Chitsauko 18
“Havasi Rutivi Rwenyika”
1. (a) Asati afa, Jesu akanyengeterera chii nokuda kwevadzidzi vake? (b) Nei kusava “rutivi rwenyika” kuchikosha zvakadaro?
USIKU hwakatangira kuurayiwa kwake, Jesu akanyengeterera vadzidzi vake. Achiziva kuti vaizoomeserwa zvikuru naSatani, Jesu akati kuna Baba vake: “Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:15, 16) Nei kuparadzana nenyika kuchikosha zvakadaro? Nokuti Satani ndiye mutongi wenyika ino. VaKristu havangadi kuva venyika ino iri kudzorwa naye.—Ruka 4:5-8; Johani 14:30; 1 Johani 5:19.
2. Jesu akanga asiri wenyika munzira dzipi?
2 Kusava wenyika hakuna kureva kuti Jesu akanga asingadi vamwe. Kusiyana naizvozvo, akaporesa vanorwara, akamutsa vakafa, uye akadzidzisa vanhu nezvoUmambo hwaMwari. Akatopa upenyu hwake nokuda kwevanhu. Asi akanga asingadi mafungiro nezviito zvisingadiwi naMwari zvevaya vairatidza zvinoitwa munyika yaSatani. Saka, akanyevera kuti vanhu vasada kuita unzenza, vasave noupenyu hwokunyanyoda pfuma, uye vasazvitsvakira mukurumbira. (Mateu 5:27, 28; 6:19-21; Ruka 20:46, 47) Naizvozvo, hazvishamisi kuti Jesu haanawo kuita zvematongerwe enyika. Kunyange zvazvo aiva muJudha, hapana divi raakatsigira mumagakava ezvematongerwe enyika pakati peRoma nevaJudha.
“Umambo Hwangu Hahusi Rutivi Rwenyika Ino”
3. (a) Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakapomera Jesu chii kuna Pirato, uye nei? (b) Chii chinoratidza kuti Jesu akanga asingadi kuva mambo ari munhu pasi pano?
3 Funga zvakaitika apo vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakasungisa Jesu ndokumuendesa kuna Pondiyo Pirato, gavhuna weRoma. Chokwadi ndechokuti vatungamiriri ivavo vainetseka nokuti Jesu akanga afumura unyengeri hwavo. Kuti vaite kuti gavhuna aite chimwe chinhu kuna Jesu, vakamupomera nokutaura kuti: “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu achirambidza kuterwa kwemitero kuna Kesari uye achiti iye ndiye Kristu mambo.” (Ruka 23:2) Zviri pachena kuti idzi dzaiva nhema, nokuti gore rakanga rapfuura apo vanhu vaida kuita Jesu mambo, akaramba. (Johani 6:15) Aiziva kuti aizova Mambo wokudenga munguva yemberi. (Ruka 19:11, 12) Uyezve, aizogadzwa naJehovha, kwete nevanhu.
4. Jesu aiona sei kubhadharwa kwemitero?
4 Mazuva matatu chete Jesu asati asungwa, vaFarisi vakaedza kuita kuti Jesu aite chimwe chinhu chaizomuita kuti ave nemhosva panyaya yokubhadhara mitero. Asi akati: “Ndiratidzei dhinari [mari yeRoma]. Rine mufananidzo nemashoko akanyorwa zvaani?” Pavakapindura kuti “ZvaKesari,” akati kwavari: “Ipapo, munotofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Ruka 20:20-25.
5. (a) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzoi panguva yokusungwa kwake? (b) Jesu akatsanangura sei chikonzero chezvaakanga aita? (c) Kutongwa ikoko kwakaguma sei?
5 Aiwa, Jesu haana kudzidzisa kupandukira vane simba vehurumende. Varwi nevamwe varume pavakauya kuzosunga Jesu, Petro akavhomora bakatwa akacheka nzeve yomumwe wevarume vacho. Asi Jesu akati: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:51, 52) Zuva rakatevera racho, Jesu akatsanangurira Pirato chikonzero chezvaakanga aita, achiti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha.” (Johani 18:36) Pirato akabvuma kuti pakanga ‘pasina chikonzero chezvaipomerwa’ Jesu. Asi akurirwa nesimba remhomho, Pirato akaita kuti Jesu arovererwe.—Ruka 23:13-15; Johani 19:12-16.
Vadzidzi Vanotevera Kutungamirira kwaJesu
6. VaKristu vekare vakaratidza sei kuti vaidzivisa mafungiro enyika asi vaida vanhu?
6 Nokudaro vadzidzi vaJesu vakanzwisisa zvaidiwa nokuva vasiri venyika. Zvaireva kusava nemafungiro nezviito zvisingadiwi naMwari zvenyika, zvaisanganisira varaidzo yechisimba uye younzenza yaiitwa munhandare dzeRoma dzemitambo nomudzimba dzemitambo. Nokuda kwaizvozvo, vadzidzi vaidanwa kuti vavengi vevanhu. Asi panzvimbo pokuvenga vamwe vanhu, vaishanda nesimba kuti vaite kuti vamwe vabatsirwe nezvinhu zvaipiwa naMwari nokuda kworuponeso.
7. (a) Pamusana pokusava venyika, vadzidzi vekare vakatarisana nei? Vakaona sei vatongi venyika nokubhadharwa kwemitero, uye nei?
7 Vateveri vaJesu vakatambudzwa sezvaakanga aitwa, kazhinji nevakuru vakuru vehurumende vakanga vasina kuudzwa chokwadi. Asi, munenge muna 56 C.E., muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muRoma, achivakurudzira kuti va“zviise pasi pevane simba zvikuru [vatongi venyika], nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari.” Hakusi kuti Jehovha ndiye anoisa hurumende dzenyika, asi anodzibvumira kuti dzivepo kusvikira Umambo hwake hwoga hwava kutonga pasi pose. Nenzira yakakodzera, Pauro akarayira vaKristu kuti varemekedze vakuru vakuru venyika uye vabhadhare mitero.—VaRoma 13:1-7; Tito 3:1, 2.
8. (a) VaKristu vanofanira kuva pasi pevane simba kusvika papi? (b) VaKristu vokutanga vakatevera sei muenzaniso waJesu?
8 Zvisinei, kuzviisa pasi pevatongi venyika kunofanira kuva nomwero, kuine pakunogumira. Mitemo yevanhu painopesana nemitemo yaJehovha, vaya vanoshumira Jehovha vanofanira kuteerera mitemo Yake. Ona zvinotaura bhuku rinonzi On the Road to Civilization—A World History nezvevaKristu vekare: ‘VaKristu vairamba kuita mamwe mabasa aiitwa nevagari vomuRoma. Manzwiro evaKristu aiva okuti kana vakapinda mubasa rechiuto vainge vaputsa kutenda kwavo. Vaisazova nechinzvimbo chezvematongerwe enyika. Vaisazonamata mambo.’ Dare repamusoro rechiJudha ‘parakarayira kwazvo’ vadzidzi kurega kuparidza, vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:27-29.
9. (a) Nei vaKristu vaiva muJerusarema vakaita zvavakaita muna 66 C.E.? (b) Munzirai umo iwoyo uri muenzaniso unokosha?
9 Mumagakava ezvematongerwe enyika neechiuto, vadzidzi vakaramba vasina kwavakarerekera zvachose. Muna 66 C.E., vaJudha vaiva muJudhiya vakamukira Kesari. Uto reRoma harina kupedza nguva risati rakomba Jerusarema. VaKristu vaiva muguta macho vakaitei? Vakayeuka nyevero yaJesu yokubuda muguta macho. VaRoma pavakambodzokera, vaKristu vakatiza vachiyambuka Rwizi rweJodhani vachipinda munharaunda yemakomo yePella. (Ruka 21:20-24) Kusava kwavo nokwavakarerekera kunoshanda somuenzaniso wokutevedzera nokuda kwevaKristu vakatendeka vaizouya.
VaKristu Havana Kwavakarerekera Mumazuva Ano Okupedzisira
10. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvakabatikana mubasa rei, uye nei? (b) Pachii pazvisina kwazvakarerekera?
10 Chinyorwa chezvakaitika chinoratidza kuti pane boka mumazuva ano okupedzisira rakaramba risina kwarakarerekera mukutevedzera vaKristu vokutanga here? Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kudaro. Munguva yose iyi, zvaramba zvichiparidza kuti Umambo hwaMwari ndiyo chete nzira yokuunza nayo rugare rwechigarire, kubudirira, uye mufaro kune vanoda kururama. (Mateu 24:14) Asi kana pari panyaya yokukakavadzana kwemarudzi, zvakaramba zvisina kwazvakarerekera zvachose.
11. (a) Kusava nedivi razvakarerekera kweZvapupu kunosiyana sei nezvinoitwa nevafundisi? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei zvinoitwa nevamwe mune zvematongerwe enyika?
11 Mukusiyana nazvo zvachose, vafundisi vezvitendero zvenyika ino vave vachibatanidzwa zvikuru muzvinhu zvenyika. Mune dzimwe nyika, vakatsigira kana kuramba vakwikwidzi vezvematongerwe enyika. Vamwe vafundisi vacho vanotova nezvinzvimbo zvematongerwe enyika. Vamwe vakamanikidza vezvematongerwe enyika kutsigira zvirongwa zvinotenderwa nevafundisi vacho. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwe enyika. Uye hazvinei nezvinoitwa nevamwe zvokuva nhengo yebato rezvematongerwe enyika, kukwikwidza chinzvimbo, kana kuvhota musarudzo. Jesu akati vadzidzi vake vaisazova venyika, saka Zvapupu zvaJehovha hazvipindi mune zvematongerwe enyika.
12. Chii chakaguma chaitika nemhosva yokuti zvitendero zvenyika ino zvine divi razvinotsigira?
12 Sezvakafanotaurwa naJesu, marudzi ave achienda aendazve kuhondo. Kunyange mapoka ezvematongerwe enyika akarwisana. (Mateu 24:3, 6, 7) Vatungamiriri vezvitendero nguva dzose vave vachitsigira nyika kana boka rimwe mukurwisana nerimwe, vachikurudzira vateveri vavo kuitawo izvozvo. Zvakaguma nei? Nhengo dzechitendero chimwe chete dzinourayana muhondo pamusana chete pokungosiyana rudzi kana dzinza. Izvi zvinopesana nezvinodiwa naMwari.—1 Johani 3:10-12; 4:8, 20.
13. Zvakaitika zvinoratidzei nezvokuva kweZvapupu zvaJehovha zvisina kwazvakarerekera?
13 Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvave zvisina kwazvakarerekera zvachose mukurwisana kwose. Nharireyomurindi yechiRungu yaNovember 1, 1939, yakati: “Vose vari kudivi raIshe havana divi ravanotsigira pamarudzi anorwisana.” Zvapupu zvaJehovha mumarudzi ose uye mumamiriro ezvinhu ose zvinoramba zvakaomerera pamaonero aya. Hazvibvumiri zvematongerwe enyika nehondo dzenyika kuputsa ukama hwazvo hwemarudzi ose. ‘Zvinopfura minondo yazvo zvichiita mapadza, nemapfumo azvo zvichiaita mapanga okuchekerera miti.’ Zvazvisina kwazvakarerekera, hazvichadzidzirizve hondo.—Isaya 2:3, 4; 2 VaKorinde 10:3, 4.
14. Pamusana pokuramba zvakaparadzana nenyika, Zvapupu zvaJehovha zvakasangana nei?
14 Ndoupi mumwe mugumisiro wokusava nokwavakarerekera? Jesu akati: “Nokuti hamusi rutivi rwenyika, . . . nyika inokuvengai.” (Johani 15:19) Vakawanda veZvapupu zvaJehovha vakaiswa mujeri pamusana pokuva vashumiri vaMwari. Vamwe vakatambudzwa, kunyange kuurayiwa, sezvakaitika kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga. Izvi zvinodaro nokuti Satani, “mwari wegadziriro ino yezvinhu” anoshora vashumiri vaJehovha, vasiri rutivi rwayo.—2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 12:12.
15. (a) Marudzi ose ari kunangepi, uye Zvapupu zvaJehovha zvinongwarira kudzivisei? (b) Nei kuparadzana nenyika iri nhau inokosha zvakadaro?
15 Vashumiri vaJehovha vanofara kuti havasi rutivi rwenyika, nokuti marudzi ayo ose ari kunanga kumugumo wawo paAmagedhoni. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-21) Tichadzivisa magumo iwayo kuitika kwatiri nokuti tinomira takaparadzana nenyika. Sevanhu vakabatana pasi pose, takavimbika kuUmambo hwaMwari hwokudenga. Chokwadi, nokusava venyika, tinozvidzwa nokutambudzwa nayo. Zvisinei, nokukurumidza izvozvo zvichamira, sezvo nyika ino yakaipa iri kutongwa naSatani ichaparadzwa nokusingaperi. Kune rimwe divi, vaya vanoshumira Jehovha vachararama nokusingaperi munyika yake itsva yakarurama inotongwa noUmambo hwaMwari.—2 Petro 3:10-13; 1 Johani 2:15-17.
Kudzokorora
• Jesu akaratidza sei zvinobatanidzwa mukusava “rutivi rwenyika”?
• VaKristu vekare vaiona sei (a) zvinoitwa munyika (b) vatongi venyika, uye (c) kubhadharwa kwemitero?
• Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano zvakaratidza munzira dzipi kuti hazvina kwazvakarerekera sevaKristu?
[Mufananidzo uri papeji 165]
Jesu akatsanangura kuti iye nevateveri vake vakanga ‘vasiri rutivi rwenyika’