kutiudza zvakaitika kare uye zviri kuitika iye zvino. Rinopa nhungamiro yechokwadi nokuda kwenguva yemberi. (Pisarema 119:105; Isaya 46:9-11) Rinotaurawo nenzira yakajeka chinangwa chaMwari nokuda kwepasi rino. Haasi kuzobvumira vanhu kuti vaparadze pasi kuburikidza nokushandisa zvisiri izvo masimba avakapiwa nesayenzi uye ruzivo rwokugadzira zvinhu. Achava nechokwadi chokuti pasi rino richava Paradhiso sezvaaida pakutanga.—Ruka 23:43.

Maererano neizvi, Shoko raMwari rinoti: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika, vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:21, 22) Izvi zvichaitika munguva pfupi iri mberi, nokuti nguva ino yokutambudzika iri kupa uchapupu hwokuti tiri kurarama ‘mumazuva okupedzisira’ enyika ino yakaipa. (2 Timoti 3:1-5, 13) Uye zvechokwadi-chokwadi, mazuva aya okupedzisira ava mashoma, ari kupera nokukurumidza. Uprofita hweBhaibheri hunotidzidzisa kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuita kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17; Dhanieri 2:44.

Nokukurumidza Mwari ‘achaparadza avo vanoparadza pasi’ uye achatsiva nyika ino ine chisimba nenyika itsva umo “kururama kuchagara.” (Zvakazarurwa 11:18; 2 Petro 3:10-13) Zvadaro, kune vaya vachasara, “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” (Zvakazarurwa 21:1-4) Hondo uye kurwisana zvichave zvaenda zvachose, sezvo uprofita huri pana Isaya 2:4 huchazadzika zvakakwana, hunoti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, nemapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Iwewo unogona kuva nenguva yemberi yakaisvonaka, isingaperi kana ukadzidza kubva kune zvakaitika kare.—Johani 17:3.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza kubva kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Jesu akati Umambo hwake hahusi rutivi rwenyika ino

[Mufananidzo uri papeji 26]

Shoko raMwari rinopikira kuti kuchava noupenyu husingaperi hwakakwana muparadhiso pasi pano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe